< VaRoma 15 >

1 Zvino isu tine simba tinofanira kutakura utera hwevasina simba, uye tisingazvifadzi isu.
們強壯者,該擔待不強壯者的軟弱,不可只求自己的喜悅。
2 Naizvozvo umwe neumwe wedu ngaafadze umwe wake pane zvakanaka pakumuvaka.
我們每人都該求近人的喜悅,使他受益,得以建立,
3 Nokuti naKristu haana kuzvifadza iye, asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Kutuka kwevakakutukai kwakawira pamusoro pangu.
因為連基督也沒有尋求自己的喜悅,如所記載的:『辱罵你者的辱罵,都落在我身上。』
4 Nokuti zvese zvakagara zvanyorwa, zvakagara zvanyorerwa kudzidza kwedu, kuti nemoyo murefu uye nekunyaradza kwemagwaro tive netariro.
其實,凡經上所寫的,都是為教訓我們而寫的,為叫我們因著經上所教訓的忍耐和安慰,獲得希望。
5 Asi dai Mwari wemoyo murefu newenyaradzo apa kwamuri kuva nemoyo umwe pakati penyu maererano naKristu Jesu;
願賜忍耐和安慰的天主,賞賜你們倣效耶穌基督的榜樣,彼此同心合意,
6 kuti nemoyo umwe nemuromo umwe mukudze Mwari, ivo Baba vaIshe wedu Jesu Kristu.
好一心一口光榮我們的主耶穌基督的天主和父。
7 Naizvozvo gamuchiranai, Kristu sezvaakatigamuchirawo, ruve rukudzo rwaMwari.
為此,你們要為光榮天主而彼此接納,猶如基督也接納了你們一樣。
8 Zvino ndinoti, Jesu Kristu wakava muranda wedzingiso nekuda kwechokwadi chaMwari, kuti asimbise zvivimbiso zvemadzibaba;
我是要說:基督為了要彰顯天主的真實,成了割損的僕役,為實賤向先祖們所賜的恩許,
9 uye vahedheni vakudze Mwari nekuda kwetsitsi; sezvazvakanyorwa zvichinzi: Nekuda kweizvozvi ndichakureururai pakati pevahedheni, nekuimbira zita renyu rumbidzo.
而也使外邦人因天主的憐憫而去光榮天主,正如所記載的:『為此,我要在異民中稱謝你,歌頌你的聖名。』
10 Uyezve anoti: Farai, vahedheni, pamwe nevanhu vake.
又說:『異民! 你們要和祂的百姓一同歡樂! 』
11 Uyezve: Rumbidzai Ishe imwi vahedheni vese; mumukudzewo imwi vanhu vese.
又說:『列國萬民,請讚美上主! 一切民族,請歌頌祂! 』
12 Uyezve Isaya anoti: Uchavapo mudzi waJese, neachasimukira kutonga vahedheni; vahedheni vachavimba kwaari.
依撒意亞又說:『葉瑟的根苗將要出現,要起來統治外邦人;外邦人都要寄望於祂。』
13 Daiwo Mwari wetariro akuzadzai nemufaro wese uye nerugare muchitenda, kuti muwedzere patariro, nesimba reMweya Mutsvene.
願賜望德的天主,因著你們的信心,使你們充滿各種喜樂和平安,使你們因著聖神的德能,富於望德。
14 Zvino ini ndomene ndinozivisisa nezvenyu, hama dzangu, kuti nemwi pachenyu muzere nekunaka, makazadzwa neruzivo rwese, munogonawo kurairana.
我的兄們,我本人深信你們是充滿善意,滿備各種知識的,並能彼此勸勉。
15 Asi, hama, ndinokunyorerai ndakatsunga zvikuru, neimwe nzira, ndichiita sendinokuyeuchidzai, nekuda kwenyasha dzandakapiwa naMwari,
我給你們寫信,未免有些大膽,不過我只是想喚起你們的回憶,因為天主賜給了我恩寵,
16 kuti ndive mushumiri waJesu Kristu kuvahedheni, ndichishumira evhangeri yaMwari, kuti chibairo chevahedheni chigamuchirike, chichiitwa chitsvene neMweya Mutsvene.
