< Mako 15 >

1 Zvino pakarepo mangwanani-ngwanani vapristi vakuru vakaita zano nevakuru nevanyori nedare remakurukota rese, vakasunga Jesu, vakamutakura, vakamukumikidza kuna Pirato.
Early in the morning, the chief priests, elders, scribes, and the whole Sanhedrin devised a plan. They bound Jesus, led Him away, and handed Him over to Pilate.
2 Pirato ndokumubvunza achiti: Iwe uri Mambo weVaJudha here? Akapindura, akati kwaari: Unoreva iwe.
So Pilate questioned Him, “Are You the King of the Jews?” “You have said so,” Jesus replied.
3 Vapristi vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji, asi iye haana kupindura chinhu.
And the chief priests began to accuse Him of many things.
4 Pirato akamubvunzazve achiti: Haupinduri chinhu here? Tarira, zvinhu zvingani zvavanokupupurira!
Then Pilate questioned Him again, “Have You no answer? Look how many charges they are bringing against You!”
5 Asi Jesu haana kuzopindurazve chinhu, zvekuti Pirato wakashamisika.
But to Pilate’s amazement, Jesus made no further reply.
6 Zvino pamabiko waivasunungurira musungwa umwe, chero upi wavanenge vakumbira.
Now it was Pilate’s custom at the feast to release to the people a prisoner of their choosing.
7 Zvino kwakange kune wainzi Bharabhasi, akasungwa pamwe nevakange vamutsa mhirizhonga naye, vakange vaita umhondi pamhirizhonga iyoyo.
And a man named Barabbas was imprisoned with the rebels who had committed murder during the insurrection.
8 Zvino chaunga chakadanidzira, vakatanga kukumbira kuti aite sezvaaigarovaitira.
So the crowd went up and began asking Pilate to keep his custom.
9 Asi Pirato akavapindura, achiti: Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo weVaJudha here?
“Do you want me to release to you the King of the Jews?” Pilate asked.
10 Nokuti wakange achiziva kuti vapristi vakuru vakange vamutengesa negodo.
For he knew it was out of envy that the chief priests had handed Jesus over.
11 Asi vapristi vakuru vakamutsa chaunga, kuti zviri nani avasunungurire Bharabhasi.
But the chief priests stirred up the crowd to have him release Barabbas to them instead.
12 Pirato akapindura akatizve kwavari: Naizvozvo munoda kuti ndimuitirei, wamunoti ndiMambo weVaJudha?
So Pilate asked them again, “What then do you want me to do with the One you call the King of the Jews?”
13 Vakadanidzirazve vachiti: Murovere pamuchinjikwa!
And they shouted back, “Crucify Him!”
14 Asi Pirato akati kwavari: Nemhaka yei? Wakaita chakaipa chei? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti: Muroverere pamuchinjikwa!
“Why?” asked Pilate. “What evil has He done?” But they shouted all the louder, “Crucify Him!”
15 Zvino Pirato, achida kuti agutse chaunga, akavasunungurira Bharabhasi; ndokukumikidza Jesu kwavari, amurova netyava, kuti arovererwe pamuchinjikwa.
And wishing to satisfy the crowd, Pilate released Barabbas to them. But he had Jesus flogged, and handed Him over to be crucified.
16 Zvino mauto akamuisa mukati mechivanze, chinova imba yemutungamiriri, akadanira hondo yese pamwe;
Then the soldiers led Jesus away into the palace (that is, the Praetorium) and called the whole company together.
17 vakamupfekedza zvine ruvara rwehute, vakaruka korona yeminzwa, vakaisa paari.
They dressed Him in a purple robe, twisted together a crown of thorns, and set it on His head.
18 Vakatanga kumukwazisa, vachiti: Hekanhi, Mambo weVaJudha!
And they began to salute Him: “Hail, King of the Jews!”
19 Vakamurova musoro nerutsanga, vakamupfira, vakafugama mabvi, vakamunamata.
They kept striking His head with a staff and spitting on Him. And they knelt down and bowed before Him.
20 Zvino vakati vamuseka, vakamubvisa zveruvara rwehute, ndokumupfekedza nguvo dzake pachake, vakabuda naye kunomuroverera pamuchinjikwa.
After they had mocked Him, they removed the purple robe and put His own clothes back on Him. Then they led Him out to crucify Him.
21 Vakamanikidza umwe waipfuura wainzi Simoni muKurini, achibva kuruwa, baba vaArekizandiro naRufo, kuti atakure muchinjikwa wake.
Now Simon of Cyrene, the father of Alexander and Rufus, was passing by on his way in from the country, and the soldiers forced him to carry the cross of Jesus.
22 Vakamuisa kunzvimbo yainzi Gorogota, ndokuti kana zvichishandurwa: Nzvimbo yedehenya.
They brought Jesus to a place called Golgotha, which means The Place of the Skull.
23 Vakamupa waini yakavhenganiswa nemura kuti anwe, asi haana kugamuchira.
There they offered Him wine mixed with myrrh, but He did not take it.
24 Zvino vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake, vachikanda mujenya pamusoro padzo, kuti umwe neumwe achatorei.
And they crucified Him. They also divided His garments by casting lots to decide what each of them would take.
