< VaRoma 10 >
1 Hama, chishuwo chemoyo wangu nemukumbiro kuna Mwari pamusoro paIsraeri ndiko kuti vaponeswe.
Ἀδελφοί, ἡ μὲν εὐδοκία τῆς ἐμῆς καρδίας, καὶ ἡ δέησις πρὸς τὸν θεὸν ὑπὲρ αὐτῶν εἰς σωτηρίαν.
2 Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi kwete paruzivo;
μαρτυρῶ γὰρ αὐτοῖς ὅτι ζῆλον θεοῦ ἔχουσιν, ἀλλ᾽ οὐ κατ᾽ ἐπίγνωσιν.
3 nokuti vasingazivi kururama kwaMwari, uye vachitsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, vakasazviisa pasi pekururama kwaMwari.
ἀγνοοῦντες γὰρ τὴν τοῦ θεοῦ δικαιοσύνην, καὶ τὴν ἰδίαν ζητοῦντες στῆσαι, τῇ δικαιοσύνῃ τοῦ θεοῦ οὐχ ὑπετάγησαν.
4 Nokuti Kristu mugumo wemurairo mukururama kuna ani nani anotenda.
Τέλος γὰρ νόμου χριστὸς εἰς δικαιοσύνην παντὶ τῷ πιστεύοντι.
5 Nokuti Mozisi anonyora kururama kuri kwemurairo, kuti munhu anoita zvinhu izvi achararama nazvo.
Μωυσῆς γὰρ γράφει τὴν δικαιοσύνην τὴν ἐκ νόμου ὅτι Ὁ ποιήσας αὐτὰ ἄνθρωπος ζήσεται ἐν αὐτῇ·
6 Asi kururama kunobva parutendo kunotaura sezvizvi: Usati mumoyo mako: Ndiani achakwira kudenga? Ndiko kuti kuburusa Kristu;
ἡ δὲ ἐκ πίστεως δικαιοσύνη οὕτως λέγει, Μὴ εἴπῃς ἐν τῇ καρδίᾳ σου, Τίς ἀναβήσεται εἰς τὸν οὐρανόν; τοῦτ᾽ ἔστιν χριστὸν καταγαγεῖν·
7 kana kuti: Ndiani achaburukira mukudzika? Ndiko kuti kukwidza Kristu kubva kuvakafa. (Abyssos )
ἤ, Τίς καταβήσεται εἰς τὴν ἄβυσσον; τοῦτ᾽ ἔστιν χριστὸν ἐκ νεκρῶν ἀναγαγεῖν. (Abyssos )
8 Asi kunoti kudini? Shoko riri pedo newe, mumuromo mako nemumoyo mako; iri ishoko rerutendo ratinoparidza;
ἀλλὰ τί λέγει; Ἐγγύς σου τὸ ῥῆμά ἐστιν, ἐν τῷ στόματί σου καὶ ἐν τῇ καρδίᾳ σου· τοῦτ᾽ ἔστιν τὸ ῥῆμα τῆς πίστεως ὃ κηρύσσομεν·
9 kuti kana iwe ukabvuma nemuromo wako Ishe Jesu, uye ukatenda mumoyo mako kuti Mwari wakamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa;
ὅτι ἐὰν ὁμολογήσῃς ἐν τῷ στόματί σου κύριον Ἰησοῦν, καὶ πιστεύσῃς ἐν τῇ καρδίᾳ σου ὅτι ὁ θεὸς αὐτὸν ἤγειρεν ἐκ νεκρῶν, σωθήσῃ·
10 nokuti nemoyo umwe anotenda mukururama, uye nemuromo anobvuma mukuponeswa.
καρδίᾳ γὰρ πιστεύεται εἰς δικαιοσύνην, στόματι δὲ ὁμολογεῖται εἰς σωτηρίαν.
11 Nokuti rugwaro rwunoti: Ani nani anotenda kwaari haangazonyadziswi.
λέγει γὰρ ἡ γραφή, Πᾶς ὁ πιστεύων ἐπ᾽ αὐτῷ οὐ καταισχυνθήσεται.
