< VaRoma 7 >

1 Hamuzivi here, hama (nokuti ndinotaura kuna avo vanoziva murairo), kuti murairo unotonga munhu nguva yese yaanenge ari mupenyu?
Or do you not know, brothers (for I speak to those who know the law), that the law has authority over a person for as long as he lives?
2 Nokuti mukadzi akawanikwa wakasungwa nemurairo kumurume anorarama; asi kana murume afa, wasunungurwa pamurairo wemurume.
For the married woman is bound by law to her husband as long as he lives. But if her husband dies, she is released from the law concerning the husband.
3 Naizvozvo zvino kana murume ari mupenyu, achanzi chifeve kana akava weumwe murume; asi kana murume afa, wasununguka pamurairo, kuti asava chifeve, kana akava wemumwe murume.
So then if, while the husband lives, she is joined to another man, she is called an adulteress. But if the husband dies, she is free from the law, so that she is not an adulteress, though she is joined to another man.
4 Naizvozvo, hama dzangu, nemwi makaitwa vakafa kumurairo nemuviri waKristu, kuti muve veumwe, kuna iye wakamutswa kubva kuvakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko.
Therefore, my brothers, you also were made dead to the law through the body of Christ, that you would be joined to another, to him who was raised from the dead, that we may bear fruit to God.
5 Nokuti pataiva munyama, kuchiva kwezvivi zvaiva kubidikidza nemurairo kwakabata mumitezo yedu kubereka zvibereko zvinoisa kurufu.
For when we were in the flesh, the sinful passions which were through the law, worked in our members to bring forth fruit for death.
6 Asi zvino takasunungurwa pamurairo, takafa kune zvatakange takabatwa nazvo, kuti tishumire muutsva hwemweya, kwete neutsaru hwerugwaro.
But now we have been released from the law, having died to that which held us captive, so that we serve in newness of the Spirit, and not in oldness of the letter.
7 Ko zvino tichatii? Murairo chivi here? Ngazvisadaro! Asi handisaiziva chivi, kunze kwekubudikidza nemurairo; nokuti handisaizivawo ruchiva, kana murairo wakange usina kureva kuti: Usachiva.
What should we say then? Is the law sin? Absolutely not. However, I would not have known sin, except through the law. For I would not have known covetousness, unless the law had said, "Do not covet."
8 Asi chivi, chawana mukana nemurairo, chikaita mandiri ruchiva rwese; nokuti kunze kwemurairo chivi chakafa.
But sin, taking opportunity through the commandment, produced in me all kinds of covetousness. For apart from the law, sin is dead.
9 Ini ndakambova mupenyu kunze kwemurairo, asi murairo pawakasvika, chivi chakava chipenyuzve, neni ndikafa;
I was alive apart from the law once, but when the commandment came, sin became alive, and I died.
10 uye murairo waiva weupenyu, iwo wakawanikwa neni wava werufu;
The commandment, which was for life, this I found to be for death;
11 nokuti chivi, chawana mukana nemurairo, chakandinyengera chikandiuraya nawo.
for sin, taking the opportunity through the commandment, deceived me, and through it killed me.
12 Naizvozvo mutemo mutsvene, nemurairo mutsvene, uye wakarurama, uye wakanaka.
Therefore the law indeed is holy, and the commandment holy, and righteous, and good.
13 Naizvozvo zvakanaka zvakava rufu mandiri here? Ngazvisadaro! Asi chivi, kuti chiratidzwe kuti chivi, chinobata rufu mandiri nezvakanaka; kuti chivi nemurairo chive chakaipa kwazvo-kwazvo.
Did that which is good, then, become death to me? Absolutely not. But sin, that it might be shown to be sin, by working death to me through that which is good; that through the commandment sin might become exceeding sinful.
14 Nokuti tinoziva kuti murairo ndewemweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pechivi.
For we know that the law is spiritual, but I am fleshly, sold under sin.
15 Nokuti icho chandinoita, handichizivi; nokuti chandinoda, ndicho chandisingaiti; asi chandinovenga, ndicho chandinoita.
For I do not know what I am doing. For I do not practice what I desire to do; but what I hate, that I do.
16 Zvino kana ndichiita icho chandisingadi, ndinobvumirana nemurairo kuti wakanaka.
But if I do what I do not want to do, I agree with the law that it is good.
17 Asi ikozvinowo handisisiri ini ndinochiita, asi chivi chinogara mandiri.
So now it is no more I that do it, but sin which dwells in me.
18 Nokuti ndinoziva kuti mandiri, ndiko kuti munyama yangu, hamugari chakanaka; nokuti kuda kurimo mandiri, asi kuita chakanaka handikuwani.
For I know that in me, that is, in my flesh, dwells no good thing. For the desire is present in me, but the doing of the good is not.
19 Nokuti chakanaka chandinoda, handiiti; asi chakaipa chandisingadi, ndicho chandinoita.
For the good which I desire, I do not do; but the evil which I do not desire, that I practice.
20 Zvino kana ndichiita icho chandisingadi ini, handisisiri ini ndinochiita, asi chivi chinogara mandiri.
But if what I do not desire, that I do, it is no more I that do it, but sin which dwells in me.
21 Naizvozvo ndinowana murairo wekuti kana ndichida kuita chakanaka, chakaipa chiripo pandiri.
I find then the law, that, to me, while I desire to do good, evil is present.
22 Nokuti ndinofara mumurairo waMwari zvinoenderana nemunhu wemukati;
For I delight in God's law in my inner being,
23 asi ndinoona umwe murairo mumitezo yangu unorwa nemurairo wemurangariro wangu, uye uchanditapira kumurairo wechivi uri mumitezo yangu.
but I see a different law in my members, warring against the law of my mind, and bringing me into captivity under the law of sin which is in my members.
24 Ini munhu anosuruvara! Ndiani achandisunungura pamuviri werufu urwu?
What a wretched man I am. Who will deliver me out of the body of this death?
25 Ndinotenda Mwari kubudikidza naJesu Kristu Ishe wedu. Naizvozvo zvino nemurangariro ini ndomene ndinoshumira murairo waMwari, asi nenyama murairo wechivi.
Thanks be to God through Jesus Christ, our Lord. So then with the mind, I myself serve God's law, but with the flesh, the sin's law.

< VaRoma 7 >