< Mako 1 >
1 Kutanga kweevhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari;
THE beginning of the gospel of Jesus Christ, the Son of God;
2 sezvazvakanyorwa muvaporofita zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, achagadzira nzira yako pamberi pako.
As it is written in the prophets, Behold, I send my messenger before thy face, which shall prepare thy way before thee.
3 Inzwi reanodanidzira murenje, richiti: Gadzirai mugwagwa waIshe; ruramisai nzira dzake.
The voice of one crying in the wilderness, Prepare ye the way of the Lord, make his paths straight.
4 Johwani wakati achibhabhatidza murenje, achiparidza rubhabhatidzo rwekutendeukira kukanganwiro yezvivi;
John did baptize in the wilderness, and preach the baptism of repentance for the remission of sins.
5 zvino kwakabudira kwaari nyika yese yeJudhiya, naivo veJerusarema, ndokubhabhatidzwa vese naye murwizi rweJoridhani vachireurura zvivi zvavo.
And there went out unto him all the land of Judæa, and they of Jerusalem, and were all baptized of him in the river of Jordan, confessing their sins.
6 Uye Johwani wakange akapfeka makushe ekamera, nebhanhire rechikumba rakapoteredza chiuno chake, waidya mhashu neuchi hwedondo.
And John was clothed with camel’s hair, and with a girdle of a skin about his loins; and he did eat locusts and wild honey;
7 Akaparidza, achiti: Kunouya ane simba kupfuura ini shure kwangu, wandisina kufanira kukotama kuti ndisunungure tambo yeshangu dzake.
And preached, saying, There cometh one mightier than I after me, the latchet of whose shoes I am not worthy to stoop down and unloose.
8 Ini zvirokwazvo ndakubhabhatidzai nemvura; asi iye achakubhabhatidzai neMweya Mutsvene.
I indeed have baptized you with water: but he shall baptize you with the Holy Ghost.
9 Zvino zvakaitika nemazuva ayo kuti Jesu wakabva Nazareta yeGarirea, akabhabhatidzwa naJohwani muna Joridhani.
And it came to pass in those days, that Jesus came from Nazareth of Galilee, and was baptized of John in Jordan.
10 Pakarepo achibuda mumvura, wakaona matenga akazarurwa, neMweya senjiva achiburukira pamusoro pake.
And straightway coming up out of the water, he saw the heavens opened, and the Spirit like a dove descending upon him:
11 Zvino kwakaitika inzwi richibva kumatenga richiti: Iwe uri Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofara maari kwazvo.
And there came a voice from heaven, saying, Thou art my beloved Son, in whom I am well pleased.
12 Zvino pakarepo Mweya wakamutinhira kurenje.
And immediately the Spirit driveth him into the wilderness.
13 Akavako murenje mazuva makumi mana achiidzwa naSatani, uye wakange ane mhuka dzesango, vatumwa vachimushandira.
And he was there in the wilderness forty days, tempted of Satan; and was with the wild beasts; and the angels ministered unto him.
14 Zvino shure kwekukumikidzwa kwaJohwani, Jesu wakasvika muGarirea, achiparidza evhangeri yeushe hwaMwari,
Now after that John was put in prison, Jesus came into Galilee, preaching the gospel of the kingdom of God,
15 achiti: Nguva yazadziswa, uye ushe hwaMwari hwaswedera; tendeukai, mutende evhangeri.
And saying, The time is fulfilled, and the kingdom of God is at hand: repent ye, and believe the gospel.
16 Wakati achifamba-famba parutivi rwegungwa reGarirea, akaona Simoni naAndiriya munin'ina wake vachikandira mumbure mugungwa; nokuti vakange vari varedzi.
Now as he walked by the sea of Galilee, he saw Simon and Andrew his brother casting a net into the sea: for they were fishers.
17 Jesu akati kwavari: Nditeverei, ndichakuitai muve varedzi vevanhu.
And Jesus said unto them, Come ye after me, and I will make you to become fishers of men.
18 Pakarepo vakasiya mimbure yavo, ndokumutevera.
And straightway they forsook their nets, and followed him.
19 Wakati apfuura zvishoma ipapo, akaona Jakobho waZebhedhi naJohwani munin'ina wake, naivo vari muchikepe vachigadzira mimbure.
And when he had gone a little further thence, he saw James the son of Zebedee, and John his brother, who also were in the ship mending their nets.
20 Pakarepo akavadana; ndokusiya baba vavo Zebhedhi muchikepe nevarikichi, vakamutevera.
And straightway he called them: and they left their father Zebedee in the ship with the hired servants, and went after him.
21 Zvino vakapinda muKapenaume; zvino pakarepo nesabata wakapinda musinagoge, akadzidzisa.
And they went into Capernaum; and straightway on the sabbath day he entered into the synagogue, and taught.
22 Vakashamisika nedzidziso yake; nokuti wakavadzidzisa seane simba, kwete sevanyori.
And they were astonished at his doctrine: for he taught them as one that had authority, and not as the scribes.
