< Ruka 12 >

1 Zvichakadaro makumi ezvuru zvechaunga akati aungana, zvekuti vaitsikana, akatanga kutaura kuvadzidzi vake pakutanga achiti: Imwi chenjerai mbiriso yeVaFarisi, inova unyepedzeri.
တဒါနီံ လောကား သဟသြံ သဟသြမ် အာဂတျ သမုပသ္ထိတာသ္တတ ဧကဲကော 'နျေၐာမုပရိ ပတိတုမ် ဥပစကြမေ; တဒါ ယီၑုး ၑိၐျာန် ဗဘာၐေ, ယူယံ ဖိရူၑိနာံ ကိဏွရူပကာပဋျေ ဝိၑေၐေဏ သာဝဓာနာသ္တိၐ္ဌတ၊
2 Uye hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazopenengurwi, nechakavigwa, chisingazozikanwi.
ယတော ယန္န ပြကာၑယိၐျတေ တဒါစ္ဆန္နံ ဝသ္တု ကိမပိ နာသ္တိ; တထာ ယန္န ဇ္ဉာသျတေ တဒ် ဂုပ္တံ ဝသ္တု ကိမပိ နာသ္တိ၊
3 Naizvozvo zvese zvamakataura murima zvichanzwikwa muchiedza; neizvo zvamakataura munzeve mudzimba dzemukati zvichaparidzwa pamusoro pematenga edzimba.
အန္ဓကာရေ တိၐ္ဌနတော ယား ကထာ အကထယတ တား သရွွား ကထာ ဒီပ္တော် ၑြောၐျန္တေ နိရ္ဇနေ ကရ္ဏေ စ ယဒကထယတ ဂၖဟပၖၐ္ဌာတ် တတ် ပြစာရယိၐျတေ၊
4 Uye ndinoti kwamuri shamwari dzangu: Musatya vanouraya muviri, asi shure kweizvozvo vasingazogoni kuita chimwe chinhu.
ဟေ ဗန္ဓဝေါ ယုၐ္မာနဟံ ဝဒါမိ, ယေ ၑရီရသျ နာၑံ ဝိနာ ကိမပျပရံ ကရ္တ္တုံ န ၑကြုဝန္တိ တေဘျော မာ ဘဲၐ္ဋ၊
5 Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai iye anoti shure kwekuuraya ane simba rekukanda mugehena; hongu, ndinoti kwamuri: Ityai iye. (Geenna g1067)
တရှိ ကသ္မာဒ် ဘေတဝျမ် ဣတျဟံ ဝဒါမိ, ယး ၑရီရံ နာၑယိတွာ နရကံ နိက္ၐေပ္တုံ ၑက္နောတိ တသ္မာဒေဝ ဘယံ ကုရုတ, ပုနရပိ ဝဒါမိ တသ္မာဒေဝ ဘယံ ကုရုတ၊ (Geenna g1067)
6 Ko tushiri tushanu hatutengeswi nemakobiri maviri here? Hakuna kamwe kadzo kanokanganikwa pamberi paMwari.
ပဉ္စ စဋကပက္ၐိဏး ကိံ ဒွါဘျာံ တာမြခဏ္ဍာဘျာံ န ဝိကြီယန္တေ? တထာပီၑွရသ္တေၐာမ် ဧကမပိ န ဝိသ္မရတိ၊
7 Asi kunyange nevhudzi remusoro wenyu rakaverengwa rese. Musatya naizvozvo, munopfuura tushiri tuzhinji.
ယုၐ္မာကံ ၑိရးကေၑာ အပိ ဂဏိတား သန္တိ တသ္မာတ် မာ ဝိဘီတ ဗဟုစဋကပက္ၐိဘျောပိ ယူယံ ဗဟုမူလျား၊
8 Ndinotiwo kwamuri: Umwe neumwe anondibvuma pamberi pevanhu, Mwanakomana wemunhu achamubvumawo pamberi pevatumwa vaMwari;
အပရံ ယုၐ္မဘျံ ကထယာမိ ယး ကၑ္စိန် မာနုၐာဏာံ သာက္ၐာန် မာံ သွီကရောတိ မနုၐျပုတြ ဤၑွရဒူတာနာံ သာက္ၐာတ် တံ သွီကရိၐျတိ၊
9 asi anondiramba pamberi pevanhu, acharambwa pamberi pevatumwa vaMwari.
