< Mako 5 >
1 Vakasvika mhiri kwegungwa, kunyika yeVaGadharini.
他們來到海的對岸革拿撒人的地方。
2 Zvino wakati abuda muchikepe, pakarepo munhu akamuchingamidza achibva kumarinda ane mweya wetsvina,
耶穌一下船,即刻有一個附邪魔的人,從墳墓裏出來,迎著他走來,
3 uyo wakange ane ugaro kumarinda, uye kwakange kusina wakange achigona kumusunga kunyange nemaketani,
原來那人居住在墳墓裏,再沒有人能捆住他,就是用鎖鍊也不能,
4 nokuti kazhinji waisungwa nezvisungo zvemakumbo nemaketani, asi maketani aigurwa nepakati naye, nezvisungo zvemakumbo zvaigurwa kuita zvidimbu; uye kwakange kusina waigona kumupingudza.
因為人屢次用腳鐐和鎖鍊將他捆縛,他卻將鎖鍊掙斷,將腳鐐弄碎,沒有人能制服他。
5 Zvino nguva dzese, usiku nemasikati, waiva mumakomo nemumarinda achidanidzira, achizvicheka nemabwe.
他晝夜在墳墓裏或山陵中喊叫,用石頭擊傷自己。
6 Zvino wakati achiona Jesu ari kure, akamhanya ndokumunamata;
他從遠處望見了耶穌,就跑來,跪在他前,
7 akadanidzira nenzwi guru akati: Ndinei nemwi Jesu, Mwanakomana waMwari Wekumusoro-soro? Ndinokupikirai naMwari, murege kundirwadzisa.
大聲喊說:「至高天主之子耶穌,我與你有什麼相干﹖我因著天主誓求你,不要苦害我!」
8 Nokuti wakati kwaari: Buda mumunhu, mweya wetsvina.
因為耶穌曾向他說:「邪魔,從這人身上出去!」
9 Ndokumubvunza akati: Zita rako ndiani? Akapindura achiti: Zita rangu rinonzi Regiyoni, nokuti tiri vazhinji.
耶穌問他說:「你名叫什麼﹖」他回答說:「我名叫『軍旅』,因為我們眾多。」
10 Akamukumbirisa zvikuru kuti arege kuvaendesa kunze kwenyika.
他再三懇求耶穌,不要驅逐他們離開此地。
11 Zvino kwakange kuripo pedo nemakomo boka guru renguruve dzichifura.
那時,在那邊山坡上,有一大群豬正在放牧,
12 Nemadhimoni ese akamukumbira zvikuru achiti: Titumirei kunguruve kuti tipinde madziri.
他們懇求耶穌說:「請打發我們到那豬群,好讓我們進入牠們內。」
13 Pakarepo Jesu akaatendera. Mweya yetsvina ikabuda ikapinda munguruve; boka rikapitirikira kumawere kuenda kugungwa, dzinenge dzaiva zvuru zviviri, dzikabitirirwa mugungwa.
耶穌准許了他們;邪魔就出來,進入了豬內。那群豬約有二千,便從山崖上直衝到海裏,在海裏淹死了。
14 Zvino vaifudza nguruve vakatiza, vakanoreva muguta neparuwa. Vakabuda kuzoona kuti chii chainge chaitwa.
放豬的人就逃去,到城裏和鄉間傳報開了;人都出來看是發生了什麼事。
15 Vakasvika kuna Jesu, vakaona wakange ane madhimoni, iye waiva neRegiyoni agere, akapfeka ari munhu kwaye; vakatya.
他們來到耶穌跟前,看見那個附魔的人,即為「軍旅」所附的人,坐在那裏,穿著衣服,神志清醒,就害怕起來。
16 Uye avo vakange vazviona, vakavarondedzera kuti zvakaitika sei kune wakange ane madhimoni nepamusoro penguruve.
看見的人就把附魔的人所遇到的事,和那群豬的事,都給他們逑說了。
17 Vakatanga kumukumbirisa kuti abve mudunhu mavo.
他們便請求耶穌離開他們的境界。
18 Zvino wakati achipinda muchikepe, iye waiva nemadhimoni akamukumbirisa kuti ave naye.
當耶穌上船時,那曾附過魔的人,懇求耶穌讓他同耶穌在一起。
19 Asi Jesu haana kumutendera, asi wakati kwaari: Enda kumba kwako, kune vekwako, unovaudza kuti zvikuru sei Ishe zvaakuitira, nekukuitira tsitsi.
耶穌沒有允許他,但對他說:「你回家,到你的親屬那裏,給他們傳逑上主為你作了何等大事,怎樣憐憫了你。」
20 Akabva ndokuenda akatanga kuparidza muDhekapori kukura kwezvinhu Jesu zvaakamuitira; vese vakashamisika.
那人就走了,在十城區開始傳揚耶穌為他所作的何等大事,眾人都驚奇不已。
21 Jesu wakati ayambukazve nechikepe kune rimwe divi, chaunga chikuru chikaunganira kwaari, uye wakange ava parutivi rwegungwa.
