< Ruka 12 >

1 Zvichakadaro makumi ezvuru zvechaunga akati aungana, zvekuti vaitsikana, akatanga kutaura kuvadzidzi vake pakutanga achiti: Imwi chenjerai mbiriso yeVaFarisi, inova unyepedzeri.
Wakati watu kwa maelfu walipokuwa wamekusanyika hata wakawa wanakanyagana, Yesu aliwaambia kwanza wanafunzi wake, “Jihadharini na chachu ya Mafarisayo, yaani unafiki.
2 Uye hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazopenengurwi, nechakavigwa, chisingazozikanwi.
Kila kilichofunikwa kitafunuliwa, kila kilichofichika kitafichuliwa.
3 Naizvozvo zvese zvamakataura murima zvichanzwikwa muchiedza; neizvo zvamakataura munzeve mudzimba dzemukati zvichaparidzwa pamusoro pematenga edzimba.
Kwa hiyo, kila mliyosema gizani, watu watayasikia katika mwanga, na kila mliyonong'ona faraghani milango imefungwa, yatatangazwa juu ya nyumba.
4 Uye ndinoti kwamuri shamwari dzangu: Musatya vanouraya muviri, asi shure kweizvozvo vasingazogoni kuita chimwe chinhu.
“Nawaambieni ninyi rafiki zangu: msiwaogope wale wanaoua mwili, wasiweze kufanya kitu kingine zaidi.
5 Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai iye anoti shure kwekuuraya ane simba rekukanda mugehena; hongu, ndinoti kwamuri: Ityai iye. (Geenna g1067)
Nitawaonyesheni yule ambaye ni lazima kumwogopa: mwogopeni yule ambaye baada ya kuua ana uwezo wa kumtupa mtu katika moto wa Jehanamu. Naam, ninawaambieni, mwogopeni huyo. (Geenna g1067)
6 Ko tushiri tushanu hatutengeswi nemakobiri maviri here? Hakuna kamwe kadzo kanokanganikwa pamberi paMwari.
Inajulikana kwamba shomoro watano huuzwa kwa senti kumi, au sivyo? Lakini mbele ya Mungu hasahauliki hata mmoja.
7 Asi kunyange nevhudzi remusoro wenyu rakaverengwa rese. Musatya naizvozvo, munopfuura tushiri tuzhinji.
Lakini hata nywele za vichwa vyenu zimehesabiwa zote. Msiogope, basi, ninyi mna thamani zaidi kuliko shomoro wengi!
8 Ndinotiwo kwamuri: Umwe neumwe anondibvuma pamberi pevanhu, Mwanakomana wemunhu achamubvumawo pamberi pevatumwa vaMwari;
“Nawaambieni kweli, kila mtu anayekiri hadharani kwamba yeye ni wangu, Mwana wa Mtu naye atakiri mbele ya malaika wa Mungu kwamba mtu huyo ni wake.
9 asi anondiramba pamberi pevanhu, acharambwa pamberi pevatumwa vaMwari.
Lakini, mtu yeyote anayenikana mbele ya watu, naye atakanwa mbele ya malaika wa Mungu.
10 Uye umwe neumwe anoreva shoko achipikisa Mwanakomana wemunhu, achakanganwirwa; asi uyo anonyomba Mweya Mutsvene haazokanganwirwi.
“Yeyote anayesema neno la kumpinga Mwana wa Mtu atasamehewa; lakini anayemkufuru Roho Mtakatifu hatasamehewa.
11 Kana vachikuisai kumasinagoge nevatongi nevane simba, musafunganya kuti muchapindura sei kana chii, kana muchataurei;
“Watakapowapeleka ninyi mbele ya masunagogi na mbele ya wakuu na watawala msiwe na wasiwasi juu ya jinsi mtakavyojitetea au jinsi mtakavyosema.
12 nokuti Mweya Mutsvene achakudzidzisai neawa iro zvamunofanira kutaura.
Kwa maana wakati huo Roho Mtakatifu atawafundisheni kile mnachopaswa kusema.”
13 Zvino umwe wechaunga wakati kwaari: Mudzidzisi, udzai mwanakomana wamai vangu agovane nhaka neni.
Mtu mmoja katika ule umati wa watu akamwambia, “Mwalimu, mwambie ndugu yangu tugawane urithi aliotuachia baba.”
14 Asi wakati kwaari: Iwe munhu, ndiani wakandigadza kuva mutongi kana mugoveri pamusoro penyu?
Yesu akamjibu, “Rafiki, ni nani aliyeniweka mimi mwamuzi au msuluhishi kati yenu?”
