< Mako 14 >
1 Shure kwemazuva maviri kwaiva nepasika nemutambo wechingwa chisina mbiriso; vapristi vakuru nevanyori ndokutsvaka kuti vangamubata sei nekunyengera vamuuraye.
It was now two days before the Festival of the Passover and the unleavened bread. The chief priests and the teachers of the Law were looking for an opportunity to arrest Jesus by stealth, and to put him to death;
2 Asi vakati: Kwete pamutambo, zvimwe kungava nebongozozo revanhu.
for they said, “Not during the Festival, or the people may riot.”
3 Zvino wakati ari paBhetaniya, mumba maSimoni wemaperembudzi, agere pakudya, kwakauya mukadzi, ane chinu chearibhasiteri chechizoro chenaridho chaiyo chakakosha zvikuru; akaputsa chinu chearibhasiteri, akachidurura pamusoro wake.
When Jesus was still at Bethany, in the house of Simon the leper, while he was sitting at the table, a woman came with an alabaster jar of choice spikenard perfume of great value. She broke the jar, and poured the perfume on his head.
4 Asi kwaiva nevamwe vakatsamwa mukati mavo, vakati: Kutambisa ikoku kwechizoro kwaitirwei?
Some of those who were present said to one another indignantly, “Why has the perfume been wasted like this?
5 Nokuti ichi chingadai chatengeswa nemadhenario anopfuura mazana matatu, akapiwa varombo. Vakamutsiura nehasha.
This perfume could have been sold for more than a year’s wages, and the money given to the poor.”
6 Asi Jesu wakati: Musiyei; munomutambudzirei? Waitira ini basa rakanaka.
“Leave her alone,” said Jesus, as they began to find fault with her, “why are you troubling her? This is a beautiful deed that she has done for me.
7 Nokuti varombo munavo nguva dzese, uye nguva ipi neipi yamunoda, munogona kuvaitira zvakanaka; asi ini hamuneni nguva dzese.
You always have the poor with you, and whenever you wish you can do good to them; but you will not always have me.
8 Waita zvaanogona; wakagara azodzera muviri wangu kuvigwa.
She has done what she could; she has perfumed my body beforehand for my burial.
9 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kwese-kwese kuchaparidzirwa evhangeri iyi panyika yese, zvaakaitawo zvicharehwa, chive chirangaridzo chake.
And I tell you, wherever, in the whole world, the good news is proclaimed, what this woman has done will be told in memory of her.”
10 Zvino Judhasi Isikariyoti, umwe wevanegumi nevaviri, wakaenda kuvapristi vakuru, kuti amutengese kwavari.
After this, Judas Iscariot, one of the Twelve, went to the chief priests, to betray Jesus to them.
11 Uye vakati vachizvinzwa, vakafara, vakavimbisa kumupa mari. Akatsvaka kuti angamutengesa sei panguva yakafanira.
They were glad to hear what he said, and promised to pay him. So he began looking for a good opportunity to betray Jesus.
12 Nezuva rekutanga rechingwa chisina mbiriso, pavaibaya pasika, vadzidzi vake vakati kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tiende kunogadzirira kuti mudye pasika?
On the first day of the Festival of the unleavened bread, when it was customary to kill the Passover lambs, his disciples said to Jesus, “Where do you wish us to go and make preparations for your eating the Passover?”
13 Akatuma vaviri vevadzidzi vake, akati kwavari: Endai muguta, zvino munhu achasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere,
Jesus sent forward two of his disciples and said to them, “Go into the city, and there a man carrying a pitcher of water will meet you; follow him;
14 uye chero paanenge apinda, muti kumwene weimba: Mudzidzisi wati: Imba yevaeni iripi, pandichadyira pasika nevadzidzi vangu?
and, wherever he goes in, say to the owner of the house ‘The teacher says – Where is my room where I am to eat the Passover with my disciples?’
15 Uye iye achakutaridzai imba huru yekumusoro yakarongedzwa, yakagadzirwa; tigadzirirei ipapo.
He will himself show you a large upstairs room, set out ready; and there make preparations for us.”
16 Vadzidzi vake vakabuda, vakasvika muguta, vakawana sezvaakange areva kwavari; vakagadzirira pasika.
So the disciples set out and went into the city, and found everything just as Jesus had told them; and they prepared the Passover.
