< Mateo 24 >

1 Zvino Jesu wakabuda akabva patembere; vadzidzi vake ndokuswedera kuzomuratidza zvivakwa zvetembere.
예수께서 성전에서 나와서 가실 때에 제자들이 성전 건물들을 가리켜 보이려고 나아오니
2 Jesu akati kwavari: Hamuoni zvinhu izvi zvese here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakungatozongosiiwi pano ibwe pamusoro pebwe risingatongoputsirwi pasi.
대답하여 가라사대 너희가 이 모든 것을 보지 못하느냐? 내가 진실로 너희에게 이르노니 돌 하나도 돌 위에 남지 않고 다 무너뜨리우리라
3 Kuzoti agere pagomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari vega vachiti: Tiudzei, zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chekuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipi? (aiōn g165)
예수께서 감람산 위에 앉으셨을 때에 제자들이 종용히 와서 가로되 우리에게 이르소서 어느 때에 이런 일이 있겠사오며 또 주의 임하심과 세상 끝에는 무슨 징조가 있사오리이까? (aiōn g165)
4 Jesu akapindura akati kwavari: Chenjerai kuti kusava neanokutsausai;
예수께서 대답하여 가라사대 너희가 사람의 미혹을 받지 않도록 주의하라
5 nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye vachatsausa vazhinji.
많은 사람이 내 이름으로 와서 이르되 나는 그리스도라 하여 많은 사람을 미혹케 하리라
6 Zvino muchanzwa zvehondo nerunyerekupe rwehondo; chenjerai, musakanganiswa; nokuti zvese zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere.
난리와 난리 소문을 듣겠으나 너희는 삼가 두려워 말라 이런 일이 있어야 하되 끝은 아직 아니니라
7 Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe, uye kuchava nenzara nematenda nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana.
민족이 민족을, 나라가 나라를 대적하여 일어나겠고 처처에 기근과 지진이 있으리니
8 Asi zvese izvi kutanga kwemarwadzo.
이 모든 것이 재난의 시작이니라
9 Ipapo vachakukumikidzai mukutambudzika, uye vachakuurayai; uye muchavengwa nemarudzi ese nekuda kwezita rangu.
그 때에 사람들이 너희를 환난에 넘겨 주겠으며 너희를 죽이리니 너희가 내 이름을 위하여 모든 민족에게 미움을 받으리라
10 Zvino ipapo vazhinji vachagumbuswa, uye vachatengesana, nekuvengana.
그 때에 많은 사람이 시험에 빠져 서로 잡아 주고 서로 미워하겠으며
11 Uye vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vatsause vazhinji.
거짓 선지자가 많이 일어나 많은 사람을 미혹하게 하겠으며
12 Uye nekuda kwekuti uipi huchawanda, rudo rwevazhinji rwuchatonhora.
불법이 성하므로 많은 사람의 사랑이 식어지리라
13 Asi anotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye achaponeswa.
그러나 끝까지 견디는 자는 구원을 얻으리라
14 Uye evhangeri iyi yeushe ichaparidzwa munyika yese chive uchapupu kumarudzi ese; ipapo kuguma kuchasvika.
이 천국 복음이 모든 민족에게 증거되기 위하여 온 세상에 전파되리니 그제야 끝이 오리라
15 Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakarehwa naDhanyeri muporofita, imire panzvimbo tsvene (anorava ngaanzwisise),
그러므로 너희가 선지자 다니엘의 말한 바 멸망의 가증한 것이 거룩한 곳에 선 것을 보거든 (읽는 자는 깨달을진저)
16 zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;
그 때에 유대에 있는 자들은 산으로 도망할지어다
17 ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kuzotora chinhu kubva mumba make;
지붕 위에 있는 자는 집안에 있는 물건을 가질러 내려 가지 말며
18 neari kumunda ngaarege kudzokera shure kunotora nguvo dzake.
