< VaRoma 11 >
1 Naizvozvo ndinoti: Mwari wakarasa vanhu vake here? Ngazvisadaro! Nokuti iniwo ndiri muIsraeri, kubva pambeu yaAbhurahama, werudzi rwaBhenjamini.
Basi nijobha, je, K'yara abhabelili bhanu bha muene? Hata kidusu. Kwa kujha nene kabhele na Mwiisraeli, ghwa lukholo lwa Abrahamu, ghwa likabila lya Benyamini.
2 Mwari haana kurasa vanhu vake vaakagara aziva. Kana hamuzivi kuti rugwaro rwunoti kudini kuna Eria here? Kuti anoreverera sei kuna Mwari achipesana neVaIsraeri, achiti:
K'yara abhabelilepi bhanu bha muene, bhaabhamanyili kuhoma kubhwandeli. Je mumanyilepi liandiku lijobhabhuli kuhusu Eliya, namna kyaan'sihili K'yara panani pa bha Israeli?
3 Ishe, vakauraya vaporofita venyu, uye vakaputsa aritari dzenyu; zvino ini ndasara ndega, uye vanotsvaka upenyu hwangu.
“Bwana, bhabhakhomili manabii bhajhobhi, ni bhene bhabomuili madhabahu gha jhobhi. Nene ne muene nisiele, ni bhene bhilonda uhai bhwa nene.”
4 Asi mhinduro yaMwari inoti kudii kwaari? Inoti: Ndakazvisiira zvuru zvinomwe zvevarume, vasina kufugamira ibvi kuna Bhaari.
Lakini lijibu lya K'yara lijobhuli kwa bhebhe? “Nitunzili kwandabha jha nene bhanu elfu saba ambabho bhakampigila lepi magoti Baali.”
5 Zvino saizvozvo nemunguva yaikozvino variko vakasara maererano nesananguro yenyasha.
Hata nahu, wakati obho bhwa henu kabhele bhajhele bhabhasiele kwa ndabha jha uchaguzi bhwa neema.
6 Asi kana zviri zvenyasha, hazvichabvi pamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzisisiri nyasha. Asi kana zvichibva pamabasa, hadzisati dzichiri nyasha; kana zvisakadaro basa harisati richiri basa.
Lakini jhikajhiajhi kwa neema, sio kabhele kwa matendo, finginefyo neema jhibetalepi kujha kabhele neema.
7 Ko zvino? Israeri zvaakange achitsvaka, haana kuzviwana, asi vasanangurwa vakazviwana, vamwewo vakaomeswa;
Kiki kabhele? Lijambo ambalyo Israeli akajha akalilonda, akikabhi lepi, bali bhateule bhakikabhili, ni bhamana bhajhongesibhu uzito.
8 sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Mwari wakavapa mweya wehope huru, meso kuti varege kuona, nenzeve kuti varege kunzwa, kusvikira zuva ranhasi.
Ni kama kyajhilembibhu: “K'yara abhapelili roho jha ubutu, mihu ili bhasibhone, ni mb'ol'okhoto ili bhasipel'eki mpaka lelu ejhe.”
9 NaDhavhidhi anoti: Tafura yavo ngaiitwe rudzingi nemusungo, nechigumbuso nekutsiva kwavari;
Ni muene Daudi ijobha, “Silekajhi meza sya bhene sijhelayi mikwabhu, miteghu, sehemu jha kwikungufula ni kulepesya kisasi dhidi jha bhene.
10 meso avo ngaasvibirwe kuti varege kuona, uye mukotamise musana wavo narinhi.
Ghalekayi mihu gha bhene ghasopibhwayi ngisi ili bhasibhwesi kulola. Ukabhajhinimisiajhi migongo ghya bhene daima.”
11 Naizvozvo ndinoti: Vakagumbuswa kuti vawe here? Ngazvisadaro! Asi nekudarika kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuvamutsira godo.
Basi nijobha, “Je, bhakikungufuili bila kubina?” Jhisijhi naha kamwe. Badala jhiake, kwa kusindwa kwa bhene, bhwokovu bhufikili kwa bha Mataifa, ili bhabho bhene bhajhelayi ni bhuifu.
12 Zvino kana kudarika kwavo kuri fuma yenyika, nekukundikana kwavo ifuma yevahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo?