17 Kuzoti ava madekwani wakasvika nevanegumi nevaviri.
In the evening he went there with the Twelve,
18 Zvino vakati vagara vachidya, Jesu akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Umwe wenyu anodya neni achanditengesa.
and when they had taken their places and were eating, Jesus said, “I tell you that one of you is going to betray me – one who is eating with me.”
19 Ndokubva vatanga kushungurudzika, umwe neumwe akati kwaari: Zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here? Neumwe: Zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here?
They were grieved at this, and began to say to him, one after another, “Can it be I?”
20 Asi wakapindura akati kwavari: Umwe wevanegumi nevaviri, anoseva neni mundiro.
“It is one of you Twelve,” said Jesus, “the one who is dipping his bread beside me into the dish.
21 Mwanakomana wemunhu anoenda zvirokwazvo, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo, Mwanakomana wemunhu waanotengeswa naye! Zvaiva nani kwaari kana munhu uyo aiva asina kuzvarwa.
True, the Son of Man must go, as scripture says of him, yet alas for that man by whom the Son of Man is being betrayed! For that man it would be better never to have been born!”
22 Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akaropafadza, akamedura, ndokupa kwavari, akati: Torai, idyai, ichi ndicho muviri wangu.
While they were eating, Jesus took some bread, and, after saying the blessing, broke it, and gave it to them, and said, “Take it; this is my body.”
23 Akatora mukombe, akati avonga akapa kwavari, vakanwa vese pauri.
Then he took a cup, and, after saying the thanksgiving, gave it to them, and they all drank from it.
24 Zvino akati kwavari: Iri iropa rangu, iro resungano itsva, rinoteurirwa vazhinji.
“This is my covenant-blood,” he said, “which is poured out on behalf of many.
25 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handichazotongonwi zvechibereko chemuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazochinwa naro chava chitsva muushe hwaMwari.
I tell you that I will never again drink of the fruit of the vine, until that day when I will drink it new in the kingdom of God.”
26 Zvino vakati vaimba rwiyo rwekurumbidza vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi.
They then sang a hymn, and went out up the Mount of Olives,
27 Zvino Jesu akati kwavari: Mese muchagumburwa nekuda kwangu usiku huno, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndicharova mufudzi, makwai agopararira.
presently Jesus said to them, “All of you will fall away; for scripture says – ‘I will strike down the shepherd, and the sheep will be scattered.’
28 Asi shure kwekumutswa kwangu, ndichakutungamirirai kuenda kuGarirea.
Yet, after I have risen, I will go before you into Galilee.”
29 Asi Petro wakati kwaari: Kunyange vese vakagumburwa, asi kwete ini.
“Even if everyone else falls away,” said Peter, “I will not.”
30 Jesu ndokuti kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi, neusiku huno, jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.
“I tell you,” answered Jesus, “that you yourself today – yes, this very night – before the cock crows twice, will disown me three times.”
31 Asi iye wakareva zvakanyanya kusimba, achiti: Kunyange ndikatofanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi. Nevesewo vakadaro.
But Peter vehemently protested, “Even if I must die with you, I will never disown you!” And they all said the same.
32 Zvino vakasvika panzvimbo yainzi Getsemani; akati kuvadzidzi vake: Garai pano, ndichinonyengetera.
Presently they came to a garden known as Gethsemane, and Jesus said to his disciples “Sit down here while I pray.”
33 Akatora pamwe naye Petro naJakobho naJohwani, akatanga kuvhunduka nekunetseka zvikuru.
He took with him Peter, James, and John; and began to show signs of great dismay and deep distress of mind.
34 Akati kwavari: Mweya wangu unoshungurudzika kwazvo kusvikira pakufa; garai pano murinde.
“I am sad at heart,” he said, “sad even to death; wait here, and watch.”
35 Akapfuura zvishoma, akawira pasi, akanyengetera, kuti kana zvaibvira, nguva ipfuure kwaari.
Going on a little further, he threw himself on the ground, and began to pray that, if it were possible, he might be spared that hour.
36 Zvino akati: Abha, Baba, zvinhu zvese zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kwete zvandinoda ini, asi zvamunoda imwi.
“Abba, Father,” he said, “all things are possible to you; take away this cup from me; yet, not what I will, but what you will.”
