< Zvakazarurwa 21 >

1 Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rekutanga nenyika yekutanga zvakange zvapfuura, uye gungwa rakange risisipo.
Og jeg saa en ny Himmel og en ny Jord; thi den forrige Himmel og den forrige Jord var veget bort, og Havet var ikke mere.
2 Zvino ini Johwani ndakaona guta dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kuna Mwari kubva kudenga, rakagadzirirwa semwenga wakashongedzerwa murume wake.
Og jeg saa den hellige Stad, det nye Jerusalem, stige ned fra Himmelen fra Gud, beredet som en Brud, der er smykket for sin Brudgom.
3 Zvino ndakanzwa inzwi guru kubva kudenga, richiti: Tarira, tabhenakeri yaMwari iri pavanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake; naMwari amene achava navo, ari Mwari wavo.
Og jeg hørte en høj Røst fra Himmelen, som sagde: Se, Guds Telt er hos Menneskene, og han skal bo hos dem, og de skulle være hans Folk, og Gud selv skal være hos dem og være deres Gud.
4 Zvino Mwari achapusika misodzi yese kubva pameso avo, nerufu haruchazovipo, kana kushungurudzika, kana kurira, kana kurwadziwa hakungachavipo; nokuti zvinhu zvekutanga zvapfuura.
Og han skal aftørre hver Taare af deres Øjne, og Døden skal ikke være mere, ej heller Sorg, ej heller Skrig, ej heller Pine skal være mere; thi det forrige er veget bort.
5 Zvino agere pachigaro cheushe wakati: Tarira, ndinoita zvinhu zvese zvive zvitsva. Ndokuti kwandiri: Nyora; nokuti mashoko awa ndeechokwadi uye akatendeka.
Og han, som sad paa Tronen, sagde: Se, jeg gør alle Ting nye. Og han siger til mig: Skriv; thi disse Ord ere troværdige og sande.
6 Zvino akati kwandiri: Zvaitika. Ndini Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira. Ini ndichapa kuna iye ane nyota zvinobva pachitubu chemvura yeupenyu pachena.
Og han sagde til mig: De ere skete. Jeg er Alfa og Omega, Begyndelsen og Enden. Jeg vil give den tørstige af Livets Vands Kilde uforskyldt.
7 Anokunda achagara nhaka yezvinhu zvese; uye ndichava Mwari wake, naiye achava mwanakomana wangu.
Den, som sejrer, skal arve dette, og jeg vil være hans Gud, og han skal være min Søn.
8 Asi vanotya, nevasingatendi, nevanyangadzi, nemhondi, nemhombwe, nevaroyi, nevanonamata zvifananidzo, nevese varevi venhema, vachava nemugove wavo mudziva rinopfuta nemoto nesarufa; rwunova rufu rwechipiri. (Limnē Pyr g3041 g4442)
Men de fejge og utro og vederstyggelige og Morderne og de utugtige og Troldkarlene og Afgudsdyrkerne og alle Løgnerne, deres Lod skal være i Søen, som brænder med Ild og Svovl; dette er den anden Død. (Limnē Pyr g3041 g4442)
9 Zvino kwakauya kwandiri umwe wevatumwa vanomwe vakange vane ndiro nomwe dzizere nematambudziko manomwe ekupedzisira, akataura neni, achiti: Uya pano ndigokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.
Og en af de syv Engle, som havde de syv Skaaler, der vare fulde af de syv sidste Plager, kom og talte med mig og sagde: Kom, jeg vil vise dig Bruden, Lammets Hustru.
10 Zvino wakanditakurira muMweya kugomo guru uye refu, akandiratidza guta guru, Jerusarema dzvene, richiburuka kubva kudenga kubva kuna Mwari,
Og han førte mig i Aanden hen paa et stort og højt Bjerg og viste mig den hellige Stad, Jerusalem, stigende ned fra Himmelen fra Gud
11 rine kubwinya kwaMwari; uye chiedza charo chakaita sebwe rinokoshesesa, sebwe rejasipisi, rinonjenjemera sekrisitaro;
med Guds Herlighed. Dens Glans var som den kostbareste Sten, som krystalklar Jaspissten.
12 uye rakange rine rusvingo rukuru uye rurefu, rine masuwo gumi nemaviri, nevatumwa gumi nevaviri pamusuwo, nemazita akanyorwa pamusoro, ari emarudzi gumi nemaviri evana vaIsraeri.
