< Mateo 13 >
1 Nezuva iro, Jesu wakabuda mumba akagara pasi parutivi rwegungwa.
那一天,耶穌從家裏出來,坐在海邊上,
2 Uye zvaunga zvikuru zvakaungana kwaari, kusvikira apinda muchikepe akagara pasi; nechaunga chese chakamira pamahombekombe.
有許多群眾集合到衪跟前,衪只得上船坐下,群眾都站在岸上。
3 Ndokutaura zvinhu zvizhinji kwavari nemifananidzo, achiti: Tarirai, mukushi wakabuda kunokusha.
衪就用比喻給他們講論了許多事,說:「看,有個撒種的出去撒種;
4 Zvino pakukusha kwake, imwe mbeu yakawira kurutivi rwenzira; shiri dzikasvika dzikaidya.
他撒種的時候,有的落在路旁,飛鳥來把它吃了。
5 Imwe ikawira panzvimbo dzine mabwe, payakange isina ivhu zhinji; ikamera pakarepo, nokuti pakange pasina udziku hwevhu.
有的落在石頭裏,那裏沒有多少土壤,因為所有的土壤不深,即刻發了芽;
6 Kuzoti zuva rabuda, yakapiswa, uye nokuti yakange isina mudzi, yakasvava.
但太陽一出來,就被曬焦;又因為沒有根,就枯乾了。
7 Asi imwe yakawira paminzwa; minzwa ikakura, ikaivhunga.
有的落在荊棘中,荊棘長起來,便把它們窒息了。
8 Asi imwe yakawira muvhu rakanaka, ikabereka chibereko, imwe zana, neimwe makumi matanhatu, neimwe makumi matatu.
有的落在好地裏,就了實:有一百倍的,有六十倍的,有三十倍的。
9 Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
有耳的,聽吧!
10 Zvino vadzidzi vakasvika, vakati kwaari: Munotaurirei kwavari nemifananidzo?
門徒前來對衪說:「為什麼你用比喻對他們講話﹖」
11 Akapindura akati kwavari: Nokuti kwakapiwa kwamuri kuziva zvakavanzika zveushe hwekumatenga, asi kwavari hakuna kupiwa.
耶穌回答他們說:「因為天國的奧妙,是給你們知道,並不是給他們知道。
12 Nokuti ani nani anazvo achapiwa, uye achava nezvakawanda; asi ani nani asina achatorerwa kunyange nezvaanazvo.
因為凡有的,還要給他,使他富足;但是沒有的,連他所有的,也要由他奪去。
13 Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo, kuti vachiona havaoni; uye vachinzwa havanzwi, uye havanzwisisi.
為此,我用比喻對他們講話,是因為他們看,卻看不見;聽,卻聽不見,也不了解;
14 Uye kwavari kwakazadziswa chiporofita chaIsaya chinoti: Nekunzwa muchanzwa, asi hamungatongonzwisisi; nekuona muchaona, asi hamungatongoonesesi.
這樣正應驗了依撒依亞先知的預言說:『你們聽是聽,但不了解;看是看,但不明白,
15 Nokuti moyo wevanhu ava wava mukukutu, uye vanonzwa nenzeve nemutsutsururu, nemeso avo vakaatsinzina; zvimwe varege kuona nemeso, uye vanzwe nenzeve, uye vanzwisise nemoyo, vatendeukewo, ndigovaporesa.
因為這百姓的心遲純了,耳朵難以聽見,他們閉了眼睛,免得眼睛看見,耳朵聽見,心裏了解而轉變,而要我醫好他們。』
16 Asi akaropafadzwa meso enyu, nokuti anoona; nenzeve dzenyu, nokuti dzinonzwa.
但你們的眼睛有福,因為看得見,你們的耳朵有福,因為聽得見。
17 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vaporofita nevakarurama vazhinji vakange vachishuva kuona zvamunoona, asi havana kuzviona; nekunzwa zvamunonzwa, asi havana kunzwa.
我實在告訴你們:有許多先知和義人相看你們所看見的,而沒有看到;想聽你們所聽到的,而沒有聽到。
18 Naizvozvo imwi inzwai mufananidzo wemukushi.
那麼你們聽這撒種的比喻吧!
19 Umwe neumwe anonzwa shoko reushe asi asinganzwisisi, wakaipa anosvika ndokubvuta chakakushwa mumoyo make. Uyu ndiye wakakushwa kurutivi rwenzira.
凡聽天國的話,而不了解的,那惡者就來把撒在他心裏的奪去;這是指那撒在路旁的。
20 Asi wakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ndiye anonzwa shoko ndokurigamuchira pakarepo nemufaro;
那撒在石頭地裏的,即是指人聽了話,立刻高興接受;
21 asi haana mudzi maari, asi anogara kwenguva, uye kana dambudziko kana kushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo anogumburwa.
