< VaRoma 12 >

1 Naizvozvo ndinokukumbirisai, hama, netsitsi dzaMwari, mupire miviri yenyu, chive chibairo chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, ndiko kunamata kwenyu kunonzwisisika.
Protož prosím vás, bratří, skrze milosrdenství Boží, abyste vydávali těla svá v obět živou, svatou, Bohu libou, rozumnou službu svou.
2 Uye musazvifananidza nenyika ino, asi mushandurwe nekuvandudzwa kwefungwa yenyu, kuti muidze chiri chido chaMwari chakanaka uye chinogamuchirika uye chakazara. (aiōn g165)
A nepřipodobňujte se světu tomuto, ale proměňtež se obnovením mysli své, tak abyste zkusili, jaká by byla vůle Boží dobrá, libá a dokonalá. (aiōn g165)
3 Nokuti ndinoti, nenyasha dzakapiwa kwandiri, kune umwe neumwe ari pakati penyu, arege kuzvifunga kuti mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge neuchenjeri, Mwari sezvaakagovera umwe neumwe chiyero cherutendo.
Neboť pravím (skrze milost, kteráž dána jest mi, ) každému, kdož jest mezi vámi, aby nesmyslil více, než sluší smysliti, ale aby smyslil v středmosti, tak jakž komu Bůh udělil míru víry.
4 Nokuti sezvatine mitezo mizhinji pamuviri umwe, asi mitezo yese haina basa rakafanana;
Nebo jakož v jednom těle mnohé oudy máme, ale nemají všickni oudové jednostejného díla,
5 saizvozvo tiri vazhinji, tiri muviri umwe muna Kristu, uye umwe neumwe tiri mitezo weumwe kune umwe.
Tak mnozí jedno tělo jsme v Kristu, a obzvláštně jedni druhých oudové.
6 Uye tine zvipo zvakasiyana maererano nenyasha dzinopiwa kwatiri; kungava kuporofita, ngatiporofite nechiyero cherutendo;
Ale majíce obdarování rozdílná podlé milosti, kteráž dána jest nám, buďto proroctví, to ať se koná podlé pravidla víry;
7 kana ushumiri, ngatishande paushumiri; kana anodzidzisa, pakudzidzisa;
Buďto úřad, v přisluhování; buďto ten, kdož učí, v vyučování.
8 kana anoraira, pakuraira; anopa, ngaape nemoyo wese; anotonga, ngaatonge nekushingaira; anoitira tsitsi, nemufaro.
Též kdo napomíná, v napomínání; ten, kdo rozdává, v upřímnosti; kdož předložen jest, v pilnosti; kdo milosrdenství činí, čiň to s ochotností.
9 Rudo ngaruve rwechokwadi. Semai zvakaipa, makanamatira zvakanaka.
Milování buď bez pokrytství; v ošklivosti mějte zlé, připojeni jsouce k dobrému.
10 Dananai zvikuru nerudo rwehama; pakukudza muchitangirana.
Láskou bratrskou jedni k druhým nakloněni jsouce, poctivostí se vespolek předcházejte,
11 Musava neusimbe pakushingaira; mupise pamweya; muchishumira Ishe;
V pracech neleniví, duchem vroucí, Pánu sloužíce,
12 muchifara mutariro; muchitsungirira padambudziko; muchirambira mumunyengetero;
Nadějí se veselíce, v ssouženích trpěliví, na modlitbě ustaviční,
13 muchigovera pakushaiwa kwevatsvene; muchishingirira kugamuchira vaeni.
V potřebách s svatými se zdělujíce, přívětivosti k hostem následujíce.
14 Ropafadzai vanokushushai; ropafadzai, musatuka.
Dobrořečte protivníkům svým, dobrořečte a nezlořečte.
15 Farai nevanofara, uye chemai nevanochema.
Radujte s radujícími, a plačte s plačícími.
16 Ivai vemoyo umwe, umwe kune umwe. Musafunganya zvinhu zvakakwirira, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musazviidza vakachenjera.
Buďte vespolek jednomyslní, ne vysoce o sobě smýšlejíce, ale k nízkým se nakloňujíce.
17 Musatsiva ani zvake chakaipa nechakaipa. Muchirangarirai zvakarurama pamberi pevanhu vese.
Nebuďte opatrní sami u sebe. Žádnému zlého za zlé neodplacujte, opatrujíce dobré přede všemi lidmi,
18 Kana zvichigona, sezvinobva kwamuri, garai nerugare nevanhu vese.
Jestliže jest možné, pokudž na vás jest, se všemi lidmi pokoj majíce,
19 Vadikanwi, musazvitsivira, asi ipai hasha nzvimbo; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Kutsiva ndekwangu, ini ndicharipira, anodaro Ishe.
Ne sami sebe mstíce, nejmilejší, ale dejte místo hněvu; nebo psáno jest: Mně pomsta, já odplatím, praví Pán.
20 Naizvozvo kana muvengi wako ane nzara, mupe kudya; kana ane nyota, munwise; nokuti mukuita izvozvo, uchadurikidza mazimbe emoto pamusoro wake.
A protož lační-li nepřítel tvůj, nakrm jej, a žízní-li, dej mu píti. Nebo to učině, uhlí řeřavé shrneš na hlavu jeho.
21 Usakundwa nechakaipa, asi kunda chakaipa nechakanaka.
Nedej se přemoci zlému, ale přemáhej v dobrém zlé.

< VaRoma 12 >