< Mateo 21 >
1 Vakati vachiswedera kuJerusarema, vasvika kuBhetifage pagomo reMiorivhi, ipapo Jesu akatuma vadzidzi vaviri,
耶稣和门徒去了耶路撒冷,来到橄榄山的伯法其小村。耶稣派两个门徒出门,
2 achiti kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemwi, pakarepo muchawana mbongoro yakasungirwa, nedhongwana rinayo; sunungurai, muuyise kwandiri.
对他们说:“到那个村子里去,在那里,你会看见一头驴被绳子拴在那里,它身边还有一头小驴。把它们解开,牵来给我。
3 Kana ani nani achitaura chinhu kwamuri, muchati: Ishe anozvida; pakarepo achazvitumira.
如果有人问你们,就要说:‘主需要它们。’他会立刻让你们牵走。”
4 Izvozvi zvese zvakaitika, kuti zvizadziswe zvakataurwa nemuporofita, achiti:
这应验了先知所说:
5 Udzai mukunda weZiyoni: Tarira Mambo wako anouya kwauri, ari munyoro, akatasva mbongoro, nedhongwana, mwana wechipfuwo chemutoro.
“告诉锡安子民,说:‘看哪,你的王来了,他生性谦卑,骑着一头驴,还带着那头驴的幼崽。’”
6 Vadzidzi vakaenda, vakaita Jesu sezvaakavaraira,
这两位门徒照着耶稣的吩咐而行,
7 vakauisa mbongoro nedhongwana, vakaisa nguvo dzavo pamusoro pazvo; vakamugadza pamusoro pazvo.
牵了母驴和小驴来,把衣服搭在驴身上,耶稣骑了上去。
8 Chaunga chikuru kwazvo chikawarira nguvo dzacho munzira; vamwe vakatema matavi pamiti vakawarira munzira.
人群中有很多人把自己的衣服铺在路上,也有人从树上把树枝砍下,铺在路上。
9 Zvaunga zvakange zvakamutungamirira nevakange vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana kuMwanakomana waDavhidhi! Wakaropafadzwa iye anouya muzita raIshe! Hosana kumusoro-soro!
前呼后拥的民众喊叫着:“颂赞归于救世主,大卫的子孙,他奉主之名前来,有福了。高高在上和散那!。”
10 Wakati apinda muJerusarema, guta rese rikazungunuswa, richiti: Ndiani uyu?
耶稣进了耶路撒冷,全城轰动,城中人问:“此人是谁?”
11 Zvaunga zvikati: Uyu ndiJesu muporofita weNazareta reGarirea.
人群回答:“这就是先知耶稣,来自加利利的拿撒勒。”
12 Zvino Jesu wakapinda mutembere yaMwari, akadzingira vese vaitengesa nevaitenga mutembere, akapidigura matafura evaitsinhanha mari, nezvigaro zvevaitengesa njiva.
耶稣进了圣殿,把殿里所有买卖人都赶走,推倒换钱的桌子和卖鸽子小贩的凳子。
13 Akati kwavari: Kwakanyorwa kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yemunyengetero; asi imwi munoiita bako remakororo.
他对他们说:“经书上写着:‘我的殿应为祷告的殿。’你们竟把它弄成贼窝了。”
14 Zvino kwakauya kwaari mapofu nevaikamhina mutembere; akavaporesa.
殿里的盲人和瘸腿之人都走过来,耶稣医好了他们。
15 Asi vapristi vakuru nevanyori vakati vachiona zvinhu zvinoshamisa zvaakange achiita, nevana vachidanidzira mutembere vachiti: Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi! vakatsamwa,
祭司长和宗教老师眼见耶稣所行奇事,又看见小孩子在殿中喊叫“救世主,大卫的子孙”,就很忿怒,对耶稣说:“你听见孩子们说什么吗?”
16 vakati kwaari: Unonzwa zvavanotaura ivava here? Jesu akati kwavari: Hongu, hamuna kutongoverenga here, kuti: Mumuromo mavacheche nevanoyamwa makapedzeredza rumbidzo?
