< Mateo 27 >
1 Kwakati kwaedza, vapristi vakuru vese nevakuru vevanhu vakarangana kupikisa Jesu kuti vamuuraye.
When morning came, all the chief priests and elders of the people conspired against Jesus to put Him to death.
2 Vakati vamusunga vakamutungamidza ndokunomukumikidza kuna Pondiyo Pirato mutungamiriri.
They bound Him, led Him away, and handed Him over to Pilate the governor.
3 Zvino Judhasi wakange amutengesa aona kuti wapiwa mhosva, akazvidya moyo akadzosera makobiri esirivheri makumi matatu kuvapristi vakuru nevakuru,
When Judas, who had betrayed Him, saw that Jesus was condemned, he was filled with remorse and returned the thirty pieces of silver to the chief priests and elders.
4 achiti: Ndatadza, ndatengesa ropa risina mhosva. Vakati: Zvinei nesu? Zvionere iwe.
“I have sinned by betraying innocent blood,” he said. “What is that to us?” they replied. “You bear the responsibility.”
5 Akakanda makobiri esirivheri mutembere, akabva akaenda akanozvisungirira.
So Judas threw the silver into the temple and left. Then he went away and hanged himself.
6 Vapristi vakuru vakatora makobiri esirivheri vakati: Hazvitenderwi kuaisa muchivigiro chezvipo, nokuti mutengo weropa.
The chief priests picked up the pieces of silver and said, “It is unlawful to put this into the treasury, since it is blood money.”
7 Vakarangana, vakatenga nawo munda wemuumbi wehari, uve wekuviga vatorwa.
After conferring together, they used the money to buy the potter’s field as a burial place for foreigners.
8 Naizvozvo munda uyo wakanzi munda weropa kusvikira nhasi.
That is why it has been called the Field of Blood to this day.
9 Zvino zvakazadziswa zvakarehwa naJeremiya muporofita achiti: Vakabva vatora makobiri esirivheri makumi matatu, mutengo waiye wakatarirwa mutengo, iye vana vaIsraeri wavakatarira mutengo;
Then what was spoken through Jeremiah the prophet was fulfilled: “They took the thirty pieces of silver, the price set on Him by the people of Israel,
10 vakaaripira munda wemuumbi wehari, saShe zvaakandiraira.
and they gave them for the potter’s field, as the Lord had commanded me.”
11 Zvino Jesu wakamira pamberi pemutungamiriri. Mutungamiriri akamubvunza achiti: Iwe uri mambo weVaJudha here? Jesu akati kwaari: Unoreva iwe.
Meanwhile Jesus stood before the governor, who questioned Him: “Are You the King of the Jews?” “You have said so,” Jesus replied.
12 Asi wakati achipomerwa mhosva nevapristi vakuru nevakuru, haana kupindura chinhu.
And when He was accused by the chief priests and elders, He gave no answer.
13 Pirato ndokuti kwaari: Haunzwi kuti zvinhu zvingani zvavanopupura kupokana newe here?
Then Pilate asked Him, “Do You not hear how many charges they are bringing against You?”
14 Asi haana kumupindura kunyange pashoko rimwe chete, zvekuti mutungamiriri wakashamisika zvikuru.
But Jesus gave no answer, not even to a single charge, much to the governor’s amazement.
15 Zvino pamutambo mutungamiriri aiva netsika yekusunungurira chaunga musungwa umwe wavanenge vada.
Now it was the governor’s custom at the feast to release to the crowd a prisoner of their choosing.
16 Uye nenguva iyo vaiva nemusungwa wakakurumbira wainzi Bharabhasi.
At that time they were holding a notorious prisoner named Barabbas.
17 Naizvozvo vakati vaungana, Pirato akati kwavari: Ndeupi wamunoda kuti ndikusunungurirei: Bharabhasi kana Jesu anonzi Kristu?
So when the crowd had assembled, Pilate asked them, “Which one do you want me to release to you: Barabbas, or Jesus who is called Christ?”
18 Nokuti wakange achiziva kuti vakange vamukumikidza negodo.
For he knew it was out of envy that they had handed Jesus over to him.
19 Zvino wakati agara pachigaro chekutonga, mukadzi wake akatumira kwaari, achiti: Usava nechokuita neuyo wakarurama, nokuti ndatambudzika zvinhu zvizhinji nhasi muchiroto pamusoro pake.
While Pilate was sitting on the judgment seat, his wife sent him this message: “Have nothing to do with that innocent man, for I have suffered terribly in a dream today because of Him.”
20 Asi vapristi vakuru nevakuru vakakumbirisa zvaunga kuti vakumbire Bharabhasi, vaparadze Jesu.
But the chief priests and elders persuaded the crowds to ask for Barabbas and to have Jesus put to death.
21 Mutungamiriri akapindura akati kwavari: Ndeupi wevaviri wamunoda kuti ndikusunungurirei? Ivo vakati: Bharabhasi.
“Which of the two do you want me to release to you?” asked the governor. “Barabbas,” they replied.
