< Mateo 9 >

1 Akabva apinda mugwa, akayambuka ndokusvika muguta rake pachake.
Καὶ ἐμβὰς εἰς πλοῖον διεπέρασεν, καὶ ἦλθεν εἰς τὴν ἰδίαν πόλιν.
2 Zvino tarira, vakauisa kwaari wakafa mitezo, arere pahwanyanza; zvino Jesu achiona rutendo rwavo akati kune wakafa mitezo: Tsunga moyo, mwana, wakanganwirwa zvivi zvako.
Καὶ ἰδοὺ προσέφερον αὐτῷ παραλυτικὸν ἐπὶ κλίνης βεβλημένον. καὶ ἰδὼν ὁ Ἰησοῦς τὴν πίστιν αὐτῶν εἶπεν τῷ παραλυτικῷ Θάρσει, τέκνον, ἀφίενταί σου αἱ ἁμαρτίαι.
3 Zvino tarira, vamwe vevanyori vakati mukati mavo: Uyu unonyomba.
καὶ ἰδού τινες τῶν γραμματέων εἶπαν ἐν ἑαυτοῖς Οὗτος βλασφημεῖ.
4 Asi Jesu achiona mifungo yavo wakati: Imwi munofungirei zvakaipa mumoyo yenyu?
καὶ εἰδὼς ὁ Ἰησοῦς τὰς ἐνθυμήσεις αὐτῶν εἶπεν Ἵνα τί ἐνθυμεῖσθε πονηρὰ ἐν ταῖς καρδίαις ὑμῶν;
5 Nokuti ndechipi chakareruka, kuti: Wakanganwirwa zvivi; kana kuti: Simuka ufambe?
τί γάρ ἐστιν εὐκοπώτερον, εἰπεῖν Ἀφίενταί σου αἱ ἁμαρτίαι, ἢ εἰπεῖν Ἔγειρε καὶ περιπάτει;
6 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba panyika rekukanganwira zvivi (wakabva ati kune wakange akafa mitezo): Simuka, tora hwanyanza hwako, uende kumba kwako.
ἵνα δὲ εἰδῆτε ὅτι ἐξουσίαν ἔχει ὁ Υἱὸς τοῦ ἀνθρώπου ἐπὶ τῆς γῆς ἀφιέναι ἁμαρτίας— τότε λέγει τῷ παραλυτικῷ Ἔγειρε ἆρόν σου τὴν κλίνην καὶ ὕπαγε εἰς τὸν οἶκόν σου.
7 Akasimuka, akaenda kumba kwake.
καὶ ἐγερθεὶς ἀπῆλθεν εἰς τὸν οἶκον αὐτοῦ.
8 Zvaunga zvakati zvichizviona zvikashamisika, zvikarumbidza Mwari wakapa simba rakadai kuvanhu.
ἰδόντες δὲ οἱ ὄχλοι ἐφοβήθησαν καὶ ἐδόξασαν τὸν Θεὸν τὸν δόντα ἐξουσίαν τοιαύτην τοῖς ἀνθρώποις.
9 Zvino Jesu wakati achipfuurapo akaona munhu anonzi Matewu agere pahofisi yemutero, akati kwaari: Nditevere! Ndokusimuka, akamutevera.
Καὶ παράγων ὁ Ἰησοῦς ἐκεῖθεν εἶδεν ἄνθρωπον καθήμενον ἐπὶ τὸ τελώνιον, Μαθθαῖον λεγόμενον, καὶ λέγει αὐτῷ Ἀκολούθει μοι. καὶ ἀναστὰς ἠκολούθησεν αὐτῷ.
10 Uye zvakaitika agere pakudya mumba, zvino tarira, vateresi vazhinji nevatadzi vakauya vakagara pakudya naJesu nevadzidzi vake.
