< VaFiripi 2 >
1 Naizvozvo kana kune imwe kurudziro kuna Kristu, kana imwe nyaradzo yerudo, kana kumwe kudyidzana kweMweya, kana mune umwe moyo munyoro nemukunzwira tsitsi,
Εἴ τις οὖν παράκλησις ἐν Χριστῷ, εἴ τι παραμύθιον ἀγάπης, εἴ τις κοινωνία Πνεύματος, εἴ τις σπλάγχνα καὶ οἰκτιρμοί,
2 zadzisai mufaro wangu, kuti muve nefungwa imwe, muve nerudo rumwe, nemweya umwe, nendangariro imwe;
πληρώσατέ μου τὴν χαρὰν ἵνα τὸ αὐτὸ φρονῆτε, τὴν αὐτὴν ἀγάπην ἔχοντες, σύνψυχοι, τὸ ἓν φρονοῦντες,
3 musingaiti chinhu nenharo kana nekuzvikudza kusina maturo, asi mukuzvininipisa kwemoyo umwe neumwe achikudza vamwe kukupfuurai pakunaka;
μηδὲν κατ’ ἐριθείαν μηδὲ κατὰ κενοδοξίαν, ἀλλὰ τῇ ταπεινοφροσύνῃ ἀλλήλους ἡγούμενοι ὑπερέχοντας ἑαυτῶν,
4 umwe neumwe ngaarege kutarira zvake, asi umwe neumwe zvinhu zvevamwewo.
μὴ τὰ ἑαυτῶν ἕκαστοι σκοποῦντες, ἀλλὰ καὶ τὰ ἑτέρων ἕκαστοι.
5 Nokuti fungwa iyi ngaive mamuri, yakange iri muna Kristu Jesuwo;
τοῦτο φρονεῖτε ἐν ὑμῖν ὃ καὶ ἐν Χριστῷ Ἰησοῦ,
6 iye ari muchimiro chaMwari, haana kurangarira kuti kuenzana naMwari kupamba;
ὃς ἐν μορφῇ Θεοῦ ὑπάρχων οὐχ ἁρπαγμὸν ἡγήσατο τὸ εἶναι ἴσα Θεῷ,
7 asi wakazviita asina maturo, akatora chimiro chemuranda, akava mumufananidzo wevanhu;
ἀλλὰ ἑαυτὸν ἐκένωσεν μορφὴν δούλου λαβών, ἐν ὁμοιώματι ἀνθρώπων γενόμενος· καὶ σχήματι εὑρεθεὶς ὡς ἄνθρωπος
8 akati awanikwa muchimiro chemunhu, akazvininipisa, akava wakateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwemuchinjikwa.
ἐταπείνωσεν ἑαυτὸν γενόμενος ὑπήκοος μέχρι θανάτου, θανάτου δὲ σταυροῦ.
9 Naizvozvo Mwariwo wakamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura zita rimwe nerimwe;
διὸ καὶ ὁ Θεὸς αὐτὸν ὑπερύψωσεν, καὶ ἐχαρίσατο αὐτῷ τὸ ὄνομα τὸ ὑπὲρ πᾶν ὄνομα,
10 kuti muzita raJesu ibvi rese rifugame, revekudenga nevepanyika, nevepasi penyika,
ἵνα ἐν τῷ ὀνόματι Ἰησοῦ πᾶν γόνυ κάμψῃ ἐπουρανίων καὶ ἐπιγείων καὶ καταχθονίων,
11 uye rurimi rwega-rwega rwupupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe, kuve rumbidzo yaMwari Baba.
καὶ πᾶσα γλῶσσα ἐξομολογήσηται ὅτι ΚΥΡΙΟΣ ΙΗΣΟΥΣ ΧΡΙΣΤΟΣ εἰς δόξαν Θεοῦ Πατρός.
12 Naizvozvo, vadikanwi vangu, sezvamakateerera nguva dzese, kwete sepakuvapo kwangu chete, asi ikozvino kunyanyisa pakusavapo kwangu, shandai ruponeso rwenyu pachenyu nekutya nekudedera;
Ὥστε, ἀγαπητοί μου, καθὼς πάντοτε ὑπηκούσατε, μὴ ὡς ἐν τῇ παρουσίᾳ μου μόνον ἀλλὰ νῦν πολλῷ μᾶλλον ἐν τῇ ἀπουσίᾳ μου, μετὰ φόβου καὶ τρόμου τὴν ἑαυτῶν σωτηρίαν κατεργάζεσθε·
13 nokuti ndiMwari anoshanda mamuri, zvese kuda nekuita nekuda kwechido chake chakanaka.
Θεὸς γάρ ἐστιν ὁ ἐνεργῶν ἐν ὑμῖν καὶ τὸ θέλειν καὶ τὸ ἐνεργεῖν ὑπὲρ τῆς εὐδοκίας.
14 Itai zvinhu zvese musinganyunyuti nekupikisana;
πάντα ποιεῖτε χωρὶς γογγυσμῶν καὶ διαλογισμῶν,
15 kuti muve vakachena uye vasina chavangapomerwa, vana vaMwari vasina gwapa pakati perudzi rwakakombama nekutsauka, vamunopenya pakati pavo sezviedza munyika,
ἵνα γένησθε ἄμεμπτοι καὶ ἀκέραιοι, τέκνα Θεοῦ ἄμωμα μέσον γενεᾶς σκολιᾶς καὶ διεστραμμένης, ἐν οἷς φαίνεσθε ὡς φωστῆρες ἐν κόσμῳ,
16 muchitaridza shoko reupenyu, pakuzvikudza kwangu nezuva raKristu, kuti handina kumhanya pasina, kana kushanda pasina.