22 Pirato akati kwavari: Ko ndichamuitei Jesu anonzi Kristu? Vese vakati kwaari: Ngaarovererwe pamuchinjikwa.
“What then should I do with Jesus who is called Christ?” Pilate asked. They all answered, “Crucify Him!”
23 Zvino mutungamiriri akati: Nokuti wakaita chii chakaipa? Asi vakanyanya kudanidzira vachiti: Ngaarovererwe pamuchinjikwa!
“Why?” asked Pilate. “What evil has He done?” But they shouted all the louder, “Crucify Him!”
24 Pirato wakati achiona kuti hazvibatsiri chinhu asi kutoti poita bongozozo, wakatora mvura akageza maoko pamberi pechaunga achiti: Handina mhosva neropa reuyu wakarurama; muchazvionera imwi.
When Pilate saw that he was accomplishing nothing, but that instead a riot was breaking out, he took water and washed his hands before the crowd. “I am innocent of this man’s blood,” he said. “You bear the responsibility.”
25 Vanhu vese ndokupindura vakati: Ropa rake ngarive pamusoro pedu nepamusoro pevana vedu.
All the people answered, “His blood be on us and on our children!”
26 Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi wakati arova Jesu netyava, akamukumikidza kuti arovererwe pamuchinjikwa.
So Pilate released Barabbas to them. But he had Jesus flogged, and handed Him over to be crucified.
27 Zvino mauto emutungamiriri akaisa Jesu mumba memutungamiriri, hondo yese ikaunganira kwaari.
Then the governor’s soldiers took Jesus into the Praetorium and gathered the whole company around Him.
28 Vakamukurura, vakamupfekedza nguvo tsvuku.
They stripped Him and put a scarlet robe on Him.
29 Vakati varuka korona yeminzwa, ndokupfekedza musoro wake, nerutsanga muruoko rwake rwerudyi. Vakafugama pamberi pake vakamuseka vachiti: Hekanhi, Mambo weVaJudha!
And they twisted together a crown of thorns and set it on His head. They put a staff in His right hand and knelt down before Him to mock Him, saying, “Hail, King of the Jews!”
30 Vakamupfira, ndokutora rutsanga vakamurova mumusoro wake.
Then they spit on Him and took the staff and struck Him on the head repeatedly.
31 Vakati vamuseka, vakamukurura nguvo, vakamupfekedza nguvo dzake vakamuendesa kunoroverera pamuchinjikwa.
After they had mocked Him, they removed the robe and put His own clothes back on Him. Then they led Him away to crucify Him.
32 Vakati vachibuda, vakawana munhu weKurini, wainzi Simoni. Vakamumanikidza uyu kuti atakure muchinjikwa wake.
Along the way they found a man from Cyrene, named Simon, and they forced him to carry the cross of Jesus.
33 Vakati vasvika panzvimbo inonzi Gorogota, ndiko kuti, Nzvimbo yedehenya,
And when they came to a place called Golgotha, which means The Place of the Skull,
34 vakamupa vhiniga yakavhenganiswa nenduru kuti anwe; asi wakati aravira akasada kunwa.
they offered Him wine to drink, mixed with gall; but after tasting it, He refused to drink it.
35 Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake vachikanda mujenya, kuti zvizadziswe zvakarehwa nemuporofita zvinoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakanda mujenya pamusoro pechekupfeka changu.
When they had crucified Him, they divided up His garments by casting lots.
36 Uye vakagara pasi, vakamurindapo.
And sitting down, they kept watch over Him there.
37 Vakaisa pamusoro pemusoro wake rugwaro rwemhosva yake rwakanyorwa kuti: UYU NDIJESU MAMBO WEVAJUDHA.
Above His head they posted the written charge against Him: THIS IS JESUS, THE KING OF THE JEWS.
38 Ndokurovererwa pamuchinjikwa makororo maviri pamwe naye, umwe kuruoko rwerudyi, umwe kuruboshwe.
Two robbers were crucified with Him, one on His right hand and the other on His left.
39 Vakange vachipfuura vakamunyomba, vachidzungudza misoro yavo,
And those who passed by heaped abuse on Him, shaking their heads
40 vachiti: Iwe unoputsa tembere nekuivaka nemazuva matatu, zviponese; kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa.
and saying, “You who are going to destroy the temple and rebuild it in three days, save Yourself! If You are the Son of God, come down from the cross!”
41 Saizvozvowo vapristi vakuru vachimuseka nevanyori nevakuru vachiti:
In the same way, the chief priests, scribes, and elders mocked Him, saying,
42 Wakaponesa vamwe, iye haagoni kuzviponesa. Kana ari Mambo waIsraeri, ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, tigomutenda.
“He saved others, but He cannot save Himself. He is the King of Israel! Let Him come down now from the cross, and we will believe in Him.
43 Waivimba naMwari; ngaachimusunungura ikozvino kana achimuda. Nokuti wakati: Ndiri Mwanakomana waMwari.
He trusts in God. Let God deliver Him now if He wants Him. For He said, ‘I am the Son of God.’”
44 Makororowo akarovererwa pamuchinjikwa pamwe naye, akamuseka saizvozvo.
In the same way, even the robbers who were crucified with Him berated Him.
