< Mako 8 >

1 Nemazuva iwayo zvakwakange kune chaunga chikuru kwazvo, vasina chavangadya, Jesu akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari:
ܒܗܢܘܢ ܕܝܢ ܝܘܡܬܐ ܟܕ ܟܢܫܐ ܤܓܝܐܐ ܐܝܬ ܗܘܐ ܘܠܐ ܐܝܬ ܗܘܐ ܡܕܡ ܕܢܐܟܠܘܢ ܩܪܐ ܠܬܠܡܝܕܘܗܝ ܘܐܡܪ ܠܗܘܢ
2 Ndine tsitsi nechaunga; nokuti chadogara neni mazuva matatu vasina zvavangadya.
ܡܬܪܚܡ ܐܢܐ ܥܠ ܟܢܫܐ ܗܢܐ ܕܗܐ ܬܠܬܐ ܝܘܡܝܢ ܩܘܝܘ ܠܘܬܝ ܘܠܝܬ ܠܗܘܢ ܡܢܐ ܢܐܟܠܘܢ
3 Kana ndikavarega vaende kumba kwavo nenzara, vachaziya panzira; nokuti vamwe vavo vanobva kure.
ܘܐܢ ܗܘ ܕܫܪܐ ܐܢܐ ܠܗܘܢ ܟܕ ܨܝܡܝܢ ܠܒܬܝܗܘܢ ܥܝܦܝܢ ܒܐܘܪܚܐ ܐܢܫܐ ܓܝܪ ܡܢܗܘܢ ܡܢ ܪܘܚܩܐ ܐܬܝܐܝܢ
4 Vadzidzi vake vakamupindura, vakati: Zvingabvepi zvingwa munhu zvaangagutsa nazvo ava murenje muno?
ܐܡܪܝܢ ܠܗ ܬܠܡܝܕܘܗܝ ܐܝܡܟܐ ܡܫܟܚ ܐܢܫ ܗܪܟܐ ܒܚܘܪܒܐ ܕܢܤܒܥ ܠܚܡܐ ܠܗܠܝܢ ܟܠܗܘܢ
5 Akavabvunza, akati: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe.
ܘܫܐܠ ܐܢܘܢ ܗܘ ܟܡܐ ܠܚܡܝܢ ܐܝܬ ܠܟܘܢ ܐܡܪܝܢ ܠܗ ܫܒܥܐ
6 Zvino akaraira chaunga kuti chigare pasi pavhu; akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pechaunga.
ܘܦܩܕ ܠܟܢܫܐ ܕܢܤܬܡܟܘܢ ܥܠ ܐܪܥܐ ܘܢܤܒ ܗܢܘܢ ܫܒܥܐ ܠܚܡܝܢ ܘܒܪܟ ܘܩܨܐ ܘܝܗܒ ܠܬܠܡܝܕܘܗܝ ܕܢܤܝܡܘܢ ܘܤܡܘ ܠܟܢܫܐ
7 Uye vakange vane hove diki shoma; zvino akadziropafadza, akati vadziisewo pamberi pavo.
ܘܐܝܬ ܗܘܘ ܢܘܢܐ ܩܠܝܠ ܘܐܦ ܥܠܝܗܘܢ ܒܪܟ ܘܐܡܪ ܕܢܤܝܡܘܢ ܐܢܘܢ
8 Vakadya, vakaguta; ndokununga zvimedu zvakasara, matengu manomwe.
ܘܐܟܠܘ ܘܤܒܥܘ ܘܫܩܠܘ ܬܘܬܪܐ ܕܩܨܝܐ ܫܒܥܐ ܐܤܦܪܝܕܝܢ
9 Avo vakange vadya vainge vaiva zvuru zvina; akavarega vachienda.
ܐܝܬܝܗܘܢ ܗܘܘ ܕܝܢ ܐܢܫܐ ܕܐܟܠܘ ܐܝܟ ܐܪܒܥܐ ܐܠܦܝܢ
10 Pakarepo akapinda muchikepe nevadzidzi vake, akauya kumativi eDharimanuta.
ܘܫܪܐ ܐܢܘܢ ܘܤܠܩ ܡܚܕܐ ܠܤܦܝܢܬܐ ܥܡ ܬܠܡܝܕܘܗܝ ܘܐܬܐ ܠܐܬܪܐ ܕܕܠܡܢܘܬܐ
11 Zvino VaFarisi vakabuda, vakatanga kupikisana naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuidza.
ܘܢܦܩܘ ܦܪܝܫܐ ܘܫܪܝܘ ܠܡܒܥܐ ܥܡܗ ܘܫܐܠܝܢ ܗܘܘ ܠܗ ܐܬܐ ܡܢ ܫܡܝܐ ܟܕ ܡܢܤܝܢ ܠܗ
12 Akagomera zvikuru pamweya wake akati: Zera iri rinotsvakirei chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna chiratidzo chichapiwa kuzera iri.