使我為外邦人成了耶穌的使臣,天主福音的司祭,好使外邦人經聖神的祝聖,成為可悅納的祭品。
17 Naizvozvo ndine kuzvikudza muna Kristu Jesu pazvinhu zvemaererano naMwari;
所以對於事奉天主的事,我可以在耶穌基督內誇口,
18 nokuti handingashingi kutaura chero chinhu chaizvo Kristu zvaasina kuita kubudikidza neni, kuti vahedheni vateerereswe, neshoko uye nebasa,
因為我不敢提及別的,只說基督藉我,以言語,以行動,藉著奇蹟、異事的能力和天主聖神的德能,所作的使外邦人歸順的事,
19 musimba rezviratidzo nezvishamiso, musimba reMweya waMwari; naizvozvo kubva paJerusarema nekwakapoteredza kusvikira Iririkumu ndakaparidza zvakazara evhangeri yaKristu;
以致我從耶路撒冷及其四周,直到依里黎苛,傳遍了基督的福音;
20 nokudaro ndakashingaira kuparidza evhangeri, kwete pakambodanwa Kristu, kuti ndirege kuvaka pamusoro penheyo dzeumwe;
並且專在沒有認識基督的地方傳佈福音,弔以為榮,免得我在別人的基礎上建築,
21 asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Vasina kuudzwa zvake, vachaona, nevasina kunzwa, vachanzwisisa.
如經上所記載的:『那些關於沒有得到傳報的人,必要看見;那些沒有聽說過的人,必要明瞭。』
22 Nekuda kweizvozviwo ndakadzivirirwa kazhinji kuuya kwamuri;
這就是我屢次被阻延,不能到你們那裡去的緣故。
23 asi ikozvino zvandisisina nzvimbo pamatunhu awa, uye ndine chishuwo chikuru kwemakore mazhinji chekuuya kwamuri;
但如今在這一帶再沒有可傳的地方了,而且多年以來,我就有到你們那裡去的心願,
24 saizvozvo kana ndichaenda kuSipania, ndichauya kwamuri; nokuti ndinovimba kukuonai parwendo rwangu, nekuperekedzwa nemwi ikoko, kana ndatanga ndambogutswa muchikamu ndinemwi.
所以當我往西班牙去的時候,我希望中途能見到你們,得以稍微滿足我見你們的心願,然後由你們送我上道。
25 Asi ikozvinowo ndinoenda kuJerusarema, ndichishumira vatsvene.
不過,現在我要起身到耶路撒冷去,為供應聖徒,
26 Nokuti zvakavafadza Makedhonia neAkaya kupa chimwe chipo varombo vevatsvene vari paJerusarema.
因為馬其頓和阿哈雅人,甘心為耶路撒冷的貧苦聖徒損了一筆款項;
27 Nokuti zvakavafadza, uye vane ngava navo. Nokuti kana vahedheni vakaisawo ruoko pazvinhu zvavo zvemweya, vane ngavawo rekuvashandira pazvinhu zvenyama.
說他們甘心樂意,其實他們是他們的債。因為外邦人既分沾了他們的神恩,也就該在物質上扶助他們。
28 Naizvozvo kana ndapedza chinhu ichi, ndaisa mucherechedzo chibereko ichi kwavari, ndichabva ndiende kuSipania ndichipfuura nekwenyu.
所以我一辦妥了這事,向他們交代了這項損款以後,便要路過你們那裡,往西班牙去。
29 Uye ndinoziva kuti kana ndichiuya kwamuri ndichauya pakuzara kwemaropafadzo eevhangeri yaKristu.
我知道,我去你們那裡,必要帶著基督的祝福而去。
30 Zvino ndinokukumbirisai, hama, nekuda kwaIshe wedu Jesu Kristu, uye nekuda kwerudo rweMweya, kuti murwise pamwe neni paminyengetero kuna Mwari pamusoro pangu;
弟兄們! 我因我們的主耶穌基督,並因聖神的愛,請求你們,以你們為我在天主台前的祈禱,與我一起奮鬥,
31 kuti ndisunungurwe kune vasingatendi muJudhiya, uye kuti basa rangu reJerusarema rigamuchirike kuvatsvene;
使我脫免在猶太地不信的手,並我帶到耶路撒冷的款項,得蒙聖徒悅納。
32 kuti ndiuye kwamuri nemufaro nechido chaMwari, ndivandudzwe pamwe nemwi.
這樣,可使我照天主的旨意,高興地到你們那裡去,同你們一起稍微休息。
33 Zvino Mwari werugare ngaave nemwi mese. Ameni.
願賜平安的天主與你們眾人同在! 阿們。

< VaRoma 15 >