< Zvakazarurwa 20 >
1 Zvino ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane kiyi yegomba risina chigadziko, neketani huru muruoko rwake. (Abyssos )
And I saw an angel descending out of heaven holding the key of the Abyss and a chain great in the hand of him. (Abyssos )
2 Zvino akabata zibukanana, nyoka yakare, ndiye Dhiabhorosi naSatani, akamusunga makore churu,
And he seized the dragon, (the serpent ancient, *N(k)O*) who is [the] devil and (*no*) Satan; (who is deceiving the world all *O*) and bound him for a thousand years
3 ndokumukandira mugomba risina chigadziko, ndokumupfigira, ndokuisa mucherechedzo pamusoro pake kuti arege kuzonyengerazve marudzi, kusvikira makore churu apera; zvino shure kweizvozvo anofanira kusunungurwa chinguva chidiki. (Abyssos )
And he cast him into the Abyss and shut (him *k*) and sealed [it] over him, so that not (he may deceive *NK(o)*) any longer the nations until may be completed the thousand years. (and *k*) After these things it is necessary for to be released him for a little time. (Abyssos )
4 Zvino ndakaona zvigaro zveushe, uye vakagara pamusoro pazvo, kutonga ndokupiwa kwavari; ndikaona nemweya yevakange vagurwa misoro nekuda kweuchapupu hwaJesu, uye nekuda kweshoko raMwari, nevasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho, kana kugamuchira mucherechedzo pahuma yavo, neparuoko rwavo; zvino vakararama vakabata ushe pamwe naKristu makore churu.
And I saw thrones, and they sat upon them and judgment was given to them, and the souls of those beheaded because of the testimony of Jesus and because of the word of God, and those who not did worship (the beast nor *N(k)O*) the image of him and not did take the mark upon the forehead (of them *k*) and upon the hand of them, And they lived and they reigned with Christ (the *k*) thousand years.
5 Asi vakasara vevakafa havana kuraramazve kusvikira makore churu apera. Uku kumuka kwekutanga.
(now *k(o)*) The rest of the dead not (lived *N(K)O*) (until *N(k)O*) may have been completed the thousand years. This [is] the resurrection first.
6 Wakaropafadzwa uye mutsvene ane mugove pakumuka kwekutanga; pane ava rufu rwechipiri harwuna simba; asi vachava vapristi vaMwari nevaKristu, uye vachabata ushe pamwe naye makore churu.
Blessed and holy [is] the [one] having a part in the resurrection first! Over these the second death not has power, but they will be priests of God and of Christ and will reign with Him (*no*) a thousand years.
7 Zvino panopera makore churu, Satani achasunungurwa kubva mutirongo rake,
And when may have been completed the thousand years, will be released Satan out of the prison of him
8 zvino uchabuda kutsausa marudzi ari kumativi mana enyika, ivo Gogi naMagogi, avaunganidzire hondo; uwandu hwavo hwakaita sejecha regungwa.
and will go out to deceive the nations in the four corners of the earth, Gog and (*ko*) Magog, to gather together them unto the war, of whom the number [is] (of them *no*) like the sand of the sea.
9 Vakakwira pakufara kwenyika, vakakomba musasa wevatsvene neguta rinodikanwa; moto ndokuburuka kubva kuna Mwari uchibva kudenga ndokuvamedza.
And they marched up over the breadth of the earth and (encircled *N(k)O*) the camp of the saints and the city which beloved. But came down fire (from God *KO*) out of heaven and devoured them.
10 Zvino dhiabhorosi wakavatsausa akakandwa mudziva remoto nesarufa, pane chikara nemuporofita wenhema, uye vacharwadziwa masikati neusiku kusvikira rinhi narinhi. (aiōn , Limnē Pyr )
And the devil who is deceiving them he was cast into the lake of fire and of sulfur where [are] (also *no*) the beast and the false prophet, and they will be tormented day and night to the ages of the ages. (aiōn , Limnē Pyr )
11 Zvino ndakaona chigaro cheushe chikuru chichena, newakange agere pamusoro pacho, iye nyika nedenga zvakatiza pachiso chake, zvikasawanirwa nzvimbo.
And I saw a throne great white and the [One] sitting (on *NK(o)*) (it, *N(k)O*) whose from (*no*) face fled the earth and heaven and place not was found for them.
12 Uye ndakaona vakafa, vadiki nevakuru, vamire pamberi paMwari, mabhuku ndokuzarurwa, nerimwe bhuku rikazarurwa, rinova reupenyu; vakafa vakatongwa kubva pane zvakange zvakanyorwa mumabhuku, zvichienderana nemabasa avo.
And I saw the dead, great and small, standing before the (throne, *N(K)O*) and books (were opened. *N(k)O*) And another book (was opened *N(k)O*) which is the [one] of life. And were judged the dead out of the [things] written in the books according to the deeds of them.
13 Zvino gungwa rakapa vakafa vakange vari mariri; nerufu negehena zvikapa vakafa vakange vari mazviri; umwe neumwe akatongwa zvichienderana nemabasa avo. (Hadēs )
And gave up the sea the dead who were in her, and Death and Hades gave up the dead who were in them, and they were judged each [of them] according to the works of them. (Hadēs )
14 Zvino rufu negehena zvakakandirwa mudziva remoto; urwu rufu rwechipiri. (Hadēs , Limnē Pyr )
And Death and Hades were cast into the lake of fire; This the death second is (the lake of fire. *NO*) (Hadēs , Limnē Pyr )
15 Zvino kana aripo asina kuwanikwa akanyorwa mubhuku reupenyu, wakakandirwa mudziva remoto. (Limnē Pyr )
And if anyone not was found in (the book *NK(o)*) of life written, he was cast into the lake of fire. (Limnē Pyr )