ܘܐܬܬܢܚ ܒܪܘܚܗ ܘܐܡܪ ܡܢܐ ܒܥܝܐ ܐܬܐ ܫܪܒܬܐ ܗܕܐ ܐܡܝܢ ܐܡܪ ܐܢܐ ܠܟܘܢ ܕܠܐ ܬܬܝܗܒ ܠܗ ܐܬܐ ܠܫܪܒܬܐ ܗܕܐ
13 Ndokubva avasiya, akapindazve muchikepe, akabva akayambukira kumhiri.
ܘܫܒܩ ܐܢܘܢ ܘܤܠܩ ܠܤܦܝܢܬܐ ܘܐܙܠܘ ܠܗܘ ܥܒܪܐ
14 Zvino vadzidzi vakange vakanganwa kutora zvingwa; uye vakange vasina navo chinhu muchikepe kunze kwechingwa chimwe chete.
ܘܛܥܘ ܕܢܤܒܘܢ ܠܚܡܐ ܘܐܠܐ ܚܕܐ ܓܪܝܨܬܐ ܠܝܬ ܗܘܐ ܥܡܗܘܢ ܒܤܦܝܢܬܐ
15 Zvino akavaraira, achiti: Ngwarirai, muchenjere mbiriso yeVaFarisi nembiriso yaHerodhe.
ܘܦܩܕ ܐܢܘܢ ܘܐܡܪ ܠܗܘܢ ܚܙܘ ܐܙܕܗܪܘ ܡܢ ܚܡܝܪܐ ܕܦܪܝܫܐ ܘܡܢ ܚܡܝܪܗ ܕܗܪܘܕܤ
16 Vakarangana pakati pavo vachiti: Nokuti hatina zvingwa.
ܘܡܬܚܫܒܝܢ ܗܘܘ ܚܕ ܥܡ ܚܕ ܘܐܡܪܝܢ ܕܠܚܡܐ ܠܝܬ ܠܢ
17 Zvino Jesu wakati achizviziva akati kwavari: Munorangana sei kuti hamuna zvingwa? Hamusati maziva, kana kunzwisisa here? Muchine moyo mukukutu here?
ܝܫܘܥ ܕܝܢ ܝܕܥ ܘܐܡܪ ܠܗܘܢ ܡܢܐ ܪܢܝܢ ܐܢܬܘܢ ܕܠܚܡܐ ܠܝܬ ܠܟܘܢ ܠܐ ܥܕܡܐ ܠܗܫܐ ܝܕܥܝܢ ܐܢܬܘܢ ܘܠܐ ܡܤܬܟܠܝܢ ܐܢܬܘܢ ܥܕܟܝܠ ܠܒܐ ܩܫܝܐ ܐܝܬ ܠܟܘܢ
18 Mune meso hamuoni here? Uye mune nzeve, hamunzwi here? Uye hamurangariri here?
ܘܥܝܢܐ ܐܝܬ ܠܟܘܢ ܘܠܐ ܚܙܝܢ ܐܢܬܘܢ ܘܐܕܢܐ ܐܝܬ ܠܟܘܢ ܘܠܐ ܫܡܥܝܢ ܐܢܬܘܢ ܘܠܐ ܥܗܕܝܢ ܐܢܬܘܢ
19 Pandakamedurira vanezvuru zvishanu zvingwa zvishanu, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Vakati kwaari: Gumi nemaviri.
