< Mako 7 >
1 Zvino kwakaunganira kwaari VaFarisi nevamwe vevanyori vaibva kuJerusarema;
Then came together to him the Pharisees, and certain of the scribes, which came from Jerusalem.
2 vakati vaona vamwe vevadzidzi vake vachidya zvingwa nemaoko ane tsvina, ndiko kuti asina kushambwa, vakasvora.
And when they saw some of his disciples eat bread with defiled, that is to say, with unwashed, hands, they found fault.
3 Nokuti VaFarisi, neVaJudha vese, havadyi kunze kwekuti vashamba maoko kwazvo, vachibatirira tsika dzevakuru.
For the Pharisees, and all the Jews, except they wash their hands oft, eat not, holding the tradition of the elders.
4 Kana vachibva pamusika, kunze kwekuti vashamba, havadyi; nezvimwe zvinhu zvizhinji zviripo zvavakange vagamuchira kuti vazvichengete, zvinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira, nenhovo.
And when they come from the market, except they wash, they eat not. And many other things there be, which they have received to hold, as the washing of cups, and pots, brazen vessels, and of tables.
5 Ipapo VaFarisi nevanyori vakamubvunza, vachiti: Nemhaka yei vadzidzi venyu vasingafambi netsika yevakuru, asi vanodya chingwa nemaoko asina kushambwa?
Then the Pharisees and scribes asked him, Why walk not your disciples according to the tradition of the elders, but eat bread with unwashed hands?
6 Asi wakapindura akati kwavari: Isaya wakaporofita zvakanaka pamusoro penyu imwi vanyepedzeri, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Rudzi urwu rwunondikudza nemiromo, asi moyo wavo uri kure neni.
He answered and said to them, Well has Isaiah prophesied of you hypocrites, as it is written, This people honors me with their lips, but their heart is far from me.
7 Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso, dziri mirairo yevanhu.
However, in vain do they worship me, teaching for doctrines the commandments of men.
8 Nokuti munosiya murairo waMwari, muchibatirira tsika yevanhu, sekusuka hari nemikombe, nezvimwe zvizhinji zvakadaro munozviita.
For laying aside the commandment of God, you hold the tradition of men, as the washing of pots and cups: and many other such like things you do.
9 Zvino akati kwavari: Munoramba nemazvo murairo waMwari, kuti muchengete tsika yenyu.
And he said to them, Full well you reject the commandment of God, that you may keep your own tradition.
10 Nokuti Mozisi wakati: Kudza baba vako namai vako; uye: Anotuka baba kana mai, anofanira kufa rufu.
For Moses said, Honor your father and your mother; and, Whoever curses father or mother, let him die the death:
11 Asi imwi munoti: Kana munhu achiti kuna baba kana mai: Chinhu chipi nechipi chamunobatsirwa nacho neni "iKorbani", ndokuti chipo kuna Mwari;
But you say, If a man shall say to his father or mother, It is Corban, that is to say, a gift, by whatever you might be profited by me; he shall be free.
12 hamuchamutenderi kuitira baba vake kana mai vake chinhu,
And you suffer him no more to do something for his father or his mother;
13 muchishayisa shoko raMwari maturo netsika yenyu yamunogamuchidzana; nezvinhu zvizhinji zvakadaro munozviita.
Making the word of God of none effect through your tradition, which you have delivered: and many such like things do you.
14 Zvino wakati adanira kwaari chaunga chese akati kwavari: Nditeererei mese, munzwisise.
And when he had called all the people to him, he said to them, Listen to me every one of you, and understand:
15 Hapana chinhu chinobva kunze kwemunhu chinopinda maari chingamusvibisa; asi zvinhu zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu.
There is nothing from without a man, that entering into him can defile him: but the things which come out of him, those are they that defile the man.
16 Kana aripo ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
If any man have ears to hear, let him hear.
17 Zvino wakati apinda mumba achibva kuchaunga, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pemufananidzo.
And when he was entered into the house from the people, his disciples asked him concerning the parable.
18 Akati kwavari: Saizvozvo nemwi muri vasina kunzwisisa here? Hamunzwisisi here kuti chese chinobva kunze chichipinda mumunhu hachigoni kumusvibisa?
And he says to them, Are you so without understanding also? Do you not perceive, that whatever thing from without enters into the man, it cannot defile him;
19 Nokuti hachipindi mumoyo make, asi mudumbu; chichibuda kunze, achinatsa kudya kwese.
Because it enters not into his heart, but into the belly, and goes out into the draught, purging all meats?
