< Mako 4 >

1 Zvino wakatangazve kudzidzisa parutivi rwegungwa; kukaungana kwaari chaunga chikuru zvekuti wakapinda muchikepe akagara mugungwa; uye chaunga chese chakange chiri pagungwa panyika.
အနန္တရံ သ သမုဒြတဋေ ပုနရုပဒေၐ္ဋုံ ပြာရေဘေ, တတသ္တတြ ဗဟုဇနာနာံ သမာဂမာတ် သ သာဂရောပရိ နော်ကာမာရုဟျ သမုပဝိၐ္ဋး; သရွွေ လောကား သမုဒြကူလေ တသ္ထုး၊
2 Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati kwavari padzidziso yake:
တဒါ သ ဒၖၐ္ဋာန္တကထာဘိ ရ္ဗဟူပဒိၐ္ဋဝါန် ဥပဒိၑံၑ္စ ကထိတဝါန်,
3 Inzwai; tarirai, mukushi wakabuda kunokusha.
အဝဓာနံ ကုရုတ, ဧကော ဗီဇဝပ္တာ ဗီဇာနိ ဝပ္တုံ ဂတး;
4 Zvino zvakaitika pakukusha, imwe yakawira parutivi rwenzira; shiri dzekudenga dzikauya dzikaidya dzikaipedza.
ဝပနကာလေ ကိယန္တိ ဗီဇာနိ မာရ္ဂပါၑွေ ပတိတာနိ, တတ အာကာၑီယပက္ၐိဏ ဧတျ တာနိ စခါဒုး၊
5 Asi imwe yakawira panzvimbo dzine mabwe, payakange isina ivhu zhinji; pakarepo ikamera, nokuti yakange isina udziku hwevhu;
ကိယန္တိ ဗီဇာနိ သွလ္ပမၖတ္တိကာဝတ္ပာၐာဏဘူမော် ပတိတာနိ တာနိ မၖဒေါလ္ပတွာတ် ၑီဃြမင်္ကုရိတာနိ;
6 asi zuva rakati rabuda, yakapiswa, uye nokuti yakange isina mudzi, yakasvava.
ကိန္တူဒိတေ သူရျျေ ဒဂ္ဓာနိ တထာ မူလာနော နာဓောဂတတွာတ် ၑုၐ္ကာဏိ စ၊
7 Uye imwe yakawira paminzwa, minzwa ikakura ikaivhunga, ikasabereka chibereko.
ကိယန္တိ ဗီဇာနိ ကဏ္ဋကိဝနမဓျေ ပတိတာနိ တတး ကဏ္ဋကာနိ သံဝၖဒွျ တာနိ ဇဂြသုသ္တာနိ န စ ဖလိတာနိ၊
8 Uye imwe yakawira muvhu rakanaka; ikabereka chibereko chakakura ikawedzera, ikabereka, imwe makumi matatu, neimwe makumi matanhatu, neimwe zana.
တထာ ကိယန္တိ ဗီဇာနျုတ္တမဘူမော် ပတိတာနိ တာနိ သံဝၖဒွျ ဖလာနျုတ္ပာဒိတာနိ ကိယန္တိ ဗီဇာနိ တြိံၑဒ္ဂုဏာနိ ကိယန္တိ ၐၐ္ဋိဂုဏာနိ ကိယန္တိ ၑတဂုဏာနိ ဖလာနိ ဖလိတဝန္တိ၊
9 Ndokuti kwavari: Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
အထ သ တာနဝဒတ် ယသျ ၑြောတုံ ကရ္ဏော် သ္တး သ ၑၖဏောတု၊
10 Zvino wakati ava ega, vakange vakamukomba nevanegumi nevaviri vakamubvunza zvemufananidzo.
တဒနန္တရံ နိရ္ဇနသမယေ တတ္သင်္ဂိနော ဒွါဒၑၑိၐျာၑ္စ တံ တဒ္ဒၖၐ္ဋာန္တဝါကျသျာရ္ထံ ပပြစ္ဆုး၊
11 Uye akati kwavari: Kwamuri kwakapiwa kuziva chakavanzika cheushe hwaMwari; asi kune avo vari kunze, zvese zvinoitwa nemifananidzo;
တဒါ သ တာနုဒိတဝါန် ဤၑွရရာဇျသျ နိဂူဎဝါကျံ ဗောဒ္ဓုံ ယုၐ္မာကမဓိကာရော'သ္တိ;
12 kuti vachiona vaone asi varege kuonesesa, vachinzwa vanzwe asi vasinganzwisisi, zvimwe chero nguva varege kutendeuka, vakanganwirwe zvivi.
