< Mateo 18 >

1 Nenguva iyo vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti: Ko ndiani mukurusa paushe hwekumatenga?
tadaanii. m "si. syaa yii"so. h samiipamaagatya p. r.s. tavanta. h svargaraajye ka. h "sre. s.tha. h?
2 Jesu akadanira kwaari mucheche akamumisa pakati pavo.
tato yii"su. h k. sudrameka. m baalaka. m svasamiipamaaniiya te. saa. m madhye nidhaaya jagaada,
3 Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana musingashandurwi mukava sevacheche, hamungatongopindi muushe hwekumatenga.
yu. smaanaha. m satya. m braviimi, yuuya. m manovinimayena k. sudrabaalavat na santa. h svargaraajya. m prave. s.tu. m na "saknutha|
4 Naizvozvo ani nani anozvininipisa semucheche uyu ndiye mukurusa muushe hwekumatenga.
ya. h ka"scid etasya k. sudrabaalakasya samamaatmaana. m namriikaroti, saeva svargaraajaye "sre. s.tha. h|
5 Zvino ani nani anogamuchira mucheche umwe wakadai muzita rangu anogamuchira ini.
ya. h ka"scid etaad. r"sa. m k. sudrabaalakameka. m mama naamni g. rhlaati, sa maameva g. rhlaati|
6 Asi ani nani anogumbusa umwe wevacheche ava vanotenda kwandiri, zvaiva nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe kupoteredza pamutsipa wake, anyudzwe mukudzika kwegungwa.
kintu yo jano mayi k. rtavi"svaasaanaamete. saa. m k. sudrapraa. ninaam ekasyaapi vidhni. m janayati, ka. n.thabaddhape. sa. niikasya tasya saagaraagaadhajale majjana. m "sreya. h|
7 Ine nhamo nyika nemhaka yezvigumbuso! Nokuti kunodikanwa kuti zvigumbuso zviuye; asi une nhamo munhu uyo chigumbuso wachinouya naye!
vighnaat jagata. h santaapo bhavi. syati, vighno. ava"sya. m janayi. syate, kintu yena manujena vighno jani. syate tasyaiva santaapo bhavi. syati|
8 Zvino kana ruoko rwako kana rutsoka rwako zvichikugumbusa, uzvigure urase kubva kwauri; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri mhetamakumbo kana uri chirema pakuti une maoko maviri kana tsoka mbiri ukandirwe mumoto wekusingaperi. (aiōnios g166)
tasmaat tava kara"scara. no vaa yadi tvaa. m baadhate, tarhi ta. m chittvaa nik. sipa, dvikarasya dvipadasya vaa tavaanaptavahnau nik. sepaat, kha njasya vaa chinnahastasya tava jiivane prave"so vara. m| (aiōnios g166)
9 Kana ziso rako richikugumbusa, uridzure urase kubva kwauri; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu une ziso rimwe pakuti une meso maviri ukandirwe mugehena remoto. (Geenna g1067)
apara. m tava netra. m yadi tvaa. m baadhate, tarhi tadapyutpaavya nik. sipa, dvinetrasya narakaagnau nik. sepaat kaa. nasya tava jiivane prave"so vara. m| (Geenna g1067)
10 Chenjerai musazvidza umwe wevadiki ava, nokuti ndinoti kwamuri: Kumatenga vatumwa vavo vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kumatenga.
tasmaadavadhaddha. m, ete. saa. m k. sudrapraa. ninaam ekamapi maa tucchiikuruta,
11 Nokuti Mwanakomana wemunhu wakauya kuzoponesa chakange chakarasika.
yato yu. smaanaha. m tathya. m braviimi, svarge te. saa. m duutaa mama svargasthasya pituraasya. m nitya. m pa"syanti| eva. m ye ye haaritaastaan rak. situ. m manujaputra aagacchat|
12 Munofunga sei? Kana umwe munhu ane makwai zana, rimwe rawo rikarasika, haangasii here makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, akaenda kumakomo kunotsvaka rakarasika?
yuuyamatra ki. m vivi. mgghve? kasyacid yadi "sata. m me. saa. h santi, te. saameko haaryyate ca, tarhi sa ekona"sata. m me. saan vihaaya parvvata. m gatvaa ta. m haaritameka. m ki. m na m. rgayate?
