< Zvakazarurwa 14 >
1 Zvino ndakaona, uye tarira, Gwayana ramira pagomo Ziyoni, uye rine zvuru zana nemakumi mana nevana, vane zita raBaba varo rakanyorwa pahuma dzavo.
Then, in my vision, I saw the Lamb standing on Mount Zion. With him were a hundred and forty-four thousand, with his name and the name of his Father written on their foreheads.
2 Zvino ndakanzwa inzwi richibva kudenga, senzwi remvura zhinji, uye senzwi remutinhiro mukuru; ndikanzwawo inzwi revaridzi veudimbwa vachiridza udimbwa hwavo.
And I heard a sound from heaven, like the sound of many waters, and like the sound of a loud peal of thunder; the sound that I heard was like the music of harpers playing on their harps.
3 Zvino vakaimba serwiyo rutsva pamberi pechigaro cheushe, nepamberi pezvisikwa zvipenyu zvina, nevakuru; uye hakuna wakagona kudzidza rwiyo, kunze kwezvuru zana nemakumi mana nevana, vakatengwa munyika.
They are singing what seems to be a new song, before the throne, and before the four creatures and the elders; and no one was able to learn that song except the hundred and forty-four thousand who had been redeemed from earth.
4 Ava ndivo vasina kusvibiswa nevakadzi; nokuti imhandara. Ava ndivo vanotevera Gwayana kupi zvako kwarinoenda. Ava vakatengwa kubva pavanhu, zvibereko zvekutanga kuna Mwari nekuGwayana.
These are the men who never defiled themselves in their intercourse with women; they are as pure as virgins. These are the men who follow the Lamb wherever he goes. They were redeemed as the first-fruits of mankind for God and for the Lamb.
5 Uye mumuromo wavo hamuna kuwanikwa kunyengera, nokuti havana chavanopomerwa pamberi pechigaro cheushe chaMwari.
No lie was ever heard on their lips. They are beyond reach of blame.
6 Zvino ndakaona umwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, ane evhangeri yekusingaperi, kuparidzira vanogara panyika, nekurudzi rwese, nedzinza, nerurimi, nevanhu. (aiōnios )
Then I saw another angel, flying in mid-heaven. He had the good news, decreed from eternity, to announce to those who live on the earth – to men of every nation, and tribe, and language, and people; (aiōnios )
7 Achiti nenzwi guru: Ityai Mwari, uye mupe rumbidzo kwaari, nokuti nguva yemutongo wake yasvika; uye namatai iye wakaita denga nenyika negungwa nezvitubu zvemvura.
and he cried in a loud voice – ‘Reverence God, and give him praise (for the hour of his judgment has come) and worship him who made the heaven and the earth and the sea and all springs of water.’
8 Zvino umwe mutumwa wakatevera achiti: Rawa, rawa, Bhabhironi, guta guru, nokuti rakapa marudzi ese kunwa zvewaini yekutsamwa kweupombwe hwaro.
Then a second angel followed, crying – ‘She has fallen! She has fallen – Babylon the Great, who has made all the nations drink the maddening wine of her licentiousness!’
9 Zvino mutumwa wechitatu wakavatevera, achiti nenzwi guru: Kana pane umwe anonamata chikara nemufananidzo wacho, nekugamuchira mucherechedzo pahuma yake, kana paruoko rwake,
Then a third angel followed them, crying in a loud voice – ‘Whoever worships the Beast and its image, and receives its brand on his forehead or on his hand,
10 ndiyewo achanwa zvewaini yekutsamwa kwaMwari, yakadururwa mumukombe wekutsamwa kwake, isina kuvhenganiswa; uye acharwadziswa mumoto uye sarufa pamberi pevatumwa vatsvene, nepamberi peGwayana.
that person will drink the maddening wine of God that has been poured unmixed into the cup of his wrath, and they will be tortured with fire and sulfur before the eyes of the holy angels and before the eyes of the Lamb.
11 Zvino utsi hwekurwadziwa kwavo hunokwira kusvikira rinhi narinhi; uye havana zororo masikati neusiku ivo vanonamata chikara nemufananidzo wacho, uye kana pane anogamuchira mucherechedzo wezita racho. (aiōn )
The smoke from their torture rises for ever and ever, and they have no rest day nor night – those who worship the Beast and its image, and all who are branded with its name.’ (aiōn )
12 Hekuno kutsungirira kwevatsvene, hevano vanochengeta mirairo yaMwari nerutendo rwaJesu.
(Here there is need for endurance on the part of Christ’s people – those who lay to heart the commands of God and the faith of Jesus.)
13 Zvino ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti kwandiri: Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakafa vanofira muna Ishe kubva ikozvino. Hongu, anoreva Mweya, kuti vazorore pakushingaira kwavo; nemabasa avo anotevera pamwe navo.
Then I heard a voice from heaven saying ‘Write: “Blessed are the dead who from this hour die in union with the Lord.”’ “Yes,” answers the Spirit, “that they may rest from their toil. Their good deeds go with them.”
14 Zvino ndakaona, uye tarira, gore jena, nepamusoro pegore pakagara wakaita seMwanakomana wemunhu, ane korona yegoridhe pamusoro wake, neparuoko rwake jeko rinopinza.
Then, in my vision, I saw a white cloud, and on the cloud there was sitting one like a man. On his head he had a crown of gold, and in his hand a sharp sickle.
15 Zvino umwe mutumwa wakabuda mutembere, achidanidzira nenzwi guru kuna iye wakange agere pamusoro pegore, achiti: Pinza jeko rako ugokohwa; nokuti nguva yekukohwa yakusvikira, nokuti kukohwa kwenyika kwaibva.
Then another angel came out from the Temple, crying in a loud voice to him who was sitting on the cloud – ‘Take your sickle and reap, for the time to reap has come; the Harvest of Earth is ready.’
16 Zvino wakange agere pamusoro pegore akakandira jeko rake panyika, nyika ndokukohwewa.
He who was sitting on the cloud brought his sickle down on the earth, and the Harvest of Earth was reaped.
17 Zvino umwe mutumwa wakabuda mutembere iri kudenga, iyewo ane jeko rinopinza.
Then another angel came out of the Temple in heaven; he, also, had a sharp sickle.
18 Neumwe mutumwa akabuda muaritari, ane simba pamusoro pemoto, akadanidzira nekudana kukuru kuna iye wakange ane jeko rinopinza, achiti: Tuma jeko rako rinopinza, ugounganidza masumbu emuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa awo aibva.
Then another angel came out of the altar; he had power over fire, and he called in a loud voice to the angel that had the sharp sickle – ‘Take your sharp sickle, and gather the bunches from the vine of Earth, for its grapes are ripe.’
19 Zvino mutumwa wakakandira jeko rake panyika, ndokuunganidza mazambiringa enyika, akakandira muchisviniro chewaini chikuru chekutsamwa kwaMwari.
The angel brought his sickle down on the earth and gathered the fruit of the vine of Earth, and threw it into the great winepress of the wrath of God.
20 Uye chisviniro chewaini chakatsikwa-tsikwa kunze kweguta, ropa rikabuda muchisviniro chewaini kusvikira pamatomu amabhiza, kubva kumastadhia churu mazana matanhatu.
The grapes were trodden in the press outside the city; and blood came out of the press, rising as high as the bridles of the horses for a distance of two hundred miles.