ကိန္တု ယေ ဝဟိရ္ဘူတား "တေ ပၑျန္တး ပၑျန္တိ ကိန္တု န ဇာနန္တိ, ၑၖဏွန္တး ၑၖဏွန္တိ ကိန္တု န ဗုဓျန္တေ, စေတ္တဲ ရ္မနးသု ကဒါပိ ပရိဝရ္တ္တိတေၐု တေၐာံ ပါပါနျမောစယိၐျန္တ," အတောဟေတောသ္တာန် ပြတိ ဒၖၐ္ဋာန္တဲရေဝ တာနိ မယာ ကထိတာနိ၊
13 Zvino akati kwavari: Hamuzivi mufananidzo uyu here? Zvino muchaziva sei mifananidzo yese?
အထ သ ကထိတဝါန် ယူယံ ကိမေတဒ် ဒၖၐ္ဋာန္တဝါကျံ န ဗုဓျဓွေ? တရှိ ကထံ သရွွာန် ဒၖၐ္ဋာန္တာန ဘောတ္သျဓွေ?
14 Mukushi unokusha shoko.
ဗီဇဝပ္တာ ဝါကျရူပါဏိ ဗီဇာနိ ဝပတိ;
15 Zvino ava ndivo veparutivi rwenzira, apo panokushwa shoko, uye kana vachirinzwa, pakarepo Satani anouya ndokubvisa shoko rakakushwa mumoyo yavo.
တတြ ယေ ယေ လောကာ ဝါကျံ ၑၖဏွန္တိ, ကိန္တု ၑြုတမာတြာတ် ၑဲတာန် ၑီဃြမာဂတျ တေၐာံ မနးသူပ္တာနိ တာနိ ဝါကျရူပါဏိ ဗီဇာနျပနယတိ တဧဝ ဥပ္တဗီဇမာရ္ဂပါရ္ၑွေသွရူပါး၊
16 Uye saizvozvo ava ndivo vakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ivo kana vanzwa shoko, pakarepo vanorigamuchira nemufaro,
ယေ ဇနာ ဝါကျံ ၑြုတွာ သဟသာ ပရမာနန္ဒေန ဂၖဟ္လန္တိ, ကိန္တု ဟၖဒိ သ္ထဲရျျာဘာဝါတ် ကိဉ္စိတ် ကာလမာတြံ တိၐ္ဌန္တိ တတ္ပၑ္စာတ် တဒွါကျဟေတေား
17 asi havana mudzi mavari, asi ndevenguva; pashure kana matambudziko kana kushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa.
ကုတြစိတ် က္လေၑေ ဥပဒြဝေ ဝါ သမုပသ္ထိတေ တဒဲဝ ဝိဃ္နံ ပြာပ္နုဝန္တိ တဧဝ ဥပ္တဗီဇပါၐာဏဘူမိသွရူပါး၊
18 Zvino ava ndivo vanokushwa muminzwa, vanonzwa shoko,
ယေ ဇနား ကထာံ ၑၖဏွန္တိ ကိန္တု သာံသာရိကီ စိန္တာ ဓနဘြာန္တိ ရွိၐယလောဘၑ္စ ဧတေ သရွွေ ဥပသ္ထာယ တာံ ကထာံ ဂြသန္တိ တတး မာ ဝိဖလာ ဘဝတိ (aiōn g165)
19 asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma neruchiva pamusoro pezvimwe zvinhu zvichipinda, zvichivhunga shoko, rova risingabereki. (aiōn g165)
တဧဝ ဥပ္တဗီဇသကဏ္ဋကဘူမိသွရူပါး၊
20 Naava ndivo vakakushwa muvhu rakanaka, ndivo vanonzwa shoko, ndokugamuchira, vagobereka chibereko, umwe makumi matatu, uye umwe makumi matanhatu, uye umwe zana.
ယေ ဇနာ ဝါကျံ ၑြုတွာ ဂၖဟ္လန္တိ တေၐာံ ကသျ ဝါ တြိံၑဒ္ဂုဏာနိ ကသျ ဝါ ၐၐ္ဋိဂုဏာနိ ကသျ ဝါ ၑတဂုဏာနိ ဖလာနိ ဘဝန္တိ တဧဝ ဥပ္တဗီဇောရွွရဘူမိသွရူပါး၊
21 Zvino wakati kwavari: Mwenje unouiswa kuti uiswe pasi pedengu kana pasi pemubhedha here? Kwete kuti uiswe pachigadziko chemwenje here?