ကိန္တု ယး ကၑ္စိန္မာနုၐာဏာံ သာက္ၐာန္မာမ် အသွီကရောတိ တမ် ဤၑွရသျ ဒူတာနာံ သာက္ၐာဒ် အဟမ် အသွီကရိၐျာမိ၊
10 Uye umwe neumwe anoreva shoko achipikisa Mwanakomana wemunhu, achakanganwirwa; asi uyo anonyomba Mweya Mutsvene haazokanganwirwi.
အနျစ္စ ယး ကၑ္စိန် မနုဇသုတသျ နိန္ဒာဘာဝေန ကာဉ္စိတ် ကထာံ ကထယတိ တသျ တတ္ပာပသျ မောစနံ ဘဝိၐျတိ ကိန္တု ယဒိ ကၑ္စိတ် ပဝိတြမ် အာတ္မာနံ နိန္ဒတိ တရှိ တသျ တတ္ပာပသျ မောစနံ န ဘဝိၐျတိ၊
11 Kana vachikuisai kumasinagoge nevatongi nevane simba, musafunganya kuti muchapindura sei kana chii, kana muchataurei;
ယဒါ လောကာ ယုၐ္မာန် ဘဇနဂေဟံ ဝိစာရကရ္တၖရာဇျကရ္တၖဏာံ သမ္မုခဉ္စ နေၐျန္တိ တဒါ ကေန ပြကာရေဏ ကိမုတ္တရံ ဝဒိၐျထ ကိံ ကထယိၐျထ စေတျတြ မာ စိန္တယတ;
12 nokuti Mweya Mutsvene achakudzidzisai neawa iro zvamunofanira kutaura.
ယတော ယုၐ္မာဘိရျဒ် ယဒ် ဝက္တဝျံ တတ် တသ္မိန် သမယဧဝ ပဝိတြ အာတ္မာ ယုၐ္မာန် ၑိက္ၐယိၐျတိ၊
13 Zvino umwe wechaunga wakati kwaari: Mudzidzisi, udzai mwanakomana wamai vangu agovane nhaka neni.
တတး ပရံ ဇနတာမဓျသ္ထး ကၑ္စိဇ္ဇနသ္တံ ဇဂါဒ ဟေ ဂုရော မယာ သဟ ပဲတၖကံ ဓနံ ဝိဘက္တုံ မမ ဘြာတရမာဇ္ဉာပယတု ဘဝါန်၊
14 Asi wakati kwaari: Iwe munhu, ndiani wakandigadza kuva mutongi kana mugoveri pamusoro penyu?
ကိန္တု သ တမဝဒတ် ဟေ မနုၐျ ယုဝယော ရွိစာရံ ဝိဘာဂဉ္စ ကရ္တ္တုံ မာံ ကော နိယုက္တဝါန်?
15 Akati kwavari: Ngwarirai muchenjerere ruchiva, nokuti upenyu hwemunhu hahusi mukuwanda kwezvinhu zvaanazvo.
အနန္တရံ သ လောကာနဝဒတ် လောဘေ သာဝဓာနား သတရ္ကာၑ္စ တိၐ္ဌတ, ယတော ဗဟုသမ္ပတ္တိပြာပ္တျာ မနုၐျသျာယု ရ္န ဘဝတိ၊
16 Akataura mufananidzo kwavari, achiti: Munda weumwe munhu mufumi wakabereka kwazvo;
ပၑ္စာဒ် ဒၖၐ္ဋာန္တကထာမုတ္ထာပျ ကထယာမာသ, ဧကသျ ဓနိနော ဘူမော် ဗဟူနိ ၑသျာနိ ဇာတာနိ၊
17 akafunga mukati make, achiti: Ndichaitei? Nokuti handina nzvimbo pandingaunganidzira zvibereko zvangu.
တတး သ မနသာ စိန္တယိတွာ ကထယာမ္ဗဘူဝ မမဲတာနိ သမုတ္ပန္နာနိ ဒြဝျာဏိ သ္ထာပယိတုံ သ္ထာနံ နာသ္တိ ကိံ ကရိၐျာမိ?