但在人裏沒有根,不能持久,一旦為這話發生了艱難和迫害,就立刻跌倒了。
22 Uye wakakushwa paminzwa, ndiye anonzwa shoko, asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma zvinovhunga shoko, rova risingabereki. (aiōn )
那撒在荊棘中的,即是指人了聽了話,卻有世俗的焦慮和財富的迷惑,把話蒙往了,結不出果實 (aiōn )
23 Asi wakakushwa muvhu rakanaka, ndiye anonzwa shoko akanzwisisa, anoberekawo zvibereko, achiita, umwe zana, neumwe makumi matanhatu, neumwe makumi matatu.
那撒在好地裏的,即是指那聽了而了解的人,他當然結實,有結一百倍的,有結六十倍的,有結三十倍的。」
24 Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo, achiti: Ushe hwekumatenga hunofananidzwa nemunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make.
耶穌給他們另設了一個比喻說:「天國好像一個人,在自己田裏撒了好種子;
25 Asi vanhu vakati varere, muvengi wake wakauya, akakusha mashawi pakati pezviyo, akaenda.
但人在睡覺的時候,他的仇人來,在麥子中間撒上莠子,就走了。
26 Asi chipande chakati chamera nekubereka chibereko, zvino mashawi akaonekwawo.
苖在長起來,抽出穗的時候,莠子也顯出來子。
27 Zvino varanda vemwene weimba vakaswedera vakati kwaari: Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda wenyu here? Zvino wawanepi mashawi?
家主的僕人,就來對他說:主人!你百是在你田裏撒了好種子嗎﹖那麼從哪裏來了莠子﹖
28 Akati kwavari: Muvengi waita izvi. Varanda vakati kwaari: Saka munoda kuti tinoaunganidza here?
主人對他說:這是仇人做的。僕人對他說:那麼,你願我們把莠子收集起來嗎。
29 Asi wakati: Kwete, zvimwe kana muchiunganidza mashawi, mungadzura zviyo nawo.
他卻說:不,免得你們收集莠子,把麥子休拔了出來。
30 Regai zvikure pamwe zviri zviviri kusvikira pakukohwa; zvino nenguva yekukohwa ndichati kuvakohwi: Unganidzai pakutanga mashawi, muasunge mwanda kuti muapise; asi muunganidze zviyo mudura rangu.
讓兩樣一起長到收割的時候好了;在收割時,我要對收割的人說:你們先收集莠子,把莠子捆成捆,好燃燒,把麥子卻收入我的倉庫裏。
31 Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo achiti: Ushe hwekumatenga hwakafanana netsanga yemasitadha, munhu yaanotora akaidzvara mumunda make.
耶穌給他們另設一個比喻說:「天國好像一粒芥子,人把它撒在自己的田裏。
32 Iyo idiki zvirokwazvo pambeu dzese, asi kana yakura ihuru pamiriwo, inova muti, zvekuti shiri dzekudenga dzinouya dzichivaka matendere pamatavi awo.
它固然是各樣種子裏最小的,但當它長起來,卻比各種蔬菜都大,竟成了樹甚至天上的飛鳥飛來,在它的枝上棲息。」
33 Akataura umwe mufananidzo kwavari akati: Ushe hwekumatenga hwakafanana nembiriso, mukadzi yaakatora, akaiisa muzviyero zvitatu zveupfu kusvikira hwese hwaviriswa.
衪又給他們講了一個比喻:「天國好像酵母,女人取來藏在三斗麵裏,直到全部發了酵。
34 Izvi zvinhu zvese Jesu wakaudza zvaunga nemifananidzo, uye pasina mufananidzo haana kutaura kwavari;
耶穌用比喻給群眾講解了這一切,不用比喻就不給他們講什麼;
35 kuti chizadziswe chakarehwa nemuporofita, achiti: Ndichazarura muromo wangu nemifananidzo; ndichataura zvinhu zvakange zvakavanzika kubva pamavambo enyika.
這樣應驗了先知所說的話:『我要開口說比喻,要說出由創世以來的隱密事。』
36 Zvino Jesu wakati arega zvaunga zvichienda, akapinda mumba; vadzidzi vake vakaswedera kwaari, vachiti: Tidudzirei mufananidzo wemashawi emunda.
那時,耶穌離開了群眾,來到家裏,衪的門徒就前來對衪說:「請把田間莠子的比喻給我們講解一下! 」
37 Akapindura akati kwavari: Anokusha mbeu yakanaka Mwanakomana wemunhu;
衪就回答說:「那撒好種子的,就是人子;
38 uye munda inyika; nembeu yakanaka ndivo vana veushe; asi mashawi vana vewakaipa.
