< Ruka 18 >

1 Zvino wakavaudzawo mufananidzo kuti vanofanira kunyengetera nguva dzese, uye vasaora moyo,
Ἔλεγεν ⸀δὲπαραβολὴν αὐτοῖς πρὸς τὸ δεῖν πάντοτε προσεύχεσθαι ⸀αὐτοὺςκαὶ μὴ ἐγκακεῖν,
2 achiti: Kwaiva mune rimwe guta neumwe mutongi, wakange asingatyi Mwari, uye asingaremekedzi munhu;
λέγων· Κριτής τις ἦν ἔν τινι πόλει τὸν θεὸν μὴ φοβούμενος καὶ ἄνθρωπον μὴ ἐντρεπόμενος.
3 zvino kwakange kune chirikadzi muguta iro, yakange ichiuya kwaari, ichiti: Ndiruramisirei kumuvengi wangu.
χήρα δὲ ἦν ἐν τῇ πόλει ἐκείνῃ καὶ ἤρχετο πρὸς αὐτὸν λέγουσα· Ἐκδίκησόν με ἀπὸ τοῦ ἀντιδίκου μου.
4 Asi wakange asingadi kwenguva; asi pashure pezvinhu izvi wakati mukati make: Kunyange ndisingatyi Mwari, uye ndisingaremekedzi munhu;
καὶ οὐκ ⸀ἤθελενἐπὶ χρόνον, μετὰ ⸂ταῦτα δὲ εἶπεν ἐν ἑαυτῷ· Εἰ καὶ τὸν θεὸν οὐ φοβοῦμαι ⸂οὐδὲ ἄνθρωπον ἐντρέπομαι,
5 asi nokuti chirikadzi iyi inonditambudza, ndichairuramisira, zvimwe pakupedzisira ingasvika pakunditsamwisa kwazvo.
διά γε τὸ παρέχειν μοι κόπον τὴν χήραν ταύτην ἐκδικήσω αὐτήν, ἵνα μὴ εἰς τέλος ἐρχομένη ὑπωπιάζῃ με.
6 Ishe ndokuti: Inzwai mutongi asakarurama zvaanoreva.
εἶπεν δὲ ὁ κύριος· Ἀκούσατε τί ὁ κριτὴς τῆς ἀδικίας λέγει·
7 Ko Mwari haangaruramisiri here vakasanangurwa vake, vanodana kwaari masikati neusiku, kunyange achivanonokera?
ὁ δὲ θεὸς οὐ μὴ ποιήσῃ τὴν ἐκδίκησιν τῶν ἐκλεκτῶν αὐτοῦ τῶν βοώντων ⸀αὐτῷἡμέρας καὶ νυκτός, καὶ ⸀μακροθυμεῖἐπʼ αὐτοῖς;
8 Ndinoti kwamuri: Achakurumidza kuvaruramisira. Asi kana Mwanakomana wemunhu achisvika, achawana rutendo panyika here?
λέγω ὑμῖν ὅτι ποιήσει τὴν ἐκδίκησιν αὐτῶν ἐν τάχει. πλὴν ὁ υἱὸς τοῦ ἀνθρώπου ἐλθὼν ἆρα εὑρήσει τὴν πίστιν ἐπὶ τῆς γῆς;
9 Zvino wakareva mufananidzo uyu kune vamwewo vaizvivimba kuti vakarurama, vachizvidza vamwe, akati:
Εἶπεν δὲ ⸀καὶπρός τινας τοὺς πεποιθότας ἐφʼ ἑαυτοῖς ὅτι εἰσὶν δίκαιοι καὶ ἐξουθενοῦντας τοὺς λοιποὺς τὴν παραβολὴν ταύτην·
10 Vanhu vaviri vakakwira kutembere kunonyengetera; umwe muFarisi, uye umwe muteresi.
Ἄνθρωποι δύο ἀνέβησαν εἰς τὸ ἱερὸν προσεύξασθαι, ⸀ὁεἷς Φαρισαῖος καὶ ὁ ἕτερος τελώνης.
