< Mateo 23 >

1 Ipapo Jesu wakataura kuzvaunga nekuvadzidzi vake,
tunc Iesus locutus est ad turbas et discipulos suos
2 achiti: Vanyori neVaFarisi vagere pachigaro chaMozisi;
dicens super cathedram Mosi sederunt scribae et Pharisaei
3 saka zvese chero zvipi zvavanokuudzai kuti muzvichengete, chengetai nekuita; asi musaita semabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti.
omnia ergo quaecumque dixerint vobis servate et facite secundum opera vero eorum nolite facere dicunt enim et non faciunt
4 Nokuti vanosunga mitoro inorema uye inorwadza kutakura, vachiisa pamafudzi evanhu, asi havadi kuisudurusa nemunwe wavo.
alligant autem onera gravia et inportabilia et inponunt in umeros hominum digito autem suo nolunt ea movere
5 Asi mabasa avo ese vanoaita kuti vaonekwe nevanhu; nokuti vanofarisa mafirakitera avo, vanorebesa mipendero yenguvo dzavo;
omnia vero opera sua faciunt ut videantur ab hominibus dilatant enim phylacteria sua et magnificant fimbrias
6 vanoda chinzvimbo chakakwirira pazvirairo, nezvigaro zvemberi mumasinagoge,
amant autem primos recubitus in cenis et primas cathedras in synagogis
7 nekwaziso pamisika, nekunzi nevanhu: Rabhi, Rabhi.
et salutationes in foro et vocari ab hominibus rabbi
8 Asi imwi musaidzwa Rabhi, nokuti umwe ndiye mudzidzisi wenyu, Kristu; imwi mese muri hama.
vos autem nolite vocari rabbi unus enim est magister vester omnes autem vos fratres estis
9 Musaidza munhu panyika baba venyu; nokuti umwe ndiBaba venyu, ivo vari kumatenga.
et patrem nolite vocare vobis super terram unus enim est Pater vester qui in caelis est
10 Musaidzwawo vadzidzisi; nokuti umwe ndiye Mudzidzisi wenyu, iye Kristu.
nec vocemini magistri quia magister vester unus est Christus
11 Asi mukurusa pamuri achava muranda wenyu.
qui maior est vestrum erit minister vester
12 Zvino ani nani anozvikwiridzira achaderedzwa; uye ani nani anozvideredza, achakwiridzirwa.
qui autem se exaltaverit humiliabitur et qui se humiliaverit exaltabitur
13 Asi mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munopfigira vanhu ushe hwekumatenga; nokuti imwi hamupindi, zvekare hamutenderi vanopinda kupinda.
vae autem vobis scribae et Pharisaei hypocritae quia clauditis regnum caelorum ante homines vos enim non intratis nec introeuntes sinitis intrare
14 Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munodya dzimba dzechirikadzi, uye muchiita mano-mano eminyengetero mirefu; naizvozvo muchagamuchira kutongwa nekupfuurisa.
15 Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munopoteredza gungwa nenyika kuzoita umwe atendeuke kuva muJudha; kana ava saizvozvo, munomuita mwanakomana wegehena kukunda imwi kaviri. (Geenna g1067)
vae vobis scribae et Pharisaei hypocritae quia circuitis mare et aridam ut faciatis unum proselytum et cum fuerit factus facitis eum filium gehennae duplo quam vos (Geenna g1067)
16 Mune nhamo, vatungamiriri vakapofumara, munoti: Ani nani anopika netembere, hachisi chinhu, asi ani nani anopika negoridhe yetembere, ane ngava.
vae vobis duces caeci qui dicitis quicumque iuraverit per templum nihil est qui autem iuraverit in aurum templi debet
17 Mapenzi nemapofu! Nokuti chikuru ndechipi: Goridhe, kana tembere inoita goridhe rive dzvene?
stulti et caeci quid enim maius est aurum an templum quod sanctificat aurum
18 Uye: Ani nani anopika nearitari, hachisi chinhu; asi ani nani anopika nechipo chiri pamusoro payo, ane ngava.
et quicumque iuraverit in altari nihil est quicumque autem iuraverit in dono quod est super illud debet
19 Mapenzi nemapofu! Nokuti chikuru ndechipi: Chipo, kana aritari inoita chipo chive chitsvene?
caeci quid enim maius est donum an altare quod sanctificat donum
20 Naizvozvo anopika nearitari, anopika nayo nezvese zviri pamusoro payo.
qui ergo iurat in altare iurat in eo et in omnibus quae super illud sunt
21 Neanopika netembere, anopika nayo, neanogara mairi.
et qui iuraverit in templo iurat in illo et in eo qui inhabitat in ipso
22 Neanopika nedenga, anopika nechigaro cheushe chaMwari, neanogara pamusoro pacho.
et qui iurat in caelo iurat in throno Dei et in eo qui sedet super eum
23 Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri, nokuti munopa chegumi cheminte neadhiri nekumini, muchirega zvakakosha zvemurairo zvinoti: Mutongo netsitsi nekutendeka; izvi zvakafanira kuita nekusarega zvimwe.