15 Akati kwavari: Ngwarirai muchenjerere ruchiva, nokuti upenyu hwemunhu hahusi mukuwanda kwezvinhu zvaanazvo.
Basi, akawaambia wote, “Jihadharini na kila aina ya tamaa; maana uzima wa mtu hautegemei wingi wa vitu alivyo navyo.”
16 Akataura mufananidzo kwavari, achiti: Munda weumwe munhu mufumi wakabereka kwazvo;
Kisha akawaambia mfano: “Kulikuwa na tajiri mmoja ambaye shamba lake lilizaa mavuno mengi.
17 akafunga mukati make, achiti: Ndichaitei? Nokuti handina nzvimbo pandingaunganidzira zvibereko zvangu.
Tajiri huyo akafikiri moyoni mwake: Nitafanyaje nami sina mahali pa kuhifadhia mavuno yangu?
18 Ndokuti: Ndichaita izvi: Ndichaputsa matura angu, ndivake makuru, ndiunganidzire zvirimwa zvangu zvese ipapo, nenhumbi dzangu,
Nitafanya hivi: nitabomoa ghala zangu na kujenga kubwa zaidi, na humo nitahifadhi mavuno yangu yote na mali yangu.
19 ndigoti kumweya wangu: Mweya, une zvinhu zvakawanda zvakanaka, zvakachengeterwa makore mazhinji; zorora, idya, inwa, fara.
Hapo nitaweza kuiambia roho yangu: sasa unayo akiba ya matumizi kwa miaka na miaka. Ponda mali, ule, unywe na kufurahi.
20 Asi Mwari akati kwaari: Dununu, usiku huno mweya wako uchadikanwa kubva kwauri; ko izvo zvawagadzirira, zvichava zvaani?
Lakini Mungu akamwambia: Mpumbavu wewe; leo usiku roho yako itachukuliwa. Na vitu vile vyote ulivyojilundikia vitakuwa vya nani?”
21 Zvakadaro kune anozviunganidzira fuma, asi asina kufuma kuna Mwari.
Yesu akamaliza kwa kusema “Ndivyo ilivyo kwa mtu anayejilundikia mali kwa ajili yake mwenyewe, lakini si tajiri mbele ya Mungu.”
22 Zvino wakati kuvadzidzi vake: Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, kuti muchadyei; kana muviri, kuti muchapfekei.
Kisha Yesu akawaambia wanafunzi wake, “Kwa sababu hiyo nawaambieni, msiwe na wasiwasi juu ya chakula mnachohitaji ili kuishi, wala juu ya mavazi mnayohitaji kwa ajili ya miili yenu.
23 Upenyu hunopfuura kudya, nemuviri zvipfeko.
Kwa sababu uzima ni bora kuliko chakula, na mwili ni bora kuliko mavazi.
24 Fungai makunguvo, kuti haadzvari, kana kukohwa, haana tsapi kana dura; asi Mwari anoafunda. Imwi munokunda zvikuru sei shiri?
Chukueni kwa mfano, kunguru: hawapandi, hawavuni wala hawana ghala yoyote. Hata hivyo, Mungu huwalisha. Ninyi mna thamani zaidi kuliko ndege!
25 Ndiani kwamuri nekufunganya angagona kuwedzera mbimbi imwe paurefu hwake?
Ni nani kati yenu kwa kuwa na wasiwasi anaweza kuongeza urefu wa maisha yake?
26 Naizvozvo kana musingagoni kuita chinhu chidikisa, munofunganyirei pamusoro pezvimwe?
Basi, kama hamwezi kufanya jambo dogo kama hilo, kwa nini kuwa na wasiwasi juu ya yale mengine?
27 Fungai midovatova, kuti inokura sei; haishingairi, hairuki; asi ndinoti kwamuri: NaSoromoni mukubwinya kwake kwese, haana kupfekedzwa seumwe wayo.
Angalieni maua jinsi yanavyomea. Hayafanyi kazi wala hayafumi. Hata hivyo, nawahakikishieni kwamba hata Solomoni mwenyewe na fahari zake zote hakupata kuvikwa vizuri kama ua mojawapo.
28 Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa huri panyika nhasi, mangwana hwokandirwa muchoto, uchakupfekedzai nekupfuurisa sei, imwi verutendo rudiki?
Lakini, kama Mungu hulivika vizuri jani la shambani ambalo leo liko na kesho latupwa motoni, je, hatawafanyia ninyi zaidi? Enyi watu wenye imani haba!
