< Ruka 21 >
1 Zvino wakati atarira kumusoro akaona vafumi vachikanda zvipo zvavo muchivigiro chezvipo.
Yesu alitazama akawaona wanaume matajiri waliokuwa wanaweka zawadi zao kwenye hazina.
2 Uye wakaonawo imwe chirikadzi murombo ichikandamo tumari twemhangura tuviri.
Akamuona mjane mmoja masikini akiweka senti zake mbili.
3 Ndokuti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo yakanda kupfuura vese;
Hivyo akasema, “Kweli nawaambieni, huyu Mjane maskini ameweka nyingi kuliko wengine wote.
4 nokuti avo vese vakanda muzvipo zvaMwari pamuraudziro wavo, asi iye, paurombo hwake wakanda chese chaaiva nacho chaairarama nacho.
Hawa wote wametoa hizi zawadi kutoka katika vingi walivyonavyo. Lakini huyu mjane, katika umaskini wake, ametoa fedha zote alizokuwa nazo kwa ajili ya kuishi kwake.”
5 Zvino vamwe vachiri kutaura pamusoro petembere, kuti yakange yakashongedzwa nemabwe akanaka nezvipo, wakati:
Wakati wengine walipokuwa wakisema juu ya hekalu, namna lilivyokuwa limepambwa na mawe mazuri na matoleo, alisema,
6 Zvinhu izvi zvamunoona, mazuva achasvika okuti ibwe harizosiiwi pamusoro pebwe, risingazoputsirwi pasi.
“Kwa habari ya mambo haya mnayoyaona, siku zitakuja ambazo hakuna jiwe moja ambalo litaachwa juu ya jiwe jingine ambalo halitabomolewa.”
7 Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, ko zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chii, kana izvozvi zvoitika?
Hivyo wakamuuliza, wakasema, “Mwalimu, mambo haya yatatokea lini? Na nini ni itakuwa ishara kwamba haya mambo yako karibu kutokea?”
8 Iye ndokuti: Chenjerai kuti musatsauswa; nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye: Nguva yaswedera. Naizvozvo musavatevera.
Yesu akajibu, “Muwe waangalifu kwamba msidanganywe. Kwa sababu wengi watakuja kwa jina langu, wakisema, 'Mimi ndiye, 'na 'Muda umekaribia'. Msiwafuate.
9 Zvino kana muchinzwa zvehondo nenyonga-nyonga, musavhunduswa; nokuti zvinhu izvi zvinofanira kutanga kuitika; asi kuguma hakuvipo pakarepo.
Mkisikia vita na vuruguvurugu msiogope, kwa sababu haya mambo lazima yatokee kwanza, lakini mwisho hautatokea upesi.”
10 Ipapo wakati kwavari: Rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe.
Kisha akawaambia, “Taifa litainuka kupigana na taifa jingine, na ufalme juu ya ufalme mwingine.
11 Uye kudengenyeka kwenyika kukuru kuchava kunzvimbo dzakasiyana-siyana, nenzara nematenda, uye zvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvichabva kudenga zvichavapo.
Kutakuwa na matetemeko makubwa, na njaa na tauni katika maeneo mbalimbali. Kutakuwa na matukio ya kutisha na ishara za kutisha kutoka mbinguni.
12 Asi mberi kwaizvozvi zvese vachaisa maoko avo pamuri, nekushusha, vachikukumikidzai kumasinagoge nemumatirongo, muchiiswa pamberi pemadzimambo nevabati, nekuda kwezita rangu.
Lakini kabla ya mambo haya yote, wataweka mikono yao juu yenu na kuwatesa, kuwapeleka kwenye masinagogi na magereza, kuwaleta mbele za wafalme na wenye mamlaka kwa sababu ya jina langu.
13 Uye izvi zvichashandukira kwamuri kuva uchapupu.
Hii itawafungulia fursa kwa ushuhuda wenu.
14 Naizvozvo zviisei mumoyo menyu, kuti murege kufanofunganya zvamuchazvidavirira.
Kwahiyo amueni mioyoni mwenu kutoandaa utetezi wenu mapema,
15 Nokuti ini ndichakupai muromo nenjere, vavengi venyu vese zvavachakonewa kupikisa kana kuramba.
kwa sababu nitawapa maneno na hekima, ambayo adui zenu wote hawataweza kuipinga au kuikana.
16 Zvino muchatengeswa kunyange nevabereki, nevanakomana vamai venyu, nehama, neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu.
Lakini mtakataliwa pia na wazazi wenu, ndugu zenu, jamaa zenu na rafiki zenu, na watawaua baadhi yenu.
17 Uye muchavengwa nevese nekuda kwezita rangu.
Mtachukiwa na kila mmoja kwa sababu ya jina langu.
18 Asi hakungatongoparari ruvhudzi rwemusoro wenyu.
Lakini hakuna hata unywele mmoja wa vichwa vyenu utakaopotea.
19 Mukutsungirira kwenyu wanai mweya yenyu.
Katika kuvumilia mtaziponya nafsi zenu.
20 Zvino kana muchiona Jerusarema rakombwa nemauto, zivai ipapo kuti kuparadzwa kwaro kwaswedera.
Mtakapoona Yerusalemu imezungukwa na majeshi, basi jueni kwamba uharibifu wake umekaribia.
