< Firimoni 1 >

1 Pauro musungwa waKristu Jesu, naTimotio hama, kuna Firimoni mudikanwi nemushumiri pamwe nesu,
Paul, a prisoner of Christ Jesus, and Timothy our brother, to Philemon our beloved and fellow-worker,
2 nekumudikanwi Apifia, nekuna Akipo muuto pamwe nesu, nekukereke iri mumba mako:
and to Apphia our sister, and to Archippus our fellow-soldier, and to the church in thy house:
3 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
Grace to you and peace from God our Father and the Lord Jesus Christ.
4 Ndinovonga Mwari wangu, ndichikureva nguva dzese paminyengetero yangu,
I thank my God always, making mention of thee in my prayers,
5 ndichinzwa zverudo rwako, nerutendo rwaunarwo kuna Ishe Jesu nekuvatsvene vese,
hearing of thy love, and of the faith which thou hast toward the Lord Jesus, and toward all the saints;
6 kuti kudyidzana kwerutendo rwako kuve nesimba pakuziva chese chakanaka chiri mamuri muna Kristu Jesu.
that the fellowship of thy faith may become effectual, in the knowledge of every good thing which is in you, unto Christ.
7 Nokuti tine mufaro mukuru nekunyaradzwa parudo rwako, nokuti ura hwevatsvene hwakavandudzwa newe, hama.
For I had much joy and comfort in thy love, because the hearts of the saints have been refreshed through thee, brother.
8 Naizvozvo kunyange ndine kushinga kukuru muna Kristu kukuraira izvo zvakafanira,
Wherefore, though I have all boldness in Christ to enjoin thee that which is befitting,
9 asi nekuda kwerudo zviri nani kukumbirisa, sezvandakadai ini Pauro mutana, uye ikozvinowo musungwa waJesu Kristu.
yet for love’s sake I rather beseech, being such a one as Paul the aged, and now a prisoner also of Christ Jesus:
10 Ndinokukumbirisa pamusoro pemwana wangu, wandakabereka muzvisungo zvangu, Onesimo,
I beseech thee for my child, whom I have begotten in my bonds, Onesimus,
11 wakange asingambokubatsiri, asi ikozvino anobatsira kwauri nekwandiri,
who was aforetime unprofitable to thee, but now is profitable to thee and to me:
12 wandatumirazve kwauri; asi iwe, mugamuchire, ndiko kuti ura hwangu;
whom I have sent back to thee in his own person, that is, my very heart:
13 wandaida kuramba naye aneni, kuti panzvimbo yako andishumire pazvisungo zveevhangeri;
whom I would fain have kept with me, that in thy behalf he might minister unto me in the bonds of the gospel:
14 asi handina kuda kuita chinhu kunze kwetendero yako, kuti chakanaka chako chirege kuitwa nekurovererwa, asi sepachido.
but without thy mind I would do nothing; that thy goodness should not be as of necessity, but of free will.
15 Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti umugamuchirezve nekusingaperi; (aiōnios g166)
For perhaps he was therefore parted [from thee] for a season, that thou shouldest have him for ever; (aiōnios g166)
16 arege kuchiva semuranda, asi anopfuura muranda, hama inodikanwa, zvikuru kwandiri, asi zvikuru sei kwauri zvese panyama nemuna Ishe.
no longer as a servant, but more than a servant, a brother beloved, specially to me, but how much rather to thee, both in the flesh and in the Lord.
17 Naizvozvo kana uchindiverenga semubatidzani, mugamuchire seunogamuchira ini.
If then thou countest me a partner, receive him as myself.
18 Asi kana akakutadzira chimwe kana kuva nengava newe, izvozvo zviverengere kwandiri;
But if he hath wronged thee at all, or oweth [thee] aught, put that to mine account;
19 ini Pauro ndanyora neruoko rwangu, ini ndicharipa; kuti ndirege kuti kwauri, uri ngava kwandiri iwewo pachako.
I Paul write it with mine own hand, I will repay it: that I say not unto thee how that thou owest to me even thine own self besides.
20 Hongu, hama, ngandive nemufaro newe muna Ishe; vandudza ura hwangu muna Ishe.
Yea, brother, let me have joy of thee in the Lord: refresh my heart in Christ.
21 Ndakunyorera ndichivimba kuteerera kwako, ndichiziva kutiwo uchaita kupfuura zvandinoreva.
Having confidence in thine obedience I write unto thee, knowing that thou wilt do even beyond what I say.
22 Uyewo panguva iyoyo ndigadzirire pekugara; nokuti ndinotarisira kuti kubudikidza neminyengetero yenyu ndichapiwa kwamuri.
But withal prepare me also a lodging: for I hope that through your prayers I shall be granted unto you.
23 Anokukwazisa Epafrasi musungwa pamwe neni muna Kristu Jesu,
Epaphras, my fellow-prisoner in Christ Jesus, saluteth thee;
24 Mariko, Arisitako, Dhemasi, Ruka, vabati pamwe neni.
[and so do] Mark, Aristarchus, Demas, Luke, my fellow-workers.
25 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemweya wenyu. Ameni.
The grace of our Lord Jesus Christ be with your spirit. Amen.

< Firimoni 1 >