< VaFiripi 1 >

1 Pauro naTimotio, varanda vaJesu Kristu, kuvatsvene vese muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe nevatungamiriri nevadhikoni:
Παῦλος καὶ Τιμόθεος δοῦλοι Χριστοῦ Ἰησοῦ πᾶσιν τοῖς ἁγίοις ἐν Χριστῷ Ἰησοῦ τοῖς οὖσιν ἐν Φιλίπποις σὺν ἐπισκόποις καὶ διακόνοις·
2 Nyasha kwamuri, nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu nekuna Ishe Jesu Kristu.
χάρις ὑμῖν καὶ εἰρήνη ἀπὸ Θεοῦ Πατρὸς ἡμῶν καὶ Κυρίου Ἰησοῦ Χριστοῦ.
3 Ndinovonga Mwari wangu pakukurangarirai nguva dzese,
Εὐχαριστῶ τῷ Θεῷ μου ἐπὶ πάσῃ τῇ μνείᾳ ὑμῶν,
4 nguva dzese pamunyengetero wangu wega-wega pamusoro penyu mese ndichiita munyengetero nemufaro,
πάντοτε ἐν πάσῃ δεήσει μου ὑπὲρ πάντων ὑμῶν μετὰ χαρᾶς τὴν δέησιν ποιούμενος,
5 nekuda kwekudyidzana kwenyu muevhangeri kubva zuva rekutanga kusvikira ikozvino;
ἐπὶ τῇ κοινωνίᾳ ὑμῶν εἰς τὸ εὐαγγέλιον ἀπὸ τῆς πρώτης ἡμέρας ἄχρι τοῦ νῦν,
6 ndichivimba chinhu ichi, kuti wakatanga basa rakanaka mamuri, acharipedzisa kusvikira zuva raJesu Kristu;
πεποιθὼς αὐτὸ τοῦτο, ὅτι ὁ ἐναρξάμενος ἐν ὑμῖν ἔργον ἀγαθὸν ἐπιτελέσει ἄχρι ἡμέρας Χριστοῦ Ἰησοῦ·
7 sezvazvakandinakira kufunga izvi pamusoro penyu mese, nokuti ndinemwi mumoyo zvekuti zvese muzvisungo zvangu nemukutavirira nekusimbisa kweevhangeri, imwi mese muri vagovani pamwe neni venyasha.
καθώς ἐστιν δίκαιον ἐμοὶ τοῦτο φρονεῖν ὑπὲρ πάντων ὑμῶν, διὰ τὸ ἔχειν με ἐν τῇ καρδίᾳ ὑμᾶς, ἔν τε τοῖς δεσμοῖς μου καὶ ἐν τῇ ἀπολογίᾳ καὶ βεβαιώσει τοῦ εὐαγγελίου συνκοινωνούς μου τῆς χάριτος πάντας ὑμᾶς ὄντας.
8 Nokuti Mwari ndiye chapupu changu, kuti ndinokushuvai mese zvikuru sei muura hwaJesu Kristu.
μάρτυς γάρ μου ὁ Θεός, ὡς ἐπιποθῶ πάντας ὑμᾶς ἐν σπλάγχνοις Χριστοῦ Ἰησοῦ.
9 Uye izvi ndinonyengetera, kuti rudo rwenyu rwurambe rwuchiwandisisa paruzivo nekunzwisisa kwese,
καὶ τοῦτο προσεύχομαι, ἵνα ἡ ἀγάπη ὑμῶν ἔτι μᾶλλον καὶ μᾶλλον περισσεύῃ ἐν ἐπιγνώσει καὶ πάσῃ αἰσθήσει,
10 kuti mutende zvinhu zvakanakisisa, kuti muve vakarurama nevasine mhosva, kusvikira zuva raKristu,
εἰς τὸ δοκιμάζειν ὑμᾶς τὰ διαφέροντα, ἵνα ἦτε εἰλικρινεῖς καὶ ἀπρόσκοποι εἰς ἡμέραν Χριστοῦ,
11 makazadzwa nezvibereko zvekururama zvinouya naJesu Kristu, pakubwinya nekurumbidzwa kwaMwari.