18 Ndokuti: Ndichaita izvi: Ndichaputsa matura angu, ndivake makuru, ndiunganidzire zvirimwa zvangu zvese ipapo, nenhumbi dzangu,
တတောဝဒဒ် ဣတ္ထံ ကရိၐျာမိ, မမ သရွွဘာဏ္ဍာဂါရာဏိ ဘင်္က္တွာ ဗၖဟဒ္ဘါဏ္ဍာဂါရာဏိ နိရ္မ္မာယ တန္မဓျေ သရွွဖလာနိ ဒြဝျာဏိ စ သ္ထာပယိၐျာမိ၊
19 ndigoti kumweya wangu: Mweya, une zvinhu zvakawanda zvakanaka, zvakachengeterwa makore mazhinji; zorora, idya, inwa, fara.
အပရံ နိဇမနော ဝဒိၐျာမိ, ဟေ မနော ဗဟုဝတ္သရာရ္ထံ နာနာဒြဝျာဏိ သဉ္စိတာနိ သန္တိ ဝိၑြာမံ ကုရု ဘုက္တွာ ပီတွာ ကော်တုကဉ္စ ကုရု၊ ကိန္တွီၑွရသ္တမ် အဝဒတ်,
20 Asi Mwari akati kwaari: Dununu, usiku huno mweya wako uchadikanwa kubva kwauri; ko izvo zvawagadzirira, zvichava zvaani?
ရေ နိရ္ဗောဓ အဒျ ရာတြော် တဝ ပြာဏာသ္တွတ္တော နေၐျန္တေ တတ ဧတာနိ ယာနိ ဒြဝျာဏိ တွယာသာဒိတာနိ တာနိ ကသျ ဘဝိၐျန္တိ?
21 Zvakadaro kune anozviunganidzira fuma, asi asina kufuma kuna Mwari.
အတဧဝ ယး ကၑ္စိဒ် ဤၑွရသျ သမီပေ ဓနသဉ္စယမကၖတွာ ကေဝလံ သွနိကဋေ သဉ္စယံ ကရောတိ သောပိ တာဒၖၑး၊
22 Zvino wakati kuvadzidzi vake: Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, kuti muchadyei; kana muviri, kuti muchapfekei.
အထ သ ၑိၐျေဘျး ကထယာမာသ, ယုၐ္မာနဟံ ဝဒါမိ, ကိံ ခါဒိၐျာမး? ကိံ ပရိဓာသျာမး? ဣတျုက္တွာ ဇီဝနသျ ၑရီရသျ စာရ္ထံ စိန္တာံ မာ ကာရ္ၐ္ဋ၊
23 Upenyu hunopfuura kudya, nemuviri zvipfeko.
ဘက္ၐျာဇ္ဇီဝနံ ဘူၐဏာစ္ဆရီရဉ္စ ၑြေၐ္ဌံ ဘဝတိ၊
24 Fungai makunguvo, kuti haadzvari, kana kukohwa, haana tsapi kana dura; asi Mwari anoafunda. Imwi munokunda zvikuru sei shiri?
ကာကပက္ၐိဏာံ ကာရျျံ ဝိစာရယတ, တေ န ဝပန္တိ ၑသျာနိ စ န ဆိန္ဒန္တိ, တေၐာံ ဘာဏ္ဍာဂါရာဏိ န သန္တိ ကောၐာၑ္စ န သန္တိ, တထာပီၑွရသ္တေဘျော ဘက္ၐျာဏိ ဒဒါတိ, ယူယံ ပက္ၐိဘျး ၑြေၐ္ဌတရာ န ကိံ?
25 Ndiani kwamuri nekufunganya angagona kuwedzera mbimbi imwe paurefu hwake?
အပရဉ္စ ဘာဝယိတွာ နိဇာယုၐး က္ၐဏမာတြံ ဝရ္ဒ္ဓယိတုံ ၑက္နောတိ, ဧတာဒၖၑော လာကော ယုၐ္မာကံ မဓျေ ကောသ္တိ?
26 Naizvozvo kana musingagoni kuita chinhu chidikisa, munofunganyirei pamusoro pezvimwe?
အတဧဝ က္ၐုဒြံ ကာရျျံ သာဓယိတုမ် အသမရ္ထာ ယူယမ် အနျသ္မိန် ကာရျျေ ကုတော ဘာဝယထ?
