< Mako 3 >

1 Zvino wakapindazve musinagoge, zvino kwakange kune munhuko wakange ane ruoko rwakawonyana.
A Yeshu gubhajinjile kabhili nshinagogi, na nkati mula ashinkupagwa mundu jumo apolweshe nkono.
2 Zvino vakamutarisisa kuona kana angamuporesa nesabata, kuti vamupomere.
Bhandu bhananji bhalinginji mwenemo, gubhaalolesheyenje a Yeshu ibhaga shibhannamye Lyubha lya Pumulila nkupinga bhapatanje shiumilo sha kwaalugula.
3 Zvino akati kumunhu waiva neruoko rwakawonyana: Simuka uende pakati.
A Yeshu gubhannugulile apolweshe nkono jula, “Jiya ujime pakati pakati pano.”
4 Akati kwavari: Zviri pamutemo here kuita zvakanaka nemasabata, kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu, kana kuuraya? Asi vakanyarara.
Kungai, a Yeshu gubhaabhushiyenje bhandunji bhala, “Bhuli, inapinjikwa Lyubha lya Pumulila kutenda ya mmbone eu kutenda yangali ya mmbone, kunnamya mundu eu kummulaga?” Ikabheje bhangajangulanga.
5 Zvino wakati aringa-ringa kwavari, nekutsamwa, ane shungu nekuda kwekuoma kwemoyo wavo, akati kumunhu: Tandavadza ruoko rwako, ndokutandavadza, ruoko rwake ndokuporeswa rwukagwinya serumwe.
Penepo a Yeshu gubhaalolilenje bhowe bhali bhatumbele, akuno bhaliinjika, kwa ligongo lya mitima jabhonji jangapinga kulupalila. Kungai gubhammalanjile mundu jula, “Goloya nkono gwako!” Jwalakwe gwagolweye nkono gwakwe, na shangupe guulamile.
6 VaFarisi vakabuda pakarepo vakarangana neVaHerodhe vachimupikisa kuti vangamuparadza sei.
Shangu Mapalishayo gubhakopokenje palanga, gubhatemingenenje pamo na bhandunji bha a Elode nkupangana muutendelo, kupinga bhaabhulaganje a Yeshu.
7 Zvino Jesu akabva nevadzidzi vake vakaenda kugungwa; chaunga chikuru chikamutevera chichibva kuGarirea, nekuJudhiya,
A Yeshu gubhajabhwile penepo na bhaajiganywa bhabho, gubhapite kulitanda lya Galilaya, na lugwinjili lwa bhandu lukwaakagulaga, kukopoka ku Yelushalemu na ku Yudea,
8 nekuJerusarema, nekuIdhumeya, nemhiri kwaJoridhani, nevakapoteredza Tire neSidhoni, chaunga chikuru, vakati vanzwa makuriro ezvinhu zvaanoita vakauya kwaari.
na ku Idumea na kung'ambu lushi lwa Yolodani na ku Tilo na ku Shidoni. Lwene lugwinjili lwa bhandulo lwashinkwajendela ku Yelushalemu bhakapilikananjeje indu yaigwinji ibhatendaga.
9 Akataura kuvadzidzi vake kuti igwa diki rimugarire nekuda kwechaunga, kuti varege kumutsikirira.
Kwa ligongo lya gwinji gwa bhandu, a Yeshu gubhatumile bhaajiganywa bhabho bhaabhishilanje ntumbwi gumo, nkupinga bhanabhandishilwe na bhandunji.
10 Nokuti wakange aporesa vazhinji zvekuti vaiwira pamusoro pake kuti vamubate vese vakange vane zvirwere.
Pabha bhashinkulamya bhandu bhabhagwinji, bhalwelenji bhowe gubhanokolenenje nkupinga bhaakwayanje bhalamanje.
11 Nemweya yetsvina, payakamuona yakawira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti: Imwi muri Mwanakomana waMwari.
Na maoka gangali ga mmbone gala pugaabhonaga a Yeshu, gatendaga kwaagwiyanga bhandunji bhala mmujo jabho, akuno galijobhela, galinkuti, “Mmwe Bhanabhabho a Nnungu!”
12 Akairairisa zvikuru kuti irege kumubudisa pachena.
Ikabheje a Yeshu gubhaakalipilenje bhanaamanyiyanje ku bhandu.
13 Zvino wakakwira mugomo, akadanira kwaari vaakange achida iye; vakauya kwaari.
A Yeshu gubhajombweshe kwiitumbi, gubhaashemilenje bhubhaapinjilenje bhayene. Bhai gubhaajendelenje,
14 Akagadza gumi nevaviri, kuti vave naye, nokuti avatume kunoparidza,
gubhaagwile bhandu likumi limo na bhabhili, gubhaashemilenje mitume, nkupinga bhatame nabhonji bhaatumanje liengo lya pita lunguya,
15 uye vave nesimba rekuporesa zvirwere nekubudisa madhimoni.
na bhakombolanje kushoya maoka.
