< Zvakazarurwa 22 +

1 Zvino wakandiratidza rwizi rwemvura yeupenyu rwakachena, yakapenya sekrisitaro, ichibuda pachigaro cheushe chaMwari, necheGwayana.
In pokazal mi je čisto reko vode življenja, svetlo kakor kristal, izhajajočo iz prestola Božjega in jagnjetovega.
2 Pakati penzira yaro uye kurutivi urwu neurwu rwerwizi kune muti weupenyu unoita zvibereko gumi nezviviri, uchibereka zvibereko zvawo mwedzi umwe neumwe; nemashizha emuti aiva ekuporesa ndudzi.
Sredi ulic njegovih in reke tam pa tam drevo življenja, ki dela sadov dvanajst, vsak mesec dajoč sad svoj; in listje drevesovo je v ozdravljenje narodov.
3 Zvino hakuchavizve nekutuka kwese; asi chigaro cheushe chaMwari necheGwayana zvichava mariri; uye varanda vake vachamushumira,
In nobenega prokletstva ne bode več; in prestol Božji in jagnjetov bode v njem; in hlapci njegovi bodo mu služili;
4 zvino vachaona chiso chake; nezita rake richava pahuma dzavo.
In gledali bodo obličje njegovo, in ime njegovo na njih čelih.
5 Zvino usiku hahuchazovipo ipapo, uye havatsvaki mwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari anovapa chiedza; uye vachatonga kusvikira rinhi narinhi. (aiōn g165)
In noči ne bode tam; in potreba jim ni svetilnice in uči solnčne, ker Gospod Bog jih razsvetljuje; in kraljevali bodo na vekov veke. (aiōn g165)
6 Zvino akati kwandiri: Mashoko awa akatendeka uye ndeechokwadi; uye Ishe, Mwari wevaporofita vatsvene, wakatuma mutumwa wake kuti aratidze kuvaranda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.
In reče mi: Té besede so gotove in resnične; in Gospod, svetih prerokov Bog, poslal je angela svojega, kazat hlapcem svojim, kaj se ima zgoditi hitro.
7 Tarira, ndinokurumidza kuuya. Wakaropafadzwa anochengeta mashoko echiporofita chebhuku iri.
Glej, hitro pridem. Blagor mu, kdor hrani besede prerokovanja té knjige!
8 Zvino ini Johwani, ndini ndakaona zvinhu izvi uye ndakanzwa. Zvino ndakati ndanzwa nekuona, ndakawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzemutumwa wakandiratidza zvinhu izvi.
In jaz Janez sem, ki sem videl to in slišal; in ko sem slišal in videl, padel sem molit pred noge angelove, kateri mi je to kazal.
9 Zvino akati kwandiri: Rega kudaro; nokuti ndiri muranda pamwe newe, newehama dzako vaporofita, newevanochengeta mashoko ebhuku iri; namata Mwari.
In reče mi: Nikar! kajti sohlapec sem tvoj in izmed bratov tvojih, prerokov, in njih, ki hranijo besede te knjige; Boga môli.
10 Zvino akati kwandiri: Usavharira nemucherechedzo mashoko echiporofita chebhuku iri, nokuti nguva yava pedo.
In reče mi: Ne zapečati besed prerokovanja te knjige; ker čas je blizu.
11 Anoita zvisakarurama ngaagare achiita zvisakarurama; neane tsvina ngaagare ane tsvina; newakarurama ngaagare achiruramiswa; mutsvenewo ngaagare achiitwa mutsvene.
Kdor dela krivico, naj jo dela še, in kdor je nesnažen bodi še nesnažen; in pravični opravičuj se še, in sveti naj se še posvečuje.
12 Zvino tarira, ndinouya nekukurumidza; uye mubairo wangu uneni, kuti ndiripire umwe neumwe sezvichava mabasa ake.
In glej, hitro pridem, in plačilo moje z menoj povrnit vsakemu, kakor bode delo njegovo.
13 Ini ndiri Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira, Wekutanga neWekupedzisira.
Jaz sem A in O, začetek in konec, prvi in zadnji.
14 Vakaropafadzwa vanoita mirairo yake, kuti vave nekodzero yemuti weupenyu, vagopinda nepamasuwo muguta.
Blagor jim, kateri delajo zapovedi njegove, da bode njih oblast do drevesa življenja, in skozi vrata vnidejo v mesto.
15 Asi kunze kune imbwa, nevaroyi, nemhombwe, nemhondi, nevanamati vezvifananidzo, nevese vanoda nhema vachidziita.
Zunaj pa psi in čarovniki in kurbirji in morilci in malikovalci, in vsak, kdor ljubi in dela laž.
16 Ini Jesu ndakatuma mutumwa wangu kukupupurirai zvinhu izvozvi pamakereke. Ini ndiri mudzi nechizvarwa chaDhavhidhi, nyeredzi inopenya uye yemangwanani.
Jaz Jezus poslal sem angela svojega, pričat vam to po občinah. Jaz sem korenina in rod Davidov, zvezda svetla in jutranja.
17 Zvino Mweya nemwenga vanoti: Uya! Naiye anonzwa ngaati: Uya! Uye ane nyota ngaauye; neanoda ngaatore mvura yeupenyu pachena.
In Duh in nevesta govorita: Pridi! in kdor sliši, naj reče: Pridi! in kdor je žejen, pridi, in kdor hoče, vzemi vodo življenja zastonj!
18 Nokuti ndinopupura kune wese anonzwa mashoko echiporofita chebhuku iri, ndichiti: Kana munhu akawedzera pazvinhu izvi, Mwari achawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri;
Pričam namreč vsakemu, kdor sliši besede prerokovanja té knjige: Če temu kdo pridene, njega zadene Bog sè šibami, zapisanimi v tej knjigi.
19 uye kana munhu akabvisa pamashoko ebhuku rechiporofita ichi, Mwari achabvisa mugove wake pabhuku reupenyu, nepaguta dzvene, nezvinhu zvakanyorwa mubhuku iri.
In če kdo odvzame od besed knjige tega prerokovanja, odvzame mu Bog dél njegov od knjige življenja, in iz mesta svetega in kar je pisano v tej knjigi.
20 Anopupura zvinhu izvi anoti: Hongu, ndinouya nekukurumidza. Ameni. Hongu uyai, Ishe Jesu.
On, ki to priča, govori: Dà, hitro pridem. Amen, dà, pridi, Gospod Jezus!
21 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Ameni.
Milost Gospoda našega Jezusa Kristusa z vami vsemi! Amen.

< Zvakazarurwa 22 +