13 Kana zvikaitika kuti ariwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Anorifarira kupfuura makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurasika.
yadi ca kadaacit tanme. sodde"sa. m lamate, tarhi yu. smaanaha. m satya. m kathayaami, so. avipathagaamibhya ekona"satame. sebhyopi tadekahetoradhikam aahlaadate|
14 Saizvozvo hakusi kuda kwaBaba venyu vari kumatenga, kuti umwe wevadiki ava aparare.
tadvad ete. saa. m k. sudrapraaenaam ekopi na"syatiiti yu. smaaka. m svargasthapitu rnaabhimatam|
15 Asi kana umwe wako akutadzira, enda umudzore pakati pako naye mega; kana akakunzwa, wawana umwe wako.
yadyapi tava bhraataa tvayi kimapyaparaadhyati, tarhi gatvaa yuvayordvayo. h sthitayostasyaaparaadha. m ta. m j naapaya| tatra sa yadi tava vaakya. m "s. r.noti, tarhi tva. m svabhraatara. m praaptavaan,
16 Asi kana asinganzwi, tora umwe kana vamwe vaviri newe, kuti nemuromo wezvapupu zviviri kana zvitatu shoko rese risimbiswe.
kintu yadi na "s. r.noti, tarhi dvaabhyaa. m tribhi rvaa saak. siibhi. h sarvva. m vaakya. m yathaa ni"scita. m jaayate, tadartham eka. m dvau vaa saak. si. nau g. rhiitvaa yaahi|
17 Kana asina hanya nekuvanzwa, uudze kereke; asi kana asina hanya nekunzwa kerekewo, ngaave kwauri semuhedheni nemuteresi.
tena sa yadi tayo rvaakya. m na maanyate, tarhi samaaja. m tajj naapaya, kintu yadi samaajasyaapi vaakya. m na maanyate, tarhi sa tava samiipe devapuujakaiva ca. n.daalaiva ca bhavi. syati|
18 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchasunga panyika, chichasungwa kudenga; uye chipi nechipi chamunosunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.
aha. m yu. smaan satya. m vadaami, yu. smaabhi. h p. rthivyaa. m yad badhyate tat svarge bha. mtsyate; medinyaa. m yat bhocyate, svarge. api tat mok. syate|
19 Zvekare ndinoti kwamuri: Kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechinhu chipi nechipi chavanokumbira, chichaitwa kwavari naBaba vangu vari kumatenga.
punaraha. m yu. smaan vadaami, medinyaa. m yu. smaaka. m yadi dvaavekavaakyiibhuuya ki ncit praarthayete, tarhi mama svargasthapitraa tat tayo. h k. rte sampanna. m bhavi. syati|
20 Nokuti apo vaviri kana vatatu vakaungana muzita rangu, ipapo ndiripo pakati pavo.
yato yatra dvau trayo vaa mama naanni milanti, tatraivaaha. m te. saa. m madhye. asmi|
21 Zvino Petro wakauya kwaari akati: Ishe, umwe wangu uchanditadzira kangani, ndichimukanganwira? Kusvikira kanomwe here?
tadaanii. m pitarastatsamiipamaagatya kathitavaan he prabho, mama bhraataa mama yadyaparaadhyati, tarhi ta. m katik. rtva. h k. sami. sye?
22 Jesu akati kwaari: Handiti kwauri: Kusvikira kanomwe; asi: Kusvikira makumi manomwe akapamhidzirwa kanomwe.
ki. m saptak. rtva. h? yii"susta. m jagaada, tvaa. m kevala. m saptak. rtvo yaavat na vadaami, kintu saptatyaa gu. nita. m saptak. rtvo yaavat|
23 Naizvozvo ushe hwekumatenga hunofananidzwa neumwe mambo, wakange achida kugadzirisa zvemari nevaranda vake.
apara. m nijadaasai. h saha jiga. nayi. su. h ka"scid raajeva svargaraajaya. m|
24 Zvino wakati achitanga kugadzirisa zvemari, umwe akauyiswa kwaari wakange ane chikwereti chematarenda gumi rezvuru.
aarabdhe tasmin ga. nane saarddhasahasramudraapuuritaanaa. m da"sasahasrapu. takaanaam eko. aghamar. nastatsamak. samaanaayi|
25 Asi zvaakange asina chaangaripa nacho, ishe wake akaraira kuti atengeswe pamwe nemukadzi wake nevana, nezvese zvaakange anazvo, kuti muripo uitwe.