11 MuFarisi wakamira akazvinyengeterera zvinhu izvi, akati: Mwari, ndinokutendai kuti handina kufanana nevamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana kunyange semuteresi uyu.
ὁ Φαρισαῖος σταθεὶς ⸂πρὸς ἑαυτὸν ταῦτα προσηύχετο· Ὁ θεός, εὐχαριστῶ σοι ὅτι οὐκ εἰμὶ ⸀ὥσπεροἱ λοιποὶ τῶν ἀνθρώπων, ἅρπαγες, ἄδικοι, μοιχοί, ἢ καὶ ὡς οὗτος ὁ τελώνης·
12 Ndinotsanya kaviri pavhiki, ndinopa chegumi chezvese zvandinowana.
νηστεύω δὶς τοῦ σαββάτου, ⸀ἀποδεκατῶπάντα ὅσα κτῶμαι.
13 Asi muteresi amire kure wakasada kunyange kusimudzira meso kudenga, asi wakarova pachifuva chake, achiti: Mwari, ndinzwirei tsitsi ini mutadzi.
⸂ὁ δὲ τελώνης μακρόθεν ἑστὼς οὐκ ἤθελεν οὐδὲ τοὺς ὀφθαλμοὺς ⸂ἐπᾶραι εἰς τὸν οὐρανόν, ἀλλʼ ⸀ἔτυπτετὸ στῆθος ⸀αὐτοῦλέγων· Ὁ θεός, ἱλάσθητί μοι τῷ ἁμαρτωλῷ.
14 Ndinoti kwamuri: Uyu wakaburukira kumba kwake anzi wakarurama pane uya; nokuti umwe neumwe anozvikwiridzira achaninipiswa, uye anozvininipisa achakwiridzirwa.
λέγω ὑμῖν, κατέβη οὗτος δεδικαιωμένος εἰς τὸν οἶκον αὐτοῦ ⸂παρʼ ἐκεῖνον· ὅτι πᾶς ὁ ὑψῶν ἑαυτὸν ταπεινωθήσεται, ὁ δὲ ταπεινῶν ἑαυτὸν ὑψωθήσεται.
15 Zvino vakauisa kwaari vachechewo, kuti avabate; asi vadzidzi vakati vachizviona, vakavatsiura.
Προσέφερον δὲ αὐτῷ καὶ τὰ βρέφη ἵνα αὐτῶν ἅπτηται· ἰδόντες δὲ οἱ μαθηταὶ ⸀ἐπετίμωναὐτοῖς.
16 Asi Jesu wakadanira ivo vacheche kwaari akati: Tenderai vacheche vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndehwevakadai.
ὁ δὲ Ἰησοῦς ⸂προσεκαλέσατο αὐτὰ λέγων· Ἄφετε τὰ παιδία ἔρχεσθαι πρός με καὶ μὴ κωλύετε αὐτά, τῶν γὰρ τοιούτων ἐστὶν ἡ βασιλεία τοῦ θεοῦ.
17 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani asingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahuri.
ἀμὴν λέγω ὑμῖν, ὃς ⸀ἂνμὴ δέξηται τὴν βασιλείαν τοῦ θεοῦ ὡς παιδίον, οὐ μὴ εἰσέλθῃ εἰς αὐτήν.
18 Zvino umwe mutungamiriri wakamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndiitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi? (aiōnios g166)
Καὶ ἐπηρώτησέν τις αὐτὸν ἄρχων λέγων· Διδάσκαλε ἀγαθέ, τί ποιήσας ζωὴν αἰώνιον κληρονομήσω; (aiōnios g166)
19 Jesu ndokuti kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, Mwari.
εἶπεν δὲ αὐτῷ ὁ Ἰησοῦς· Τί με λέγεις ἀγαθόν; οὐδεὶς ἀγαθὸς εἰ μὴ εἷς ὁ θεός.
