< Zvakazarurwa 8 >
1 Zvino wakati azarura mucherechedzo wechinomwe, kwakavapo kunyarara kudenga kwakaita sehafu yeawa.
Երբ բացաւ եօթներորդ կնիքը, լռութիւն եղաւ երկինքը՝ կէս ժամու չափ:
2 Zvino ndakaona vatumwa vanomwe vamire pamberi paMwari, kukapiwawo kwavari hwamanda nomwe.
Ու տեսայ այն եօթը հրեշտակները՝ որ կայնած էին Աստուծոյ առջեւ. եօթը փողեր տրուեցան անոնց:
3 Zvino umwe mutumwa wakauya akamira paaritari, ane mudziyo wezvinonhuhwira wegoridhe; kukapiwa kwaari zvinonhuhwira zvizhinji, kuti azvipe neminyengetero yevatsvene vese pamusoro pearitari yegoridhe yakange iri pamberi pechigaro cheushe.
Ուրիշ հրեշտակ մը եկաւ եւ կայնեցաւ զոհասեղանին առջեւ. ան ունէր ոսկիէ խնկանոց մը, ու շատ խունկ տրուեցաւ իրեն, որպէսզի ընծայէ բոլոր սուրբերուն աղօթքներուն հետ՝ գահին առջեւ եղող ոսկիէ զոհասեղանին վրայ:
4 Zvino utsi hwezvinonhuhwira hwakakwira neminyengetero yevatsvene huchibva muruoko rwemutumwa pamberi paMwari.
Եւ խունկերուն ծուխը՝ սուրբերուն աղօթքներուն հետ՝ հրեշտակին ձեռքէն բարձրացաւ Աստուծոյ առջեւ:
5 Mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuhwira, ndokuuzadza nemoto wearitari, ndokuukanda panyika; zvino kwakavapo manzwi nekutinhira nemheni nekudengenyeka kwenyika.
Ապա հրեշտակը առաւ խնկանոցը, լեցուց զայն զոհասեղանին կրակէն, ու նետեց երկրի վրայ. եւ ձայներ, որոտումներ, փայլակներ ու երկրաշարժ եղան:
6 Zvino vatumwa vanomwe vakange vane hwamanda nomwe vakazvigadzirira kuti varidze.
Եւ եօթը հրեշտակները, որ ունէին եօթը փողերը, պատրաստուեցան հնչեցնելու զանոնք:
7 Zvino mutumwa wekutanga wakaridza, ndokuvapo chimvuramabwe nemoto zvakavhenganiswa neropa, ndokukandwa panyika; nechetatu chemiti chakapiswa, neuswa unyoro hwese hwakapiswa.
Առաջին հրեշտակը հնչեցուց փողը, եւ արիւնով խառնուած կարկուտ ու կրակ եղաւ եւ նետուեցաւ երկրի վրայ. (երկրի մէկ երրորդը այրեցաւ, ) ծառերուն մէկ երրորդը այրեցաւ, ու ամէն կանաչ խոտ այրեցաւ:
8 Zvino mutumwa wechipiri wakaridza, zvino chimwe segomo guru rinopfuta nemoto chikakandwa mugungwa; chetatu chegungwa ndokuva ropa;
Երկրորդ հրեշտակը հնչեցուց փողը, եւ հրավառ մեծ լերան պէս բան մը նետուեցաւ ծովը. ծովուն մէկ երրորդը արիւն եղաւ,
9 ndokufa chetatu chezvisikwa zviri mugungwa zvine upenyu, nechetatu chezvikepe chikaparadzwa.
ծովուն մէջ ապրող արարածներուն մէկ երրորդը մեռաւ, ու նաւերուն մէկ երրորդը փճացաւ:
10 Zvino mutumwa wechitatu wakaridza, kukawa kubva kudenga nyeredzi huru, ichipfuta semwenje, ndokuwira pamusoro pechetatu chenzizi, nepamusoro pezvitubu zvemvura.
Երրորդ հրեշտակը հնչեցուց փողը, ու երկինքէն մեծ աստղ մը ինկաւ՝ ջահի պէս վառելով. ան ինկաւ գետերուն մէկ երրորդին եւ ջուրերու աղբիւրներուն վրայ:
11 Zvino zita renyeredzi rainzi Gavakava; chetatu chemvura ndokuva gavakava, nevanhu vazhinji vakafa nemvura, nokuti yakange yavaviswa.
Այդ աստղին անունը Օշինդր էր, ու ջուրերուն մէկ երրորդը օշինդր եղաւ, եւ շատ մարդիկ մեռան ջուրերէն՝ քանի որ դառնացած էին:
12 Zvino mutumwa wechina wakaridza, chetatu chezuva ndokurohwa nechetatu chemwedzi nechetatu chenyeredzi, kuti chetatu chazvo chisvibiswe, uye kuti chetatu chemasikati chirege kuvhenekera, neusiku saizvozvo.
Չորրորդ հրեշտակը հնչեցուց փողը, ու արեւին մէկ երրորդը զարնուեցաւ, նաեւ լուսինին մէկ երրորդը եւ աստղերուն մէկ երրորդը. հետեւաբար անոնց մէկ երրորդը խաւարեցաւ, օրուան մէկ երրորդը չլուսաւորուեցաւ, նմանապէս՝ գիշերուան:
13 Zvino ndakatarira, ndokunzwa mutumwa umwe achibhururuka ari pakati pedenga achiti nenzwi guru: Mune nhamo, mune nhamo, mune nhamo vagari vepanyika, pamanzwi asara ehwamanda yevatumwa vatatu vachazoridza!
Տեսայ, ու լսեցի երկինքի մէջտեղէն թռչող հրեշտակ մը՝ որ բարձրաձայն կ՚ըսէր. «Վա՜յ, վա՜յ, վա՜յ երկրի բնակիչներուն՝ այն միւս փողի ձայներուն համար, որ երեք հրեշտակները պիտի հնչեցնեն»: