< VaRoma 11 >
1 Naizvozvo ndinoti: Mwari wakarasa vanhu vake here? Ngazvisadaro! Nokuti iniwo ndiri muIsraeri, kubva pambeu yaAbhurahama, werudzi rwaBhenjamini.
Итак спрашиваю: неужели Бог отверг народ Свой? Никак. Ибо и я Израильтянин, от семени Авраамова, из колена Вениаминова.
2 Mwari haana kurasa vanhu vake vaakagara aziva. Kana hamuzivi kuti rugwaro rwunoti kudini kuna Eria here? Kuti anoreverera sei kuna Mwari achipesana neVaIsraeri, achiti:
Не отверг Бог народа Своего, который Он наперед знал. Или не знаете, что говорит Писание в повествовании об Илии? Как он жалуется Богу на Израиля, говоря:
3 Ishe, vakauraya vaporofita venyu, uye vakaputsa aritari dzenyu; zvino ini ndasara ndega, uye vanotsvaka upenyu hwangu.
Господи! пророков Твоих убили, жертвенники Твои разрушили; остался я один, и моей души ищут.
4 Asi mhinduro yaMwari inoti kudii kwaari? Inoti: Ndakazvisiira zvuru zvinomwe zvevarume, vasina kufugamira ibvi kuna Bhaari.
Что же говорит ему Божеский ответ? Я соблюл Себе семь тысяч человек, которые не преклонили колени перед Ваалом.
5 Zvino saizvozvo nemunguva yaikozvino variko vakasara maererano nesananguro yenyasha.
Так и в нынешнее время, по избранию благодати, сохранился остаток.
6 Asi kana zviri zvenyasha, hazvichabvi pamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzisisiri nyasha. Asi kana zvichibva pamabasa, hadzisati dzichiri nyasha; kana zvisakadaro basa harisati richiri basa.
Но если по благодати, то не по делам; иначе благодать не была бы уже благодатью. А если по делам, то это уже не благодать; иначе дело не есть уже дело.
7 Ko zvino? Israeri zvaakange achitsvaka, haana kuzviwana, asi vasanangurwa vakazviwana, vamwewo vakaomeswa;
Что же? Израиль, чего искал, того не получил; избранные же получили, а прочие ожесточились,
8 sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Mwari wakavapa mweya wehope huru, meso kuti varege kuona, nenzeve kuti varege kunzwa, kusvikira zuva ranhasi.
как написано: Бог дал им дух усыпления, глаза, которыми не видят, и уши, которыми не слышат, даже до сего дня.
9 NaDhavhidhi anoti: Tafura yavo ngaiitwe rudzingi nemusungo, nechigumbuso nekutsiva kwavari;
И Давид говорит: да будет трапеза их сетью, тенетами и петлею в возмездие им;
10 meso avo ngaasvibirwe kuti varege kuona, uye mukotamise musana wavo narinhi.
да помрачатся глаза их, чтобы не видеть, и хребет их да будет согбен навсегда.
11 Naizvozvo ndinoti: Vakagumbuswa kuti vawe here? Ngazvisadaro! Asi nekudarika kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuvamutsira godo.
Итак спрашиваю: неужели они преткнулись, чтобы совсем пасть? Никак. Но от их падения спасение язычникам, чтобы возбудить в них ревность.
12 Zvino kana kudarika kwavo kuri fuma yenyika, nekukundikana kwavo ifuma yevahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo?
Если же падение их - богатство миру, и оскудение их - богатство язычникам, то тем более полнота их.
13 Nokuti ndinotaura kwamuri vahedheni; sezvo ndiri ini muapositori wevahedheni, ndinokudza ushumiri hwangu;
Вам говорю, язычникам. Как Апостол язычников, я прославляю служение мое.
14 kuti zvimwe ndingamutsira godo venyama yangu, uye ndiponese vamwe vavo.
Не возбужу ли ревность в сродниках моих по плоти и не спасу ли некоторых из них?
15 Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kuchaveiko, kunze kwekuti upenyu hunobva kuvakafa?
Ибо если отвержение их - примирение мира, то что будет принятие, как не жизнь из мертвых?
16 Zvino kana chibereko chekutanga chiri chitsvene, bunduwo rakadaro; uye kana mudzi uri mutsvene, nematavi akadaro.
Если начаток свят, то и целое; и если корень свят, то и ветви.
17 Asi kana mamwe ematavi akavhuniwa, newe uri muorivhi wekudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava mugovani pamwe nawo pamudzi nepamafuta emuorivhi,
Если же некоторые из ветвей отломились, а ты, дикая маслина, привился на место их и стал общником корня и сока маслины,
18 usazvikudza pamusoro pematavi; asi kana uchizvikudza, hausi iwe anotakura mudzi, asi mudzi unokutakura iwe.