20 Mirairo unoiziva, inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.
τὰς ἐντολὰς οἶδας· Μὴ μοιχεύσῃς, Μὴ φονεύσῃς, Μὴ κλέψῃς, Μὴ ψευδομαρτυρήσῃς, Τίμα τὸν πατέρα σου καὶ τὴν ⸀μητέρα
21 Iye ndokuti: Izvi zvese ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.
ὁ δὲ εἶπεν· Ταῦτα πάντα ⸀ἐφύλαξαἐκ νεότητος ⸀μου
22 Zvino Jesu wakati achinzwa zvinhu izvi akati kwaari: Uchiri kushaiwa chinhu chimwe; tengesa zvese zvaunazvo, ugovere varombo, uye uchava nefuma yakakosha kudenga; ugouya pano wonditevera.
ἀκούσας ⸀δὲὁ Ἰησοῦς εἶπεν αὐτῷ· Ἔτι ἕν σοι λείπει· πάντα ὅσα ἔχεις πώλησον καὶ διάδος πτωχοῖς, καὶ ἕξεις θησαυρὸν ἐν ⸀οὐρανοῖς καὶ δεῦρο ἀκολούθει μοι.
23 Zvino wakati anzwa zvinhu izvi, akashungurudzika zvikuru; nokuti wakange akafuma zvikuru.
ὁ δὲ ἀκούσας ταῦτα περίλυπος ⸀ἐγενήθη ἦν γὰρ πλούσιος σφόδρα.
24 Zvino Jesu wakati achiona kuti washungurudzika zvikuru akati: Zvicharemera sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari.
Ἰδὼν δὲ αὐτὸν ὁ ⸀Ἰησοῦςεἶπεν· Πῶς δυσκόλως οἱ τὰ χρήματα ἔχοντες ⸂εἰς τὴν βασιλείαν τοῦ θεοῦ εἰσπορεύονται·
25 Nokuti zvakareruka kuti kamera ripinde richidarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.
εὐκοπώτερον γάρ ἐστιν κάμηλον διὰ ⸂τρήματος βελόνης εἰσελθεῖν ἢ πλούσιον εἰς τὴν βασιλείαν τοῦ θεοῦ εἰσελθεῖν.
26 Zvino avo vakanzwa, vakati: Zvino ndiani anogona kuponeswa?
Εἶπαν δὲ οἱ ἀκούσαντες· Καὶ τίς δύναται σωθῆναι;
27 Asi iye akati: Zvinhu zvisingagoneki nevanhu, zvinogoneka naMwari.
ὁ δὲ εἶπεν· Τὰ ἀδύνατα παρὰ ἀνθρώποις δυνατὰ ⸂παρὰ τῷ θεῷ ἐστιν.
28 Petro ndokuti: Tarirai, isu takasiya zvese, tikakuteverai.
Εἶπεν δὲ ⸀ὁΠέτρος· Ἰδοὺ ἡμεῖς ⸂ἀφέντες τὰ ἴδια ἠκολουθήσαμέν σοι.
29 Zvino akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vabereki, kana madzikoma nevanin'ina, kana mukadzi, kana vana, nekuda kweushe hwaMwari,
ὁ δὲ εἶπεν αὐτοῖς· Ἀμὴν λέγω ὑμῖν ὅτι οὐδείς ἐστιν ὃς ἀφῆκεν οἰκίαν ἢ ⸂γυναῖκα ἢ ἀδελφοὺς ἢ γονεῖς ἢ τέκνα ἕνεκεν τῆς βασιλείας τοῦ θεοῦ,
30 asingazogamuchiri zvakapetwa kazhinji nenguva ino, nemunguva inouya upenyu husingaperi. (aiōn g165, aiōnios g166)
ὃς ⸀οὐχὶμὴ ⸀ἀπολάβῃπολλαπλασίονα ἐν τῷ καιρῷ τούτῳ καὶ ἐν τῷ αἰῶνι τῷ ἐρχομένῳ ζωὴν αἰώνιον. (aiōn g165, aiōnios g166)
31 Zvino wakatora vanegumi nevaviri, akati kwavari: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye zvinhu zvese zvakanyorwa nevaporofita maererano neMwanakomana wemunhu zvichazadziswa.
