< Mateo 11 >

1 Zvino zvakaitika apo Jesu apedza kuraira vadzidzi vake gumi nevaviri, akabvira ipapo kudzidzisa nekuparidza pamaguta avo.
I stalo se, když přestal Ježíš těch přikázaní dávati dvanácti učedlníkům svým, bral se odtud, aby učil a kázal v městech jejich.
2 Zvino Johwani wakati anzwa ari mutirongo mabasa aKristu, akatuma vaviri vevadzidzi vake,
Jan pak uslyšev v vězení o skutcích Kristových, poslav dva z učedlníků svých,
3 akati kwaari: Imwi ndimwi anouya here, kana titarisire umwe?
Řekl jemu: Ty-li jsi ten, kterýž přijíti má, čili jiného čekati máme?
4 Jesu akapindura akati kwavari: Endai munoudza Johwani zvinhu zvamunonzwa nezvamunoona:
I odpovídaje Ježíš, řekl jim: Jdouce, zvěstujtež Janovi, co slyšíte a vidíte.
5 Mapofu anoonazve, uye mhetamakumbo dzinofamba, vane maperembudzi vanonatswa, nevematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, nevarombo vanoparidzirwa evhangeri;
Slepí vidí, a kulhaví chodí, malomocní se čistí, a hluší slyší, mrtví z mrtvých vstávají, a chudým evangelium se zvěstuje.
6 wakaropafadzwa ani nani asingagumbuswi neni.
A blahoslavený jest, kdož se nehorší na mně.
7 Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuudza zvaunga pamusoro paJohwani akati: Makange mabuda kurenje kunoonei? Rutsanga rwunozungunuswa nemhepo here?
A když oni odešli, počal Ježíš praviti zástupům o Janovi: Co jste vyšli na poušť viděti? Třtinu-li větrem se klátící?
8 Asi makange mabuda kunoonei? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vanopfeka zvakapfava vari mudzimba dzemadzimambo.
Aneb co jste vyšli viděti? Člověka-li měkkým rouchem oděného? Aj, kteříž se měkkým rouchem odívají, v domích královských jsou.
9 Asi makange mabuda kunoonei? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Kunyange anopfuura kwazvo muporofita;
Aneb co jste vyšli viděti? Proroka-li? Jistě pravím vám, i více nežli proroka.
10 nokuti uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, achagadzira nzira yako pamberi pako.
Tento jest zajisté, o němž psáno: Aj, já posílám anděla svého před tváří tvou, kterýž připraví cestu tvou před tebou.
11 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna kumuka pakati pevakaberekwa nevakadzi mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi. Asi mudikisa muushe hwekumatenga mukuru kwaari.
Amen pravím vám, mezi syny ženskými nepovstal větší nad Jana Křtitele; ale kdo jest nejmenší v království nebeském, jestiť větší nežli on.
12 Uye kubva pamazuva aJohwani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwekumatenga hunopambiwa, nevapambi vanohutora nesimba.
Ode dnů pak Jana Křtitele až dosavad království nebeské násilí trpí, a ti, kteříž násilí činí, uchvacujíť je.
13 Nokuti vaporofita vese nemurairo vakaporofita kusvikira kuna Johwani;
Nebo všickni proroci i ten zákon až do Jana prorokovali.
14 zvino kana muchida kuzvigamuchira, uyu ndiye Eria wakange achizouya.
A chcete-li přijíti, onť jest Eliáš, kterýž přijíti měl.
15 Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
Kdo má uši k slyšení, slyš.
16 Asi ndicharifananidza nei zera iri? Rakafanana nevana vagere pamisika, vachidanidzira kushamwari dzavo,
Ale k komu připodobním pokolení toto? Podobné jest dětem, sedícím na ryncích a na tovaryše své volajícím,
17 vachiti: Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba; takakuririrai, asi hamuna kuchema.
A říkajícím: Pískali jsme vám, a neskákali jste; žalostně jsme naříkali, a neplakali jste.
18 Nokuti Johwani wakauya asingadyi kana kunwa, asi vanoti: Ane dhimoni.
Přišel zajisté Jan, nejeda ani nepije, a řkou: Ďábelství má.
19 Mwanakomana wemunhu wakauya achidya, achinwa, zvino vanoti: Tarirai munhu anokara uye munwi wewaini, shamwari yevateresi nevatadzi. Asi njere dzinonzi dzakarurama nevana vadzo.
Přišel Syn člověka, jeda a pije, a řkou: Aj, člověk žráč a piján vína, přítel publikánů a hříšníků. Ale ospravedlněna jest moudrost od synů svých.
20 Ipapo akatanga kutsiura maguta makange maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendeuka, akati:
Tehdy počal přimlouvati městům, v nichž bylo činěno nejvíce divů jeho, že pokání nečinili:
21 Une nhamo, Korazini! Une nhamo, Bhetisaidha! Nokuti dai akaitwa muTire neSidhoni mabasa esimba akaitwa mamuri, vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga nedota.
Běda tobě Korozaim, běda tobě Betsaido. Nebo kdyby v Týru a Sidonu byli činěni divové ti, kteříž jsou činěni v vás, dávno by byli v žíni a v popele pokání činili.
22 Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kuTire neSidhoni nezuva rekutongwa kupfuura imwi.
Nýbrž pravím vám: Týru a Sidonu lehčeji bude v den soudný nežli vám.
23 Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchawisirwa pasi muhadhesi; nokuti dai akaitwa muSodhoma mabasa esimba akaitwa mauri, vangadai vachipo kusvikira zuva rino. (Hadēs g86)
A ty Kafarnaum, kteréž jsi až k nebi vyvýšeno, až do pekla sstrčeno budeš. Nebo kdyby v Sodomě činěni byli divové ti, kteříž jsou činěni v tobě, byliť by zůstali až do dnes. (Hadēs g86)
24 Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kunyika yeSodhoma nezuva rekutongwa kupfuura iwe.
Ano více pravím vám, že zemi Sodomských lehčeji bude v den soudný nežli tobě.
25 Nenguva iyo Jesu akapindura akati: Ndinokutendai, Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara, mukazvizarurira vacheche.
V ten čas odpověděv Ježíš, řekl: Chválím tě, Otče, Pane nebe i země, že jsi skryl tyto věci před moudrými a opatrnými, a zjevil jsi je nemluvňátkům.
26 Hongu Baba, nokuti zvakadaro zvakava zvakanaka pamberi penyu.
Jistě, Otče, žeť se tak líbilo před tebou.
27 Zvinhu zvese zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba; hakunazve anoziva Baba kunze kweMwanakomana, uye ani nani Mwanakomana waanenge achida kuzarurira.
Všecky věci dány jsou mi od Otce mého, a žádnýť nezná Syna, jediné Otec, aniž Otce kdo zná, jediné Syn, a komuž by chtěl Syn zjeviti.
28 Uyai kwandiri mese makaneta makaremerwa, uye ini ndichakupai zororo.
Poďtež ke mně všickni, kteříž pracujete a obtíženi jste, a já vám odpočinutí dám.
29 Torai joko rangu muise pamusoro penyu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro, ndakaderera mumoyo; uye muchawana zororo pamweya yenyu;
Vezměte jho mé na se, a učte se ode mne, neboť jsem tichý a pokorný srdcem, a naleznete odpočinutí dušem svým.
30 nokuti joko rangu rakanakisa, nemutoro wangu wakareruka.
Jho mé zajisté jestiť rozkošné, a břímě mé lehké.

< Mateo 11 >