< Mateo 21 >
1 Vakati vachiswedera kuJerusarema, vasvika kuBhetifage pagomo reMiorivhi, ipapo Jesu akatuma vadzidzi vaviri,
Kad se približiše Jeruzalemu te dođoše u Betfagu, na Maslinskoj gori, posla Isus dvojicu učenika
2 achiti kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemwi, pakarepo muchawana mbongoro yakasungirwa, nedhongwana rinayo; sunungurai, muuyise kwandiri.
govoreći: “Pođite u selo pred vama i odmah ćete naći privezanu magaricu i uz nju magare. Odriješite ih i dovedite k meni.
3 Kana ani nani achitaura chinhu kwamuri, muchati: Ishe anozvida; pakarepo achazvitumira.
Ako vam tko što rekne, recite: 'Gospodinu trebaju', i odmah će ih pustiti.”
4 Izvozvi zvese zvakaitika, kuti zvizadziswe zvakataurwa nemuporofita, achiti:
To se dogodi da se ispuni što je rečeno po proroku:
5 Udzai mukunda weZiyoni: Tarira Mambo wako anouya kwauri, ari munyoro, akatasva mbongoro, nedhongwana, mwana wechipfuwo chemutoro.
Recite kćeri Sionskoj: Evo kralj ti tvoj dolazi, krotak, jašuć na magarcu, na magaretu, mladetu magaričinu.
6 Vadzidzi vakaenda, vakaita Jesu sezvaakavaraira,
Učenici odu i učine kako im naredi Isus.
7 vakauisa mbongoro nedhongwana, vakaisa nguvo dzavo pamusoro pazvo; vakamugadza pamusoro pazvo.
Dovedu magaricu i magare te stave na njih haljine i Isus uzjaha na njih.
8 Chaunga chikuru kwazvo chikawarira nguvo dzacho munzira; vamwe vakatema matavi pamiti vakawarira munzira.
Silan svijet prostrije svoje haljine po putu, a drugi rezahu grane sa stabala i sterahu ih po putu.
9 Zvaunga zvakange zvakamutungamirira nevakange vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana kuMwanakomana waDavhidhi! Wakaropafadzwa iye anouya muzita raIshe! Hosana kumusoro-soro!
Mnoštvo pak pred njim i za njim klicaše: “Hosana Sinu Davidovu! Blagoslovljen Onaj koji dolazi u ime Gospodnje! Hosana u visinama!”
10 Wakati apinda muJerusarema, guta rese rikazungunuswa, richiti: Ndiani uyu?
Kad uđe u Jeruzalem, uskomešao se sav grad i govorio: “Tko je ovaj?”
11 Zvaunga zvikati: Uyu ndiJesu muporofita weNazareta reGarirea.
A mnoštvo odgovaraše: “To je Prorok, Isus iz Nazareta galilejskoga.”
12 Zvino Jesu wakapinda mutembere yaMwari, akadzingira vese vaitengesa nevaitenga mutembere, akapidigura matafura evaitsinhanha mari, nezvigaro zvevaitengesa njiva.
Isus uđe u Hram i izagna sve koji su prodavali i kupovali u Hramu. Mjenjačima isprevrta stolove i prodavačima golubova klupe.
13 Akati kwavari: Kwakanyorwa kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yemunyengetero; asi imwi munoiita bako remakororo.
Kaže im: “Pisamo je: Dom će se moj zvati Dom molitve, a vi od njega činite pećinu razbojničku.”
14 Zvino kwakauya kwaari mapofu nevaikamhina mutembere; akavaporesa.
U Hramu mu priđoše slijepi i hromi i on ih ozdravi.
15 Asi vapristi vakuru nevanyori vakati vachiona zvinhu zvinoshamisa zvaakange achiita, nevana vachidanidzira mutembere vachiti: Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi! vakatsamwa,
A kad glavari svećenički i pismoznanci vidješe čudesa koja učini i djecu što viču Hramom: “Hosana Sinu Davidovu!”, gnjevni
16 vakati kwaari: Unonzwa zvavanotaura ivava here? Jesu akati kwavari: Hongu, hamuna kutongoverenga here, kuti: Mumuromo mavacheche nevanoyamwa makapedzeredza rumbidzo?
mu rekoše: “Čuješ li što ovi govore?” Kaže im Isus: “Da! A niste li čitali: Iz usta djece i dojenčadi sebi si pripravio hvalu?”