Καὶ ἐγένετο αὐτοῦ ἀνακειμένου ἐν τῇ οἰκίᾳ, καὶ ἰδοὺ πολλοὶ τελῶναι καὶ ἁμαρτωλοὶ ἐλθόντες συνανέκειντο τῷ Ἰησοῦ καὶ τοῖς μαθηταῖς αὐτοῦ.
11 Zvino VaFarisi vakati vachizviona, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei Mudzidzisi wenyu achidya nevateresi nevatadzi?
καὶ ἰδόντες οἱ Φαρισαῖοι ἔλεγον τοῖς μαθηταῖς αὐτοῦ Διὰ τί μετὰ τῶν τελωνῶν καὶ ἁμαρτωλῶν ἐσθίει ὁ διδάσκαλος ὑμῶν;
12 Asi Jesu wakati anzwa, akati kwavari: Vatano havadi murapi asi vanorwara.
ὁ δὲ ἀκούσας εἶπεν Οὐ χρείαν ἔχουσιν οἱ ἰσχύοντες ἰατροῦ ἀλλ’ οἱ κακῶς ἔχοντες.
13 Asi endai mudzidze kuti zvinorevei kuti: Ndinoda tsitsi uye kwete chibairo; nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi vauye mukutendeuka.
πορευθέντες δὲ μάθετε τί ἐστιν Ἔλεος θέλω καὶ οὐ θυσίαν· οὐ γὰρ ἦλθον καλέσαι δικαίους ἀλλὰ ἁμαρτωλούς.
14 Ipapo kwakasvika kwaari vadzidzi vaJohwani, vachiti: Nemhaka yei isu neVaFarisi tichitsanya kazhinji, asi vadzidzi venyu vasingatsanyi?
Τότε προσέρχονται αὐτῷ οἱ μαθηταὶ Ἰωάνου λέγοντες Διὰ τί ἡμεῖς καὶ οἱ Φαρισαῖοι νηστεύομεν, οἱ δὲ μαθηταί σου οὐ νηστεύουσιν;
15 Jesu ndokuti kwavari: Vana veimba yemuchato vanogona kuchema here apo muwani anavo? Asi mazuva achasvika pachabviswa muwani kwavari, ipapo vachatsanya.
καὶ εἶπεν αὐτοῖς ὁ Ἰησοῦς Μὴ δύνανται οἱ υἱοὶ τοῦ νυμφῶνος πενθεῖν ἐφ’ ὅσον μετ’ αὐτῶν ἐστιν ὁ νυμφίος; ἐλεύσονται δὲ ἡμέραι ὅταν ἀπαρθῇ ἀπ’ αὐτῶν ὁ νυμφίος, καὶ τότε νηστεύσουσιν.
16 Hakuna anoisa chigamba chemucheka usakaunyana panguvo sharu, nokuti icho chinonamirwa pairi chinobvarura panguvo, buri rikanyanya.
οὐδεὶς δὲ ἐπιβάλλει ἐπίβλημα ῥάκους ἀγνάφου ἐπὶ ἱματίῳ παλαιῷ· αἴρει γὰρ τὸ πλήρωμα αὐτοῦ ἀπὸ τοῦ ἱματίου, καὶ χεῖρον σχίσμα γίνεται.
17 Uye havadiri waini itsva muhombodo tsaru; zvikasadaro hombodo dzinoputika, waini ikateuka, nehombodo dzikaparara; asi vanodira waini itsva muhombodo itsva, zvichengeteke zviri zviviri.
οὐδὲ βάλλουσιν οἶνον νέον εἰς ἀσκοὺς παλαιούς· εἰ δὲ μήγε, ῥήγνυνται οἱ ἀσκοί, καὶ ὁ οἶνος ἐκχεῖται καὶ οἱ ἀσκοὶ ἀπόλλυνται· ἀλλὰ βάλλουσιν οἶνον νέον εἰς ἀσκοὺς καινούς, καὶ ἀμφότεροι συντηροῦνται.