то не превозносись перед ветвями. Если же превозносишься, то вспомни, что не ты корень держишь, но корень тебя.
19 Zvino uchati: Matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe.
Скажешь: “Ветви отломились, чтобы мне привиться”
20 Zvakanaka; nekusatenda vakavhuniwa, iwe umire nerutendo. Usazvikudza, asi itya;
Хорошо. Они отломились неверием, а ты держишься верою: не гордись, но бойся.
21 nokuti kana Mwari asina kurega matavi echisikirwo, zvimwe haangakuregi iwewo.
Ибо если Бог не пощадил природных ветвей, то смотри, пощадит ли и тебя.
22 Zvino tarira unyoro nekuomarara kwaMwari; kune vanowa, kuomarara; asi kwauri, unyoro, kana uchigara paunyoro hwake; kana zvikasadaro newe ungatemwa.
Итак, видишь благость и строгость Божию: строгость к отпадшим, а благость к тебе, если пребудешь в благости Божией; иначе и ты будешь отсечен.
23 Naivowo, kana vasingagari pakusatenda, vachabatanidzwa, nokuti Mwari anogona kuvabatanidzazve.
Но и те, если не пребудут в неверии, привьются, потому что Бог силен опять привить их.
24 Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi uri wedondo pachisikirwo, ukabatanidzwa zvinopesana nechisikirwo pamuorivhi wakasimwa, vangabatanidzwa zvikuru sei avo vari matavi echisikirwo pamuorivhi wekwavo?
Ибо если ты отсечен от дикой по природе маслины и не по природе привился к хорошей маслине, то тем более сии природные привьются к своей маслине.
25 Nokuti handidi kuti musaziva, hama, zvechakavanzika ichi, kuti murege kuzviita vakangwara, kuti kuomeswa kwemoyo kwakawira Israeri muchidimbu kusvikira kwapinda kuzara kwavahedheni;
Ибо не хочу оставить вас, братия, в неведении о тайне сей, - чтобы вы не мечтали о себе, что ожесточение произошло в Израиле отчасти, до времени, пока войдет полное число язычников;
26 saizvozvowo Israeri wese achaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi: PaZiyoni pachabva Musununguri achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho.
и так весь Израиль спасется, как написано: придет от Сиона Избавитель, и отвратит нечестие от Иакова.
27 Uye iyi isungano yangu kwavari, pandichabvisa zvivi zvavo.
И сей завет им от Меня, когда сниму с них грехи их.
28 Maererano neevhangeri vavengi nekuda kwenyu; asi maererano nekusanangura vadikanwi nekuda kwemadzibaba;
В отношении к благовестию они враги ради вас; а в отношении к избранию - возлюбленные Божии ради отцов.
29 nokuti zvipo nekudana kwaMwari hazvishanduki.
Ибо дары и призвание Божие непреложны.
30 Nokuti semwiwo kare musina kuteerera Mwari, asi zvino makanzwirwa tsitsi nekusateerera kwavo;
Как и вы некогда были непослушны Богу, а ныне помилованы, по непослушанию их,
31 saizvozvo naivava ikozvino havana kuteerera, kuti netsitsi dzenyu naivo vanzwirwe tsitsi;
так и они теперь непослушны для помилования вас, чтобы и сами они были помилованы.
32 nokuti Mwari wakavapfigira vese mukusateera, kuti ave netsitsi kwavari vese. (eleēsē )
Ибо всех заключил Бог в непослушание, чтобы всех помиловать. (eleēsē )
33 Haiwa kudzika kwefuma, zvese yeuchenjeri neruzivo rwaMwari! Kutonga kwake hakunzverwi zvakadini, nenzira dzake hadzirondwi!
О, бездна богатства и премудрости и ведения Божия! Как непостижимы судьбы Его и неисследимы пути Его!
34 Nokuti ndiani wakaziva fungwa yaIshe? Kana ndiani wakange ari murairidzi wake?
Ибо кто познал ум Господень? Или кто был советником Ему?
35 Kana ndiani wakatanga kupa kwaari, uye zvichadzorerwa kwaari?
Или кто дал Ему наперед, чтобы Он должен был воздать?
36 Nokuti zvese zvinobva kwaari, nemaari, zvinoenda kwaari; kubwinya ngakuve kwaari kusvika narinhi. Ameni. (aiōn )
Ибо все из Него, Им и к Нему. Ему слава во веки, аминь. (aiōn )