Παραλαβὼν δὲ τοὺς δώδεκα εἶπεν πρὸς αὐτούς· Ἰδοὺ ἀναβαίνομεν εἰς ⸀Ἰερουσαλήμ καὶ τελεσθήσεται πάντα τὰ γεγραμμένα διὰ τῶν προφητῶν τῷ υἱῷ τοῦ ἀνθρώπου·
32 Nokuti achakumikidzwa kune vechirudzi, agosekwa, nekuitirwa zvakaipa, nekupfirwa,
παραδοθήσεται γὰρ τοῖς ἔθνεσιν καὶ ἐμπαιχθήσεται καὶ ὑβρισθήσεται καὶ ἐμπτυσθήσεται,
33 uye vachamurova netyava uye vachamuuraya; uye pazuva retatu achamukazve.
καὶ μαστιγώσαντες ἀποκτενοῦσιν αὐτόν, καὶ τῇ ἡμέρᾳ τῇ τρίτῃ ἀναστήσεται.
34 Asi ivo havana kunzwisisa chinhu chimwe cheizvozvi, uye shoko iri rakange rakavanzwa kwavari, uye havana kunzwisisa zvinhu zvakarehwa.
καὶ αὐτοὶ οὐδὲν τούτων συνῆκαν, καὶ ἦν τὸ ῥῆμα τοῦτο κεκρυμμένον ἀπʼ αὐτῶν, καὶ οὐκ ἐγίνωσκον τὰ λεγόμενα.
35 Zvino zvakaitika oswedera Jeriko, rimwe bofu raigara padivi penzira richipemha;
Ἐγένετο δὲ ἐν τῷ ἐγγίζειν αὐτὸν εἰς Ἰεριχὼ τυφλός τις ἐκάθητο παρὰ τὴν ὁδὸν ⸀ἐπαιτῶν
36 rakati richinzwa chaunga chichipfuura, rikabvunza kuti chinyi ichi.
ἀκούσας δὲ ὄχλου διαπορευομένου ἐπυνθάνετο ⸀τίεἴη τοῦτο·
37 Zvino vakariudza kuti: Jesu weNazareta anopfuura.
ἀπήγγειλαν δὲ αὐτῷ ὅτι Ἰησοῦς ὁ Ναζωραῖος παρέρχεται.
38 Zvino rakadanidzira richiti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!
καὶ ἐβόησεν λέγων· Ἰησοῦ υἱὲ Δαυίδ, ἐλέησόν με.
39 Zvino vakange vakatungamira vakaritsiura kuti rinyarare; asi iro rakanyanyisa kudanidzira, richiti: Mwanakomana waDhavidhi, ndinzwirei tsitsi!
καὶ οἱ προάγοντες ἐπετίμων αὐτῷ ἵνα ⸀σιγήσῃ αὐτὸς δὲ πολλῷ μᾶλλον ἔκραζεν· Υἱὲ Δαυίδ, ἐλέησόν με.
40 Zvino Jesu wakamira, akaraira kuti riuyiswe kwaari; zvino rakati raswedera akaribvunza,
σταθεὶς δὲ ⸀ὁἸησοῦς ἐκέλευσεν αὐτὸν ἀχθῆναι πρὸς αὐτόν. ἐγγίσαντος δὲ αὐτοῦ ἐπηρώτησεν αὐτόν·
41 achiti: Unoda kuti ndikuitirei? Zvino rakati: Ishe, kuti ndionezve.
⸀Τίσοι θέλεις ποιήσω; ὁ δὲ εἶπεν· Κύριε, ἵνα ἀναβλέψω.
42 Jesu ndokuti kwaari: Chionazve! Rutendo rwako rwakuponesa.
καὶ ὁ Ἰησοῦς εἶπεν αὐτῷ· Ἀνάβλεψον· ἡ πίστις σου σέσωκέν σε.
43 Pakarepo rikaonazve, rikamutevera, richirumbidza Mwari; vanhu vese vakati vachizviona vakarumbidza Mwari.
καὶ παραχρῆμα ἀνέβλεψεν, καὶ ἠκολούθει αὐτῷ δοξάζων τὸν θεόν. καὶ πᾶς ὁ λαὸς ἰδὼν ἔδωκεν αἶνον τῷ θεῷ.

< Ruka 18 >