18 Wakati achitaura zvinhu izvozvi kwavari, tarira, kwakasvika umwe mutungamiriri akamunamata, akati: Mukunda wangu achangofa; asi uyai muise ruoko rwenyu pamusoro pake, uye achararama.
Ταῦτα αὐτοῦ λαλοῦντος αὐτοῖς ἰδοὺ ἄρχων εἷς προσελθὼν προσεκύνει αὐτῷ λέγων ὅτι Ἡ θυγάτηρ μου ἄρτι ἐτελεύτησεν· ἀλλὰ ἐλθὼν ἐπίθες τὴν χεῖρά σου ἐπ’ αὐτήν, καὶ ζήσεται.
19 Jesu ndokusimuka akamutevera, nevadzidzi vake.
καὶ ἐγερθεὶς ὁ Ἰησοῦς ἠκολούθει αὐτῷ καὶ οἱ μαθηταὶ αὐτοῦ.
20 Zvino, tarira, mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri, wakaswedera shure kwake, akabata mupendero wenguvo yake.
Καὶ ἰδοὺ γυνὴ αἱμορροοῦσα δώδεκα ἔτη προσελθοῦσα ὄπισθεν ἥψατο τοῦ κρασπέδου τοῦ ἱματίου αὐτοῦ·
21 Nokuti wakati mukati make: Kana ndikangobata nguvo yake, ndichaporeswa.
ἔλεγεν γὰρ ἐν ἑαυτῇ Ἐὰν μόνον ἅψωμαι τοῦ ἱματίου αὐτοῦ σωθήσομαι.
22 Asi Jesu wakatendeuka akati amuona, akati: Mukunda, tsunga moyo; rutendo rwako rwakuponesa. Mukadzi ndokuponeswa kubva panguva iyo.
ὁ δὲ Ἰησοῦς στραφεὶς καὶ ἰδὼν αὐτὴν εἶπεν Θάρσει, θύγατερ· ἡ πίστις σου σέσωκέν σε. καὶ ἐσώθη ἡ γυνὴ ἀπὸ τῆς ὥρας ἐκείνης.
23 Jesu ndokusvika mumba memutungamiriri akaona varidzi venyere nechaunga chichiita mhere-mhere,
καὶ ἐλθὼν ὁ Ἰησοῦς εἰς τὴν οἰκίαν τοῦ ἄρχοντος καὶ ἰδὼν τοὺς αὐλητὰς καὶ τὸν ὄχλον θορυβούμενον
24 akati kwavari: Ibvai; nokuti musikana haana kufa, asi arere. Ndokumuseka vachimusvavaidza.
ἔλεγεν· Ἀναχωρεῖτε· οὐ γὰρ ἀπέθανεν τὸ κοράσιον ἀλλὰ καθεύδει. καὶ κατεγέλων αὐτοῦ.
25 Asi chaunga chakati chabudiswa, akapinda, ndokubata ruoko rwake, musikana ndokumuka.
ὅτε δὲ ἐξεβλήθη ὁ ὄχλος, εἰσελθὼν ἐκράτησεν τῆς χειρὸς αὐτῆς, καὶ ἠγέρθη τὸ κοράσιον.
26 Mukurumbira uyu ukabudira kunyika iyo yese.
καὶ ἐξῆλθεν ἡ φήμη αὕτη εἰς ὅλην τὴν γῆν ἐκείνην.
27 Zvino Jesu wakati opfuurapo, mapofu maviri akamutevera, achidanidzira achiti: Tinzwirei tsitsi, Mwanakomana waDhavhidhi!
Καὶ παράγοντι ἐκεῖθεν τῷ Ἰησοῦ ἠκολούθησαν δύο τυφλοὶ κράζοντες καὶ λέγοντες Ἐλέησον ἡμᾶς, υἱὸς Δαυείδ.
28 Zvino wakati apinda mumba, mapofu akauya kwaari; Jesu akati kwaari: Munotenda kuti ndinogona kuita izvozvi here? Akati kwaari: Hongu, Ishe.