Henu jhikajhiajhi kusindwa kwa bhene ndo utajiri bhwa ulimwengu ni kama hasara jha bhene ndo utajiri bhwa mataifa, ndo kiasi khelekhu nesu kibetakujha kukamilika kwa bhene?
13 Nokuti ndinotaura kwamuri vahedheni; sezvo ndiri ini muapositori wevahedheni, ndinokudza ushumiri hwangu;
Ni henu nilongela namu bhanu bha Mataifa. Kwa kujha na mtume kwa bhanu bha Mataifa ghangi, ni kwifunila huduma jha jhoni.
14 kuti zvimwe ndingamutsira godo venyama yangu, uye ndiponese vamwe vavo.
Labda nibetakubhapela bhwifu bhabhajhele mb'el'e umonga ni nene. Labda twibeta kubhaokola baadhi jha bhene.
15 Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kuchaveiko, kunze kwekuti upenyu hunobva kuvakafa?
Ndabha jhikajhelayi kubelekeli bhwa kwa bhene ndo maridhiano gha dunia, kupokelibhwa kwa bhene kubetakujha bhuli ili bhuomi kuhoma kwa bhafu?
16 Zvino kana chibereko chekutanga chiri chitsvene, bunduwo rakadaro; uye kana mudzi uri mutsvene, nematavi akadaro.
Kama matunda gha kubhwandu ndo akiba, ndo kyajhijhele ku lidonge lya sembe. Kama mzizi ndo akiba, matawi ni ghene.
17 Asi kana mamwe ematavi akavhuniwa, newe uri muorivhi wekudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava mugovani pamwe nawo pamudzi nepamafuta emuorivhi,
Lakini kama baadhi jha matafi ghadumulibhu, kama bhebhe litafi lya mudasi lya misyongoti, bhwapandibhu pagati pa bhene, ni kama ghwashiriki pamonga ni bhene mu mizizi ghya utajiri bhwa misyongoti,
18 usazvikudza pamusoro pematavi; asi kana uchizvikudza, hausi iwe anotakura mudzi, asi mudzi unokutakura iwe.
usikitufyi panani pa matafi. Lakini kama ukisifila, bhebhelepi jhaukajhitangatila mizizi bali mizizi ghikutangatila bhebhe.
19 Zvino uchati: Matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe.
Basi wibetakujobha, “Matafi ghadumulibhu ili nikabhayi kupandikisibhwa mu lishina.”
20 Zvakanaka; nekusatenda vakavhuniwa, iwe umire nerutendo. Usazvikudza, asi itya;
Ejhu ndo kweli. Kwa ndabha jha kutokukiera kwa bhene bhadumulibhu, lakini bhebhe ghwajhemili imara kwandabha jha imani jha jhobhi. Usikifikiriri ghwe muene kwa hali jha panani nesu, bali tilayi.
21 nokuti kana Mwari asina kurega matavi echisikirwo, zvimwe haangakuregi iwewo.
Kwa ndabha akajhiajhi k'yara aghalekilepi mataifa gha asili, ibetalepi kuhurumila bhebhe kabhele.
22 Zvino tarira unyoro nekuomarara kwaMwari; kune vanowa, kuomarara; asi kwauri, unyoro, kana uchigara paunyoro hwake; kana zvikasadaro newe ungatemwa.
Langayi, basi, matendo manofu ni bhukali bhwa K'yara. Kwa lubhafu lumonga, ukalibhwahidili panani pa Bhayahudi ambabho bhabinili. Lakini kwa lubhafu longi bhwema bhwa K'yara bhwihida panani pa jhobhi kam wibeta kudumu mu wema bhwa muene. La sivyo ni bhebhe wibetakudumulibhwa patali.
23 Naivowo, kana vasingagari pakusatenda, vachabatanidzwa, nokuti Mwari anogona kuvabatanidzazve.
Ni kabhele, kama bhibetalepi kujhendelela, mu kutokukiera kwa bhene bhibetakubandibhwa kabhele.
24 Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi uri wedondo pachisikirwo, ukabatanidzwa zvinopesana nechisikirwo pamuorivhi wakasimwa, vangabatanidzwa zvikuru sei avo vari matavi echisikirwo pamuorivhi wekwavo?