25 Rakange rava awa rechitatu, vakabva vamuroverera pamuchinjikwa.
It was the third hour when they crucified Him.
26 Nerugwaro rwemhosva yake rwakange rwakanyorwa pamusoro, rwuchiti: MAMBO WEVAJUDHA.
And the charge inscribed against Him read: THE KING OF THE JEWS.
27 Pamwe naye vakaroverera pamuchinjikwa makororo maviri, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe rwake.
Along with Jesus, they crucified two robbers, one on His right and one on His left.
28 Rugwaro rukazadzisika, rwunoti: Wakaverengwa pamwe nevasina murairo.
29 Nevaipfuura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: Ehe-e, iwe unoputsa tembere, nekuivaka nemazuva matatu,
And those who passed by heaped abuse on Him, shaking their heads and saying, “Aha! You who are going to destroy the temple and rebuild it in three days,
30 zviponese, uburuke pamuchinjikwa!
come down from the cross and save Yourself!”
31 Saizvozvo vapristiwo vakuru vakamuseka pamwe nevanyori pakati pavo, vachiti: Wakaponesa vamwe, haagoni kuzviponesa.
In the same way, the chief priests and scribes mocked Him among themselves, saying, “He saved others, but He cannot save Himself!
32 Kristu Mambo waIsraeri ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, kuti tione titende. Nevakange varovererwa pamuchinjikwa pamwe naye vakamunyomba.
Let the Christ, the King of Israel, come down now from the cross, so that we may see and believe!” And even those who were crucified with Him berated Him.
33 Zvino awa rechitanhatu rakati rasvika, rima rikavapo panyika yese kusvikira paawa repfumbamwe.
From the sixth hour until the ninth hour darkness came over all the land.
34 Zvino neawa repfumbamwe, Jesu akadana nenzwi guru, achiti: "Eroi, Eroi, rama sabhakitani!" Ndokuti, kana zvichishandurwa: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiirei?
At the ninth hour, Jesus cried out in a loud voice, “Eloi, Eloi, lema sabachthani?” which means, “My God, My God, why have You forsaken Me?”
35 Vamwe vevakange vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati: Tarirai, anodana Eria.
When some of those standing nearby heard this, they said, “Behold, He is calling Elijah.”
36 Ipapo umwe wakamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, akaisa parutsanga, akamupa kuti anwe, achiti: Regai, tione kana Eria achiuya kumuburusa.
And someone ran and filled a sponge with sour wine. He put it on a reed and held it up for Jesus to drink, saying, “Leave Him alone. Let us see if Elijah comes to take Him down.”
37 Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru akapa mweya.
But Jesus let out a loud cry and breathed His last.
38 Vheiri retembere rikabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi.
And the veil of the temple was torn in two from top to bottom.
39 Zvino mukuru wezana wakange amirepo pakatarisana naye, wakati achiona kuti wadanidzira zvakadaro akapa mweya, akati: Zvirokwazvo, munhu uyu wanga ari Mwanakomana waMwari.
When the centurion standing there in front of Jesus saw how He had breathed His last, he said, “Truly this man was the Son of God!”
40 Uye kwakange kune vakadziwo vakatarira vari kure, pakati pavo pakange pana Maria Magidhariniwo, naMaria mai vaJakobho mudiki naJose, naSarome,
And there were also women watching from a distance. Among them were Mary Magdalene, Mary the mother of James the younger and of Joses, and Salome.
41 (avowo vaimutevera achiri muGarirea, vachimushandira), nevamwe vakadzi vazhinji vakange vakwira kuJerusarema naye.
These women had followed Jesus and ministered to Him while He was in Galilee, and there were many other women who had come up to Jerusalem with Him.
42 Zvino atova manheru, zvarakange riri gadziriro, ndokuti zuva rinotangira sabata,
Now it was already evening. Since it was Preparation Day (that is, the day before the Sabbath),
43 Josefa waiva weArimatia, nhengo yedare yairemekedzwa, wakange akamirirawo pachake ushe hwaMwari; wakauya akapinda kuna Pirato akatsunga, akakumbira chitunha chaJesu.
Joseph of Arimathea, a prominent Council member who himself was waiting for the kingdom of God, boldly went to Pilate to ask for the body of Jesus.
44 Pirato akashamisika nokuti wakange atofa; akadanira kwaari mukuru wezana, akamubvunza kana akange ava nenguva afa.
Pilate was surprised to hear that Jesus was already dead, so he summoned the centurion to ask if this was so.
45 Zvino wakati azvinzwa nemukuru wezana, akapa Josefa chitunha.
When Pilate had confirmed it with the centurion, he granted the body to Joseph.
46 Akatenga mucheka wakaisvonaka, akamuburusa, akamuputira nemucheka wakapfava, ndokumuradzika muguva rakange rakacherwa muruware, ndokukungurusira ibwe pamukova weguva.
So Joseph bought a linen cloth, took down the body of Jesus, wrapped it in the cloth, and placed it in a tomb that had been cut out of the rock. Then he rolled a stone against the entrance to the tomb.
47 Zvino Maria Magidharini, naMaria mai vaJose, vakaona paakaradzikwa.
Mary Magdalene and Mary the mother of Joseph saw where His body was placed.

< Mako 15 >