ܟܕ ܗܠܝܢ ܚܡܫܐ ܠܚܡܝܢ ܩܨܝܬ ܠܚܡܫܐ ܐܠܦܝܢ ܟܡܐ ܩܘܦܝܢܝܢ ܕܩܨܝܐ ܟܕ ܡܠܝܢ ܫܩܠܬܘܢ ܐܡܪܝܢ ܠܗ ܬܪܥܤܪ
20 Uye pazvinomwe pavanezvuru zvina, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Ivo ndokuti: Manomwe.
ܐܡܪ ܠܗܘܢ ܘܟܕ ܫܒܥܐ ܠܐܪܒܥܐ ܐܠܦܝܢ ܟܡܐ ܐܤܦܪܝܕܝܢ ܕܩܨܝܐ ܟܕ ܡܠܝܢ ܫܩܠܬܘܢ ܐܡܪܝܢ ܫܒܥܐ
21 Ndokubva ati kwavari: Sei musinganzwisisi?
ܐܡܪ ܠܗܘܢ ܐܝܟܘ ܠܐ ܥܕܡܐ ܠܗܫܐ ܡܤܬܟܠܝܢ ܐܢܬܘܢ
22 Zvino wakasvika kuBhetisaidha; vakauisa bofu kwaari, vakamukumbirisa kuti aribate.
ܘܐܬܐ ܠܒܝܬ ܨܝܕܐ ܘܐܝܬܝܘ ܠܗ ܤܡܝܐ ܘܒܥܝܢ ܗܘܘ ܡܢܗ ܕܢܩܪܘܒ ܠܗ
23 Akabata ruoko rwebofu, akaribudisira kunze kwemusha; akati apfira meso aro, akaisa maoko pamusoro paro, akaribvunza kana richiona chinhu.
ܘܐܚܕ ܒܐܝܕܗ ܕܤܡܝܐ ܘܐܦܩܗ ܠܒܪ ܡܢ ܩܪܝܬܐ ܘܪܩ ܒܥܝܢܘܗܝ ܘܤܡ ܐܝܕܗ ܘܫܐܠܗ ܕܡܢܐ ܚܙܐ
24 Ndokutarira kumusoro rikati: Ndinoona vanhu vakaita semiti vachifamba.
ܚܪ ܘܐܡܪ ܚܙܐ ܐܢܐ ܒܢܝ ܐܢܫܐ ܐܝܟ ܐܝܠܢܐ ܕܡܗܠܟܝܢ
25 Mushure maizvozvo akaisazve maoko pamusoro pameso aro akaritaridza kumusoro, rikaporeswa, rikaona vese zvakajeka.
ܬܘܒ ܤܡ ܐܝܕܗ ܥܠ ܥܝܢܘܗܝ ܘܬܩܢ ܘܚܙܐ ܗܘܐ ܟܠ ܡܕܡ ܢܗܝܪܐܝܬ
26 Akariendesa kumba kwaro, achiti: Usapinda mumusha uye usaudza ani nani mumusha.
ܘܫܕܪܗ ܠܒܝܬܗ ܘܐܡܪ ܐܦ ܠܐ ܠܩܪܝܬܐ ܬܥܘܠ ܘܠܐ ܬܐܡܪ ܠܐܢܫ ܒܩܪܝܬܐ
27 Zvino Jesu akabuda nevadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesariya yeFiripi; vari munzira akabvunza vadzidzi vake achiti kwavari: Vanhu vanoti ndini ani?
ܘܢܦܩ ܝܫܘܥ ܘܬܠܡܝܕܘܗܝ ܠܩܘܪܝܐ ܕܩܤܪܝܐ ܕܦܝܠܝܦܘܤ ܘܡܫܐܠ ܗܘܐ ܠܬܠܡܝܕܘܗܝ ܒܐܘܪܚܐ ܘܐܡܪ ܠܗܘܢ ܡܢܘ ܐܡܪܝܢ ܥܠܝ ܐܢܫܐ ܕܐܝܬܝ
28 Vakapindura vachiti: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; vamwezve: Umwe wevaporofita.
ܗܢܘܢ ܕܝܢ ܐܡܪܘ ܕܝܘܚܢܢ ܡܥܡܕܢܐ ܘܐܚܪܢܐ ܕܐܠܝܐ ܘܐܚܪܢܐ ܚܕ ܡܢ ܢܒܝܐ
29 Iye akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati kwaari: Imwi muri Kristu.
ܐܡܪ ܠܗܘܢ ܝܫܘܥ ܐܢܬܘܢ ܕܝܢ ܡܢܘ ܐܡܪܝܢ ܐܢܬܘܢ ܥܠܝ ܕܐܝܬܝ ܥܢܐ ܫܡܥܘܢ ܘܐܡܪ ܠܗ ܐܢܬ ܗܘ ܡܫܝܚܐ ܒܪܗ ܕܐܠܗܐ ܚܝܐ
30 Akavaraira zvikuru kuti varege kuudza munhu pamusoro pake.
ܘܟܐܐ ܒܗܘܢ ܕܠܐܢܫ ܠܐ ܢܐܡܪܘܢ ܥܠܘܗܝ
31 Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana wemunhu anofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji nekurambwa nevakuru, nevapristi vakuru, nevanyori, agourawa, uye mushure memazuva matatu amukezve.