23 Zvino kwaiva musinagoge ravo nemunhu wakange ane mweya wetsvina, akadanidzira,
And there was in their synagogue a man with an unclean spirit; and he cried out,
24 achiti: Regai, tinei nemwi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinokuzivai kuti ndimwi ani: Mutsvene waMwari.
Saying, Let us alone; what have we to do with thee, thou Jesus of Nazareth? art thou come to destroy us? I know thee who thou art, the Holy One of God.
25 Jesu ndokumutsiura achiti: Nyarara, ubude maari!
And Jesus rebuked him, saying, Hold thy peace, and come out of him.
26 Zvino mweya wetsvina wakati amugwinhisa, ndokudanidzira nenzwi guru, akabuda kwaari.
And when the unclean spirit had torn him, and cried with a loud voice, he came out of him.
27 Vakashamisika vese, kusvikira vabvunzana, vachiti: Chii ichi? Idzidziso itsva yei iyi? Nokuti nesimba anoraira kunyange mweya yetsvina, uye inomuteerera.
And they were all amazed, insomuch that they questioned among themselves, saying, What thing is this? what new doctrine is this? for with authority commandeth he even the unclean spirits, and they do obey him.
28 Zvino pakarepo shoko rake rikabudira panyika yese yakapoteredza Garirea.
And immediately his fame spread abroad throughout all the region round about Galilee.
29 Zvino pakarepo vakati vachibuda musinagoge, vakapinda mumba maSimoni naAndiriya vana Jakobho naJohwani.
And forthwith, when they were come out of the synagogue, they entered into the house of Simon and Andrew, with James and John.
30 Asi mai vemukadzi waSimoni vakange varere vane fivhiri, pakarepo vakamuudza nezvavo;
But Simon’s wife’s mother lay sick of a fever, and anon they tell him of her.
31 akaswedera, akavabata ruoko, akavamutsa; fivhiri ikavarega pakarepo, vakavashandira.
And he came and took her by the hand, and lifted her up; and immediately the fever left her, and she ministered unto them.
32 Zvino ava madekwani, zuva rovira, vakauisa kwaari vese vakange vachirwara nevakange vane madhimoni.
And at even, when the sun did set, they brought unto him all that were diseased, and them that were possessed with devils.
33 Zvino guta rese rakange rakaungana pamukova.
And all the city was gathered together at the door.
34 Akaporesa vazhinji vakange vachirwara nezvirwere zvakasiyana-siyana, nekubudisa madhimoni mazhinji; uye haana kutendera madhimoni kutaura, nokuti aimuziva.
And he healed many that were sick of divers diseases, and cast out many devils; and suffered not the devils to speak, because they knew him.
35 Zvino mangwanani kuchine rima guru, wakasimuka, akabuda, akaenda kunzvimbo murenje, akanonyengeterapo.
And in the morning, rising up a great while before day, he went out, and departed into a solitary place, and there prayed.
36 Simoni nevakange vanaye vakamutsvakisisa.
And Simon and they that were with him followed after him.
37 Zvino vakati vamuwana vakati kwaari: Vese vanokutsvakai.
And when they had found him, they said unto him, All men seek for thee.
38 Ndokubva ati kwavari: Ngatiende kumisha iri pedo, kuti ndinoparidzawo ikoko, nokuti ndizvo zvandakabudira.
And he said unto them, Let us go into the next towns, that I may preach there also: for therefore came I forth.
39 Akabva aparidza mumasinagoge avo paGarirea rese, achibudisa madhimoni.
And he preached in their synagogues throughout all Galilee, and cast out devils.
40 Zvino kwakauya kwaari ane maperembudzi, achimukumbirisa, ndokumufugamira achiti kwaari: Kana muchida munogona kundinatsa.
And there came a leper to him, beseeching him, and kneeling down to him, and saying unto him, If thou wilt, thou canst make me clean.
41 Jesu akanzwa tsitsi, akatandavadza ruoko, akamubata akati kwaari: Ndinoda, natswa;
And Jesus, moved with compassion, put forth his hand, and touched him, and saith unto him, I will; be thou clean.
42 achangotaura, maperembudzi akabva kwaari pakarepo, akanatswa.
And as soon as he had spoken, immediately the leprosy departed from him, and he was cleansed.
43 Zvino akamuraira zvikuru, akamurega achienda pakarepo,
And he straitly charged him, and forthwith sent him away;
44 akati kwaari: Ona kuti urege kuudza munhu chinhu; asi enda, uzviratidze kumupristi, ubaire pamusoro pekunatswa kwako Mozisi zvaakaraira, chive chapupu kwavari.
And saith unto him, See thou say nothing to any man: but go thy way, shew thyself to the priest, and offer for thy cleansing those things which Moses commanded, for a testimony unto them.
45 Asi iye wakabuda akatanga kuparidza zvikuru nekuvavaza kunze shoko iro, zvekuti wakange asingachagoni kupinda muguta pachena, asi wakange ari kunze kunzvimbo dzerenje. Vakauya kwaari vachibva kumativi ese.
But he went out, and began to publish it much, and to blaze abroad the matter, insomuch that Jesus could no more openly enter into the city, but was without in desert places: and they came to him from every quarter.