29 Zvino imwi musatsvaka zvamuchadya kana zvamuchamwa; uye musazvidya moyo.
“Basi, msivurugike akili, mkihangaika daima juu ya mtakachokula au mtakachokunywa.
30 Nokuti zvinhu izvi zvese marudzi enyika anozvitsvaka; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi.
Kwa maana hayo yote ndiyo yanayohangaikiwa na watu wasiomjua Mungu. Baba yenu anajua kwamba mnahitaji vitu hivyo.
31 Asi tsvakai ushe hwaMwari, naizvozvi zvese zvichawedzerwa kwamuri.
Shughulikieni kwanza Ufalme wa Mungu, na hayo yote mtapewa kwa ziada.
32 Musatya boka diki; nokuti Baba venyu vanofara kukupai ushe.
“Msiogope, enyi kundi dogo! Maana Baba yenu amependa kuwapeni Ufalme.
33 Tengesai izvo zvamunazvo mupe varombo zvipo. Muzviitire zvikwama zvisingashakari, fuma kumatenga isingaperi, pasina mbavha ingasvika kana zvifusi zvingaodza.
Uzeni mali yenu mkawape maskini misaada. Jifanyieni mifuko isiyochakaa, na jiwekeeni hazina mbinguni ambako haitapungua. Huko wezi hawakaribii, wala nondo hawaharibu.
34 Nokuti pane fuma yenyu, ndipo pachavawo nemoyo wenyu.
Pale ilipo hazina yako, ndipo pia utakapokuwa moyo wako.
35 Zviuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje ichipfuta.
“Muwe tayari! Jifungeni mkanda kiunoni, na taa zenu ziwe zinawaka;
36 Nemwi muve sevanhu vakarindira ishe wavo, pakudzoka kwake kumuchato, kuti kana achisvika akagogodza, vangamuzarurira pakarepo.
muwe kama watumishi wanaomngojea bwana wao arudi kutoka arusini, ili wamfungulie mara atakapobisha hodi.
37 Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti kana ishe achisvika anovawana vakarindira; zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achazvisunga, akavagarisa pakudya, akaswedera akavashandira.
Heri yao watumishi wale ambao bwana wao atakaporudi atawakuta wanakesha! Nawaambieni hakika, huyo bwana atajifunga mkanda kiunoni, atawaketisha mezani na kuwahudumia.
38 Kana akasvika nenguva yekurindira yechipiri, kana kusvika nenguva yekurindira yechitatu, akawana vakadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo.
Heri yao watumishi hao ikiwa bwana wao atawakuta wanakesha hata ikiwa atarudi usiku wa manane au alfajiri.
39 Asi muzive izvi, kuti dai mwene weimba aiziva nderipi awa mbavha rainouya, angadai akarinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.
Jueni kwamba, kama mwenye nyumba angejua saa ambayo mwizi atakuja, angekesha, wala hangeiacha nyumba yake ivunjwe.
40 Naizvozvo imwiwo ivai makazvigadzirira; nokuti neawa ramusingafungiri Mwanakomana wemunhu anouya.
Nanyi, kadhalika muwe tayari, maana Mwana wa Mtu atakuja saa msiyoitazamia.”
41 Petro ndokuti kwaari: Ishe, munoutaura mufananidzo uyu kwatiri, kana kune vesewo?
Petro akamwambia, “Bwana, mfano huo ni kwa ajili yetu tu, au ni kwa ajili ya watu wote?”
42 Ishe ndokuti: Ko ndiani zvino mutariri wakatendeka uye wakachenjera, ishe waachagadza pamusoro pevaranda vake, kuti ape mugove wekudya nenguva yakafanira?
Bwana akajibu, “Ni nani basi, mtumishi aliye mwaminifu na mwenye busara, ambaye bwana wake atamweka juu ya watumishi wake ili awape chakula wakati ufaao?
43 Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika, amuwane achiita saizvozvo.
Heri yake mtumishi huyo ikiwa bwana wake atakaporudi atamkuta akifanya hivyo.
44 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achamugadza pamusoro pezvese zvaanazvo.
Hakika atampa madaraka juu ya mali yake yote.