vae vobis scribae et Pharisaei hypocritae quia decimatis mentam et anethum et cyminum et reliquistis quae graviora sunt legis iudicium et misericordiam et fidem haec oportuit facere et illa non omittere
24 Vatungamiriri vakapofumara, munomimina runyunyu, muchimedza kamera.
duces caeci excolantes culicem camelum autem gluttientes
25 Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati muzere neupambi nekusazvidzora.
vae vobis scribae et Pharisaei hypocritae quia mundatis quod de foris est calicis et parapsidis intus autem pleni sunt rapina et inmunditia
26 MuFarisi wakapofumara, tanga kunatsa mukati memukombe nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenawo.
Pharisaee caece munda prius quod intus est calicis et parapsidis ut fiat et id quod de foris est mundum
27 Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti makafanana nemarinda akadzudzurwa kuitwa machena, anoonekwa akanaka zvirokwazvo kunze, asi mukati muzere nemafupa evakafa netsvina yese.
vae vobis scribae et Pharisaei hypocritae quia similes estis sepulchris dealbatis quae a foris parent hominibus speciosa intus vero plena sunt ossibus mortuorum et omni spurcitia
28 Saizvozvo nemwi munoonekwa kunze makarurama kuvanhu, asi mukati muzere neunyepedzeri neuipi.
sic et vos a foris quidem paretis hominibus iusti intus autem pleni estis hypocrisi et iniquitate
29 Mune nhamo, vanyori neVaFarisi, vanyepedzeri! Nokuti munovaka marinda evaporofita, nekushongedza makuva evakarurama,
vae vobis scribae et Pharisaei hypocritae quia aedificatis sepulchra prophetarum et ornatis monumenta iustorum
30 muchiti: Dai taiva pamazuva emadzibaba edu, tingadai tisina kugoverana navo paropa revaporofita.
et dicitis si fuissemus in diebus patrum nostrorum non essemus socii eorum in sanguine prophetarum
31 Saka munopupura nezvenyu kuti muri vanakomana vevakauraya vaporofita.
itaque testimonio estis vobismet ipsis quia filii estis eorum qui prophetas occiderunt
32 Nemwi chizadzisai chiyero chemadzibaba enyu!
et vos implete mensuram patrum vestrorum
33 Imwi nyoka, zvizvarwa zvezviva, muchatiza sei kutonga kwegehena? (Geenna g1067)
serpentes genimina viperarum quomodo fugietis a iudicio gehennae (Geenna g1067)
34 Naizvozvo, tarirai, ini ndinotumira kwamuri vaporofita nevakachenjera nevanyori; vamwe vavo vamuchauraya nekuvaroverera pamuchinjikwa; vamwe vavo vamucharova netyava mumasinagoge enyu, nekushusha muguta nemuguta.
ideo ecce ego mitto ad vos prophetas et sapientes et scribas ex illis occidetis et crucifigetis et ex eis flagellabitis in synagogis vestris et persequemini de civitate in civitatem
35 Kuti kuuye pamusoro penyu ropa rese rakarurama, rakateurirwa panyika, kubva paropa raAberi wakarurama, kusvikira paropa raZakaria, mwanakonana waBharakia, wamakauraya pakati petembere nearitari.
ut veniat super vos omnis sanguis iustus qui effusus est super terram a sanguine Abel iusti usque ad sanguinem Zacchariae filii Barachiae quem occidistis inter templum et altare
36 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Izvi zvese zvichauya pamusoro pezera iri.
amen dico vobis venient haec omnia super generationem istam
37 Jerusarema! Jerusarema! Iwe unouraya vaporofita, nekutaka nemabwe avo vanotumwa kwauri! Ndakange ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, semhambo inounganidza hukwana dzayo muzasi memapapiro, asi hamuna kuda.
Hierusalem Hierusalem quae occidis prophetas et lapidas eos qui ad te missi sunt quotiens volui congregare filios tuos quemadmodum gallina congregat pullos suos sub alas et noluisti
38 Tarirai, imba yenyu yasiiwa kwamuri riri dongo.
ecce relinquitur vobis domus vestra deserta
39 Nokuti ndinoti kwamuri: Hamuchatongondioni kubva zvino, kusvikira muchiti: Wakaropafadzwa anouya muzita raIshe.
dico enim vobis non me videbitis amodo donec dicatis benedictus qui venit in nomine Domini

< Mateo 23 >