< Mateo 2 >

1 Zvino Jesu wakati aberekwa muBhetirehemu reJudhiya, pamazuva aHerodhe mambo, tarira, kwakauya vachenjeri vachibva kumabvazuva kuJerusarema,
Or Jésus étant né à Bethléhem, [ville] de Juda, au temps du Roi Hérode, voici arriver des Sages d'Orient à Jérusalem.
2 vachiti: Uripi iye wakazvarwa Mambo weVaJudha? Nokuti taona nyeredzi yake kumabvazuva, tauya kuzomunamata.
En disant: où est le Roi des Juifs qui est né? car nous avons vu son étoile en Orient, et nous sommes venus l'adorer.
3 Zvino Herodhe mambo wakati anzwa, akashushikana, neJerusarema rese naye.
Ce que le Roi Hérode ayant entendu, il en fut troublé, et tout Jérusalem avec lui.
4 Zvino wakati aunganidza vapristi vakuru vese nevanyori vevanhu, akabvunza kwavari kuti Kristu uchazvarirwa kupi.
Et ayant assemblé tous les principaux Sacrificateurs, et les Scribes du peuple, il s'informa d'eux où le Christ devait naître.
5 Zvino vakati kwaari: MuBhetirehemu reJudhiya; nokuti zvakanyorwa saizvozvi nemuporofita zvichinzi:
Et ils lui dirent: à Bethléhem, [ville] de Judée; car il est ainsi écrit par un Prophète:
6 Newe Bhetirehemu nyika yaJudha, hausi mudikisa kuvatongi vaJudha; nokuti kwauri kuchabuda mutungamiriri, achafudza vanhu vangu Israeri.
Et toi, Bethléhem, terre de Juda, tu n'es nullement la plus petite entre les Gouverneurs de Juda, car de toi sortira le Conducteur qui paîtra mon peuple d'Israël.
7 Zvino Herodhe, wakati adana vachenjeri muchivande, akabvunzisisa kwavari nguva yakaonekwa nyeredzi.
Alors Hérode ayant appelé en secret les Sages, s'informa d'eux soigneusement du temps que l'étoile leur était apparue.
8 Akavatuma kuBhetirehemu, akati: Endai munobvunzisisa zvemucheche; kana mamuwana mundisume, kuti ini ndiuyewo ndimunamate.
Et les envoyant à Bethléhem, il leur dit: Allez, et vous informez soigneusement touchant le petit enfant; et quand vous l'aurez trouvé, faites-le-moi savoir, afin que j'y aille aussi, et que je l'adore.
9 Vakati vanzwa mambo, vakabva; zvino tarira, nyeredzi yavakaona kumabvazuva yakavatungamirira, kusvikira yasvika ikamira pamusoro pepakange pane mucheche.
Eux donc ayant ouï le Roi, s'en allèrent, et voici, l'étoile qu'ils avaient vue en Orient allait devant eux, jusqu'à ce qu'elle vint et s'arrêta sur le lieu où était le petit enfant.
10 Vakati vaona nyeredzi vakafara nemufaro mukuru kwazvo.
Et quand ils virent l'étoile, ils se réjouirent d'une fort grande joie.
11 Vakati vapinda mumba, vakaona mucheche naMaria mai vake, vakawira pasi vakamunamata; zvino vakati vazarura fuma yavo, vakamupemberera nezvipo, goridhe, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, nemura.
Et entrés dans la maison, ils trouvèrent le petit enfant avec Marie sa mère, lequel ils adorèrent, en se prosternant en terre; et après avoir déployé leurs trésors, ils lui offrirent des présents, [savoir], de l'or, de l'encens et de la myrrhe.
12 Vakati vanyeverwa naMwari muchiroto, kuti varege kudzokera kuna Herodhe, vakabva vakaenda kunyika yavo neimwe nzira.
Puis étant divinement avertis dans un songe, de ne retourner point vers Hérode, ils se retirèrent en leur pays par un autre chemin.