45 Asi kana muranda uyo akati mumoyo make: Ishe wangu wanonoka kuuya; akatanga kurova varandarume nevarandakadzi, nekudya, nekunwa, nekuraradza;
Lakini, kama mtumishi huyo atafikiri moyoni mwake: na kusema: Bwana wangu amekawia sana kurudi halafu aanze kuwapiga watumishi wenzake, wa kiume au wa kike, na kula, kunywa na kulewa,
46 ishe wemuranda uyo achasvika pazuva raasingatarisiri, uye paawa raasingazivi, akamugura nepakati, akagura mugove wake pamwe nevasakatendeka.
bwana wake atarudi siku asiyoitazamia na saa asiyoijua; atamkatilia mbali na kumweka fungu moja na wasioamini.
47 Muranda uyo waiziva chido chaishe wake, akasagadzirira, kana kuita zvinoenderana nechido chake, acharohwa neshamhu zhinji.
Mtumishi ambaye anajua matakwa ya bwana wake lakini hajiweki tayari kufanya anavyotakiwa, atapigwa sana.
48 Asi wakange asingazivi, akaita zvakafanira kurohwa, acharohwa neshamhu shoma. Uye wese wakapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; neanobatiswa zvizhinji, vachareva zvinopfuurisa kwaari.
Lakini yule afanyaye yanayostahili adhabu bila kujua, atapigwa kidogo. Aliyepewa vingi atatakiwa vingi; aliyekabidhiwa vingi zaidi atatakiwa kutoa vingi zaidi.
49 Ndakauya kuzokanda moto panyika, zvino ndichadei kana watobatidzwa?
“Nimekuja kuwasha moto duniani, laiti ungekuwa umewaka tayari!
50 Asi ndine rubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo, zvino ndinomanikidzwa sei kusvikira rwuchipedziswa.
Ninao ubatizo ambao inanipasa niupokee; jinsi gani ninavyohangaika mpaka ukamilike!
51 Munofunga kuti ndakauya kuzopa rugare panyika here? Kwete, ndinoti kwamuri, asi kutozopesanisa.
Mnadhani nimekuja kuleta amani duniani? Hata kidogo; si amani bali utengano.
52 Nokuti kubva zvino vashanu muimba imwe vachapesana, vatatu vachipikisana nevaviri, uye vaviri vachipikisana nevatatu,
Na tangu sasa, jamaa ya watu watano itagawanyika; watatu dhidi ya wawili, na wawili dhidi ya watatu.
53 vachapesana, baba vachipikisana nemwanakomana, nemwanakomana achipikisana nababa; mai vachipikisana nemukunda, nemukunda achipikisana namai; vamwene vachipikisana nemuroora wavo, nemuroora achipikisana navamwene vake.
Baba atakuwa dhidi ya mwanawe, mwana dhidi ya baba yake; mama dhidi ya bintiye, binti dhidi ya mama yake; mama mkwe dhidi ya mke wa mwanawe na huyo dhidi ya mama mkwe wake.”
54 Akatiwo kuzvaunga: Kana muchiona gore richisimuka kubva kumavirira, pakarepo munoti: Mvura inouya; zvodaro.
Yesu akayaambia tena makundi ya watu, “Mnapoona mawingu yakitokea upande wa magharibi, mara mwasema: Mvua itanyesha, na kweli hunyesha.
55 Uye kana muchiona mhepo yechamhembe ichivhuvhuta munoti: Kuchapisa; zvoitika.
Mnapoona upepo wa kusi unavuma, mwasema Kutakuwa na hali ya joto na ndivyo inavyokuwa.
56 Vanyepedzeri! Munoziva kuongorora zvimiro zvekudenga nezvenyika, asi hamuongorori sei nguva ino?
Enyi wanafiki! Mnajua kutabiri hali ya hewa kwa kuangalia dunia na anga; kwa nini basi, hamwezi kujua maana ya nyakati hizi?
57 Ko asi munoregerei nemwi kuzvitongera momene zvakarurama?
“Na kwa nini hamwezi kujiamulia wenyewe jambo jema la kufanya?
58 Nokuti kana uchienda kumutungamiriri nemudzivisi wako, ita zvakanaka kuti usunungurwe kubva kwaari muri munzira; kuti arege kukukwevera kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa, mupurisa akukande mutirongo.
Maana kama mshtaki wako anakupeleka mahakamani, ingekuwa afadhali kwako kupatana naye mkiwa bado njiani, ili asije akakupeleka mbele ya hakimu, naye hakimu akakutoa kwa polisi, nao wakakutia ndani.
59 Ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, kusvikira waripa kunyange kamari kekupedzisira.
Hakika hutatoka huko nakwambia, mpaka utakapomaliza kulipa senti ya mwisho.”

< Ruka 12 >