27 Fungai midovatova, kuti inokura sei; haishingairi, hairuki; asi ndinoti kwamuri: NaSoromoni mukubwinya kwake kwese, haana kupfekedzwa seumwe wayo.
အနျစ္စ ကာမ္ပိလပုၐ္ပံ ကထံ ဝရ္ဒ္ဓတေ တဒါပိ ဝိစာရယတ, တတ် ကဉ္စန ၑြမံ န ကရောတိ တန္တူံၑ္စ န ဇနယတိ ကိန္တု ယုၐ္မဘျံ ယထာရ္ထံ ကထယာမိ သုလေမာန် ဗဟွဲၑွရျျာနွိတောပိ ပုၐ္ပသျာသျ သဒၖၑော ဝိဘူၐိတော နာသီတ်၊
28 Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa huri panyika nhasi, mangwana hwokandirwa muchoto, uchakupfekedzai nekupfuurisa sei, imwi verutendo rudiki?
အဒျ က္ၐေတြေ ဝရ္တ္တမာနံ ၑွၑ္စူလ္လျာံ က္ၐေပ္သျမာနံ ယတ် တၖဏံ, တသ္မဲ ယဒီၑွရ ဣတ္ထံ ဘူၐယတိ တရှိ ဟေ အလ္ပပြတျယိနော ယုၐ္မာန ကိံ န ပရိဓာပယိၐျတိ?
29 Zvino imwi musatsvaka zvamuchadya kana zvamuchamwa; uye musazvidya moyo.
အတဧဝ ကိံ ခါဒိၐျာမး? ကိံ ပရိဓာသျာမး? ဧတဒရ္ထံ မာ စေၐ္ဋဓွံ မာ သံဒိဂ္ဓွဉ္စ၊
30 Nokuti zvinhu izvi zvese marudzi enyika anozvitsvaka; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi.
ဇဂတော ဒေဝါရ္စ္စကာ ဧတာနိ သရွွာဏိ စေၐ္ဋနတေ; ဧၐု ဝသ္တုၐု ယုၐ္မာကံ ပြယောဇနမာသ္တေ ဣတိ ယုၐ္မာကံ ပိတာ ဇာနာတိ၊
31 Asi tsvakai ushe hwaMwari, naizvozvi zvese zvichawedzerwa kwamuri.
အတဧဝေၑွရသျ ရာဇျာရ္ထံ သစေၐ္ဋာ ဘဝတ တထာ ကၖတေ သရွွာဏျေတာနိ ဒြဝျာဏိ ယုၐ္မဘျံ ပြဒါယိၐျန္တေ၊
32 Musatya boka diki; nokuti Baba venyu vanofara kukupai ushe.
ဟေ က္ၐုဒြမေၐဝြဇ ယူယံ မာ ဘဲၐ္ဋ ယုၐ္မဘျံ ရာဇျံ ဒါတုံ ယုၐ္မာကံ ပိတုး သမ္မတိရသ္တိ၊
33 Tengesai izvo zvamunazvo mupe varombo zvipo. Muzviitire zvikwama zvisingashakari, fuma kumatenga isingaperi, pasina mbavha ingasvika kana zvifusi zvingaodza.
အတဧဝ ယုၐ္မာကံ ယာ ယာ သမ္ပတ္တိရသ္တိ တာံ တာံ ဝိကြီယ ဝိတရတ, ယတ် သ္ထာနံ စော်ရာ နာဂစ္ဆန္တိ, ကီဋာၑ္စ န က္ၐာယယန္တိ တာဒၖၑေ သွရ္ဂေ နိဇာရ္ထမ် အဇရေ သမ္ပုဋကေ 'က္ၐယံ ဓနံ သဉ္စိနုတ စ;
34 Nokuti pane fuma yenyu, ndipo pachavawo nemoyo wenyu.
ယတော ယတြ ယုၐ္မာကံ ဓနံ ဝရ္တ္တတေ တတြေဝ ယုၐ္မာကံ မနး၊
35 Zviuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje ichipfuta.
အပရဉ္စ ယူယံ ပြဒီပံ ဇွာလယိတွာ ဗဒ္ဓကဋယသ္တိၐ္ဌတ;
36 Nemwi muve sevanhu vakarindira ishe wavo, pakudzoka kwake kumuchato, kuti kana achisvika akagogodza, vangamuzarurira pakarepo.
