< Zvakazarurwa 16 >

1 Zvino ndakanzwa inzwi guru kubva mutembere richiti kuvatumwa vanomwe: Endai, munodurura ndiro dzehasha dzaMwari panyika.
ตต: ปรํ มนฺทิราตฺ ตานฺ สปฺตทูตานฺ สมฺภาษมาณ เอษ มหารโว มยาศฺราวิ, ยูยํ คตฺวา เตภฺย: สปฺตกํเสภฺย อีศฺวรสฺย โกฺรธํ ปฺฤถิวฺยำ สฺราวยตฯ
2 Zvino wekutanga wakaenda, akadurura ndiro yake panyika; ndokuuya ronda rakaipa rinorwadza pavanhu vakange vane mucherechedzo wechikara, nevakanamata mufananidzo wacho.
ตต: ปฺรถโม ทูโต คตฺวา สฺวกํเส ยทฺยทฺ อวิทฺยต ตตฺ ปฺฤถิวฺยามฺ อสฺราวยตฺ ตสฺมาตฺ ปโศ: กลงฺกธาริณำ ตตฺปฺรติมาปูชกานำ มานวานำ ศรีเรษุ วฺยถาชนกา ทุษฺฏวฺรณา อภวนฺฯ
3 Zvino mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake mugungwa; ndokuva ropa serewakafa; uye mweya mupenyu wega-wega ukafa mugungwa.
ตต: ปรํ ทฺวิตีโย ทูต: สฺวกํเส ยทฺยทฺ อวิทฺยต ตตฺ สมุเทฺร 'สฺราวยตฺ เตน ส กุณปสฺถโศณิตรูปฺยภวตฺ สมุเทฺร สฺถิตาศฺจ สรฺเวฺว ปฺราณิโน มฺฤตฺยุํ คตา: ฯ
4 Zvino mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake munzizi nemuzvitubu zvemvura; ndokuva ropa.
อปรํ ตฺฤตีโย ทูต: สฺวกํเส ยทฺยทฺ อวิทฺยต ตตฺ สรฺวฺวํ นทีษุ ชลปฺรสฺรวเณษุ จาสฺราวยตฺ ตตสฺตานิ รกฺตมยานฺยภวนฺฯ อปรํ โตยานามฺ อธิปสฺย ทูตสฺย วาคิยํ มยา ศฺรุตาฯ
5 Zvino ndakanzwa mutumwa wemvura achiti: Makarurama, Ishe, aripo, newakange aripo, neachazovapo, nokuti makatonga izvi.
วรฺตฺตมานศฺจ ภูตศฺจ ภวิษฺยํศฺจ ปรเมศฺวร: ฯ ตฺวเมว นฺยายฺยการี ยทฺ เอตาทฺฤกฺ ตฺวํ วฺยจารย: ฯ
6 Nokuti vakadurura ropa revatsvene nevaporofita, uye ropa makavapa kuti vanwe; nokuti vakafanira.
ภวิษฺยทฺวาทิสาธูนำ รกฺตํ ไตเรว ปาติตํฯ โศณิตํ ตฺวนฺตุ เตโภฺย 'ทาสฺตตฺปานํ เตษุ ยุชฺยเต๚
7 Zvino ndakanzwa umwe kubva muaritari achiti: Hongu, Ishe Mwari Wemasimbaose, kutonga kwenyu ndekwechokwadi uye kwakarurama.
อนนฺตรํ เวทีโต ภาษมาณสฺย กสฺยจิทฺ อยํ รโว มยา ศฺรุต: , เห ปรศฺวร สตฺยํ ตตฺ เห สรฺวฺวศกฺติมนฺ ปฺรโภฯ สตฺยา นฺยายฺยาศฺจ สรฺวฺวา หิ วิจาราชฺญาสฺตฺวทียกา: ๚
8 Zvino mutumwa wechina akadurura ndiro yake pamusoro pezuva; kukapiwa kwariri kupisa vanhu nemoto.
อนนฺตรํ จตุรฺโถ ทูต: สฺวกํเส ยทฺยทฺ อวิทฺยต ตตฺ สรฺวฺวํ สูรฺเยฺย 'สฺราวยตฺ ตไสฺม จ วหฺนินา มานวานฺ ทคฺธุํ สามรฺถฺยมฺ อทายิฯ
9 Vanhu ndokupiswa nekupisa kukuru, ndokunyomba zita raMwari ane simba pamusoro pematambudziko awa, vakasatendeukawo kuti vamupe rukudzo.
เตน มนุษฺยา มหาตาเปน ตาปิตาเสฺตษำ ทณฺฑานามฺ อาธิปตฺยวิศิษฺฏเสฺยศฺวรสฺย นามานินฺทนฺ ตตฺปฺรศํสารฺถญฺจ มน: ปริวรฺตฺตนํ นากุรฺวฺวนฺฯ
10 Zvino mutumwa wechishanu wakadurura ndiro yake pamusoro pechigaro cheushe chechikara; ushe hwacho ndokuva rima, ndokutsenga marimi avo nekurwadzwa.
ตต: ปรํ ปญฺจโม ทูต: สฺวกํเส ยทฺยทฺ อวิทฺยต ตตฺ สรฺวฺวํ ปโศ: สึหาสเน 'สฺราวยตฺ เตน ตสฺย ราษฺฏฺรํ ติมิราจฺฉนฺนมฺ อภวตฺ โลกาศฺจ เวทนาการณาตฺ สฺวรสนา อทํทศฺยตฯ
11 Zvino vakanyomba Mwari wekudenga nekuda kwemarwadzo avo uye nekuda kwemaronda avo; asi havana kutendeuka pamabasa avo.
