< Zvakazarurwa 4 >

1 Shure kweizvi ndakaona, zvino tarira, mukova wakazaruka kudenga, nenzwi rekutanga randakanzwa rakaita serehwamanda richitaura neni, richiti: Kwira pano, ndigokuratidza zvinhu zvinofanira kuitika shure kweizvi.
Po tem sem videl in glej: duri odprte v nebu, in glas prvi, katerega sem slišal, kakor trombe govoreče z menoj, govoreč: Stopi sem gor, in pokažem ti, kaj se ima zgoditi po tem.
2 Zvino pakarepo ndakava muMweya; zvino tarira, chigaro cheushe chakagadzwa kudenga, nepamusoro pechigaro cheushe umwe agere.
In hitro sem bil v duhu, in glej: prestol je stal na nebu,
3 Iye wakange agere pakuonekwa wakange akafanana nebwe rejasipisi nesadhio; nemurarabungu wakakomberedza chigaro cheushe waitaridzika sebwe reemaradhi.
In na prestolu sedeč; in sedeči je bil enak na videz kamenu jaspidu in sardu, in mavra okrog prestola na videz enaka smaragdu.
4 Zvino zvigaro zveushe makumi maviri nezvina zvakange zvakakomberedza chigaro cheushe; nepazvigaro zveushe ndakaona vakuru makumi maviri nevana vagere, vakapfeka nguvo chena, uye vakange vane korona dzegoridhe pamisoro yavo.
In okrog prestola prestolov dvajset in štirje; in na prestolih sem videl štiri in dvajsetero starejšin sedečih, oblečenih z belimi oblačili, in imeli so na svojih glavah vence zlate.
5 Nepachigaro cheushe pakabuda mheni nekutinhira nemanzwi; nemwenje minomwe yemoto ichipfuta pamberi pechigaro cheushe, iri Mweya minomwe yaMwari.
In iz prestola izhajajo bliski in gromi in glasovi; in sedem bakelj ognjenih gorečih pred prestolom, katere so sedmeri duhovi Božji;
6 Zvino pamberi pechigaro cheushe pakange pane gungwa regirazi, rakafanana nekrisitaro. Nepakati pechigaro cheushe nepakapoteredza chigaro cheushe pane zvisikwa zvina zvipenyu zvizere nemeso mberi neshure.
In pred prestolom morje stekleno, enako kristalu. In na sredi prestola in okrog prestola štiri živali, polne očes spredaj in zadaj.
7 Zvino chisikwa chipenyu chekutanga chakange chakafanana neshumba, uye chisikwa chipenyu chechipiri chakafanana nemhuru, nechisikwa chipenyu chechitatu chakange chine chiso semunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakange chakafanana negondo rinobhururuka.
In prva žival enaka levu, in druga žival enaka teletu, in tretja žival imajoča obličje kakor človek; in četrta žival enaka orlu letečemu.
8 Nezvisikwa zvipenyu izvi chimwe nechimwe chakange chine mapapiro matanhatu mativi ese, nemukati zvakange zvizere nemeso; uye hazvizorori masikati neusiku, zvichiti: Mutsvene, mutsvene, mutsvene, Ishe Mwari, Wemasimbaose, wakange aripo, uye aripo, neachazouya.
In četvere živali, vsaka zase, imele so po šest peroti na okolo, in znotraj polne očés; in pokoja nimajo noč in dan govoreč: Svet, svet, svet, Gospod Bog vsemogočni, kateri je bil in je in bode.
9 Zvino apo zvisikwa zvipenyu izvi pazvaimupa kubwinya nerukudzo nekuvongwa iye anogara pachigaro cheushe, iye anorarama kusvikira rinhi narinhi, (aiōn g165)
In kader bodejo dale živali slavo in čast in hvalo sedečemu na prestolu, živečemu na vekov veke, (aiōn g165)
10 vakuru makumi maviri nevana vakazviwisira pasi pamberi peagere pachigaro cheushe ndokumunamata iye anorarama kusvikira rinhi narinhi, uye vachikandira korona dzavo pamberi pechigaro cheushe, vachiti: (aiōn g165)
Padli bodo štiri in dvajseteri starejšine pred sedečega na prestolu in molili živečega na vekov veke in vrgli vence svoje pred prestol, govoreč: (aiōn g165)
11 Makafanira, Ishe, kugamuchira kubwinya, nerukudzo, nesimba; nokuti ndimwi makasika zvinhu zvese, uye nekuda kwechido chenyu zviripo uye zvakasikwa.
Vreden si, Gospod, prejemati slavo in čast in moč; ker ti si vstvaril vse stvari, in po volji tvoji so in so bile vstvarjene.

< Zvakazarurwa 4 >