tasya pari"sodhanaaya dravyaabhaavaat pari"sodhanaartha. m sa tadiiyabhaaryyaaputraadisarvvasva nca vikriiyataamiti tatprabhuraadide"sa|
26 Naizvozvo muranda wakawira pasi, akamunamata, achiti: Ishe, ivai nemoyo murefu neni, ndichakuripirai zvese.
tena sa daasastasya paadayo. h patan pra. namya kathitavaan, he prabho bhavataa ghairyye k. rte mayaa sarvva. m pari"sodhi. syate|
27 Zvino ishe wemuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamukanganwira chikwereti.
tadaanii. m daasasya prabhu. h sakaru. na. h san sakalar. na. m k. samitvaa ta. m tatyaaja|
28 Asi muranda uyo wakati achibuda, akawana umwe wevaranda vaibata pamwe naye, wakange ane ngava kwaari remadhenario zana; akamubata, akamudzipa, akati: Ndiripe zvaunofanira.
kintu tasmin daase bahi ryaate, tasya "sata. m mudraacaturthaa. m"saan yo dhaarayati, ta. m sahadaasa. m d. r.sdvaa tasya ka. n.tha. m ni. spii. dya gaditavaan, mama yat praapya. m tat pari"sodhaya|
29 Zvino muranda waibata pamwe naye akawira pasi patsoka dzake akamugombetedza achiti: Uve nemoyo murefu neni, ndichakuripira zvese.
tadaa tasya sahadaasastatpaadayo. h patitvaa viniiya babhaa. se, tvayaa dhairyye k. rte mayaa sarvva. m pari"sodhi. syate|
30 Asi iye haana kuda, asi wakaenda, akamukanda mutirongo, kusvikira aripa chikwereti.
tathaapi sa tat naa"nagiik. rtya yaavat sarvvam. r.na. m na pari"sodhitavaan taavat ta. m kaaraayaa. m sthaapayaamaasa|
31 Zvino varanda vaibata pamwe naye vakati vachiona zvakange zvaitika, vakashungurudzika kwazvo, vakaenda vakaudza ishe wavo zvese zvakaitika.
tadaa tasya sahadaasaastasyaitaad. rg aacara. na. m vilokya prabho. h samiipa. m gatvaa sarvva. m v. rttaanta. m nivedayaamaasu. h|
32 Zvino ishe wake wakati amudanira kwaari akati kwaari: Iwe muranda wakaipa, ndakakukanganwira chikwereti icho chose, nokuti wakandigombetedza.
tadaa tasya prabhustamaahuuya jagaada, re du. s.ta daasa, tvayaa matsannidhau praarthite mayaa tava sarvvam. r.na. m tyakta. m;
33 Ko newe hausaifanira kunzwira tsitsi here umwe muranda unobata pamwe newe, seniwo ndakakunzwira tsitsi?
yathaa caaha. m tvayi karu. naa. m k. rtavaan, tathaiva tvatsahadaase karu. naakara. na. m ki. m tava nocita. m?
34 Zvino ishe wake akatsamwa, akamukumikidza kuvarwadzisi, kusvikira aripa zvese zvakafanira kwaari.
iti kathayitvaa tasya prabhu. h kruddhyan nijapraapya. m yaavat sa na pari"sodhitavaan, taavat prahaarakaanaa. m kare. su ta. m samarpitavaan|
35 Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitiraiwo, kana musingakanganwiri umwe neumwe umwe wake zvitadzo zvavo nemoyo yenyu yese.
yadi yuuya. m svaanta. hkara. nai. h svasvasahajaanaam aparaadhaan na k. samadhve, tarhi mama svargasya. h pitaapi yu. smaan pratiittha. m kari. syati|

< Mateo 18 >