สฺวกียวฺยถาวฺรณการณาจฺจ สฺวรฺคสฺถมฺ อนินฺทนฺ สฺวกฺริยาภฺยศฺจ มนำสิ น ปราวรฺตฺตยนฺฯ
12 Zvino mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake pamusoro perwizi rukuru Yufuratesi; mvura yarwo ndokupwa, kuti nzira yemadzimambo anobva kumabvazuva igadzirwe.
ตต: ปรํ ษษฺโฐ ทูต: สฺวกํเส ยทฺยทฺ อวิทฺยต ตตฺ สรฺวฺวํ ผราตาโขฺย มหานเท 'สฺราวยตฺ เตน สูรฺโยฺยทยทิศ อาคมิษฺยตำ ราชฺญำ มารฺคสุคมารฺถํ ตสฺย โตยานิ ปรฺยฺยศุษฺยนฺฯ
13 Zvino ndakaona kubva mumuromo wezibukanana, nekubva mumuromo wechikara, nekubva mumuromo wemuporofita wenhema, mweya yetsvina mitatu sematafi;
อนนฺตรํ นาคสฺย วทนาตฺ ปโศ รฺวทนาตฺ มิถฺยาภวิษฺยทฺวาทินศฺจ วทนาตฺ นิรฺคจฺฉนฺตสฺตฺรโย 'ศุจย อาตฺมาโน มยา ทฺฤษฺฏาเสฺต มณฺฑูกาการา: ฯ
14 nokuti ndiyo mweya yemadhimoni inoita zviratidzo, inobudira pamadzimambo epasi neenyika yese, kuvaunganidzira kuhondo yezuva iro guru raMwari Wemasimbaose.
ต อาศฺจรฺยฺยกรฺมฺมการิโณ ภูตานามฺ อาตฺมาน: สนฺติ สรฺวฺวศกฺติมต อีศฺวรสฺย มหาทิเน เยน ยุทฺเธน ภวิตวฺยํ ตตฺกฺฤเต กฺฤตฺสฺรชคโต ราชฺญา: สํคฺรหีตุํ เตษำ สนฺนิธึ นิรฺคจฺฉนฺติฯ
15 Tarira, ndinouya sembavha. Wakaropafadzwa anorinda, nekuchengeta nguvo dzake, kuti arege kufamba akashama, vaone nyadzi dzake.
อปรมฺ อิพฺริภาษยา หรฺมฺมคิทฺโทนามกสฺถเน เต สงฺคฺฤหีตา: ฯ
16 Zvino wakavaunganidzira kunzvimbo inonzi nechiHebheru Arimagedhoni.
ปศฺยาหํ ไจรวทฺ อาคจฺฉามิ โย ชน: ปฺรพุทฺธสฺติษฺฐติ ยถา จ นคฺน: สนฺ น ปรฺยฺยฏติ ตสฺย ลชฺชา จ ยถา ทฺฤศฺยา น ภวติ ตถา สฺววาสำสิ รกฺษติ ส ธนฺย: ฯ
17 Zvino mutumwa wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga; kukabuda inzwi guru kubva mutembere yekudenga, kubva pachigaro cheushe, richiti: Zvaitika!
ตต: ปรํ สปฺตโม ทูต: สฺวกํเส ยทฺยทฺ อวิทฺยต ตตฺ สรฺวฺวมฺ อากาเศ 'สฺราวยตฺ เตน สฺวรฺคียมนฺทิรมธฺยสฺถสึหาสนาตฺ มหารโว 'ยํ นิรฺคต: สมาปฺติรภวทิติฯ
18 Zvino kwakava nemanzwi nemitinhiro nemheni, ndokuva nekudengenyeka kwenyika kukuru, kwakadaro kusina kumbovapo kubva pakuvapo kwevanhu panyika, kudengenyeka kwenyika kune simba rakadai, kwakakura zvakadai.
ตทนนฺตรํ ตฑิโต รวา: สฺตนิตานิ จาภวนฺ, ยสฺมินฺ กาเล จ ปฺฤถิวฺยำ มนุษฺยา: สฺฤษฺฏาสฺตมฺ อารภฺย ยาทฺฤงฺมหาภูมิกมฺป: กทาปิ นาภวตฺ ตาทฺฤคฺ ภูกมฺโป 'ภวตฺฯ
19 Zvino guta guru rakava zvikamu zvitatu, maguta emarudzi ndokuwa; Bhabhironi guru ndokurangarirwa pamberi paMwari, kuti aripe mukombe wewaini yekutsamwa kwehasha dzake.
ตทานีํ มหานครี ตฺริขณฺฑา ชาตา ภินฺนชาตียานำ นคราณิ จ นฺยปตนฺ มหาพาพิลฺ เจศฺวเรณ สฺวกียปฺรจณฺฑโกปมทิราปาตฺรทานารฺถํ สํสฺมฺฤตาฯ
20 Zvino chiwi chega-chega chikatiza, nemakomo akasawanikwa.
ทฺวีปาศฺจ ปลายิตา คิรยศฺจานฺตหิตา: ฯ
21 Zvino chimvuramabwe chikuru chinorema setarenda chikawira pamusoro pevanhu kubva kudenga; vanhu vakanyomba Mwari nekuda kwedambudziko rechimvuramambwe, nokuti dambudziko racho raiva guru kwazvo.
คคนมณฺฑลาจฺจ มนุษฺยาณามฺ อุปรฺเยฺยไกกโทฺรณปริมิตศิลานำ มหาวฺฤษฺฏิรภวตฺ ตจฺฉิลาวฺฤษฺเฏ: เกฺลศาตฺ มนุษฺยา อีศฺวรมฺ อนินฺทมฺ ยตสฺตชฺชาต: เกฺลโศ 'ตีว มหานฺฯ

< Zvakazarurwa 16 >