ပြဘု ရွိဝါဟာဒါဂတျ ယဒဲဝ ဒွါရမာဟန္တိ တဒဲဝ ဒွါရံ မောစယိတုံ ယထာ ဘၖတျာ အပေက္ၐျ တိၐ္ဌန္တိ တထာ ယူယမပိ တိၐ္ဌတ၊
37 Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti kana ishe achisvika anovawana vakarindira; zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achazvisunga, akavagarisa pakudya, akaswedera akavashandira.
ယတး ပြဘုရာဂတျ ယာန် ဒါသာန် သစေတနာန် တိၐ္ဌတော ဒြက္ၐျတိ တဧဝ ဓနျား; အဟံ ယုၐ္မာန် ယထာရ္ထံ ဝဒါမိ ပြဘုသ္တာန် ဘောဇနာရ္ထမ် ဥပဝေၑျ သွယံ ဗဒ္ဓကဋိး သမီပမေတျ ပရိဝေၐယိၐျတိ၊
38 Kana akasvika nenguva yekurindira yechipiri, kana kusvika nenguva yekurindira yechitatu, akawana vakadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo.
ယဒိ ဒွိတီယေ တၖတီယေ ဝါ ပြဟရေ သမာဂတျ တထဲဝ ပၑျတိ, တရှိ တဧဝ ဒါသာ ဓနျား၊
39 Asi muzive izvi, kuti dai mwene weimba aiziva nderipi awa mbavha rainouya, angadai akarinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.
အပရဉ္စ ကသ္မိန် က္ၐဏေ စော်ရာ အာဂမိၐျန္တိ ဣတိ ယဒိ ဂၖဟပတိ ရ္ဇ္ဉာတုံ ၑက္နောတိ တဒါဝၑျံ ဇာဂြန် နိဇဂၖဟေ သန္ဓိံ ကရ္တ္တယိတုံ ဝါရယတိ ယူယမေတဒ် ဝိတ္တ၊
40 Naizvozvo imwiwo ivai makazvigadzirira; nokuti neawa ramusingafungiri Mwanakomana wemunhu anouya.
အတဧဝ ယူယမပိ သဇ္ဇမာနာသ္တိၐ္ဌတ ယတော ယသ္မိန် က္ၐဏေ တံ နာပြေက္ၐဓွေ တသ္မိန္နေဝ က္ၐဏေ မနုၐျပုတြ အာဂမိၐျတိ၊
41 Petro ndokuti kwaari: Ishe, munoutaura mufananidzo uyu kwatiri, kana kune vesewo?
တဒါ ပိတရး ပပြစ္ဆ, ဟေ ပြဘော ဘဝါန် ကိမသ္မာန် ဥဒ္ဒိၑျ ကိံ သရွွာန် ဥဒ္ဒိၑျ ဒၖၐ္ဋာန္တကထာမိမာံ ဝဒတိ?
42 Ishe ndokuti: Ko ndiani zvino mutariri wakatendeka uye wakachenjera, ishe waachagadza pamusoro pevaranda vake, kuti ape mugove wekudya nenguva yakafanira?
တတး ပြဘုး ပြောဝါစ, ပြဘုး သမုစိတကာလေ နိဇပရိဝါရာရ္ထံ ဘောဇျပရိဝေၐဏာယ ယံ တတ္ပဒေ နိယောက္ၐျတိ တာဒၖၑော ဝိၑွာသျော ဗောဒ္ဓါ ကရ္မ္မာဓီၑး ကောသ္တိ?
43 Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika, amuwane achiita saizvozvo.
ပြဘုရာဂတျ ယမ် ဧတာဒၖၑေ ကရ္မ္မဏိ ပြဝၖတ္တံ ဒြက္ၐျတိ သဧဝ ဒါသော ဓနျး၊
44 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achamugadza pamusoro pezvese zvaanazvo.