πεπληρωμένοι καρπὸν δικαιοσύνης τὸν διὰ Ἰησοῦ Χριστοῦ, εἰς δόξαν καὶ ἔπαινον Θεοῦ.
12 Zvino ndinoda kuti muzive, hama, kuti zvinhu zvakandiwira zvakaita zvikuru kufambira mberi kweevhangeri;
Γινώσκειν δὲ ὑμᾶς βούλομαι, ἀδελφοί, ὅτι τὰ κατ’ ἐμὲ μᾶλλον εἰς προκοπὴν τοῦ εὐαγγελίου ἐλήλυθεν,
13 zvekuti zvisungo zvangu muna Kristu zvinoratidzwa pamuzinda wese nekuvamwe vese.
ὥστε τοὺς δεσμούς μου φανεροὺς ἐν Χριστῷ γενέσθαι ἐν ὅλῳ τῷ πραιτωρίῳ καὶ τοῖς λοιποῖς πᾶσιν,
14 Nevazhinji vehama muna Ishe, vavimbiswa nezvisungo zvangu, vonyanya kutsunga kutaura shoko raMwari vasingatyi.
καὶ τοὺς πλείονας τῶν ἀδελφῶν ἐν Κυρίῳ πεποιθότας τοῖς δεσμοῖς μου περισσοτέρως τολμᾶν ἀφόβως τὸν λόγον τοῦ Θεοῦ λαλεῖν.
15 Vamwe zvirokwazvo vanoparidza Kristu kunyange negodo negakava, nevamwewo nemoyo wakanaka;
Τινὲς μὲν καὶ διὰ φθόνον καὶ ἔριν, τινὲς δὲ καὶ δι’ εὐδοκίαν τὸν Χριστὸν κηρύσσουσιν·
16 vamwe vanoparidza Kristu nenharo, kwete pauchokwadi, vachifunga kuti vawedzere marwadzo pazvisungo zvangu.
οἱ μὲν ἐξ ἀγάπης, εἰδότες ὅτι εἰς ἀπολογίαν τοῦ εὐαγγελίου κεῖμαι,
17 Asi vamwe vanoita nerudo, vachiziva kuti ndakagadzirwa kutavirira evhangeri.
οἱ δὲ ἐξ ἐριθείας τὸν Χριστὸν καταγγέλλουσιν, οὐχ ἁγνῶς, οἰόμενοι θλῖψιν ἐγείρειν τοῖς δεσμοῖς μου.
18 Zvino chii? Kunyange zvakadaro kunzira dzese, kana mumano-mano kana muchokwadi, Kristu anoparidzwa, uye ndinofara mazviri, hongu ndichazofarazve.
τί γάρ; πλὴν ὅτι παντὶ τρόπῳ, εἴτε προφάσει εἴτε ἀληθείᾳ, Χριστὸς καταγγέλλεται, καὶ ἐν τούτῳ χαίρω· ἀλλὰ καὶ χαρήσομαι·
19 Nokuti ndinoziva kuti izvi zvichashandukira kwandiri kuva ruponeso kubudikidza nemunyengetero wenyu, nerubatsiro rweMweya waJesu Kristu,
οἶδα γὰρ ὅτι τοῦτό μοι ἀποβήσεται εἰς σωτηρίαν διὰ τῆς ὑμῶν δεήσεως καὶ ἐπιχορηγίας τοῦ Πνεύματος Ἰησοῦ Χριστοῦ,
20 zvichienderana nekutarisira kwangu kukuru netariro, kuti handinganyadziswi pachinhu asi neushingi hwese samagariro uye ikozvino Kristu achakudzwa mumuviri wangu, kana neupenyu, kana nerufu.
κατὰ τὴν ἀποκαραδοκίαν καὶ ἐλπίδα μου ὅτι ἐν οὐδενὶ αἰσχυνθήσομαι, ἀλλ’ ἐν πάσῃ παρρησίᾳ ὡς πάντοτε καὶ νῦν μεγαλυνθήσεται Χριστὸς ἐν τῷ σώματί μου, εἴτε διὰ ζωῆς εἴτε διὰ θανάτου.