17 Akavasiya, akabuda panze peguta, achienda Bhetaniya, ndokurarapo.
On ih ostavi, pođe iz grada u Betaniju te ondje prenoći.
18 Kuzoti mangwanani-ngwanani wakati achidzokera kuguta, akanzwa nzara.
Ujutro se vraćao u grad i ogladnje.
19 Zvino wakati achiona umwe muonde panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha chete; akati kwauri: Ngakurege kuva nezvibereko kwauri kusvikira narinhi. Pakarepo muonde ukasvava. (aiōn )
Ugleda smokvu kraj puta i priđe k njoj, ali ne nađe na njoj ništa osim lišća pa joj kaže: “Ne bilo više ploda s tebe dovijeka!” I smokva umah usahnu. (aiōn )
20 Vadzidzi vakati vachiona, vakashamisika, vachiti: Muonde wasvava pakarepo sei?
Vidjevši to, učenici se začude: “Kako umah smokva usahnu!”
21 Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Dai maiva nerutendo, musiri vasina chokwadi, hamungaiti izvi kumuonde chete, asi kunyange kana mukati kugomo iri: Simudzwa ukandirwe mugungwa; zvichaitwa.
Isus im odvrati: “Zaista, kažem vam, ako budete imali vjeru i ne posumnjate, činit ćete ne samo ovo sa smokvom, nego - reknete li i ovoj gori: 'Digni se i baci u more!', bit će tako.
22 Nezvese zvipi nezvipi zvamunokumbira mumunyengetero, kana muchitenda, muchazvigamuchira.
I sve što zaištete u molitvi vjerujući, primit ćete.”
23 Wakati apinda mutembere, vapristi vakuru nevakuru vevanhu vakauya kwaari achidzidzisa, vakati: Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripi? Ndiani akakupai simba iri?
I uđe u Hram. Dok je naučavao, pristupiše mu glavari svećenički i starješine narodne te ga upitaše: “Kojom vlašću to činiš? Tko ti dade tu vlast?”
24 Jesu akapindura akati kwavari: Neni ndichakubvunzai shoko rimwe; kana mukandiudza iro, neni ndichakuudzai kuti ndinoita izvi nesimba ripi.
Isus im odgovori: “I ja ću vas jedno upitati. Ako mi na to odgovorite, ja ću vama kazati kojom vlašću ovo činim.
25 Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabvepi? Kudenga here kana kuvanhu? Zvino vakataurirana pakati pavo vachiti: Kana tikati: Kudenga; uchati kwatiri: Saka sei musina kumutenda?
Krst Ivanov odakle li bijaše? Od Neba ili od ljudi?” A oni umovahu među sobom: “Reknemo li 'Od Neba', odvratit će nam: 'Zašto mu, dakle, ne povjerovaste?'
26 Asi kana tikati: Kuvanhu; tinotya chaunga; nokuti vese vakatora Johwani semuporofita.
A reknemo li 'Od ljudi', strah nas je mnoštva. Ta svi Ivana smatraju prorokom.”
27 Vakapindura Jesu vakati: Hatizivi. Iye ndokuti kwavari: Neni handingakuudziyi simba randinoita naro izvi.
Zato odgovore Isusu: “Ne znamo.” I on njima reče: “Ni ja vama neću kazati kojom vlašću ovo činim.”
28 Zvino munofungei? Munhu waiva nevanakomana vaviri; akauya kune wekutanga, akati: Mwana, enda nhasi unobata mumunda wangu wemizambiringa.
“A što vam se čini? Čovjek neki imao dva sina. Priđe prvomu i reče: 'Sinko, hajde danas na posao u vinograd!'
29 Iye akapindura akati: Handidi; asi pashure akatendeuka akaenda.
On odgovori: 'Neću!' No poslije se predomisli i ode.
30 Akaenda kune wechipiri akataura saizvozvo. Iye akapindura akati: Ndinoenda, ishe; akasaenda.
Priđe i drugomu pa mu reče isto tako. A on odgovori: 'Evo me, gospodaru!' i ne ode.
31 Ndeupi pavaviri akaita kuda kwababa? Vakati kwaari: Wekutanga. Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vateresi nezvifeve vanokutangirai kupinda muushe hwaMwari.