16 NaSimoni akamutumidza zita rinonzi Petro,
Bhai, bhene likumi limo na bhabhili bhaagulwenje bhala mena gabhonji pugaliji, a Shimoni, bhapegwilwe lina lya a Petili na a Yeshu
17 naJakobho waZebhedhi, naJohwani munin'ina waJakobho; akavatumidza mazita anonzi Bowanegesi, ndokuti, vanakomana vekutinhira;
na a Yakobho na a Yowana apwabho, bhana bha a Shebhedayo, a Yeshu gubhaapelenje lina lya Bhoanege, malombolelo gakwe “Bhana bha nnjai,”
18 naAndiriya, naFiripi, naBhatoromiyo, naMatewu, naTomasi, naJakobho waArifiyosi, naTadhiyo, naSimoni muKenani,
A Ndeleya na a Pilipi na a Bhatolomeyo na a Matei na a Tomashi na a Yakobho bhanabhabho a Alupayo na a Tadei na a Shimoni Bhakanaani na
19 naJudhasi Isikariyoti, iye wakamutengesawo. Ndokubva vapinda mumba.
a Yuda Ishikaliote bhaatendebhwishe a Yeshu.
20 Chaunga chikaunganazve zvekuti vakange vasingagoni kunyange kudya chingwa.
Kungai a Yeshu gubhajinjile nnyumba. Lugwinjili lwa bhandu lukugumbalaga kabhili, a Yeshu na bhaajiganywa bhabho gubhalepelenje nkali kulya shalya.
21 Vekwake vakati vachizvinzwa vakabuda kunomubata; nokuti vakati: Anopenga.
Bhai, ashaalongo ajabhonji bhakapilikananjeje genego gubhapitengene kukwakamula, pabha bhandunji pubhabheleketangaga kuti bhalwele shalubha.
22 Nevanyori vakaburuka vachibva kuJerusarema vakati: Ana Bheerizebhuri, uye kuti: Anobudisa madhimoni nemutungamiriri wemadhimoni.
Nabhalabhonji bhaajiganya bha Shalia gubhaikengene kukopoka ku Yelushalemu, gubhashitenje, “Bhashikola Bhelishebhuli! Numbe bhanashoya maoka kwa mashili gaka nkulungwa jwa maoka.”
23 Zvino akavadanira kwaari, akati kwavari nemifananidzo: Satani angagona kubudisa Satani sei?
Penepo, a Yeshu gubhaashemilenje gubhaabhalanjilenje kwa ndango, “Lishetani shakombole bhuli kwiibhinga nnyene?
24 Kana ushe hwakapesana huchizvipikisa, ushe uhwo hahungagoni kumira.
Ibhaga upalume gumo ugabhanikaga nibha makundi gataukangana, gwene upalumego ukalonjeya.
25 Kana imba yakapesana ichizvipikisa, imba iyo haigoni kumira.
Na kabhili, bha likaja limo bhalekanaga nibha likaja litaukangana, lyene likajalyo likalonjeya.
26 Uye kana Satani achizvimukira, akapesana, haangagoni kumira, asi anoguma.
Na ibhaga, upalume uka Lishetani ugabhanikaga nibha ikundi, ukalonjeya, ikabhe shigupele.
27 Hakuna angagona kupinda mumba mechikakarara, akapamba nhumbi dzacho, kunze kwekuti atanga kusunga chikakarara, ndokuzopamba imba yacho.
“Jwakwapi mundu akombola kujinjila nnyumba jika mundu akwete mashili, nikumpokonyola indu yakwe, ikabhe antabheoti mundu akwete mashilijo, penepo shakombole kumpokonyola indu yakwe.
28 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvivi zvese zvichakanganwirwa kuvanakomana vevanhu, nekunyomba kwese kwavanonyomba nako;
“Kweli ngunakummalanjilanga, bhandu shibhaleshelelwanje yambi yabhonji yowe na kwaakupulu kowe a Nnungu,
29 asi ani nani anonyomba achipikisa Mweya Mutsvene haana kanganwiro kusvikira narinhi asi ane mhosva yekutongwa kusingaperi. (aiōn g165, aiōnios g166)
ikabheje, akummeleketela yangali ya mmbone Mbumu jwa Ukonjelo, ngu akaleshelelwa, pabha shene shambisho shinalonjeya pitipiti.” (aiōn g165, aiōnios g166)
30 Nokuti vakati: Ane mweya wetsvina.
A Yeshu bhashinkubheleketa genego, pabha bhashinkwaalugulilanga kuti, “Bhashikola lioka jwangali jwa mmbone.”
31 Zvino kwakauya vanin'ina namai vake, vakamira kunze, vakatumira nhume kwaari vachimudana.
Anyinabhabho na ashaapwabho a Yeshu gubhaikengene, nijimangana palanga, gubhantumilenje muntenga kukwaashema.
32 Chaunga chakange chigere chakamukomba; vakati kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin'ina venyu vari panze vanokutsvakai.
Bhandu bhabhagwinji bhashinkwaatimbililanga bhali bhatemingenenje. Bhai bhananji, gubhaalugulilenje, “Anyinabhenu na ashaapwenu pubhalinginji palanga bhanakunnoleyanga.”
33 Akavapindura achiti: Mai vangu ndiani kana vanin'ina vangu?
A Yeshu gubhaajangulenje, “A mama nne na ashaapwanga nne ashigani?”
34 Zvino akaringa-ringa kupoteredza avo vakange vagere vakamukomba akati: Tarirai mai vangu nevanin'ina vangu.
Penepo gubhaalolilenje bhandunji bhaatimbililenje bhala, gubhashite, “Nnolanje! Abha ashaamama nne na ashaapwanga nne.
35 Nokuti ani nani anoita kuda kwaMwari, ndiye munin'ina wangu nehanzvadzi yangu namai.
Mundu jojowe atenda ibhapinga a Nnungu, jwenejo mpwanga nne na nnumbwangu nne na nyinagwangu nne.”

< Mako 3 >