耶穌乘船又渡回對岸,有大夥群眾聚集在他周圍;他遂留在海濱。
22 Zvino tarira, kwakasvika umwe wevakuru vesinagoge, wainzi Jairosi; zvino wakati amuona, akawira patsoka dzake.
那時,來了一個會堂長名叫雅依洛,一見耶穌,就跪伏在他腳前,
23 Akamukumbirisa zvikuru achiti: Mukunda wangu mudiki wotandadza, dai mauya muise maoko pamusoro pake kuti aponeswe uye achararama.
懇切求他說:「我的小女兒快要死了,請你來,給他覆手,叫她得救回生。」
24 Akaenda naye; chaunga chikuru chikamutevera, chikamutsimbirira.
耶穌就同他去了。有一大群人跟隨著他,擁擠著他。
25 Zvino umwe mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri,
那時,有一個婦人,患血漏已有十二年。
26 wakange atambura zvikuru kuvarapi vazhinji, wakange apedza zvese zvaakange anazvo, asina kutongobatsirika, asi pachinhambo cheizvi ainyanyisa,
她在許多醫生手裏,受了許多痛苦,花盡了自己所有的一切,不但沒有見效,反而病勢更加重了。
27 wakati anzwa zvaJesu, akauya nepakati pechaunga neshure, akabata nguvo yake.
她聽了有關耶穌的傳說,便來到人群中,從後邊摸了耶穌的衣裳,
28 Nokuti wakati: Kana ndikabata nguvo dzake chete, ndichaponeswa.
因為她心裏想:「我只要一摸他的衣裳,必然會好的。」
29 Zvino pakarepo chitubu cheropa rake chikapwa, akanzwa mumuviri kuti waporeswa pachifo.
她的血源立刻涸竭了,並且覺得身上的疾病也好了。
30 Zvino pakarepo Jesu achiziva mukati make kuti simba rabuda maari, akatendeuka pachaunga akati: Ndiani wabata nguvo dzangu?
耶穌立時覺得有一種能力從自己身上出去,就在人群中回過頭來說:「誰摸了我的衣裳﹖」
31 Vadzidzi vake vakati kwaari: Munoona chaunga chinokutsimbirirai, zvino moti: Ndiani wandibata?
他的門徒向他說:「你看! 群眾四面擁擠著你,你還問:誰摸了我﹖」
32 Zvino wakaringa-ringa kuona uyo wakange aita ichi.
耶穌四周觀望,要看作這事的婦人。
33 Asi mukadzi achitya, nekubvunda, achiziva zvakange zvaitika maari, akauya ndokuwira pamberi pake, ndokumuudza chokwadi chese.
那婦人明知在自己身上所成的事,就戰戰兢兢地前來,跪伏在耶穌前,把實情完全告訴他。
34 Ndokuti kwaari: Mukunda, rutendo rwako rwakuponesa, enda nerugare, poreswa pachifo chako.
耶穌便向他她說:「女兒,你的信德救了你,平安去罷! 你的疾病必得痊癒!」
35 Wakati achataura, kwakasvika vamwe vemukuru wesinagoge vakati: Mukunda wenyu wafa, muchiri kutambudzirei Mudzidzisi?
他還說話的時候,有人從會堂長家裏來,說:「你的女兒死了,你還來煩勞師傅做什麼﹖」
36 Pakarepo Jesu achinzwa shoko rakataurwa akati kumukuru wesinagoge: Usatya, tenda chete.
耶穌聽所說的話,就給會堂長說:「不要怕,祇管信。」
37 Akasatendera munhu kumutevera, kunze kwaPetro, naJakobho, naJohwani munin'ina waJakobho.
除伯多祿、雅各伯和雅各伯的弟弟若望外,他沒有讓任何人跟他去。
38 Zvino wakasvika mumba memukuru wesinagoge, akaona mhere-mhere nevaichema nekurira zvikuru.
他們到了會堂長的家裏,耶穌看見群眾非常喧噪:有的哭泣,有的哀號,
39 Zvino wakati apinda akati kwavari: Munoitirei mhere-mhere muchichema? Mwana haana kufa, asi arere.
便進去,給他們說:「你們為什麼喧噪哭泣呢﹖小女孩並沒有死, 祇是睡著了!」
40 Vakamuseka. Asi iye wakati avabudisa vese panze, akatora baba vemwana namai nevakange vanaye, akapinda makange murere mwana.
他們都譏笑他。他卻把眾人趕出去,帶著小女孩的父親和母親,及同他在一起的人,進了小女孩所在的地方。
41 Akabata ruoko rwemwana, akati kwaari: "Tarita kumi"; ndokuti kana zvichishandurwa: Musikana mudiki, ndinoti kwauri, muka.
他拿起小女孩的手,對她說:「塔里塔,古木!」意思是:「女孩子,我命妳起來!」
42 Pakarepo musikana wakasimuka, akafamba; nokuti waiva wemakore gumi nemaviri; vakashamisika nekushamisika kukuru.
那女孩子就立刻起來行走,原來她已十二歲了;他們都驚訝得目瞪口呆。
43 Akavaraira zvikuru kuti kusava nemunhu anoziva izvi; akati apiwe kudya.
耶穌卻嚴厲命令他們,不要叫任何人知道這件事;又吩咐給女孩子吃的。