တဒါ သော'ပရမပိ ကထိတဝါန် ကောပိ ဇနော ဒီပါဓာရံ ပရိတျဇျ ဒြောဏသျာဓး ခဋွာယာ အဓေ ဝါ သ္ထာပယိတုံ ဒီပမာနယတိ ကိံ?
22 Nokuti hapana chakavigwa chisingazovhundunurwi, kana chakachengetwa chakavanda, asi kuti zvibude pachena.
အတောဟေတော ရျန္န ပြကာၑယိၐျတေ တာဒၖဂ် လုက္ကာယိတံ ကိမပိ ဝသ္တု နာသ္တိ; ယဒ် ဝျက္တံ န ဘဝိၐျတိ တာဒၖၑံ ဂုပ္တံ ကိမပိ ဝသ္တု နာသ္တိ၊
23 Kana munhu ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
ယသျ ၑြောတုံ ကရ္ဏော် သ္တး သ ၑၖဏောတု၊
24 Zvino wakati kwavari: Chenjererai zvamunonzwa; nechiyero chamunoyera nacho chichayerwa kwamuri, nekwamuri imwi munonzwa, chichawedzerwa.
အပရမပိ ကထိတဝါန် ယူယံ ယဒ် ယဒ် ဝါကျံ ၑၖဏုထ တတြ သာဝဓာနာ ဘဝတ, ယတော ယူယံ ယေန ပရိမာဏေန ပရိမာထ တေနဲဝ ပရိမာဏေန ယုၐ္မဒရ္ထမပိ ပရိမာသျတေ; ၑြောတာရော ယူယံ ယုၐ္မဘျမဓိကံ ဒါသျတေ၊
25 Nokuti ani nani anacho achapiwa; asi asina achatorerwa kunyange nechaanacho.
ယသျာၑြယေ ဝရ္ဒ္ဓတေ တသ္မဲ အပရမပိ ဒါသျတေ, ကိန္တု ယသျာၑြယေ န ဝရ္ဒ္ဓတေ တသျ ယတ် ကိဉ္စိဒသ္တိ တဒပိ တသ္မာန် နေၐျတေ၊
26 Zvino akati: Hwakadaro ushe hwaMwari, sezvinonzi munhu anokusha mbeu muvhu.
အနန္တရံ သ ကထိတဝါန် ဧကော လောကး က္ၐေတြေ ဗီဇာနျုပ္တွာ
27 Zvino orara nekumuka usiku nemasikati, mbeu inomera ichikura iye asingazivi kuti sei.
ဇာဂရဏနိဒြာဘျာံ ဒိဝါနိၑံ ဂမယတိ, ပရန္တု တဒွီဇံ တသျာဇ္ဉာတရူပေဏာင်္ကုရယတိ ဝရ္ဒ္ဓတေ စ;
28 Nokuti ivhu rinozviberekera chibereko pacharo, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura.
ယတောဟေတေား ပြထမတး ပတြာဏိ တတး ပရံ ကဏိၑာနိ တတ္ပၑ္စာတ် ကဏိၑပူရ္ဏာနိ ၑသျာနိ ဘူမိး သွယမုတ္ပာဒယတိ;
29 Asi kana chibereko chaibva, pakarepo anotuma jeko nokuti kukohwa kwasvika.
ကိန္တု ဖလေၐု ပက္ကေၐု ၑသျစ္ဆေဒနကာလံ ဇ္ဉာတွာ သ တတ္က္ၐဏံ ၑသျာနိ ဆိနတ္တိ, အနေန တုလျမီၑွရရာဇျံ၊
30 Zvino wakati: Tichafananidza nei ushe hwaMwari? Kana tingahuenzanisa nemuenzaniso upi?
ပုနး သော'ကထယဒ် ဤၑွရရာဇျံ ကေန သမံ? ကေန ဝသ္တုနာ သဟ ဝါ တဒုပမာသျာမိ?
31 Setsanga yemasitadha, iyo kana ichidzvarwa muvhu, idikisa kumbeu dzese dzepanyika;
တတ် သရ္ၐပဲကေန တုလျံ ယတော မၖဒိ ဝပနကာလေ သရ္ၐပဗီဇံ သရွွပၖထိဝီသ္ထဗီဇာတ် က္ၐုဒြံ
32 asi kana yadzvarwa, inokura ichiva huru kumiriwo yese, ichiita matavi makuru zvekuti shiri dzekudenga dzinogona kuvakira pasi pemumvuri wawo.