田就是世界;好種子就是天國的子民,莠子就是邪惡的子民;
39 Uye muvengi wakaakusha ndidhiabhorosi; uye kukohwa kuguma kwenyika; nevakohwi vatumwa. (aiōn )
那撒莠子的仇人,既是魔鬼;收薐時期,既是今世的終結;收割者既是天使。 (aiōn )
40 Naizvozvo mashawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, zvichava saizvozvo pakuguma kwenyika ino. (aiōn )
就如將莠子收集起來,用火焚燒;在今事終結時也將是如此: (aiōn )
41 Mwanakomana wemunhu achatuma vatumwa vake, vagounganidza kubva muushe hwake zvigumbuso zvese nevanoita zvakaipa;
人子要差遣衪的天使,由衪的國內,將一切使人跌倒的事,及作惡的人收集起來,
42 zvino vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
扔到火窯裏;在那裏要有哀號和切齒。
43 Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
那時,義人要在他們父的國裏,發光如同太陽。有耳的,聽罷!」
44 Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nefuma yakavigwa mumunda, inoti kana munhu aiwana, anoiviga; zvino nemufaro wake anoenda akanotengesa zvese zvaanazvo akatenga munda uyo.
「天國好像是藏在地裏的寶貝;人找到了,就把他藏起來,高興的去賣掉他所有的一切,買了那塊地。」
45 Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemushambadzi anotsvaka maparera akanaka;
「天國又好像一個尋找完美珍珠的商人;
46 akati awana parera rimwe rine mutengo mukuru, akaenda akanotengesa zvese zvaakange anazvo, akaritenga.
他一找到一顆寶貴的珍珠,就去,賣掉他所有的一切,買了它。」
47 Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemumbure wakakandirwa mugungwa, ukaunganidza marudzi ese ehove.
「天國又好像撒在海裏的網,網羅各種的魚。
48 Iwo kana wazara, vanoukwevera pamahombekombe, ndokugara pasi, vakaunganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasira kunze.
網一滿了,人就拉上岸來,坐下,撿好的,放在器皿裏;壞的,扔在外面。
49 Zvichava saizvozvo pakuguma kwenguva; vatumwa vachabuda, vachaparadzanisa vakaipa kubva pakati pevakarurama, (aiōn )
在今世的終結時,也將如此:天使要出去,把惡人由義人中分開, (aiōn )
50 uye vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
把他們扔在火窯裏;在那裏要有哀號和切齒。
51 Jesu akati kwavari: Manzwisisa izvi zvese here? Vakati kwaari: Hongu Ishe.
這一切你們都明白了嗎?」他們說:「是的」。
52 Zvino akati kwavari: Naizvozvo munyori umwe neumwe wakadzidziswa zveushe hwekumatenga wakafanana nemunhu, mwene weimba, anobudisa zvinhu zvitsva nezvisharu pafuma yake.
他就對他們說:「為此,凡成為天國門徒的經師,就好像一個家主,從他的寶庫裏,提出新的和舊的東西。」
53 Zvino zvakaitika kuti Jesu apedza mifananidzo iyi wakabvapo.
耶穌講完了這些比喻,就從那裏走了。
54 Uye wakati asvika kunyika yekwake akavadzidzisa musinagoge ravo, kusvikira vashamisika vakati: Kunobvepi kune uyu kuchenjera uku nemabasa esimba?
他來到自己的家鄉,在會堂裏教訓人,以致人們都驚訝說:「這人從那裏得了這樣的智慧和奇能?
55 Uyu haasi mwanakomana wemuvezi here? Ko mai vake havanzi Maria here, nevanin'ina vake Jakobho naJose naSimoni naJudhasi here?
這人不是那木匠的兒子嗎﹖他的母親不是叫瑪利亞,他的弟兄不是叫亞各伯,若瑟,西滿和猶達嗎?
56 Nehanzvadzi dzake hadzisi nesu dzese here? Ko zvinobvepi kune uyu zvinhu izvozvi zvese?
他的姊妹不是都在我們這裡嗎﹖那麼他的這一切是從那裏來的呢?」
57 Vakagumbuswa naye. Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haavi asina kukudzwa kunze kwemunyika yekwake nemumba make.
它們就對他起了反感。耶穌卻對他們說:「先知除了在自己的本鄉本家外,沒有不受尊敬的」
58 Uye haana kuita mabasa esimba mazhinji ipapo nekuda kwekusatenda kwavo.
他在那裏,因為他們不信,沒有多行奇能。