21 Panguva iyo vari muJudhiya ngavatizire kumakomo; nevari mukati maro ngavabude; nevari kumaruwa ngavarege kupinda mariri.
Hapo wale walioko Yudea wakimbilie milimani, na wale walioko katikati ya jiji waondoke, na msiwaache walioko vijijini kuingia.
22 Nokuti awa mazuva etsividzo, kuti zvinhu zvese zvakanyorwa zvizadziswe.
Maana hizi ni siku za kisasi, ili kwamba mambo yote yaliyoandikwa yapate kutimilika.
23 Asi vane nhamo vane mimba nevanonwisa mumazuva iwayo! Nokuti kuchavapo kutambudzika kukuru munyika, nehasha pamusoro perudzi urwu.
Ole ni kwa wale walio na mimba na kwa wale wanyonyeshao katika siku hizo! Kwa maana kutakuwa na adha kuu juu ya nchi, na ghadhabu kwa watu hawa.
24 Uye vachawa nemuromo wemunondo, nekutapirwa kumarudzi ese; uye Jerusarema richatsikirwa pasi nevechirudzi, kusvikira nguva dzevechirudzi dzazadziswa.
Na wataanguka kwa ncha ya upanga na watachukuliwa mateka kwa mataifa yote, na Yerusalem itakanyagwa na watu wa mataifa, mpaka wakati wa watu wa mataifa utakapotimilika.
25 Zvino zviratidzo zvichavapo pazuva nepamwedzi nepanyeredzi; nepanyika kutambudzika kwemarudzi nekukanganiswa; gungwa nemafungu zvichitinhira,
Kutakuwa na ishara katika jua, mwezi na nyota. Na katika nchi kutakuwa na dhiki ya mataifa, katika kukata tamaa kutokana na mlio wa bahari na mawimbi.
26 vanhu vachapera simba nekutya nekutarisira zvinhu izvo zvinouya panyika; nokuti masimba ekumatenga achazungunuswa.
Kutakuwa na watu wakizimia kwa hofu na katika kutarajia mambo yatakoyo tokea juu ya dunia. Kwa maana nguvu za mbingu zitatikiswa.
27 Zvino ipapo vachaona Mwanakomana wemunhu achiuya mugore ane simba nekubwinya kukuru.
Kisha watamwona Mwana wa Adamu akija mawinguni katika nguvu na utukufu mkuu.
28 Zvino kana zvinhu izvi zvichitanga kuitika, itii tasa, uye musimudze misoro yenyu, nokuti rudzikunuro rwenyu rwaswedera.
Lakini mambo haya yatakapoanza kutokea, simameni, inueni vichwa vyenu, kwa sababu ukombozi wenu umesogea karibu.”
29 Zvino wakavataurira mufananidzo achiti: Tarirai muonde nemiti yese;
Yesu akawaambia kwa mfano, “Uangalieni mtini, na miti yote.
30 kana ikozvino yotunga, munozvionera nekuziva kuti zhizha ikozvino rava pedo.
Inapotoa machipukizi, mnajionea wenyewe na kutambua kwamba kiangazi tayari kiko karibu.
31 Saizvozvo imwiwo, kana moona zvinhu izvozvi zvichiitika, zivai kuti ushe hwaMwari hwava pedo.
Vivyo hivyo, mnapoona mambo haya yanatokea, ninyi tambueni ya kwamba ufalme wa Mungu umekaribia.
32 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri, kusvikira zvese zvaitika.
Kweli, nawaambieni, kizazi hiki hakitapita, mpaka mambo haya yote yatakapotokea.
33 Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
Mbingu na nchi zitapita, lakini maneno yangu hayatapita kamwe.
34 Zvino zvichenjererei, kuti moyo yenyu irege kuremedzwa nekudyisa nekuraradza nekufunganya zveupenyu huno, zuva iro rikusvikirei musingafungiri.
Lakini jiangalieni wenyewe, ili kwamba mioyo yenu isije ikalemewa na ufisadi, ulevi, na mahangaiko ya maisha haya. Kwa sababu ile siku itawajia ghafla
35 Nokuti seriva richasvika pamusoro pevese vagere pachiso chenyika yese.
kama mtego. Kwasababu itakuwa juu ya kila mmoja aishiye katika uso wa dunia nzima.
36 Naizvozvo rindai panguva yese munyengetere kuti muverengwe makafanira kupukunyuka zvinhu izvi zvese zvichaitika, nekumira pamberi peMwanakomana wemunhu.
Lakini mwe tayari wakati wote, mwombe kwamba mtakuwa imara vya kutosha kuyaepuka haya yote yatakayotokea, na kusimama mbele za Mwana wa Adamu.”
37 Zvino waidzidzisa masikati mutembere; asi waibuda achipedzera usiku mugomo rinonzi reMiorivhi.
Hivyo wakati wa mchana alikuwa akifundisha hekaluni na usiku alitoka nje, na kwenda kukesha katika mlima unaoitwa wa Mzeituni.
38 Vanhu vese ndokuuya kwaari mangwanani-ngwanani mutembere kuti vamunzwe.
Watu wote walimjia asubuhi na mapemaili kumsikiliza ndani ya hekalu.