ကိန္တု ဝပနာတ် ပရမ် အင်္ကုရယိတွာ သရွွၑာကာဒ် ဗၖဟဒ် ဘဝတိ, တသျ ဗၖဟတျး ၑာခါၑ္စ ဇာယန္တေ တတသ္တစ္ဆာယာံ ပက္ၐိဏ အာၑြယန္တေ၊
33 Zvino nemifananidzo mizhinji yakadaro wakataura shoko kwavari, sepavaigona kunzwa napo.
ဣတ္ထံ တေၐာံ ဗောဓာနုရူပံ သော'နေကဒၖၐ္ဋာန္တဲသ္တာနုပဒိၐ္ဋဝါန်,
34 Asi kunze kwemufananidzo haana kutaura kwavari; asi vava vega, wakadudzira vadzidzi vake zvese.
ဒၖၐ္ဋာန္တံ ဝိနာ ကာမပိ ကထာံ တေဘျော န ကထိတဝါန် ပၑ္စာန် နိရ္ဇနေ သ ၑိၐျာန် သရွွဒၖၐ္ဋာန္တာရ္ထံ ဗောဓိတဝါန်၊
35 Zvino nezuva iro ava madekwani, wakati kwavari: Ngatiyambukire mhiri.
တဒ္ဒိနသျ သန္ဓျာယာံ သ တေဘျော'ကထယဒ် အာဂစ္ဆတ ဝယံ ပါရံ ယာမ၊
36 Vakarega chaunga chichienda, vakaenda naye akangodaro muchikepe. Zvino kwaivawo nemamwe magwa naye.
တဒါ တေ လောကာန် ဝိသၖဇျ တမဝိလမ္ဗံ ဂၖဟီတွာ နော်ကယာ ပြတသ္ထိရေ; အပရာ အပိ နာဝသ္တယာ သဟ သ္ထိတား၊
37 Zvino kwakamuka dutu guru remhepo, mafungu akazvirovera muchikepe, zvekuti chakange zvino chozadzwa.
တတး ပရံ မဟာဈဉ္ဘ္ၑဂမာတ် နော် ရ္ဒောလာယမာနာ တရင်္ဂေဏ ဇလဲး ပူရ္ဏာဘဝစ္စ၊
38 Asi iye wakange ari shure muchikepe arere pamutsago; vakamumutsa, vakati kwaari: Mudzidzisi, hamuna hanya kuti toparara here?
တဒါ သ နော်ကာစၑ္စာဒ္ဘါဂေ ဥပဓာနေ ၑိရော နိဓာယ နိဒြိတ အာသီတ် တတသ္တေ တံ ဇာဂရယိတွာ ဇဂဒုး, ဟေ ပြဘော, အသ္မာကံ ပြာဏာ ယာန္တိ ကိမတြ ဘဝတၑ္စိန္တာ နာသ္တိ?
39 Akamuka akatsiura mhepo, akati kugungwa: Nyarara, gadzikana! Mhepo ikamira, kukava nekudzikama kukuru.
တဒါ သ ဥတ္ထာယ ဝါယုံ တရ္ဇိတဝါန် သမုဒြဉ္စောက္တဝါန် ၑာန္တး သုသ္ထိရၑ္စ ဘဝ; တတော ဝါယော် နိဝၖတ္တေ'ဗ္ဓိရ္နိသ္တရင်္ဂေါဘူတ်၊
40 Ndokuti kwavari: Munotyirei zvakadaro? Hamuna rutendo sei?
တဒါ သ တာနုဝါစ ယူယံ ကုတ ဧတာဒၖက္ၑင်္ကာကုလာ ဘဝတ? ကိံ ဝေါ ဝိၑွာသော နာသ္တိ?
41 Vakatya nekutya kukuru, vakati umwe kune umwe: Zvino ndiani uyu, kuti kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera?
တသ္မာတ္တေ'တီဝဘီတား ပရသ္ပရံ ဝက္တုမာရေဘိရေ, အဟော ဝါယုး သိန္ဓုၑ္စာသျ နိဒေၑဂြာဟိဏော် ကီဒၖဂယံ မနုဇး၊

< Mako 4 >