< Zvakazarurwa 5 >
1 Zvino ndakaona muruoko rwerudyi rwaiye wakange agere pachigaro cheushe bhuku rakanyorwa mukati nekunze, rakanamatidzwa nemicherechedzo minomwe.
And I saw on the right hand of Him that sat on the throne a book written within and without, sealed with seven seals:
2 Zvino ndakaona mutumwa ane simba achidanidzira nenzwi guru; achiti: Ndiani wakafanira kuzarura bhuku nekusunungura micherechedzo yaro?
and I saw a mighty angel proclaiming with a loud voice, Who is worthy to open the book and to loose the seals of it?
3 Asi kwakange kusina munhu kudenga kana panyika, kana pasi penyika, wakagona kuzarura bhuku, kana kuritarira.
And no one in heaven, nor on earth, nor under the earth, was able to open the book, or to look into it:
4 Zvino ini ndakachema zvikuru, nokuti hakuna kutongowanikwa wakafanira kuzarura nekuverenga bhuku, kana kuritarira.
and I wept much because no one was found worthy to open and read the book, nor to look into it.
5 Zvino umwe wevakuru wakati kwandiri: Usachema; tarira, yakunda Shumba inobva kurudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, kuti izarure bhuku nekusunungura micherechedzo yaro minomwe.
And one of the elders said to me, Weep not; ---Behold the lion of the tribe of Juda, the root of David, hath prevailed to open the book, and to loose its seven seals.
6 Zvino ndakaona, uye tarira, pakati pechigaro cheushe nechezvisikwa zvipenyu zvina, nepakati pevakuru, Gwayana rimire serakabaiwa, rine nyanga nomwe nemeso manomwe, ndiyo Mweya minomwe yaMwari yakatumwa kunyika yese.
And I beheld, and lo, in the midst of the throne, and of the four animals, and in the midst of the elders, stood a Lamb, as it had been slain, having seven horns and seven eyes, which are the seven spirits of God, sent forth into all the earth.
7 Zvino rakauya, rikatora bhuku kubva muruoko rwerudyi rwaiye wakagara pachigaro cheushe.
And He came and took the book out of the right hand of Him that sat upon the throne.
8 Zvino rakati ratora bhuku, zvisikwa zvipenyu zvina nevakuru makumi maviri nevana vakawira pamberi peGwayana, umwe neumwe ane rudimbwa nendiro dzegoridhe dzizere nezvinonhuhwira inova minyengetero yevatsvene.
And when He had taken the book, the four animals, and the twenty four elders, fell down before the Lamb, having every one harps and golden vials full of perfumes, which are the prayers of the saints.
9 Zvino vakaimba rwiyo rutsva, vachiti: Makafanira kutora bhuku, nekuzarura micherechedzo yaro; nokuti makabaiwa, ndokutidzikunurira Mwari neropa renyu kubva kudzinza rese, nekururimi, nekuvanhu, nekurudzi,
And they sung a new song, saying, Worthy art thou to take the book, and to open its seals; for thou wast slain, and hast redeemed us to God by thy blood, out of every tribe, and tongue, and people, and nation;
10 makatiitawo kuna Mwari wedu tive madzimambo nevapristi, uye tichatonga panyika.
and hast made us to our God kings and priests: and we shall reign on the earth.
11 Zvino ndakaona, uye ndakanzwa inzwi revatumwa vazhinji vakakomberedza chigaro cheushe, nezvisikwa zvipenyu nevakuru; nekuwanda kwazvo kwakange kuri mazana nemazana emazana nemazana, nezvuru zvezvuru,
And I beheld, and I heard the voice of many angels round the throne and the animals and the elders: and the number of them was myriads of myriads, and thousands of thousands;
12 vachiti nenzwi guru: Rakafanira Gwayana rakabaiwa kugamuchira simba neufumi nenjere nemasimba nerukudzo nekubwinya nekurumbidzwa.
saying with a loud voice, Worthy is the Lamb that was slain, to receive power, and riches, and wisdom, and strength, and honor, and glory, and blessing.
13 Nechisikwa chega-chega chiri kudenga, nepanyika, nepasi penyika, nezviri pagungwa nezvese zviri mazviri, ndakanzwa zvichiti: Kuna iye agere pamusoro pechigaro cheushe nekuGwayana ngakuve nekurumbidzwa, nerukudzo, nekubwinya, nesimba kusvikira rinhi narinhi. (aiōn )
And I heard every creature in heaven, and on earth, and under the earth, and on the sea, and all that are in them, saying, Blessing, and honor, and glory, and power be unto Him that sitteth upon the throne, and to the Lamb, for ever and ever. (aiōn )
14 Zvino zvisikwa zvipenyu zvina zvakati: Ameni. Nevakuru makumi maviri nevana vakawa, vakanamata iye anorarama kusvika rinhi narinhi.
And the four animals said, Amen: and the twenty four elders fell down and worshipped Him that liveth to endless ages.