< Mateo 4 >

1 Zvino Jesu wakatungamirirwa neMweya kurenje kuti anoidzwa nadhiabhorosi.
Tunc Iesus ductus est in desertum a Spiritu, ut tentaretur a diabolo.
2 Zvino wakati atsanya mazuva makumi mana neusiku makumi mana, akazonzwa nzara.
Et cum ieiunasset quadraginta diebus, et quadraginta noctibus, postea esuriit.
3 Zvino muidzi wakati auya kwaari, akati: Kana uri Mwanakomana waMwari, raira kuti mabwe awa aite zvingwa.
Et accedens tentator dixit ei: Si filius Dei es, dic ut lapides isti panes fiant.
4 Asi iye wakapindura akati: Kwakanyorwa kuchinzi: Munhu haangararami nechingwa chega, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.
Qui respondens dixit: Scriptum est: Non in solo pane vivit homo, sed in omni verbo, quod procedit de ore Dei.
5 Zvino dhiabhorosi wakamutora akamuisa muguta dzvene, akamumisa pachiruvu chetembere,
Tunc assumpsit eum diabolus in sanctam civitatem, et statuit eum super pinnaculum templi,
6 ndokuti kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, zvikandire pasi; nokuti kwakanyorwa kuti: Iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako, uye pamaoko vachakugamha, zvimwe ungagumbusa rutsoka rwako pabwe.
et dixit ei: Si filius Dei es, mitte te deorsum. Scriptum est enim: Quia angelis suis mandavit de te, ut in manibus tollant te, ne forte offendas ad lapidem pedem tuum.
7 Jesu akati kwaari: Kwakanyorwa zvekare: Usaidza Ishe Mwari wako.
Ait illi Iesus rursum: Scriptum est: Non tentabis Dominum Deum tuum.
8 Dhiabhorosi akamuisazve pagomo refusa, akamuratidza ushe hwese hwenyika nekubwinya kwahwo.
Iterum assumpsit eum diabolus in montem excelsum valde: et ostendit ei omnia regna mundi, et gloriam eorum,
9 Akati kwaari: Zvese zvinhu izvi ndichapa kwauri kana ukawira pasi ukandinamata.
et dixit ei: Haec omnia tibi dabo, si cadens adoraveris me.
10 Ipapo Jesu akati kwaari: Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Uchanamata Ishe Mwari wako, uchashumira iye oga.
Tunc dicit ei Iesus: Vade Satana: Scriptum est enim: Dominum Deum tuum adorabis, et illi soli servies.
11 Ipapo dhiabhorosi akamusiya; zvino tarira, vatumwa vakauya vakamushandira.
Tunc reliquit eum diabolus: et ecce angeli accesserunt, et ministrabant ei.
12 Zvino Jesu wakati anzwa kuti Johwani wakumikidzwa mutirongo, akabva akaenda Garirea.
Cum autem audisset Iesus quod Ioannes traditus esset, secessit in Galilaeam:
13 Zvino wakabva Nazareta, akauya akagara muKapenaume riri pagungwa, mumiganhu yeZebhuruni neNafitarimi;
et, relicta civitate Nazareth, venit, et habitavit in Capharnaum maritima, in finibus Zabulon et Nephthalim:
14 kuti zvizadziswe zvakarehwa naIsaya muporofita, achiti:
ut adimpleretur quod dictum est per Isaiam prophetam:
15 Nyika yeZebhuruni nenyika yeNefitarimi, panzira yegungwa, mhiri kwaJoridhani, Garirea revahedheni;
Terra Zabulon, et terra Nephtalim, via maris trans Iordanem, Galilaeae gentium:
16 vanhu vakange vagere murima vakaona chiedza chikuru; nevakange vagere panharaunda nemumumvuri werufu, chiedza chakabudira kwavari.
populus, qui ambulabat in tenebris, vidit lucem magnam: et sedentibus in regione umbrae mortis, lux orta est eis.
17 Kubvira panguva iyo Jesu wakatanga kuparidza nokuti: Tendeukai, nokuti ushe hwekumatenga hwaswedera.
Exinde coepit Iesus praedicare, et dicere: Poenitentiam agite: appropinquabit enim regnum caelorum.
18 Zvino Jesu wakati achifamba-famba parutivi rwegungwa reGarirea akaona vanakomana vemunhu umwe vaviri, Simoni anonzi Petro, naAndiriya munin'ina wake, vachikandira mumbure mugungwa; nokuti vakange vari varedzi.
Ambulans autem Iesus iuxta mare Galilaeae, vidit duos fratres, Simonem, qui vocatur Petrus, et Andream fratrem eius, mittentes rete in mare, (erant enim piscatores)
19 Akati kwavari: Nditeverei, ndigokuitai varedzi vevanhu.
et ait illis: Venite post me, et faciam vos fieri piscatores hominum.
20 Pakarepo vakasiya mimbure vakamutevera.
At illi continuo relictis retibus secuti sunt eum.
21 Zvino wakati apfuurira kubva ipapo akaona vamwe vaviri vanakomana vemunhu umwe, Jakobho waZebhedhi naJohwani munin'ina wake muchikepe pamwe naZebhedhi baba vavo, vachigadzira mimbure yavo, akavadana.
Et procedens inde, vidit alios duos fratres, Iacobum Zebedaei, et Ioannem fratrem eius in navi cum Zebedaeo patre eorum, reficientes retia sua: et vocavit eos.
22 Pakarepo vakasiya chikepe nababa vavo vakamutevera.
Illi autem statim relictis retibus et patre, secuti sunt eum.
23 Jesu akapota neGarirea rese achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, achiporesa denda rega-rega neurwere hwega-hwega pavanhu.
Et circuibat Iesus totam Galilaeam, docens in synagogis eorum, et praedicans evangelium regni: et sanans omnem languorem, et omnem infirmitatem in populo.
24 Shoko rake rikabudira kuSiriya yese; vakauisa kwaari varwere vese, vakabatwa nehosha dzakasiyana-siyana, nemarwadzo, nevakange vane madhimoni, nevaiva nezvipusha, nevakange vakafa mitezo; akavaporesa.
Et abiit opinio eius in totam Syriam, et obtulerunt ei omnes male habentes, variis languoribus, et tormentis comprehensos, et qui daemonia habebant, et lunaticos, et paralyticos, et curavit eos:
25 Zvino zvaunga zvikuru zvakamutevera, vaibva Garirea, neDhekapori, neJerusarema, neJudhiya, nemhiri kwaJoridhani.
et secutae sunt eum turbae multae de Galilaea, et Decapoli, et de Ierosolymis, et de Iudaea, et de trans Iordanem.

< Mateo 4 >