Den havde en stor og høj Mur; den havde tolv Porte og over Portene tolv Engle og paaskrevne Navne, hvilke ere Israels Børns tolv Stammers;
13 Kumabvazuva masuwo matatu; kumaodzanyemba masuwo matatu; kuchamhembe masuwo matatu; nekumavirira masuwo matatu;
mod Øst tre Porte og mod Nord tre Porte og mod Syd tre Porte og mod Vest tre Porte.
14 zvino rusvingo rweguta rwakange rwune nheyo gumi nembiri, nepadziri mazita evaapositori gumi nevaviri veGwayana.
Og Stadens Mur havde tolv Grundstene, og paa dem Lammets tolv Apostles tolv Navne.
15 Zvino wakataura neni wakange ane rutsanga rwegoridhe, kuti ayere guta, namasuwo aro, nerusingo rwaro.
Og han, som talte med mig, havde en Maalestok, et Guldrør, for at han skulde maale Staden og dens Porte og dens Mur.
16 Zvino guta rakange rakamiswa rakaenzana mativi mana, nekureba kwaro kwakakura kudai sekufara; ndokuyera guta nerutsanga, rikasvika pamastadhia zvuru gumi nezviviri; kureba nekufara nekukwirira kwaro zvakaenzana.
Og Staden ligger i Firkant, og dens Længde er lige saa stor som Bredden. Og han maalte Staden med Røret: Tolv Tusinde Stadier; dens Længde, Bredde og Højde ere lige.
17 Zvino wakayera rusvingo rwaro, mbimbi zana nemakumi mana nemana, chiyero chemunhu, chinova chemutumwa.
Og han maalte dens Mur, hundrede og fire og fyrretyve Alen, efter Menneskemaal, hvilket er Englemaal.
18 Uye maiva nechivakwa cherusvingo rwaro, jasipisi, uye guta riri goridhe rakakwana, rakafanana negirazi rakachenesesa.
Og dens Murværk var Jaspis, og Staden var rent Guld, lig det rene Glar.
19 Nenheyo dzerusvingo rweguta dzakashongedzwa nebwe rimwe nerimwe rinokosha. Nheyo yekutanga ijasipisi, yepiri isafiri, yetatu ikarikidhoni, yechina iemaradhi,
Stadmurens Grundstene vare prydede med alle Haande Ædelstene: Den første Grundsten var Jaspis, den anden Safir, den tredje Kalkedon, den fjerde Smaragd,
20 yeshanu isaridhonikisi, yetanhatu isaridhio, yechinomwe ikrisoriti, yerusere bheriri, yepfumbamwe topasi, yegumi kirisopirasi, yegumi neimwe hiasindi, yegumi nembiri ametesiti.
den femte Sardonyks, den sjette Sarder, den syvende Krysolit, den ottende Beryl, den niende Topas, den tiende Krysopras, den ellevte Hyacint, den tolvte Ametyst.
21 Zvino masuwo gumi nemaviri maparera gumi nemaviri; rimwe nerimwe remasuwo rakange riri reparera rimwe; uye nzira yemuguta igoridhe rakakwana segirazi rinonjenjemera.
Og de tolv Porte vare tolv Perler, hver af Portene var af een Perle, og Stadens Gade var rent Guld som gennemsigtigt Glar.
22 Zvino handina kuona tembere mukati marwo, nokuti Ishe Mwari Wemasimbaose itembere yarwo, neGwayana.
Og jeg saa intet Tempel i den; thi dens Tempel er Herren, Gud, den almægtige, og Lammet.
23 Zvino guta harishaiwi zuva kana mwedzi kuvhenekera mariri; nokuti kubwinya kwaMwari kunorivhenekera, nemwenje waro iGwayana;
Og Staden trænger ikke til Sol eller Maane til at skinne for den; thi Guds Herlighed oplyste den, og Lammet var dens Lys.
24 zvino marudzi evanoponeswa achafamba muchiedza charo, nemadzimambo enyika achauisa kubwinya nerukudzo rwawo mariri.
Og Folkeslagene skulle vandre i dens Lys, og Jordens Konger bringe deres Herlighed til den,
25 Zvino masuwo aro haangatongopfigwi masikati, nokuti usiku hahuchazovipo.
og dens Porte skulle ikke lukkes om Dagen; thi Nat skal ikke være der,
26 Uye vachauisa kubwinya nerukudzo rwendudzi mariri.
og de skulle bringe Folkeslagenes Herlighed og Ære til den.
27 Uye hamungatongopindi chero chinhu chinosvibisa mariri, uye chinosemesa, uye nhema; asi vakanyorwa mubhuku reupenyu reGwayana.
Og intet urent skal komme ind i den, ej heller nogen, som øver Vederstyggelighed og Løgn; kun de, som ere skrevne i Lammets Livets Bog.

< Zvakazarurwa 21 >