Koji od te dvojice izvrši volju očevu?” Kažu: “Onaj prvi.” Nato će im Isus: “Zaista, kažem vam, carinici i bludnice pretekoše vas u kraljevstvo Božje!
32 Nokuti Johwani akauya kwamuri nenzira yekururama, mukasamutenda; asi vateresi nezvifeve vakamutenda, asi imwi makati muchiona, hamuna kutendeuka shure kwaizvozvi kuti mumutende.
Doista, Ivan dođe k vama putom pravednosti i vi mu ne povjerovaste, a carinici mu i bludnice povjerovaše. Vi pak, makar to vidjeste, ni kasnije se ne predomisliste da mu povjerujete.”
33 Inzwai umwe mufananidzo. Kwaiva neumwe munhu, mwene weimba, wakasima munda wemizambiringa, akaisa ruzhowa rwakaukomberedza, akachera pekusvinira waini mauri, akavaka shongwe, akauhaisa kuvarimi, akaenda kunze kwenyika.
“Drugu prispodobu čujte! Bijaše neki domaćin koji posadi vinograd, ogradi ga ogradom, iskopa u njemu tijesak i podiže kulu pa ga iznajmi vinogradarima i otputova.
34 Kuzoti nguva yezvibereko yaswedera, akatuma varanda vake kuvarimi kuti vagamuchire zvibereko zvake.
Kad se približilo vrijeme plodova, posla svoje sluge vinogradarima da uzmu njegov urod.
35 Asi varimi vakabata varanda vake, umwe vakarova, umwe vakauraya, umwe vakataka nemabwe.
A vinogradari pograbe njegove sluge pa jednoga istukoše, drugog ubiše, a trećega kamenovaše.
36 Akatumazve vamwe varanda vazhinji kune vekutanga; vakavaitira saizvozvo.
I opet posla druge sluge, više njih nego prije, ali oni i s njima postupiše jednako.”
37 Asi pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti: Vacharemekedza mwanakomana wangu.
“Naposljetku posla k njima sina svoga misleći: 'Poštovat će mog sina.'
38 Asi varimi vakati vachiona mwanakomana, vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai, ngatimuurayeyi tibate nhaka yake.
Ali kad vinogradari ugledaju sina, rekoše među sobom: 'Ovo je baštinik! Hajde da ga ubijemo i imat ćemo baštinu njegovu!'
39 Zvino vakamubata vakaposhera panze kunze kwemunda wemizambiringa vakamuuraya.
I pograbe ga, izbace iz vinograda i ubiju.”
40 Naizvozvo kana mwene wemunda wemizambiringa achisvika, uchaitei kuvarimi avo?
“Kada dakle dođe gospodar vinograda, što će učiniti s tim vinogradarima?”
41 Vakati kwaari: Achaparadza zvakaipa ava vakaipa, akahaisa vamwe varimi munda wemizambiringa, vachamupa zvibereko nenguva dzazvo.
Kažu mu: “Opake će nemilo pogubiti, a vinograd iznajmiti drugim vinogradarima što će mu davati urod u svoje vrijeme.”
42 Jesu akati kwavari: Hamuna kutongoverenga here pamagwaro panoti: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rakava musoro wekona; kubva kuna Ishe izvi zvaitika zvinoshamisa pameso edu?
Kaže im Isus: “Zar nikada niste čitali u Pismima: Kamen što ga odbaciše graditelji postade kamen zaglavni. Gospodnje je to djelo - kakvo čudo u očima našim!
43 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Ushe hwaMwari huchatorwa kubva kwamuri, hukapiwa kurudzi rwunobereka zvibereko zvahwo.
Zato će se - kažem vam - oduzeti od vas kraljevstvo Božje i dat će se narodu koji donosi njegove plodove! (
44 Uye anowira pamusoro pebwe iri, achavhunikanya; asi pane upi neupi warinowira richamukuya.
I tko padne na taj kamen, smrskat će se, a na koga on padne, satrt će ga.)”
45 Vapristi vakuru neVaFarisi vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti anotaura nezvavo.
Kad su glavari svećenički i farizeji čuli te njegove prispodobe, razumjeli su da govori o njima.
46 Zvino vakati vachitsvaka kumubata vakatya zvaunga nokuti vaimutora semuporofita.
I tražili su da ga uhvate, ali se pobojaše mnoštva jer ga je smatralo prorokom.