< Ruka 14 >

1 Zvino zvakaitika pakupinda kwake mumba meumwe wevakuru kuVaFarisi kuzodya chingwa nesabata, kuti ivo vakamucherekedza.
I stalo se, když všel Ježíš do domu nějakého knížete farizejského v sobotu, aby jedl chléb, že oni šetřili ho.
2 Zvino tarira, kwakange kune umwe munhu pamberi pake waiva nerukandwe.
A aj, člověk nějaký vodnotelný byl před ním.
3 Jesu ndokupindura akataura kunyanzvi dzemutemo neVaFarisi, achiti: Zviri pamutemo here kuporesa nesabata?
I odpověděv Ježíš, dí zákonníkům a farizeům, řka: Sluší-li v sobotu uzdravovati?
4 Asi vakanyarara. Zvino akamubata akamuporesa ndokurega achienda.
Oni pak mlčeli. Tedy on dosáh jeho, uzdravil a propustil.
5 Akavapindura achiti: Ndiani wenyu, ungati ane mbongoro kana nzombe ikawira mugomba, akasaisimudza pakarepo nezuva resabata?
A odpověděv jim, řekl: Čí z vás osel aneb vůl upadl by do studnice, a ne i hned by ho vytáhl v den sobotní?
6 Vakasagona kumupindurazve pamusoro pezvinhu izvi.
I nemohli jemu na to odpovědíti.
7 Zvino wakataura mufananidzo kune vakakokwa, achiona kuti vanosarudza sei zvigaro zvepamusoro, akati kwavari:
Pověděl také i pozvaným podobenství, (spatřiv to, kterak přední místa vyvolovali, ) řka jim:
8 Kana wakokwa neumwe munhu kumuchato, usagara pachigaro chepamusoro; zvimwe umwe anokudzwa kupfuura iwe wakokwa naye,
Kdybys byl od někoho pozván na svadbu, nesedej na předním místě, aťby snad vzácnější než ty nebyl pozván od něho.
9 zvino wakakukoka iwe naiye asvike ati kwauri: Dziurira uyu; ipapo uchatanga kutora nzvimbo yepasisa nenyadzi.
A přijda ten, kterýž tebe i onoho pozval, řekl by tobě: Dej tomuto místo. A tehdy počal bys s hanbou na posledním místě seděti.
10 Asi kana wakokwa, enda ugare panzvimbo yepasisa, kuti kana uyo wakakukoka achisvika, angati kwauri: Shamwari, kwira kumusoro; zvino uchava nerukudzo pamberi pevagere pakudya newe.
Ale když bys byl pozván, jda, posaď se na posledním místě. A kdyby přišel ten, kterýž tebe pozval, řekl by tobě: Příteli, posedni výše, tedy budeš míti chválu před spolustolícími.
11 Nokuti ani nani anozvikwiridzira, achaninipiswa; neanozvininipisa achakwiridzirwa.
Nebo každý, kdož se povyšuje, bude ponížen; a kdož se ponižuje, bude povýšen.
12 Ipapo akatiwo kune wakamukoka: Kana waita chisvusvuro kana chirairo, usadana shamwari dzako, kana vanakomana vamai vako, kana hama dzako, kana vavakidzani vafumi, zvimwe ivowo vangazokukokazve, ugoripirwa.
Pravil také i tomu, kterýž ho byl pozval: Když činíš oběd neb večeři, nezov přátel svých, ani bratří svých, ani příbuzných svých, ani sousedů bohatých, aťby snad i oni zase nezvali tebe, a měl bys odplatu.
13 Asi kana waita mabiko, dana varombo, vanokamhina, mhetamakumbo, mapofu;
Ale když činíš hody, povolej chudých, chromých, kulhavých, slepých,
14 uye ucharopafadzwa, nokuti havana zvokukuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwevakarurama.
A blahoslavený budeš. Neboť nemají, odkud by odplatili tobě, ale budeť odplaceno při vzkříšení spravedlivých.
15 Umwe wevakange vagere naye pakudya wakati achinzwa zvinhu izvi, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo achadya chingwa paushe hwaMwari.
I uslyšav to jeden z spolupřísedících, řekl jemu: Blahoslavený, kdož jí chléb v království Božím.
16 Asi akati kwaari: Umwe munhu wakaita chirairo chikuru, akakokera vazhinji.
On pak řekl jemu: Člověk nějaký učinil večeři velikou, a pozval mnohých.
17 Akatuma muranda wake nenguva yekuraira kuti ati kune vakange vakakokwa: Uyai, nokuti zvese zvagadzirwa zvino.
I poslal služebníka svého v hodinu večeře, aby řekl pozvaným: Poďte, nebo již připraveno jest všecko.
18 Zvino vese vakatanga umwe neumwe kuzvikumbirira ruregerero. Wekutanga akati kwaari: Ndatenga munda, ndinofanira kuenda ndinomuona; ndinokukumbira, ini undiregerere.