ܘܫܪܝ ܗܘܐ ܠܡܠܦܘ ܐܢܘܢ ܕܥܬܝܕ ܗܘ ܒܪܗ ܕܐܢܫܐ ܕܢܚܫ ܤܓܝ ܘܕܢܤܬܠܐ ܡܢ ܩܫܝܫܐ ܘܡܢ ܪܒܝ ܟܗܢܐ ܘܡܢ ܤܦܪܐ ܘܢܬܩܛܠ ܘܠܬܠܬܐ ܝܘܡܝܢ ܢܩܘܡ
32 Akataura shoko iro pachena. Zvino Petro akamutorera parutivi, akatanga kumutsiura.
ܘܥܝܢ ܒܓܠܐ ܡܠܬܐ ܡܡܠܠ ܗܘܐ ܘܕܒܪܗ ܟܐܦܐ ܘܫܪܝ ܠܡܟܐܐ ܒܗ
33 Asi iye atendeuka, ndokutarira vadzidzi vake, akatsiura Petro achiti: Ibva shure kwangu, Satani; nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu.
ܗܘ ܕܝܢ ܐܬܦܢܝ ܘܚܪ ܒܬܠܡܝܕܘܗܝ ܘܟܐܐ ܒܫܡܥܘܢ ܘܐܡܪ ܙܠ ܠܟ ܠܒܤܬܪܝ ܤܛܢܐ ܕܠܐ ܪܢܐ ܐܢܬ ܕܐܠܗܐ ܐܠܐ ܕܒܢܝ ܐܢܫܐ
34 Zvino wakati adanira kwaari chaunga pamwe nevadzidzi vake, akati kwavari: Ani nani anoda kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.
ܘܩܪܐ ܝܫܘܥ ܠܟܢܫܐ ܥܡ ܬܠܡܝܕܘܗܝ ܘܐܡܪ ܠܗܘܢ ܡܢ ܕܨܒܐ ܕܢܐܬܐ ܒܬܪܝ ܢܟܦܘܪ ܒܢܦܫܗ ܘܢܫܩܘܠ ܙܩܝܦܗ ܘܢܐܬܐ ܒܬܪܝ
35 Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo, asi ani nani acharasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu nekweevhangeri, uyu achahuponesa.
ܟܠ ܡܢ ܕܨܒܐ ܓܝܪ ܕܢܚܐ ܢܦܫܗ ܢܘܒܕܝܗ ܘܟܠ ܕܢܘܒܕ ܢܦܫܗ ܡܛܠܬܝ ܘܡܛܠ ܤܒܪܬܝ ܢܚܝܗ
36 Nokuti zvinobatsirei munhu, kana akawana nyika yese akarasikirwa nemweya wake?
ܡܢܐ ܓܝܪ ܢܬܥܕܪ ܒܪܢܫܐ ܐܢ ܥܠܡܐ ܟܠܗ ܢܐܬܪ ܘܢܦܫܗ ܢܚܤܪ
37 Kana kuti munhu achapei kuti chive muripo wemweya wake?
ܐܘ ܡܢܐ ܢܬܠ ܒܪܢܫܐ ܬܚܠܘܦܐ ܕܢܦܫܗ
38 Nokuti ani nani anonyara pamusoro pangu nepamashoko angu pazera iri reupombwe nekutadza, Mwanakomana wemhunhu achanyarawo pamusoro pake, paanouya mukubwinya kwaBaba vake ane vatumwa vatsvene.
ܟܠ ܓܝܪ ܕܢܒܗܬ ܒܝ ܘܒܡܠܝ ܒܫܪܒܬܐ ܗܕܐ ܚܛܝܬܐ ܘܓܝܪܬܐ ܘܐܦ ܒܪܗ ܕܐܢܫܐ ܢܒܗܬ ܒܗ ܡܐ ܕܐܬܐ ܒܫܘܒܚܐ ܕܐܒܘܗܝ ܥܡ ܡܠܐܟܘܗܝ ܩܕܝܫܐ

< Mako 8 >