21 Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, uye kufa mubairo.
Ἐμοὶ γὰρ τὸ ζῆν Χριστὸς καὶ τὸ ἀποθανεῖν κέρδος.
22 Asi kana kurarama panyama chiri chibereko chebasa rangu; zvino zvandichasarudza handizivi.
εἰ δὲ τὸ ζῆν ἐν σαρκί, τοῦτό μοι καρπὸς ἔργου, καὶ τί αἱρήσομαι οὐ γνωρίζω.
23 Nokuti ndiri mukumanikidzwa pakati pezviviri, ndine chishuwo chekubva nekuva naKristu, zvinopfuurisa pakunaka;
συνέχομαι δὲ ἐκ τῶν δύο, τὴν ἐπιθυμίαν ἔχων εἰς τὸ ἀναλῦσαι καὶ σὺν Χριστῷ εἶναι, πολλῷ γὰρ μᾶλλον κρεῖσσον·
24 asi kugara munyama kunonyanyisa kudiwa nekuda kwenyu.
τὸ δὲ ἐπιμένειν τῇ σαρκὶ ἀναγκαιότερον δι’ ὑμᾶς.
25 Zvino ndine chivimbo ichi, ndinoziva kuti ndichagara, ndicharamba ndigere nemwi mese, pakupfuurira kwenyu mberi, uye mufaro werutendo,
καὶ τοῦτο πεποιθὼς οἶδα, ὅτι μενῶ καὶ παραμενῶ πᾶσιν ὑμῖν εἰς τὴν ὑμῶν προκοπὴν καὶ χαρὰν τῆς πίστεως,
26 kuti kuzvirumbidza kwenyu kuwande muna Kristu Jesu pamusoro pangu kubudikidza nekuvapo kwangu kwamurizve.
ἵνα τὸ καύχημα ὑμῶν περισσεύῃ ἐν Χριστῷ Ἰησοῦ ἐν ἐμοὶ διὰ τῆς ἐμῆς παρουσίας πάλιν πρὸς ὑμᾶς.
27 Chete fambai zvakafanira evhangeri yaKristu, kuti kunyange ndikauya ndikakuonai, kunyange kusavapo, ndinzwe nyaya dzenyu kuti mumire nesimba mumweya umwe, nemoyo umwe muchirwira pamwe rutendo rweevhangeri;
Μόνον ἀξίως τοῦ εὐαγγελίου τοῦ Χριστοῦ πολιτεύεσθε, ἵνα εἴτε ἐλθὼν καὶ ἰδὼν ὑμᾶς εἴτε ἀπὼν ἀκούω τὰ περὶ ὑμῶν, ὅτι στήκετε ἐν ἑνὶ πνεύματι, μιᾷ ψυχῇ συναθλοῦντες τῇ πίστει τοῦ εὐαγγελίου,
28 uye musingatyityidzirwi nevanopikisa pachinhu chimwe; ndicho chiratidzo chekuparadzwa kwavari, asi kwamuri cheruponeso, uye icho chinobva kuna Mwari.
καὶ μὴ πτυρόμενοι ἐν μηδενὶ ὑπὸ τῶν ἀντικειμένων, ἥτις ἐστὶν αὐτοῖς ἔνδειξις ἀπωλείας, ὑμῶν δὲ σωτηρίας, καὶ τοῦτο ἀπὸ Θεοῦ·
29 Nokuti kwamuri kwakapiwa pachena pachinzvimbo chaKristu, kwete kutenda kwaari kwega, asi kumutambudzikirawo;
ὅτι ὑμῖν ἐχαρίσθη τὸ ὑπὲρ Χριστοῦ, οὐ μόνον τὸ εἰς αὐτὸν πιστεύειν ἀλλὰ καὶ τὸ ὑπὲρ αὐτοῦ πάσχειν,
30 mune kurwa kumweko sekwamakaona mandiri, nekunzwa ikozvino mandiri.
τὸν αὐτὸν ἀγῶνα ἔχοντες οἷον εἴδετε ἐν ἐμοὶ καὶ νῦν ἀκούετε ἐν ἐμοί.

< VaFiripi 1 >