13 Vakati vaenda, tarira, mutumwa waIshe anoonekwa kuna Josefa muchiroto, achiti: Muka utore mucheche namai vake, utizire kuEgipita, uveko kusvikira ndichikuudza; nokuti Herodhe achatsvaka mucheche kuti amuparadze.
Or après qu'ils se furent retirés, voici, l'Ange du Seigneur apparut dans un songe à Joseph, et lui dit: lève-toi, et prends le petit enfant, et sa mère, et t'enfuis en Egypte, et demeure là, jusqu'à ce que je te le dise; car Hérode cherchera le petit enfant pour le faire mourir.
14 Zvino amuka wakatora mucheche namai vake usiku, akabva akaenda kuEgipita,
Joseph donc étant réveillé, prit de nuit le petit enfant, et sa mère, et se retira en Egypte.
15 uye wakavako kusvikira pakufa kwaHerodhe; kuti zvizadziswe zvakarehwa naIshe nemuporofita, achiti: Ndakadana mwanakomana wangu abude muEgipita.
Et il demeura là jusques à la mort d'Hérode; afin que fût accompli ce dont le Seigneur avait parlé par un Prophète, disant: J'ai appelé mon Fils hors d'Egypte.
16 Zvino Herodhe, wakati aona kuti anyengerwa nevachenjeri, akatsamwa zvikuru, akatuma, akauraya vana vese vaiva muBhetirehemu nemumigumo yaro yese, kubvira pamakore maviri neari pasi, zvichienderana nenguva yaakange abvunzisisa kuvachenjeri.
Alors Hérode voyant que les Sages s'étaient moqués de lui, fut fort en colère, et il envoya tuer tous les enfants qui étaient à Bethléhem, et dans tout son territoire; depuis l'âge de deux ans, et au-dessous, selon le temps dont il s'était exactement informé des Sages.
17 Zvino zvakazadziswa zvakarehwa naJeremiya muporofita achiti:
Alors fut accompli ce dont avait parlé Jérémie le Prophète, en disant:
18 MuRama rakanzwika inzwi, kuungudza nekuchema nekurira kukuru, Rakeri achichema vana vake asingadi kunyaradzwa, nokuti havachipo.
On a ouï à Rama un cri, une lamentation, des plaintes, et un grand gémissement: Rachel pleurant ses enfants, et n'ayant point voulu être consolée de ce qu'ils ne sont plus.
19 Asi Herodhe wakati afa, tarira, mutumwa waIshe wakaonekwa muchiroto kuna Josefa muEgipita,
Mais après qu'Hérode fut mort, voici, l'Ange du Seigneur apparut dans un songe à Joseph, en Egypte,
20 achiti: Muka, utore mucheche namai vake, uende kunyika yaIsraeri; nokuti vakafa avo vaitsvaka mweya wemucheche.
Et [lui] dit: lève-toi, et prends le petit enfant, et sa mère, et t'en va au pays d'Israël; car ceux qui cherchaient à ôter la vie au petit enfant sont morts.
21 Akasimuka ndokutora mucheche namai vake akasvika kunyika yaIsraeri.
Joseph donc s'étant réveillé, prit le petit enfant et sa mère, et s'en vint au pays d'Israël.
22 Asi wakati achinzwa kuti Arikerawo anotonga muJudhiya panzvimbo yababa vake Herodhe, akatya kuendako; asi wakati anyeverwa naMwari muchiroto, akabva akaenda kumativi eGarirea.
Mais quand il eut appris qu'Archélaüs régnait en Judée, à la place d'Hérode son père, il craignit d'y aller; et étant divinement averti dans un songe, il se retira en Galilée.
23 Akasvika akagara muguta rinonzi Nazareta; kuti zvizadziswe zvakarehwa nevaporofita, kuti: Achanzi muNazareta.
Et y étant arrivé, il habita dans la ville appelée Nazareth; afin que fût accompli ce qui avait été dit par les Prophètes: il sera appelé Nazarien.

< Mateo 2 >