37 Zvino akasvika, akavawana varere; akati kuna Petro: Simoni, urere here? Wakonewa kurinda awa rimwe here?
Then he came and found the three apostles asleep. “Simon,” he said to Peter, “are you asleep? Couldn’t you watch for one hour?
38 Rindai munyengetere, kuti murege kupinda mumuedzo. Mweya unoda hawo, asi nyama ine utera.
Watch and pray,” he said to them all, “so that you may not fall into temptation. True, the spirit is willing, but the flesh is weak.”
39 Akaendazve, akanyengetera achireva mashoko mamwechete.
Again he went away, and prayed in the same words;
40 Zvino paakadzoka, akavawana vararazve, nokuti meso avo akange orema; vakasaziva zvavangamupindura.
and coming back again he found them asleep, for their eyes were heavy; and they did not know what to say to him.
41 Akauya rwechitatu, akati kwavari: Chirambai murere zvino muzorore. Zvaringana; nguva yasvika; tarirai, Mwanakomana wemunhu wokumikidzwa mumaoko avatadzi.
A third time he came, and said to them, “Sleep on now, and rest yourselves. Enough! My time has come. Look, the Son of Man is being betrayed into the hands of wicked people.
42 Simukai, tiende; tarirai, wonditengesa wava pedo.
Up, and let us be going. Look! My betrayer is close at hand.”
43 Pakarepo achataura, Judhasi wakasvika, umwe wevanegumi nevaviri, chaunga chikuru chinaye chine minondo netsvimbo, chichibva kuvapristi vakuru nevanyori nevakuru.
And just then, while he was still speaking, Judas, who was one of the Twelve, came up; and with him a crowd of people, with swords and clubs, sent by the chief priests, the teachers of the Law, and the elders.
44 Zvino iye wakamutengesa wakange avapa chiratidzo, achiti: Uyo wandinongotsvoda ndiye; mumutore muende naye makamuchengetedza.
Now the betrayer had arranged a signal with them. “The man whom I kiss,” he had said, “will be the one; arrest him and take him away safely.”
45 Zvino wakati asvika, pakarepo akaswedera kwaari akati: Rabhi! Rabhi! Akamutsvoda.
As soon as Judas came, he went up to Jesus at once, and said, “Rabbi!” and kissed him.
46 Vakabva vaisa maoko avo kwaari, vakamubata.
Then the men seized Jesus, and arrested him.
47 Zvino umwe wevakange vamirepo wakavhomora munondo akatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake.
One of those who were standing by drew his sword, and struck at the high priest’s servant, and cut off his ear.
48 Zvino Jesu akapindura akati kwavari: Mabuda semakanangana negororo neminondo netsvimbo kuzondibata here?
But Jesus spoke up, and said to the men, “Have you come out, as if after a robber, with swords and clubs, to take me?
49 Ndakange ndinemwi mutembere zuva nezuva ndichidzidzisa, asi hamuna kundibata, asi izvi zvaitwa kuti magwaro azadziswe.
I have been among you day after day in the Temple Courts teaching, and yet you did not arrest me; but this is in fulfillment of the scriptures.”
50 Vese ndokumusiya vakatiza.
And all the apostles deserted him and fled.
51 Zvino rimwe jaya rakamutevera, rakamonera mucheka werineni rakashama. Majaya akaribata;
One young man did indeed follow him, wrapped only in a linen sheet. They tried to arrest him;
52 ndokubva rasiya mucheka werineni, rikavatiza rakashama.
but he left the sheet in their hands, and fled naked.
53 Zvino vakaendesa Jesu kumupristi mukuru; vakaunganira kwaari vapristi vakuru vese nevakuru nevanyori.
Then they took Jesus to the high priest; and all the chief priests, elders, and the teachers of the Law assembled.
54 Petro akamutevera ari kure kusvikira mukati mechivanze chemupristi mukuru; akange agere pamwe nevaranda, achidziya moto.
Peter, who had followed Jesus at a distance into the courtyard of the high priest, was sitting there among the guards, warming himself at the blaze of the fire.
55 Zvino vapristi vakuru nedare rese remakurukota vakatsvaka uchapupu hwakanangana naJesu, kuti vamuuraye; asi havana kuhuwana.