I počali se všickni jednomyslně vymlouvati. První řekl jemu: Ves jsem koupil, i musím vyjíti a shlédnouti ji; prosím tebe, vymluv mne.
19 Uye umwe akati: Ndatenga zvipani zvishanu zvenzombe, ndinoenda kunodziidza; ndinokumbira, ini undiregerere.
A druhý řekl: Patero spřežení volů koupil jsem, a jdu, abych jich zkusil; prosím tebe, vymluv mne.
20 Uye umwe akati: Ndawana mukadzi, naizvozvo handigoni kuuya.
A jiný dí: Ženu jsem pojal, a protož nemohu přijíti.
21 Zvino muranda uyo wakauya akapira zvinhu izvi ishe wake. Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Buda nekukurumidza uende kumigwagwa nemunzira dzemuguta, upinze pano varombo, nevanokamhina, nemhetamakumbo, nemapofu.
I navrátiv se ten služebník, zvěstoval ty věci pánu svému. Tedy rozhněvav se hospodář, řekl služebníku svému: Vyjdi rychle na rynky a na ulice města, a chudé, i chromé, i kulhavé, a slepé uveď sem.
22 Muranda ndokuti: Ishe, zvaitwa sezvamaraira, asi nzvimbo ichipo.
I řekl služebník: Pane, stalo se, jakž jsi rozkázal, a ještěť místo jest.
23 Ishe akati kumuranda: Buda kumigwagwa nekuuzhowa, ugombedzere vapinde, kuti imba yangu izadzwe.
Tedy řekl pán služebníku: Vyjdiž na cesty a mezi ploty, a přinuť vjíti, ať se naplní dům můj.
24 Nokuti ndinoti kwamuri: Hakuna umwe kune varume avo vakakokwa acharavira chirairo changu.
Nebo pravímť vám, že žádný z mužů těch, kteříž pozváni byli, neokusí večeře mé.
25 Zvino zvaunga zvikuru zvaifamba naye; akatendeuka akati kwavari:
Šli pak mnozí zástupové s ním. A obrátiv se, řekl jim:
26 Kana ani nani achiuya kwandiri, akasavenga baba vake namai, nemukadzi, nevana, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, hongu, kunyange neupenyu hwake, haagoni kuva mudzidzi wangu.
Jde-li kdo ke mně, a nemá-li v nenávisti otce svého, i mateře, i ženy, i dětí, i bratří, i sestr, ano i té duše své, nemůž býti mým učedlníkem.
27 Zvino ani nani asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera, haagoni kuva mudzidzi wangu.
A kdožkoli nenese kříže svého, a jde za mnou, nemůž býti mým učedlníkem.
28 Nokuti ndiani wenyu, anoti achida kuvaka shongwe, asingatangi agara pasi, akaverenga madhuriro, kana ane zvekupedzesa?
Nebo kdo z vás jest, chtěje stavěti věži, aby prvé sedna, nepočetl nákladu, má-li to, nač by ji dokonal?
29 Kuti zvimwe ateya nheyo akasagona kupedza, vese vanoona vanotanga kumuseka,
Aby snad, když by základ položil, a dokonati nemohl, všickni, kteříž by to viděli, nepočali se posmívati jemu,
30 vachiti: Uyu munhu akatanga kuvaka, asi akakoniwa kupedzisa.
Řkouce: Tento člověk počal stavěti, a nemohl dokonati.
31 Kana ndeupi mambo, kana achienda kuhondo akamirisana neumwe mambo, asingatangi agara pasi, akafungisisa kuti angagona here nezvuru gumi kusangana neanouya akapikisana naye nezvuru makumi maviri?
Aneb který král, bera se k boji proti jinému králi, zdaliž prvé nesedne, aby se poradil, mohl-li by s desíti tisíci potkati se s tím, kterýž s dvadcíti tisíci táhne proti němu?
32 Asi kana zvisakadaro, iye achiri kure, anotuma nhume, akumbire zverugare.
Sic jinak, když by onen ještě podál od něho byl, pošle posly k němu, žádaje za to, což jest ku pokoji.
33 Saka saizvozvo, ani nani kwamuri asingasii zvese zvaanazvo, haagoni kuva mudzidzi wangu.
Tak zajisté každý z vás, kdož se neodřekne všech věcí, kterýmiž vládne, nemůž býti mým učedlníkem.
34 Munyu wakanaka; asi kana munyu warasa kuvava, ucharungwa nei?
Dobráť jest sůl. Pakli sůl bude zmařena, čím bude napravena?
35 Hauchina kufanira kunyange pamunda, kana padutu remupfudze; vanourasira kunze. Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
Ani do země, ani do hnoje se nehodí; ven ji vymítají. Kdo má uši k slyšení, slyš.

< Ruka 14 >