< Mako 7 >

1 Zvino kwakaunganira kwaari VaFarisi nevamwe vevanyori vaibva kuJerusarema;
Kwasekubuthana kuye abaFarisi, labanye bababhali, ababevela eJerusalema;
2 vakati vaona vamwe vevadzidzi vake vachidya zvingwa nemaoko ane tsvina, ndiko kuti asina kushambwa, vakasvora.
sebebonile ukuthi abanye babafundi bakhe badla izinkwa ngezandla ezingcolileyo, okuyikuthi ezingagezwanga, basola.
3 Nokuti VaFarisi, neVaJudha vese, havadyi kunze kwekuti vashamba maoko kwazvo, vachibatirira tsika dzevakuru.
Ngoba abaFarisi lamaJuda bonke kabadli, ngaphandle kokuthi bagezisise izandla zabo, belondoloza isiko labadala.
4 Kana vachibva pamusika, kunze kwekuti vashamba, havadyi; nezvimwe zvinhu zvizhinji zviripo zvavakange vagamuchira kuti vazvichengete, zvinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira, nenhovo.
Nxa bevela emdangeni, kabadli, ngaphandle kokuthi bageze; futhi zikhona ezinye izinto ezinengi abazemukelayo ukuzilondoloza, ukugezisa inkezo lembiza lezitsha zethusi lemibheda.
5 Ipapo VaFarisi nevanyori vakamubvunza, vachiti: Nemhaka yei vadzidzi venyu vasingafambi netsika yevakuru, asi vanodya chingwa nemaoko asina kushambwa?
Emva kwalokhu abaFarisi lababhali bambuza bathi: Kungani abafundi bakho bengahambi ngesiko labadala, kodwa badla isinkwa ngezandla ezingahlanjwanga?
6 Asi wakapindura akati kwavari: Isaya wakaporofita zvakanaka pamusoro penyu imwi vanyepedzeri, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Rudzi urwu rwunondikudza nemiromo, asi moyo wavo uri kure neni.
Kodwa waphendula wathi kubo: UIsaya waprofetha kuhle ngani lina bazenzisi, njengokulotshiweyo ukuthi: Lesisizwe singidumisa ngezindebe, kodwa inhliziyo yabo ikhatshana lami.
7 Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso, dziri mirairo yevanhu.
Kodwa zingikhonza ngeze, zifundisa izimfundiso eziyimilayo yabantu.
8 Nokuti munosiya murairo waMwari, muchibatirira tsika yevanhu, sekusuka hari nemikombe, nezvimwe zvizhinji zvakadaro munozviita.
Ngoba liyekela umlayo kaNkulunkulu, ligcine isiko labantu, ukugezisa imbiza lenkezo; lezinye izinto ezinengi ezinjalo liyazenza.
9 Zvino akati kwavari: Munoramba nemazvo murairo waMwari, kuti muchengete tsika yenyu.
Wasesithi kubo: Liyachitha kuhle umlayo kaNkulunkulu, ukuze lilondoloze isiko lenu.
10 Nokuti Mozisi wakati: Kudza baba vako namai vako; uye: Anotuka baba kana mai, anofanira kufa rufu.
Ngoba uMozisi wathi: Hlonipha uyihlo lonyoko; lokuthi: Othuka uyise kumbe unina kumele afe ukufa;
11 Asi imwi munoti: Kana munhu achiti kuna baba kana mai: Chinhu chipi nechipi chamunobatsirwa nacho neni "iKorbani", ndokuti chipo kuna Mwari;
kodwa lina lithi: Aluba umuntu esithi kuyise kumbe kunina: Lokho obungasizwa yimi ngakho, "liKhobane", okuyikuthi umnikelo kuNkulunkulu;
12 hamuchamutenderi kuitira baba vake kana mai vake chinhu,
kalisamvumeli ukwenzela uyise kumbe unina ulutho,
13 muchishayisa shoko raMwari maturo netsika yenyu yamunogamuchidzana; nezvinhu zvizhinji zvakadaro munozviita.
lilenza ize ilizwi likaNkulunkulu ngesiko lenu eliliqhubayo; lezinto ezinengi ezinjalo liyazenza.
14 Zvino wakati adanira kwaari chaunga chese akati kwavari: Nditeererei mese, munzwisise.
Esebizile kuye ixuku lonke, wathi kilo: Ngilalelani lonke, liqedisise.
15 Hapana chinhu chinobva kunze kwemunhu chinopinda maari chingamusvibisa; asi zvinhu zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu.
Kalukho ulutho olungaphandle komuntu olungamngcolisa lungena kuye; kodwa izinto eziphuma kuye, yizo lezo ezingcolisa umuntu.
16 Kana aripo ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
Uba ekhona olendlebe zokuzwa akezwe.
17 Zvino wakati apinda mumba achibva kuchaunga, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pemufananidzo.
Esengenile endlini evela exukwini, abafundi bakhe bambuza ngomfanekiso.
18 Akati kwavari: Saizvozvo nemwi muri vasina kunzwisisa here? Hamunzwisisi here kuti chese chinobva kunze chichipinda mumunhu hachigoni kumusvibisa?
Wasesithi kubo: Ngokunjalo lani lingabangelakuqedisisa yini? Kaliqedisisi yini ukuthi konke okungaphandle okungena emuntwini kungemngcolise?