耶稣说:“我听见了。你没念过这段经文?‘你从小孩和婴儿的口中,听到赞美。’”
17 Akavasiya, akabuda panze peguta, achienda Bhetaniya, ndokurarapo.
耶稣于是离开他们出了城,来到伯大尼,在那里过了一夜。
18 Kuzoti mangwanani-ngwanani wakati achidzokera kuguta, akanzwa nzara.
耶稣第二天清早回城的时候,觉得饿了。
19 Zvino wakati achiona umwe muonde panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha chete; akati kwauri: Ngakurege kuva nezvibereko kwauri kusvikira narinhi. Pakarepo muonde ukasvava. (aiōn )
他看见路旁有一棵无花果树,就走过去,但树上除了叶子什么也没有,于是它对树说:“你永远不会结果了。”那棵树就立刻枯萎。 (aiōn )
20 Vadzidzi vakati vachiona, vakashamisika, vachiti: Muonde wasvava pakarepo sei?
门徒看见了,十分惊奇,说:“这棵无花果树为什么立刻枯萎了?”
21 Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Dai maiva nerutendo, musiri vasina chokwadi, hamungaiti izvi kumuonde chete, asi kunyange kana mukati kugomo iri: Simudzwa ukandirwe mugungwa; zvichaitwa.
耶稣回答他们:“告诉你们实话,如果你们相信上帝,不怀疑,不但可以像我对无花果树所做的那样,还可以对这座山说‘移走吧,落入海中’。
22 Nezvese zvipi nezvipi zvamunokumbira mumunyengetero, kana muchitenda, muchazvigamuchira.
你们祷告,无论求什么,只要相信,必会心想事成。”
23 Wakati apinda mutembere, vapristi vakuru nevakuru vevanhu vakauya kwaari achidzidzisa, vakati: Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripi? Ndiani akakupai simba iri?
耶稣走进圣殿,他在教导众人的时候,祭司长和民间长老前来问他:“你凭什么权力做这些事?谁给你这权力?”
24 Jesu akapindura akati kwavari: Neni ndichakubvunzai shoko rimwe; kana mukandiudza iro, neni ndichakuudzai kuti ndinoita izvi nesimba ripi.
耶稣回答他们:“我也要问你们一句,如果你们回答我,我就告诉你们我凭什么权力行这些事。
25 Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabvepi? Kudenga here kana kuvanhu? Zvino vakataurirana pakati pavo vachiti: Kana tikati: Kudenga; uchati kwatiri: Saka sei musina kumutenda?
约翰的洗礼从何而来?从天上来,还是从人中来?”他们开始商讨:“如果我们说‘从天上来’,他会问我们‘那你们为什么不信他呢?’
26 Asi kana tikati: Kuvanhu; tinotya chaunga; nokuti vese vakatora Johwani semuporofita.
如果我们说‘从人中来’,民众又会对付我们,因为他们会认为约翰就是先知。”
27 Vakapindura Jesu vakati: Hatizivi. Iye ndokuti kwavari: Neni handingakuudziyi simba randinoita naro izvi.
于是他们回答耶稣:“我们不知道。” 耶稣也对他们说:“那我也不会告诉你们,我凭什么权力行这些事。
28 Zvino munofungei? Munhu waiva nevanakomana vaviri; akauya kune wekutanga, akati: Mwana, enda nhasi unobata mumunda wangu wemizambiringa.
我来给你们一个比喻。一个人有两个儿子。他对大儿子说:‘孩子,你今天到葡萄园去工作吧。’
29 Iye akapindura akati: Handidi; asi pashure akatendeuka akaenda.
儿子回答:‘我不想去。’但后来他改变了主意,去了葡萄园。
30 Akaenda kune wechipiri akataura saizvozvo. Iye akapindura akati: Ndinoenda, ishe; akasaenda.
父亲同样吩咐小儿子。小儿子说:‘父亲,我会去的。’但却没有去。
31 Ndeupi pavaviri akaita kuda kwababa? Vakati kwaari: Wekutanga. Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vateresi nezvifeve vanokutangirai kupinda muushe hwaMwari.