ἐλθόντι δὲ εἰς τὴν οἰκίαν προσῆλθον αὐτῷ οἱ τυφλοί, καὶ λέγει αὐτοῖς ὁ Ἰησοῦς Πιστεύετε ὅτι δύναμαι τοῦτο ποιῆσαι; λέγουσιν αὐτῷ Ναί, Κύριε.
29 Ipapo wakabata meso avo achiti: Ngazviitike kwamuri maererano nerutendo rwenyu.
τότε ἥψατο τῶν ὀφθαλμῶν αὐτῶν λέγων Κατὰ τὴν πίστιν ὑμῶν γενηθήτω ὑμῖν.
30 Zvino meso avo akasvinudzwa; Jesu akavarairisa achiti: Onai kuti hakuna anozviziva.
καὶ ἠνεῴχθησαν αὐτῶν οἱ ὀφθαλμοί. καὶ ἐνεβριμήθη αὐτοῖς ὁ Ἰησοῦς λέγων Ὁρᾶτε, μηδεὶς γινωσκέτω.
31 Asi vakati vabuda, vakaparidzira mukurumbira wake munyika iyo yese.
οἱ δὲ ἐξελθόντες διεφήμισαν αὐτὸν ἐν ὅλῃ τῇ γῇ ἐκείνῃ.
32 Zvino vakati vachibuda, tarira, vakauisa kwaari munhu chimumumu waiva akagarwa nedhimoni.
Αὐτῶν δὲ ἐξερχομένων, ἰδοὺ προσήνεγκαν αὐτῷ κωφὸν δαιμονιζόμενον.
33 Zvino dhimoni rakati rabudiswa, chimumumu chikataura; zvaunga zvikashamisika zvikati: Hakuna kumboonekwa zvakadai muna Israeri.
καὶ ἐκβληθέντος τοῦ δαιμονίου ἐλάλησεν ὁ κωφός. καὶ ἐθαύμασαν οἱ ὄχλοι λέγοντες Οὐδέποτε ἐφάνη οὕτως ἐν τῷ Ἰσραήλ.
34 Asi VaFarisi vakati: Anobudisa madhimoni nemukuru wemadhimoni.
οἱ δὲ Φαρισαῖοι ἔλεγον Ἐν τῷ ἄρχοντι τῶν δαιμονίων ἐκβάλλει τὰ δαιμόνια.
35 Zvino Jesu wakapota nemaguta ese nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, nekuporesa denda rese neurwere hwese pakati pevanhu.
Καὶ περιῆγεν ὁ Ἰησοῦς τὰς πόλεις πάσας καὶ τὰς κώμας, διδάσκων ἐν ταῖς συναγωγαῖς αὐτῶν καὶ κηρύσσων τὸ εὐαγγέλιον τῆς βασιλείας καὶ θεραπεύων πᾶσαν νόσον καὶ πᾶσαν μαλακίαν.
36 Asi wakati achiona zvaunga, akavanzwira tsitsi, nokuti vakange vaneta, vakapararira semakwai asina mufudzi.
Ἰδὼν δὲ τοὺς ὄχλους ἐσπλαγχνίσθη περὶ αὐτῶν, ὅτι ἦσαν ἐσκυλμένοι καὶ ἐρριμμένοι ὡσεὶ πρόβατα μὴ ἔχοντα ποιμένα.
37 Ipapo akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo goho iguru, asi vashandi vashoma;
τότε λέγει τοῖς μαθηταῖς αὐτοῦ Ὁ μὲν θερισμὸς πολύς, οἱ δὲ ἐργάται ὀλίγοι·
38 naizvozvo kumbirisai kuna Ishe wegoho, kuti atumire vashandi pagoho rake.
δεήθητε οὖν τοῦ Κυρίου τοῦ θερισμοῦ ὅπως ἐκβάλῃ ἐργάτας εἰς τὸν θερισμὸν αὐτοῦ.

< Mateo 9 >