λόγον ζωῆς ἐπέχοντες, εἰς καύχημα ἐμοὶ εἰς ἡμέραν Χριστοῦ, ὅτι οὐκ εἰς κενὸν ἔδραμον οὐδὲ εἰς κενὸν ἐκοπίασα.
17 Asi kana neni ndikadururwa sechibairo chinodururwa pamusoro pechibairo nebasa rerutendo rwenyu, ndinofara uye ndinofara nemwi mese.
Ἀλλὰ εἰ καὶ σπένδομαι ἐπὶ τῇ θυσίᾳ καὶ λειτουργίᾳ τῆς πίστεως ὑμῶν, χαίρω καὶ συνχαίρω πᾶσιν ὑμῖν·
18 Nekuda kweizvozvi imwiwo mufare uye mufare pamwe neni.
τὸ δὲ αὐτὸ καὶ ὑμεῖς χαίρετε καὶ συνχαίρετέ μοι.
19 Asi ndinovimba muna Ishe Jesu kutumira Timotio kwamuri nekukurumidza, kuti iniwo ndifare pandinoziva zviri maererano nemwi.
Ἐλπίζω δὲ ἐν Κυρίῳ Ἰησοῦ Τιμόθεον ταχέως πέμψαι ὑμῖν, ἵνα κἀγὼ εὐψυχῶ γνοὺς τὰ περὶ ὑμῶν.
20 Nokuti handina munhu ane fungwa yakadaro, achava nehanya zvirokwazvo nezvenyu.
οὐδένα γὰρ ἔχω ἰσόψυχον, ὅστις γνησίως τὰ περὶ ὑμῶν μεριμνήσει·
21 Nokuti vese vanozvitsvakira zvavo, kwete zvinhu zviri zvaKristu Jesu.
οἱ πάντες γὰρ τὰ ἑαυτῶν ζητοῦσιν, οὐ τὰ Χριστοῦ Ἰησοῦ.
22 Asi munoziva kutendeka kwake, kuti semwana kuna baba wakashanda pamwe neni paevhangeri.
τὴν δὲ δοκιμὴν αὐτοῦ γινώσκετε, ὅτι ὡς πατρὶ τέκνον σὺν ἐμοὶ ἐδούλευσεν εἰς τὸ εὐαγγέλιον.
23 Zvino ndiye wandinotarisira kutumira kwamuri pakarepo, kana ndaona zvakanangana neni;
Τοῦτον μὲν οὖν ἐλπίζω πέμψαι ὡς ἂν ἀφίδω τὰ περὶ ἐμὲ ἐξαυτῆς·
24 asi ndinovimba muna Ishe kuti iniwo ndomene ndichakurumidza kuuya.
πέποιθα δὲ ἐν Κυρίῳ ὅτι καὶ αὐτὸς ταχέως ἐλεύσομαι.
25 Asi ndakaona zvakafanira kutuma kwamuri Epafrodito, hama, nemushandi pamwe neni neuto pamwe neni, asi nhume yenyu nemushumiri wekushaiwa kwangu;
ἀναγκαῖον δὲ ἡγησάμην Ἐπαφρόδιτον τὸν ἀδελφὸν καὶ συνεργὸν καὶ συνστρατιώτην μου, ὑμῶν δὲ ἀπόστολον καὶ λειτουργὸν τῆς χρείας μου, πέμψαι πρὸς ὑμᾶς,
26 sezvo akange achikushuvai mese, uye akatambudzika, nokuti makange manzwa kuti wakange achirwara.
ἐπειδὴ ἐπιποθῶν ἦν πάντας ὑμᾶς, καὶ ἀδημονῶν, διότι ἠκούσατε ὅτι ἠσθένησεν.
27 Nokuti zvirokwazvo wakange achirwara ari pedo nekufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; kwete iye ega, asi neni, kuti ndirege kuva neshungu pamusoro peshungu.
καὶ γὰρ ἠσθένησεν παραπλήσιον θανάτῳ· ἀλλὰ ὁ Θεὸς ἠλέησεν αὐτόν, οὐκ αὐτὸν δὲ μόνον ἀλλὰ καὶ ἐμέ, ἵνα μὴ λύπην ἐπὶ λύπην σχῶ.
28 Naizvozvo ndakashingaira zvikuru kumutuma, kuti kana momuonazve mufare, neni shungu dzangu dziderere zvikuru.
σπουδαιοτέρως οὖν ἔπεμψα αὐτὸν, ἵνα ἰδόντες αὐτὸν πάλιν χαρῆτε κἀγὼ ἀλυπότερος ὦ.
29 Naizvozvo mugamuchirei muna Ishe nemufaro wese, uye mubate vakadai neruremekedzo;
προσδέχεσθε οὖν αὐτὸν ἐν Κυρίῳ μετὰ πάσης χαρᾶς, καὶ τοὺς τοιούτους ἐντίμους ἔχετε,
30 nokuti nekuda kwebasa raKristu wakaswedera pakufa, asingarangariri upenyu hwake, kuti akwanise kushaiwa kundishumira kwenyu.
ὅτι διὰ τὸ ἔργον Χριστοῦ μέχρι θανάτου ἤγγισεν παραβολευσάμενος τῇ ψυχῇ, ἵνα ἀναπληρώσῃ τὸ ὑμῶν ὑστέρημα τῆς πρός με λειτουργίας.