19 Nokuti hachipindi mumoyo make, asi mudumbu; chichibuda kunze, achinatsa kudya kwese.
Ngoba kakungeni enhliziyweni yakhe, kodwa esiswini, kuphumele ngaphandle, kuhlambulula ukudla konke.
20 Ndokubva ati: Icho chinobuda mumunhu, ndicho chinosvibisa munhu.
Wasesithi: Okuphumayo emuntwini, yikho okungcolisa umuntu.
21 Nokuti kubva mukati mumoyo wevanhu inobuda mifungo yakaipa, upombwe, ufeve, umhondi,
Ngoba kuphuma ngaphakathi enhliziyweni yabantu imicabango emibi, ukuphinga, ukufeba, ukubulala,
22 umbavha, ruchiva, kuipa, kunyengera, meso-meso, ziso rakaipa, kunyomba, kuzvikudza, upenzi;
ukweba, ubuhwaba, ukuxhwala, inkohliso, amanyala, ilihlo elibi, inhlamba, ukuzigqaja, ubuthutha;
23 zvese zvinhu izvi zvakaipa zvinobva mukati, zvichisvibisa munhu.
zonke lezizinto ezimbi zivela ngaphakathi, zimngcolise umuntu.
24 Zvino kubva ipapo wakasimuka akaenda kumiganhu yeTire neSidhoni; akapinda mumba, asingadi kuti pave neanozviziva, asi akakoniwa kuvanzika.
Wasesukuma lapho waya emikhawulweni yeTire leSidoni. Wangena endlini, engathandi ukuthi kwaziwe muntu, kodwa wayengelakufihlakala.
25 Nokuti mukadzi waiva nemukunda mudiki akange ane mweya wetsvina, akanzwa nezvake, akauya akawira patsoka dzake.
Ngoba owesifazana, olentombazana yakhe elomoya ongcolileyo, esezwile ngaye, weza wawa phansi enyaweni zakhe;
26 Uye mukadzi waiva muGiriki, muSirofenike pachizvarwa; akamukumbirisa kuti abudise dhimoni pamukunda wake.
njalo owesifazana wayengumGriki, engumSirofenike ngokuzalwa; wasemncenga ukuthi akhuphe idimoni endodakazini yakhe.
27 Asi Jesu akati kwaari: Regai vana vatange kuguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chevana, ndokukandira kuimbwanana.
Kodwa uJesu wathi kuye: Ake kusuthe abantwana kuqala; ngoba kakukuhle ukuthatha isinkwa sabantwana sisiphosele izinjana.
28 Akapindura akati kwaari: Hongu, Ishe; nokuti kunyange imbwanana dziri pasi petafura dzinodya zvezvimedu zvevana.
Kodwa waphendula wathi kuye: Yebo, Nkosi; kodwa lezinjana ezingaphansi kwetafula ziyadla imvuthuluka yabantwana.
29 Akati kwaari: Nekuda kweshoko iri, enda; dhimoni rabuda pamukunda wako.
Wasesithi kuye: Ngenxa yalokhukutsho hamba-ke; idimoni liphumile endodakazini yakho.
30 Akabva akaenda kumba kwake, akawana dhimoni rabuda, mukunda arere panhovo.
Wasesuka waya endlini yakhe, wafica idimoni seliphumile, lendodakazi ilele embhedeni.
31 Zvino wakatizve achibva kumiganhu yeTire neSidhoni, akauya kugungwa reGarirea, nepakati pemiganhu yeDhekapori.
Wasebuya wasuka emikhawulweni yeTire leSidoni, weza elwandle lweGalili, phakathi kwemikhawulo yeDikapolisi.
32 Zvino vakauisa kwaari matsi yaikakamira, vakamukumbirisa kuti aise ruoko pamusoro pake.
Basebeletha kuye isacuthe esigagasayo, bamncenga ukuthi abeke isandla sakhe phezu kwaso.
33 Akamutora ari ega kubva pachaunga, akapinza mimwe yake munzeve dzake, akapfira, ndokubata rurimi rwake.
Wasesikhupha exukwini sabasodwa, wafaka iminwe yakhe endlebeni zaso, wakhafula wathinta ulimi lwaso,
34 Atarira kumusoro kudenga, akatura befu, akati kwaari: "Efata"; ndiko kuti: Zarurwa!
ekhangela phezulu ezulwini, wabubula, wathi kuso: "Efatha"; okuyikuthi: Vulwa!
35 Pakarepo nzeve dzake dzakazarurwa, chisungo cherurimi rwake chikasunungurwa, akataura zvakarurama.
Njalo zahle zavulwa indlebe zaso; yasithukululwa intambo yolimi lwaso, sasesikhuluma saqonda.
36 Ndokuvaraira, kuti varege kuudza munhu; asi paainyanya kuvaraira, vakanyanya zvikuru kuparidza izvozvo.
Wasebalaya ukuthi bangatsheli muntu; kodwa lanxa wayebalayile kakhulu, kwang'khona bekumemezela ngamandla.
37 Vakashamisika zvikuru kwazvo, vachiti: Wakaita zvese zvakanaka; wakaita matsi kuti dzinzwe, nezvimumumu kuti zvitaure.
Basebemangala kakhulukazi sibili, bathi: Uzenzile kuhle izinto zonke; wenza kokubili izacuthe ukuthi zizwe, lezimungulu ukuthi zikhulume.

< Mako 7 >