< Ruka 15 >
1 Zvino kwakaswedera kwaari vateresi nevatadzi vese, kuzomunzwa.
YA manjijijot guato guiya güiya, todo y publicano, yan y manisao, para umaecungog güe.
2 VaFarisi nevanyori vakatsutsumwa vachiti: Uyu anogamuchira vatadzi, achidya navo.
Ya mangogonggong y Fariseo sija, yan y escriba ilelegñija: Este na taotao, jaresisibeja y manisao, ya mañisijaja mañocho.
3 Zvino wakavaudza mufananidzo uyu, achiti:
Ya jasangane sija ni este na acomparasion, ilegña:
4 Ndeupi munhu kwamuri angati ane makwai zana, kana arasikirwa nerimwe rawo, asingasii makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe murenje, akatevera rakarasika kusvikira ariwana?
Jaye na taotao guiya jamyo, y yanguin guaja gaña siento na quinilo, ya ufinalingaeguan ni y uno, ada ti ujanao ya udingo y nobentainuebe gui desierto asta qui jasoda ayo y malingo?
5 Uye kana ariwana, anoriisa pamafudzi ake achifara.
Ya anae jasoda, jaapagaye ya jamagogofgüe.
6 Zvino kana asvika kumusha, anodana pamwe shamwari nevavakidzani, achiti kwavari: Farai neni, nokuti ndawana gwai rangu rakange rarasika.
Ya anae mato gui guimaña, jaagange todo y manamiguña, yan y tignangña, ya ilelegña nu sija: Nije tafanmagof, sa jagasja jusoda y gajo quinilo ni y guinin malingo.
7 Ndinoti kwamuri: Saizvozvo mufaro uchava kudenga pamusoro pemutadzi umwe anotendeuka, kupfuura pamusoro pevakarurama makumi mapfumbamwe nevapfumbamwe, vasingatsvaki kutendeuka.
Jusangane jamyo, na taegüenaoja locue uguaja gui langet, minagof yanguin un taotao na isao mañotsot, mas qui y nobentainuebe manunas na taotao ni y ti janesesita manmañotsot.
8 Kana ndeupi mukadzi ane makobiri gumi, kana arasikirwa nekobiri rimwe, asingatungidzi mwenje, akatsvaira imba, akatsvakisisa kusvikira ariwana?
Pat, jaye na palaoan, y yanguin uguaja iyoña dies na pidason salape, ya ufinalingaeguan ni y uno; ada ti usonggue y candet ya ubale y jalom guma, ya uguesaligao asta qui usoda?
9 Uye kana ariwana, anodana shamwari nevavakidzani pamwe, achiti: Farai neni, nokuti ndawana kobiri randanga ndarasikirwa naro.
Ya yanguin esta jasoda, jaagange y manamigaña, yan y tiguangña ya mandaña, ya ilelegña: Nije tafanmagof, sa jagasja jusoda y pidason salape ni y guinin malingo.
10 Saizvozvo, ndinokutaurirai, kuti mufaro uripo pamberi pevatumwa vaMwari pamusoro pemutadzi umwe anotendeuka.
Taegüenaoja locue jusangane jamyo, na uguaja minagof gui menan y angjet Yuus, pot y un taotao na isao ni y mañotsot.
11 Zvino wakati: Umwe munhu aiva ane vanakomana vaviri;
Ya ilegña: Un taotao guaja dos lajiña:
12 mudiki wavo ndokuti kuna baba: Baba, ndipei mugove wenhumbi wakanangana neni. Akavagovera nhumbi dzake.
Ya y mas patgon, ilegña as tataña: Tata, naeyo ni y patteco gui güinaja ni y para guajo. Ya jafacae para sija ni y güinajaña.
13 Pasina kupfuura mazuva mazhinji, mwanakomana mudiki wakaunganidza zvese pamwe, akasimuka akaenda kunyika iri kure; uye akaparadza ikoko nhaka yake, achirarama neunzenza.
Ya ti megae na jaane malofan, anae y mas patgon janafandaña todo, ya mapos asta y chago na tano; ya jagasta todo y güinajaña güije gui guipot yan bisio di gula.
14 Zvino wakati aparadza zvese, kwakauya nzara huru panyika iyo, iye akatanga kushaiwa.
Ya anae jagasta todo esta: mato un dangculon ñinalang güije na tano, ya jatutujon taena.
15 Zvino wakaenda, akanozvibatanidza neumwe wezvizvarwa zvenyika iyo; akamutumira kuminda yake kunofudza nguruve.
Ya jumanao, ya jatituye gui un taotao güije na tano: ya tinago para y fangualuanña, para unachocho babue sija.
16 Wakange achishuva kugutsa dumbu rake nemateko nguruve adzaidya; asi hakuna munhu waimupa.
Ya jatatanga na unabula tiyanña ni y lasas frijoles ni y jacacano y babue sija; ya taya ni un taotao numanaegüe.