45 Zvino kubva paawa rechitanhatu kwakava nerima panyika yese kusvikira paawa repfumbamwe.
From the sixth hour until the ninth hour darkness came over all the land.
46 Neawa rinenge repfumbamwe Jesu wakadanidzira nenzwi guru achiti: "Eri, Eri rama sabakitani?" Ndiko kuti: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei?
About the ninth hour Jesus cried out in a loud voice, “Eli, Eli, lema sabachthani?” which means, “My God, My God, why have You forsaken Me?”
47 Vamwe vevakange vamirepo vakati vanzwa vakati: Uyu anodana Eria.
When some of those standing there heard this, they said, “He is calling Elijah.”
48 Pakarepo umwe wavo akamhanya, akatora chipanje, akazadza nevhiniga ndokuisa parutsanga, akamupa kuti anwe.
One of them quickly ran and brought a sponge. He filled it with sour wine, put it on a reed, and held it up for Jesus to drink.
49 Asi vamwe vakati: Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa.
But the others said, “Leave Him alone. Let us see if Elijah comes to save Him.”
50 Jesu ndokudanidzirazve nenzwi guru akapa mweya.
When Jesus had cried out again in a loud voice, He yielded up His spirit.
51 Zvino tarira, vheiri retembere rakabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.
At that moment the veil of the temple was torn in two from top to bottom. The earth quaked and the rocks were split.
52 Makuva akazarurwa; nemitumbi mizhinji yevatsvene vakange varere ikamutswa.
The tombs broke open, and the bodies of many saints who had fallen asleep were raised.
53 Vakati vabuda pamakuva shure kwekumuka kwake vakapinda muguta dzvene, vakaonekwa kuvazhinji.
After Jesus’ resurrection, when they had come out of the tombs, they entered the holy city and appeared to many people.
54 Zvino mukuru wezana nevaiva naye vakarinda Jesu vakati vachiona kudengenyeka kwenyika nezvinhu zvakaitika, vakatya zvikuru vachiti: Zvirokwazvo uyu wakange ari Mwanakomana waMwari.
When the centurion and those with him who were guarding Jesus saw the earthquake and all that had happened, they were terrified and said, “Truly this was the Son of God.”
55 Nevakadzi vazhinji vakange varipo, vakatarira vari kure, vakange vatevera Jesu vachibva Garirea vachimushandira.
And many women were there, watching from a distance. They had followed Jesus from Galilee to minister to Him.
56 Pakati pavo paiva naMaria Magidharini, naMaria mai vaJakobho naJose, namai vevanakomana vaZebhedhi.
Among them were Mary Magdalene, Mary the mother of James and Joseph, and the mother of Zebedee’s sons.
57 Zvino ava manheru kukasvika umwe mufumi achibva Arimatiya wainzi Josefa. Iyewo pachake waiva mudzidzi waJesu.
When it was evening, there came a rich man from Arimathea named Joseph, who himself was a disciple of Jesus.
58 Uyu wakaenda kuna Pirato akakumbira mutumbi waJesu. Ipapo Pirato akaraira kuti mutumbi aupiwe.
He went to Pilate to ask for the body of Jesus, and Pilate ordered that it be given to him.
59 Josefa wakati atora mutumbi, akauputira nemucheka werineni wakachena.
So Joseph took the body, wrapped it in a clean linen cloth,
60 Akauradzika muguva rake idzva, raakange achera muruware; akakungurusira ibwe guru pamukova weguva, akabva.
and placed it in his own new tomb that he had cut into the rock. Then he rolled a great stone across the entrance to the tomb and went away.
61 Uye ipapo paiva naMaria Magidharini neumwe Maria, vagere pakatarisana neguva.
Mary Magdalene and the other Mary were sitting there opposite the tomb.
62 Nezuva raitevera, raitevera zuva rekugadzirira, vapristi vakuru neVaFarisi vakaungana kuna Pirato,
The next day, the one after Preparation Day, the chief priests and Pharisees assembled before Pilate.
63 vachiti: Ishe, tinorangarira kuti munyepedzeri uyo wakati achiri mupenyu: Mushure memazuva matatu ndichamuka.
“Sir,” they said, “we remember that while He was alive that deceiver said, ‘After three days I will rise again.’
64 Naizvozvo rairai kuti guva richengetwe kusvikira zuva retatu; zvimwe vadzidzi vake vangauya usiku vakamuba, vagoti kuvanhu: Wakamuka kuvakafa; kurasika kwekupedzisira kukazova kwakanyanya pane kwekutanga.
So give the order that the tomb be secured until the third day. Otherwise, His disciples may come and steal Him away and tell the people He has risen from the dead. And this last deception would be worse than the first.”
65 Pirato akati kwavari: Mune varindi; endai murichengete sezvamunoziva.
“You have a guard,” Pilate said. “Go, make the tomb as secure as you know how.”
66 Vakaenda, vakanochengeta guva, vakaisa mucherechedzo pabwe, vane varindi.
So they went and secured the tomb by sealing the stone and posting the guard.