밭에 있는 자는 겉옷을 가질러 뒤로 돌이키지 말지어다
19 Asi mune nhamo vane mimba nevanonwisa nemazuva iwayo!
그 날에는 아이 밴 자들과 젖먹이는 자들에게 화가 있으리로다
20 Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando, kana nesabata.
너희의 도망하는 일이 겨울에나 안식일에 되지 않도록 기도하라
21 Nokuti ipapo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakavapo kwakadaro kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye kusingazovipozve.
이는 그 때에 큰 환난이 있겠음이라 창세로부터 지금까지 이런 환난이 없었고 후에도 없으리라
22 Dai mazuva ayo asaipfupiswa, hakuna nyama zvachose yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa mazuva ayo achapfupiswa.
그 날들을 감하지 아니할 것이면 모든 육체가 구원을 얻지 못할 것이나 그러나 택하신 자들을 위하여 그 날들을 감하시리라
23 Zvino kana munhu akati kwamuri: Tarirai, Kristu pano, kana apo, musatenda.
그 때에 사람이 너희에게 말하되 보라 그리스도가 여기 있다 혹 저기 있다 하여도 믿지 말라
24 Nokuti kuchamuka vana kristu venhema nevaporofita venhema, vachaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso, zvekuti kana zvichibvira, vatsause nevasanangurwa.
거짓 그리스도들과 거짓 선지자들이 일어나 큰 표적과 기사를 보이어 할 수만 있으면 택하신 자들도 미혹하게 하리라
25 Tarirai, ndagara ndakuudzai.
보라 내가 너희에게 미리 말하였노라
26 Naizvozvo kana vakati kwamuri: Tarirai, ari murenje, musabuda; tarirai ari mudzimba dzemukati, musatenda.
그러면 사람들이 너희에게 말하되 보라 그리스도가 광야에 있다 하여도 나가지 말고 보라 골방에 있다 하여도 믿지 말라
27 Nokuti semheni inobuda kumabvazuva ichipenya kusvikira kumavirira, kuchava saizvozvo nekuuya kweMwanakomana wemunhu.
번개가 동편에서 나서 서편까지 번쩍임같이 인자의 임함도 그러하리라
28 Nokuti pese-pese pane chitunha, ndipo pachaunganidzwa magora.
주검이 있는 곳에는 독수리들이 모일지니라
29 Pakarepo shure kwekutambudzika kwemazuva ayo zuva richasvibiswa, nemwedzi hauzopi chiedza chawo, uye nyeredzi dzichawa kudenga, nemasimba ekumatenga achazungunuswa.
그 날 환난 후에 즉시 해가 어두워지며 달이 빛을 내지 아니하며 별들이 하늘에서 떨어지며 하늘의 권능들이 흔들리리라
30 Uye ipapo kuchaonekwa chiratidzo cheMwanakomana wemunhu kudenga; uye ipapo marudzi ese enyika achachema, uye achaona Mwanakomana wemunhu achiuya pamakore ekudenga nesimba nekubwinya kukuru.
그 때에 인자의 징조가 하늘에서 보이겠고 그 때에 땅의 모든 족속들이 통곡하며 그들이 인자가 구름을 타고 능력과 큰 영광으로 오는 것을 보리라
31 Uye achatuma vatumwa vake nekurira kukuru kwehwamanda, vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumigumo yematenga kusvikira kumigumo yawo.
저가 큰 나팔 소리와 함께 천사들을 보내리니 저희가 그 택하신 자들을 하늘 이 끝에서 저 끝까지 사방에서 모으리라
32 Asi dzidzai mufananidzo kubva pamuonde: Kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha rava pedo.
무화과나무의 비유를 배우라 그 가지가 연하여지고 잎사귀를 내면 여름이 가까운 줄을 아나니
33 Saizvozvo nemwi, kana moona izvozvi zvese, zivai kuti zvava pedo pamikova.
이와 같이 너희도 이 모든 일을 보거든 인자가 가까이 곧 문앞에 이른 줄 알라
34 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri kusvikira izvozvi zvese zvaitika.