17 Zvino wakati apengenuka, akati: Varikichi vazhinji sei vababa vangu vane zvingwa zvakawandisisa, asi ini ndofa nenzara.
Ya anae numalo y jinasoña, ilegña: Cuanto na jotnaleron tata, mangaena pan, ya manmañoñobblaja, ya guajo güine jumatae ñalang!
18 Ndichasimuka ndiende kuna baba vangu, ndigoti kwavari: Baba, ndakatadzira kudenga, nepamberi penyu;
Bae jucajulo ya jujanao para as tata, ya jualog nu güiya: Tata, umisaoyo contra y langet, yan contra jago,
19 uye handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu; ndiitei seumwe wevarikichi venyu.
Ti dignoyo mas na jumafanaan lajimo: naparejoyo yan y jotnalerumo sija.
20 Akasimuka akaenda kuna baba vake. Asi wakati achiri kure, baba vake vakamuona, vakanzwa tsitsi, vakamhanya ndokuwira pahuro pake, nekumutsvoda.
Ya cajulo, ya mapos para as tataña. Lao chagoja trabia, si tataña linie güe, ya ninamaase, ya finalagüe, ya tinegtog, ya chinicogüe.
21 Zvino mwanakomana akati kwavari: Baba, ndakatadzira kudenga nepamberi penyu, uye handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.
Ya y patgon ilegña as tataña: Tata, umisaoyo contra y langet, yan contra jago; ti dignoyo mas na jumafanaan lajimo.
22 Asi baba vakati kuvaranda vavo: Budai nenguvo refu yakanakisisa mumupfekedze, muise mhete paruoko rwake, nemanyatera patsoka;
Lao y tata ilegña ni y tentagoña sija: Chule y mas mauleg na magago ya umanaminagago; ya umapolo y aniyu gui calolotña, yan y sapatos gui adengña:
23 muuye nemhuru yakakodzwa, mubaye, uye ngatidye tifare;
Ya umacone mague un tatnero ni y mas yomog, ya umapuno ya tafañocho ya tafanmagof;
24 nokuti uyu mwanakomana wangu wakange afa, zvino wararamazve; wakange arasika, asi wawanikwa; zvino vakatanga kufara.
Sa este y lajijo guinin matae, ya lâlâ talo; guinin malingo, ya masoda. Ya jatutujon sija manmagof.
25 Zvino mwanakomana wake mukuru wakange ari kumunda; zvino wakati achisvika, oswedera paimba, akanzwa mumhanzi nekutamba.
Ya y lajiña ni y mas amco estaba gui fangualuan; ya anae guaguato ya esta jijot gui guima, jajungog y dandan yan y manbabaila:
26 Zvino wakadanira kwaari umwe wevaranda, akabvunza kuti izvi zvinorevei.
Ya jaagang uno gui tentago sija, ya jafaesen jafa ayo sija.
27 Zvino akati kwaari: Munin'ina wako wasvika; zvino baba vako vabaya mhuru yakakodzwa, nokuti vamugamuchira ari mutano.
Ya ilegña nu güiya: Y chelumo mato; ya si tatamo japuno y tatnero ni y mas yomog, sa jaresibe gae seguro yan sano.
28 Asi wakatsamwa, akasada kupinda; naizvozvo baba vake vakabuda, vakamukumbirisa.
Ya ninagoslalalo, ya ti malago jumalom: ayonae jumuyong si tataña, ya siniplica na ujalom.
29 Asi iye wakapindura akati kuna baba: Tarirai, makore mazhinji akadai ndakakubatirai, handina kutongodarika murairo wenyu, asi hamuna kutongondipa mbudzana, kuti ndifare neshamwari dzangu.
Ya manope ilegña as tataña: Estagüe, megae na año nae jusesetbe jao, ya taya nae ti jaosgue jafa na tinagomo: lao taya nae unnaeyo un patgon chiba para infanmagof yan y manamigujo sija:
30 Asi mangoti mwanakomana wenyu uyu wakaparadza nhumbi dzenyu nezvifeve achisvika, mamubaira mhuru yakakodzwa.
Lao anae mato este na lajimo ni y jalachae todo y güinajamo gui manputa sija; unpunueja ni y mas yomog na tatnero.
31 Vakati kwaari: Mwana, iwe uneni nguva dzese, uye zvese zvangu ndezvako.
Ya ilegña nu güiya: Lajijo, siempre jumijitaja; ya todo y güinajajo iyomo.
32 Asi kwaifanira kuti kupemberwe nekufarwa, nokuti munin'ina wako uyu wakange afa, wararamazve; wakange arasika, wawanikwa.
Lao mauleg para utafanmagof ya utafanalegria: sa este y chelumo guinin matae, ya lâlâ talo; yan guinin malingo, ya esta masoda.