< Zvakazarurwa 7 >
1 Zvino shure kweizvi ndakaona vatumwa vana vamire kumativi mana enyika vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kuvhuvhuta panyika, kana pagungwa, kana pamuti upi zvawo.
১অনন্তৰং চৎৱাৰো দিৱ্যদূতা মযা দৃষ্টাঃ, তে পৃথিৱ্যাশ্চতুৰ্ষু কোণেষু তিষ্ঠনতঃ পৃথিৱ্যাং সমুদ্ৰে ৱৃক্ষেষু চ ৱাযু ৰ্যথা ন ৱহেৎ তথা পৃথিৱ্যাশ্চতুৰো ৱাযূন্ ধাৰযন্তি|
2 Uye ndakaona umwe mutumwa achikwira kubva kumabvazuva kwezuva ane mucherechedzo waMwari mupenyu; akadana nenzwi guru kuvatumwa vana, vaya vakange vapiwa simba kuti vatadzire nyika negungwa,
২অনন্তৰং সূৰ্য্যোদযস্থানাদ্ উদ্যন্ অপৰ একো দূতো মযা দৃষ্টঃ সোঽমৰেশ্ৱৰস্য মুদ্ৰাং ধাৰযতি, যেষু চৰ্তুষু দূতেষু পৃথিৱীসমুদ্ৰযো ৰ্হিংসনস্য ভাৰো দত্তস্তান্ স উচ্চৈৰিদং অৱদৎ|
3 achiti: Musatadzira nyika, kana gungwa, kana miti, kusvikira taisa mucherechedzo varanda vaMwari wedu pahuma dzavo.
৩ঈশ্ৱৰস্য দাসা যাৱদ্ অস্মাভি ৰ্ভালেষু মুদ্ৰযাঙ্কিতা ন ভৱিষ্যন্তি তাৱৎ পৃথিৱী সমুদ্ৰো তৰৱশ্চ যুষ্মাভি ৰ্ন হিংস্যন্তাং|
4 Zvino ndakanzwa uwandu hwevakaiswa mucherechedzo: Zvuru zana nemakumi mana nezvina vakaiswa mucherechedzo kubva kumarudzi ese evana vaIsraeri.
৪ততঃ পৰং মুদ্ৰাঙ্কিতলোকানাং সংখ্যা মযাশ্ৰাৱি| ইস্ৰাযেলঃ সৰ্ৱ্ৱৱংশাযাশ্চতুশ্চৎৱাৰিংশৎসহস্ৰাধিকলক্ষলোকা মুদ্ৰযাঙ্কিতা অভৱন্,
5 Kubva kurudzi rwaJudha zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaRubheni zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaGadhi zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo;
৫অৰ্থতো যিহূদাৱংশে দ্ৱাদশসহস্ৰাণি ৰূবেণৱংশে দ্ৱাদশসহস্ৰাণি গাদৱংশে দ্ৱাদশসহস্ৰাণি,
6 kubva kurudzi rwaAsheri zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaNafutarimi zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaManase zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo;
৬আশেৰৱংশে দ্ৱাদশসহস্ৰাণি নপ্তালিৱংশে দ্ৱাদশসহস্ৰাণি মিনশিৱংশে দ্ৱাদশসহস্ৰাণি,
7 kubva kurudzi rwaSimioni zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaRevhi zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaIsaskari zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo;
৭শিমিযোনৱংশে দ্ৱাদশসহস্ৰাণি লেৱিৱংশে দ্ৱাদশসহস্ৰাণি ইষাখৰৱংশে দ্ৱাদশসহস্ৰাণি,
8 kubva kurudzi rwaZebhuruni zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaJosefa zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo; kubva kurudzi rwaBhenjamini zvuru gumi nezviviri vakaiswa mucherechedzo.
৮সিবূলূনৱংশে দ্ৱাদশসহস্ৰাণি যূষফৱংশে দ্ৱাদশসহস্ৰাণি বিন্যামীনৱংশে চ দ্ৱাদশসহস্ৰাণি লোকা মুদ্ৰাঙ্কিতাঃ|
9 Shure kwaizvozvi ndakaona, zvino tarira, chaunga chikuru, chisina anogona kuverenga, chinobva kundudzi dzese, nemarudzi, nevanhu, nendimi, vakamira pamberi pechigaro cheushe nepamberi peGwayana, vakamonera nguvo refu chena, nemichindwe mumaoko avo;
৯ততঃ পৰং সৰ্ৱ্ৱজাতীযানাং সৰ্ৱ্ৱৱংশীযানাং সৰ্ৱ্ৱদেশীযানাং সৰ্ৱ্ৱভাষাৱাদিনাঞ্চ মহালোকাৰণ্যং মযা দৃষ্টং, তান্ গণযিতুং কেনাপি ন শক্যং, তে চ শুভ্ৰপৰিচ্ছদপৰিহিতাঃ সন্তঃ কৰৈশ্চ তালৱৃন্তানি ৱহন্তঃ সিংহাসনস্য মেষশাৱকস্য চান্তিকে তিষ্ঠন্তি,
10 zvino vakadanidzira nenzwi guru, vachiti: Ruponeso ngaruve kuna Mwari wedu anogara pachigaro cheushe, nekuGwayana.