Ndabha K'yara ajhe ni bhuwezo bhwa kupandikisya kabhele. Kwa ndabha jhikajhiajhi muenga mwadumulibhu kwibhala kwa bhujhele bhwa asili jha n'spngoti bhwa mudasi, ni kinyume kya asili mwapandikisibhu mu n'syongoti bhwabhujhele bhunofu, nesu lepi abha Bhayahudi, ambabho ndo kama matafi gha asili kubhwesya kupandikisibhwa kabhele mugati mu mizeituni bhabhu bhene?
25 Nokuti handidi kuti musaziva, hama, zvechakavanzika ichi, kuti murege kuzviita vakangwara, kuti kuomeswa kwemoyo kwakawira Israeri muchidimbu kusvikira kwapinda kuzara kwavahedheni;
Kwa ndabha bhalongo nilonda lepi musimanyi, kuhusiana ni siri ejhe, ili kwamba musijhi ni hekima mu kufikiri kwa jhomu mwebhene. Siri ejhe ndo kwamba bhunonono bhuhomili Israeli, hadi kukamilika kwa mataifa pawibetakuhida.
26 saizvozvowo Israeri wese achaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi: PaZiyoni pachabva Musununguri achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho.
Efyo Israeli bhoha bhibetakuokolibhwa, kama kyajhilembibhu: “Kuhoma Sayuni ibetakuhida Mkombokozi. Ibetakuubhosya bhuovu kuhoma kwa Yakobo.
27 Uye iyi isungano yangu kwavari, pandichabvisa zvivi zvavo.
Ni e'le libetakujha liagano lya nene pamonga ni bhene, panibetakusibhosya dhambi sya bhene.”
28 Maererano neevhangeri vavengi nekuda kwenyu; asi maererano nekusanangura vadikanwi nekuda kwemadzibaba;
Ku lubhafu lumonga kuhusu injili, bhidadibhwa kwa ndabha jha muenga. Kwa lubhafu l'ongi kutokana ni bhusalanu bhwa K'yara, bhaganikibhu kwandabha jha bhakhokho.
29 nokuti zvipo nekudana kwaMwari hazvishanduki.
Kwa kujha zawadi ni bhwitobhwa K'yara bhwibadilika lepi.
30 Nokuti semwiwo kare musina kuteerera Mwari, asi zvino makanzwirwa tsitsi nekusateerera kwavo;
Kwa ndabha kubhwandelu muenga mwan'kosili K'yara, henu mujhipokili rehema kwandabha jha kuasi kwa muenga.
31 saizvozvo naivava ikozvino havana kuteerera, kuti netsitsi dzenyu naivo vanzwirwe tsitsi;
Kwa njela jhejhuejhu, henu abha Bhayahudi bhan'kosili. Matokeo ghake ndo kujha kuhomela ni k'esa jha mupelibhu muenga bhibhuesya kabhele kupokela rehema.
32 nokuti Mwari wakavapfigira vese mukusateera, kuti ave netsitsi kwavari vese. (eleēsē )
Ndabha K'yara abhadendili bhanu bhoha mu kuasi, ili abhwesiajhi kubhahurumila bhoha. (eleēsē )
33 Haiwa kudzika kwefuma, zvese yeuchenjeri neruzivo rwaMwari! Kutonga kwake hakunzverwi zvakadini, nenzira dzake hadzirondwi!
Namna kyasijhele sibhaha bhutajiri ni hekima ni maaria gha K'yara! Sichunguzika lepi hukumu sya muene, ni njela sya muene sigundulika lepi!
34 Nokuti ndiani wakaziva fungwa yaIshe? Kana ndiani wakange ari murairidzi wake?
“Ndabha niani jhaajhimanyili nia jha Bwana? Au niani mshauri ghwa muene?
35 Kana ndiani wakatanga kupa kwaari, uye zvichadzorerwa kwaari?
Au niani hoti jha ampelili khenu K'yara, ili alepibhwayi kabhele?”
36 Nokuti zvese zvinobva kwaari, nemaari, zvinoenda kwaari; kubwinya ngakuve kwaari kusvika narinhi. Ameni. (aiōn )
Kwa ndabha kuhoma kwa muene, ni kwa njela jha muene ni kwa muene, fenu fyoha fijhele. Kwa muene bhujhelayi utukufu milele. Amina. (aiōn )