내가 진실로 너희에게 말하노니 이 세대가 지나가기 전에 이 일이 다 이루리라
35 Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
천지는 없어지겠으나 내 말은 없어지지 아니하리라
36 Asi zvezuva iro neawa hakuna anozviziva, kwete kunyange vatumwa vekumatenga, asi Baba vangu chete.
그러나 그 날과 그 때는 아무도 모르나니 하늘의 천사들도, 아들도 모르고 오직 아버지만 아시느니라
37 Asi semazuva aNowa, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.
노아의 때와 같이 인자의 임함도 그러하리라
38 Nokuti sepamazuva akatangira mafashame, vaidya nekunwa, vachiwana nekuwaniswa, kusvikira zuva Nowa raakapinda muareka,
홍수 전에 노아가 방주에 들어가던 날까지 사람들이 먹고 마시고 장가 들고 시집 가고 있으면서
39 uye vakange vasingazivi, kusvikira kwasvika mafashame avabvisa vese, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.
홍수가 나서 저희를 다 멸하기까지 깨닫지 못하였으니 인자의 임함도 이와 같으리라
40 Ipapo vaviri vachava mumunda; umwe achatorwa, uye umwe achasiiwa.
그 때에 두 사람이 밭에 있으매 하나는 데려감을 당하고 하나는 버려둠을 당할 것이요
41 Vakadzi vaviri vachikuya paguyo; umwe achatorwa, neumwe achasiiwa.
두 여자가 매를 갈고 있으매 하나는 데려감을 당하고 하나는 버려둠을 당할 것이니라
42 Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi nguva Ishe wenyu yaachauya.
그러므로 깨어 있으라! 어느 날에 너희 주가 임할는지
43 Asi zivai izvi, kuti dai mwene weimba aiziva kuti inguva yekurinda ipi ichasvika mbavha, angadai airinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.
너희가 알지 못함이니라 너희도 아는 바니 만일 집 주인이 도적이 어느 경점에 올 줄을 알았더면 깨어 있어 그 집을 뚫지 못하게 하였으리라
44 Naizvozvo imwiwo ivai makagadzirira; nokuti neawa ramusingafungiri, Mwanakomana wemunhu anouya.
이러므로 너희도 예비하고 있으라 생각지 않은 때에 인자가 오리라
45 Ko ndiani muranda wakatendeka, wakangwara, ishe wake wakamugadza pamusoro pevaranda vake kuti avape kudya nenguva yakafanira?
충성되고 지혜 있는 종이 되어 주인에게 그 집 사람들을 맡아 때를 따라 양식을 나눠 줄 자가 누구뇨
46 Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika anomuwana achiita saizvozvo.
주인이 올 때에 그 종의 이렇게 하는 것을 보면 그 종이 복이 있으리로다
47 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achamugadza pamusoro pezvese zvaanazvo.
내가 진실로 너희에게 이르노니 주인이 그 모든 소유를 저에게 맡기리라
48 Asi kana muranda uyo wakaipa akati mumoyo make: Ishe wangu anonoka kuuya;
만일 그 악한 종이 마음에 생각하기를 주인이 더디 오리라 하여
49 ndokutanga kurova vamwe varanda vanobata pamwe naye, nekudya nekunwa nevararadzi,
동무들을 때리며 술 친구들로 더불어 먹고 마시게 되면
50 ishe wemuranda uyo achasvika nezuva raasingatariri neawa raasingazivi,
생각지 않은 날 알지 못하는 시간에 그 종의 주인이 이르러
51 akamugura nepakati, agoisa mugove wake pamwe nevanyepedzeri; apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
엄히 때리고 외식하는 자의 받는 율에 처하리니 거기서 슬피 울며 이를 갊이 있으리라

< Mateo 24 >