你们说,这两个儿子,哪一个更听父亲的话?” 他们回答:“大儿子。” 耶稣对他们说:“我告诉你们实话,税吏和娼妓都会比你们先进入上帝之国。
32 Nokuti Johwani akauya kwamuri nenzira yekururama, mukasamutenda; asi vateresi nezvifeve vakamutenda, asi imwi makati muchiona, hamuna kutendeuka shure kwaizvozvi kuti mumutende.
约翰前来指示你们上帝的正道之路,你们不信他,但税吏和娼妓却信他。你们看见后,仍未改变心意去信他。
33 Inzwai umwe mufananidzo. Kwaiva neumwe munhu, mwene weimba, wakasima munda wemizambiringa, akaisa ruzhowa rwakaukomberedza, akachera pekusvinira waini mauri, akavaka shongwe, akauhaisa kuvarimi, akaenda kunze kwenyika.
这里还有一个比喻:有一位家主种了一个葡萄园,四面围上篱笆,在园子里挖了一个踩葡萄酿酒的池子,盖了一座瞭望台,然后把园子租给佃户,就远行去了。
34 Kuzoti nguva yezvibereko yaswedera, akatuma varanda vake kuvarimi kuti vagamuchire zvibereko zvake.
到了收获之时,园主派了仆人到佃户那里,去收属于他的葡萄。
35 Asi varimi vakabata varanda vake, umwe vakarova, umwe vakauraya, umwe vakataka nemabwe.
佃户却攻击仆人,打伤一人,杀了一人,又用石头砸死一人。
36 Akatumazve vamwe varanda vazhinji kune vekutanga; vakavaitira saizvozvo.
于是园主再派其他的仆人去,人数比前一次更多,但佃户用同样的方式对付他们。
37 Asi pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti: Vacharemekedza mwanakomana wangu.
最后他派了自己的儿子去,说:‘他们必尊敬我的儿子。’
38 Asi varimi vakati vachiona mwanakomana, vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai, ngatimuurayeyi tibate nhaka yake.
佃户看见他的儿子,就开始商量:‘这是继承产业之人,杀了他,我们就能占有他的产业!’
39 Zvino vakamubata vakaposhera panze kunze kwemunda wemizambiringa vakamuuraya.
于是他们抓住园主之子,把他推到葡萄园外杀了。
40 Naizvozvo kana mwene wemunda wemizambiringa achisvika, uchaitei kuvarimi avo?
那么,如果葡萄园主前来,会怎样对待那些佃户?”
41 Vakati kwaari: Achaparadza zvakaipa ava vakaipa, akahaisa vamwe varimi munda wemizambiringa, vachamupa zvibereko nenguva dzazvo.
众人回答:“他会毫不留情地除掉那些恶人,把葡萄园租给按时缴纳葡萄的佃户。”
42 Jesu akati kwavari: Hamuna kutongoverenga here pamagwaro panoti: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rakava musoro wekona; kubva kuna Ishe izvi zvaitika zvinoshamisa pameso edu?
耶稣对他们说:“你可曾记得经上所说:‘建筑工人所弃的石头,成了房屋的奠基石,这是主所为,我们视为奇迹。’
43 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Ushe hwaMwari huchatorwa kubva kwamuri, hukapiwa kurudzi rwunobereka zvibereko zvahwo.
所以我要告诉你们,上帝之国将从你们这里取走,赐给那结正道之果的异教徒。
44 Uye anowira pamusoro pebwe iri, achavhunikanya; asi pane upi neupi warinowira richamukuya.
摔在这石头上的人,必会粉身碎骨,这石头掉在谁的身上,也必将其压得粉碎。”
45 Vapristi vakuru neVaFarisi vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti anotaura nezvavo.
祭司长和法利赛人听了耶稣这番比喻,知道这是暗指他们。
46 Zvino vakati vachitsvaka kumubata vakatya zvaunga nokuti vaimutora semuporofita.
他们想要逮捕耶稣,但又害怕民众,因为他们都认为耶稣是先知。