20 Ndokubva ati: Icho chinobuda mumunhu, ndicho chinosvibisa munhu.
And he said, That which comes out of the man, that defiles the man.
21 Nokuti kubva mukati mumoyo wevanhu inobuda mifungo yakaipa, upombwe, ufeve, umhondi,
For from within, out of the heart of men, proceed evil thoughts, adulteries, fornications, murders,
22 umbavha, ruchiva, kuipa, kunyengera, meso-meso, ziso rakaipa, kunyomba, kuzvikudza, upenzi;
Thefts, covetousness, wickedness, deceit, lasciviousness, an evil eye, blasphemy, pride, foolishness:
23 zvese zvinhu izvi zvakaipa zvinobva mukati, zvichisvibisa munhu.
All these evil things come from within, and defile the man.
24 Zvino kubva ipapo wakasimuka akaenda kumiganhu yeTire neSidhoni; akapinda mumba, asingadi kuti pave neanozviziva, asi akakoniwa kuvanzika.
And from there he arose, and went into the borders of Tyre and Sidon, and entered into an house, and would have no man know it: but he could not be hid.
25 Nokuti mukadzi waiva nemukunda mudiki akange ane mweya wetsvina, akanzwa nezvake, akauya akawira patsoka dzake.
For a certain woman, whose young daughter had an unclean spirit, heard of him, and came and fell at his feet:
26 Uye mukadzi waiva muGiriki, muSirofenike pachizvarwa; akamukumbirisa kuti abudise dhimoni pamukunda wake.
The woman was a Greek, a Syrophenician by nation; and she sought him that he would cast forth the devil out of her daughter.
27 Asi Jesu akati kwaari: Regai vana vatange kuguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chevana, ndokukandira kuimbwanana.
But Jesus said to her, Let the children first be filled: for it is not meet to take the children’s bread, and to cast it to the dogs.
28 Akapindura akati kwaari: Hongu, Ishe; nokuti kunyange imbwanana dziri pasi petafura dzinodya zvezvimedu zvevana.
And she answered and said to him, Yes, Lord: yet the dogs under the table eat of the children’s crumbs.
29 Akati kwaari: Nekuda kweshoko iri, enda; dhimoni rabuda pamukunda wako.
And he said to her, For this saying go your way; the devil is gone out of your daughter.
30 Akabva akaenda kumba kwake, akawana dhimoni rabuda, mukunda arere panhovo.
And when she was come to her house, she found the devil gone out, and her daughter laid on the bed.
31 Zvino wakatizve achibva kumiganhu yeTire neSidhoni, akauya kugungwa reGarirea, nepakati pemiganhu yeDhekapori.
And again, departing from the coasts of Tyre and Sidon, he came to the sea of Galilee, through the middle of the coasts of Decapolis.
32 Zvino vakauisa kwaari matsi yaikakamira, vakamukumbirisa kuti aise ruoko pamusoro pake.
And they bring to him one that was deaf, and had an impediment in his speech; and they beseech him to put his hand on him.
33 Akamutora ari ega kubva pachaunga, akapinza mimwe yake munzeve dzake, akapfira, ndokubata rurimi rwake.
And he took him aside from the multitude, and put his fingers into his ears, and he spit, and touched his tongue;
34 Atarira kumusoro kudenga, akatura befu, akati kwaari: "Efata"; ndiko kuti: Zarurwa!
And looking up to heaven, he sighed, and says to him, Ephphatha, that is, Be opened.
35 Pakarepo nzeve dzake dzakazarurwa, chisungo cherurimi rwake chikasunungurwa, akataura zvakarurama.
And straightway his ears were opened, and the string of his tongue was loosed, and he spoke plain.
36 Ndokuvaraira, kuti varege kuudza munhu; asi paainyanya kuvaraira, vakanyanya zvikuru kuparidza izvozvo.
And he charged them that they should tell no man: but the more he charged them, so much the more a great deal they published it;
37 Vakashamisika zvikuru kwazvo, vachiti: Wakaita zvese zvakanaka; wakaita matsi kuti dzinzwe, nezvimumumu kuti zvitaure.
And were beyond measure astonished, saying, He has done all things well: he makes both the deaf to hear, and the dumb to speak.