১০উচ্চৈঃস্ৱৰৈৰিদং কথযন্তি চ, সিংহাসনোপৱিষ্টস্য পৰমেশস্য নঃ স্তৱঃ| স্তৱশ্চ মেষৱৎসস্য সম্ভূযাৎ ত্ৰাণকাৰণাৎ|
11 Zvino vatumwa vese vakamira vakakomba chigaro cheushe nevakuru nezvisikwa zvipenyu zvina, vakawa pamberi pechigaro cheushe nezviso zvavo, ndokunamata Mwari,
১১ততঃ সৰ্ৱ্ৱে দূতাঃ সিংহাসনস্য প্ৰাচীনৱৰ্গস্য প্ৰাণিচতুষ্টযস্য চ পৰিতস্তিষ্ঠন্তঃ সিংহাসনস্যান্তিকে ন্যূব্জীভূযেশ্ৱৰং প্ৰণম্য ৱদন্তি,
12 vachiti: Ameni: Kurumbidzwa nekubwinya nenjere nekuvonga nerukudzo nesimba nemasimba ngazvive kuna Mwari wedu kusvikira rinhi narinhi. Ameni. (aiōn )
১২তথাস্তু ধন্যৱাদশ্চ তেজো জ্ঞানং প্ৰশংসনং| শৌৰ্য্যং পৰাক্ৰমশ্চাপি শক্তিশ্চ সৰ্ৱ্ৱমেৱ তৎ| ৱৰ্ত্ততামীশ্ৱৰেঽস্মাকং নিত্যং নিত্যং তথাস্ত্ৱিতি| (aiōn )
13 Zvino umwe wevakuru wakapindura, achiti kwandiri: Ava vakapfeka nguvo refu chena ndivana ani, uye vakabvepi?
১৩ততঃ পৰং তেষাং প্ৰাচীনানাম্ একো জনো মাং সম্ভাষ্য জগাদ শুভ্ৰপৰিচ্ছদপৰিহিতা ইমে কে? কুতো ৱাগতাঃ?
14 Zvino ndakati kwaari: Ishe, ndimwi munoziva. Zvino akati kwandiri: Ava ndivo vanobva mukutambudzika kukuru, uye vakasuka nguvo refu dzavo, uye ivo vakadzichenesa muropa reGwayana.
১৪ততো মযোক্তং হে মহেচ্ছ ভৱানেৱ তৎ জানাতি| তেন কথিতং, ইমে মহাক্লেশমধ্যাদ্ আগত্য মেষশাৱকস্য ৰুধিৰেণ স্ৱীযপৰিচ্ছদান্ প্ৰক্ষালিতৱন্তঃ শুক্লীকৃতৱন্তশ্চ|
15 Nekuda kweizvi vari pamberi pechigaro cheushe chaMwari, vanomushumira masikati neusiku mutembere yake; uye anogara pachigaro cheushe achatandavadza tende pamusoro pavo.
১৫তৎকাৰণাৎ ত ঈশ্ৱৰস্য সিংহাসনস্যান্তিকে তিষ্ঠন্তো দিৱাৰাত্ৰং তস্য মন্দিৰে তং সেৱন্তে সিংহাসনোপৱিষ্টো জনশ্চ তান্ অধিস্থাস্যতি|
16 Havachazombovi nenzara kana kuzombova nenyota, nezuva haringatongovawiri, kana kupisa kupi zvako;
১৬তেষাং ক্ষুধা পিপাসা ৱা পুন ৰ্ন ভৱিষ্যতি ৰৌদ্ৰং কোপ্যুত্তাপো ৱা তেষু ন নিপতিষ্যতি,
17 nokuti Gwayana riri pakati pechigaro cheushe richavafunda, uye richavatungamirira kuzvitubu zvipenyu zvemvura; uye Mwari achapusika misodzi yese pameso avo.
১৭যতঃ সিংহাসনাধিষ্ঠানকাৰী মেষশাৱকস্তান্ চাৰযিষ্যতি, অমৃততোযানাং প্ৰস্ৰৱণানাং সন্নিধিং তান্ গমযিষ্যতি চ, ঈশ্ৱৰোঽপি তেষাং নযনভ্যঃ সৰ্ৱ্ৱমশ্ৰু প্ৰমাৰ্ক্ষ্যতি|