Meanwhile the chief priest and the whole of the High Council were trying to get such evidence against Jesus as would warrant his being put to death, but they could not find any;
56 Nokuti vazhinji vaimupupurira nhema, asi uchapupu hauna kupindirana.
for, though there were many who gave false evidence against him, yet their evidence did not agree.
57 Ndokubva kwasimuka vamwe vakamupupurira nhema vachiti:
Presently some men stood up, and gave this false evidence against him –
58 Isu takamunzwa achiti: Ini ndichaputsa tembere iyi yakaitwa nemaoko, uye mumazuva matatu ndichavaka imwe isina kuitwa nemaoko.
“We ourselves heard him say ‘I will destroy this Temple made with hands, and in three days build another made without hands.’”
59 Asi kunyange zvakadaro uchapupu hwavo hauna kupindirana.
Yet not even on that point did their evidence agree.
60 Zvino mupristi mukuru wakasimuka pakati pavo, akabvunza Jesu, achiti: Haupinduri chinhu here? Vanopupurei ava chakanangana newe?
Then the high priest stood forward, and questioned Jesus. “Have you no answer to make?” he asked. “What is this evidence which these men are giving against you?”
61 Asi wakanyarara, akasapindura chinhu. Mupristi mukuru akamubvunzazve, akati kwaari: Iwe uri Kristu, Mwanakomana weWakaropafadzwa here?
But Jesus remained silent, and made no answer. A second time the high priest questioned him. “Are you,” he asked, “the Christ, the Son of the Blessed One?”
62 Jesu akati: Ndini iye. Uye muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwesimba, achiuya nemakore ekudenga.
“I am,” replied Jesus, “and you will all see the Son of Man sitting on the right hand of the Almighty, and coming in the clouds of heaven.”
63 Mupristi mukuru ndokubvarura nguvo dzake akati: Tichiri kudirei zvapupu?
At this the high priest tore his vestments. “Why do we want any more witnesses?” he exclaimed.
64 Manzwa kunyomba; munofungei? Zvino vese vakamurasa kuti ave nemhosva yerufu.
“You heard his blasphemy? What is your verdict?” They all condemned him, declaring that he deserved death.
65 Vamwe vakatanga kumupfira, nekufukidza chiso chake, nekumurova netsiva, nokuti kwaari: Porofita! Varanda vakamurova nembama dzamaoko.
Some of those present began to spit at him, and to blindfold his eyes, and strike him, saying, as they did so, “Now play the prophet!” and even the guards received him with blows.
66 Zvino Petro achiri pachivanze pasi, kwakasvika umwe wevarandakadzi vemupristi mukuru;
While Peter was in the courtyard down below, one of the high priest’s maidservants came up;
67 achiona Petro achidziya moto, akamutarira akati: Iwewo wakange una Jesu weNazareta.
and, seeing Peter warming himself, she looked closely at him, and exclaimed, “Why, you were with Jesus, the Nazarene!”
68 Asi wakaramba, achiti: Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva. Akabuda panze akaenda kumusuwo; jongwe rikarira.
But Peter denied it. “I do not know or understand what you mean,” he replied. Then he went out into the porch;
69 Zvino murandakadzi akamuonazve, akatanga kuti kuna vakange vamirepo: Uyu ndewavo.
and there the maidservant, on seeing him, began to say again to the bystanders, “This is one of them!”
70 Asi wakarambazve. Zvino shure kwechinguvana, vakange vamirepo vakatizve kuna Petro: Zvirokwazvo, uri wavo, nokuti newe uri muGarirea nemutauro wako unotenderana nazvo.
But Peter again denied it. Soon afterward the bystanders again said to him, “You certainly are one of them; why you are a Galilean!”
71 Akatanga kutuka nekupika, achiti: Handimuzivi munhu uyu wamunoreva.
But he said to them, “I swear that I do not know the man you are talking about! May God punish me if I am lying!”
72 Zvino jongwe rikarira rwechipiri. Petro ndokurangarira shoko Jesu raakange areva kwaari rekuti: Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu. Zvino wakati achifunga izvozvo akachema.
At that moment, for the second time, a cock crowed; and Peter remembered the words that Jesus had said to him – ‘Before a cock has crowed twice, you will disown me three times’; and, as he thought of it, he began to weep.