12 Nokuti hapana musiyano pakati pemuJudha nemuGiriki; nokuti Ishe ndeumwe wevese, wakafuma kune vese vanodana kwaari.
οὐ γάρ ἐστιν διαστολὴ Ἰουδαίου τε καὶ Ἕλληνος· ὁ γὰρ αὐτὸς κύριος πάντων, πλουτῶν εἰς πάντας τοὺς ἐπικαλουμένους αὐτόν.
13 Nokuti wese ani nani achadana kuzita raIshe achaponeswa.
Πᾶς γὰρ ὃς ἂν ἐπικαλέσηται τὸ ὄνομα κυρίου, σωθήσεται.
14 Zvino vachadana sei wavasina kutenda kwaari? Uye vachatenda sei wavasina kunzwa nezvake? Uye vachanzwa sei vasina anoparidza?
Πῶς οὖν ἐπικαλέσωνται εἰς ὃν οὐκ ἐπίστευσαν; πῶς δὲ πιστεύσωσιν οὗ οὐκ ἤκουσαν; πῶς δὲ ἀκούσωσιν χωρὶς κηρύσσοντος;
15 Zvino vachaparidza sei kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzevanoparidza evhangeri yerugare, dzevanoparidza evhangeri yezvakanaka?
πῶς δὲ κηρύξωσιν, ἐὰν μὴ ἀποσταλῶσιν; καθὼς γέγραπται, Ὡς ὡραῖοι οἱ πόδες τῶν εὐαγγελιζομένων ἀγαθά.
16 Asi vese havana kuteerera evhangeri. Nokuti Isaya anoti: Ishe, ndiani wakatenda zvatakasuma?
ἀλλ᾽ οὐ πάντες ὑπήκουσαν τῷ εὐαγγελίῳ· Ἡσαΐας γὰρ λέγει, Κύριε, τίς ἐπίστευσεν τῇ ἀκοῇ ἡμῶν;
17 Naizvozvo rutendo rwunobva mukunzwa, nekunzwa neshoko raMwari.
ἄρα ἡ πίστις ἐξ ἀκοῆς, ἡ δὲ ἀκοὴ διὰ ῥήματος χριστοῦ.
18 Asi ndinoti: Havana kunzwa here? Hongu zvirokwazvo, inzwi ravo rakabuda kunyika yese, nemashoko avo kumigumo yenyika.
ἀλλὰ λέγω, Μὴ οὐκ ἤκουσαν; μενοῦν γε εἰς πᾶσαν τὴν γῆν ἐξῆλθεν ὁ φθόγγος αὐτῶν, καὶ εἰς τὰ πέρατα τῆς οἰκουμένης τὰ ῥήματα αὐτῶν.
19 Asi ndinoti: Israeri haana kunzwisisa here? Pakutanga Mozisi anoti: Ini ndichakumutsirai godo nevasiri rudzi, nerudzi rusingafungi ndichakutsamwisai.
ἀλλὰ λέγω, μὴ Ἰσραὴλ οὐκ ἔγνω; πρῶτος Μωυσῆς λέγει, Ἐγὼ παραζηλώσω ὑμᾶς ἐπ᾽ οὐκ ἔθνει ἐπ᾽ ἔθνει ἀσυνέτῳ παροργιῶ ὑμᾶς.
20 NaIsaya akashinga anotiwo: Ndakawanikwa nevasina kunditsvaka, ndakaonekwa kune vasina kundibvunza.
Ἡσαΐας δὲ ἀποτολμᾷ καὶ λέγει, Εὑρέθην [ἐν] τοῖς ἐμὲ μὴ ζητοῦσιν, ἐμφανὴς ἐγενόμην [ἐν] τοῖς ἐμὲ μὴ ἐπερωτῶσιν.
21 Asi kuna Israeri anoti: Zuva rese ndakatandavadza maoko angu kuvanhu vasingateereri nevanokakavara.
πρὸς δὲ τὸν Ἰσραὴλ λέγει, Ὅλην τὴν ἡμέραν ἐξεπέτασα τὰς χεῖράς μου πρὸς λαὸν ἀπειθοῦντα καὶ ἀντιλέγοντα.