အဟံ ယုၐ္မာန် ယထာရ္ထံ ဝဒါမိ သ တံ နိဇသရွွသွသျာဓိပတိံ ကရိၐျတိ၊
45 Asi kana muranda uyo akati mumoyo make: Ishe wangu wanonoka kuuya; akatanga kurova varandarume nevarandakadzi, nekudya, nekunwa, nekuraradza;
ကိန္တု ပြဘုရွိလမ္ဗေနာဂမိၐျတိ, ဣတိ ဝိစိန္တျ သ ဒါသော ယဒိ တဒနျဒါသီဒါသာန် ပြဟရ္တ္တုမ် ဘောက္တုံ ပါတုံ မဒိတုဉ္စ ပြာရဘတေ,
46 ishe wemuranda uyo achasvika pazuva raasingatarisiri, uye paawa raasingazivi, akamugura nepakati, akagura mugove wake pamwe nevasakatendeka.
တရှိ ယဒါ ပြဘုံ နာပေက္ၐိၐျတေ ယသ္မိန် က္ၐဏေ သော'စေတနၑ္စ သ္ထာသျတိ တသ္မိန္နေဝ က္ၐဏေ တသျ ပြဘုရာဂတျ တံ ပဒဘြၐ္ဋံ ကၖတွာ ဝိၑွာသဟီနဲး သဟ တသျ အံၑံ နိရူပယိၐျတိ၊
47 Muranda uyo waiziva chido chaishe wake, akasagadzirira, kana kuita zvinoenderana nechido chake, acharohwa neshamhu zhinji.
ယော ဒါသး ပြဘေရာဇ္ဉာံ ဇ္ဉာတွာပိ သဇ္ဇိတော န တိၐ္ဌတိ တဒါဇ္ဉာနုသာရေဏ စ ကာရျျံ န ကရောတိ သောနေကာန် ပြဟာရာန် ပြာပ္သျတိ;
48 Asi wakange asingazivi, akaita zvakafanira kurohwa, acharohwa neshamhu shoma. Uye wese wakapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; neanobatiswa zvizhinji, vachareva zvinopfuurisa kwaari.
ကိန္တု ယော ဇနော'ဇ္ဉာတွာ ပြဟာရာရှံ ကရ္မ္မ ကရောတိ သောလ္ပပြဟာရာန် ပြာပ္သျတိ၊ ယတော ယသ္မဲ ဗာဟုလျေန ဒတ္တံ တသ္မာဒေဝ ဗာဟုလျေန ဂြဟီၐျတေ, မာနုၐာ ယသျ နိကဋေ ဗဟု သမရ္ပယန္တိ တသ္မာဒ် ဗဟု ယာစန္တေ၊
49 Ndakauya kuzokanda moto panyika, zvino ndichadei kana watobatidzwa?
အဟံ ပၖထိဝျာမ် အနဲကျရူပံ ဝဟ္နိ နိက္ၐေပ္တုမ် အာဂတောသ္မိ, သ စေဒ် ဣဒါနီမေဝ ပြဇွလတိ တတြ မမ ကာ စိန္တာ?
50 Asi ndine rubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo, zvino ndinomanikidzwa sei kusvikira rwuchipedziswa.
ကိန္တု ယေန မဇ္ဇနေနာဟံ မဂ္နော ဘဝိၐျာမိ ယာဝတ္ကာလံ တသျ သိဒ္ဓိ ရ္န ဘဝိၐျတိ တာဝဒဟံ ကတိကၐ္ဋံ ပြာပ္သျာမိ၊
51 Munofunga kuti ndakauya kuzopa rugare panyika here? Kwete, ndinoti kwamuri, asi kutozopesanisa.
မေလနံ ကရ္တ္တုံ ဇဂဒ် အာဂတောသ္မိ ယူယံ ကိမိတ္ထံ ဗောဓဓွေ? ယုၐ္မာန် ဝဒါမိ န တထာ, ကိန္တွဟံ မေလနာဘာဝံ ကရ္တ္တုံမ် အာဂတောသ္မိ၊
52 Nokuti kubva zvino vashanu muimba imwe vachapesana, vatatu vachipikisana nevaviri, uye vaviri vachipikisana nevatatu,
ယသ္မာဒေတတ္ကာလမာရဘျ ဧကတြသ္ထပရိဇနာနာံ မဓျေ ပဉ္စဇနား ပၖထဂ် ဘူတွာ တြယော ဇနာ ဒွယောရ္ဇနယေား ပြတိကူလာ ဒွေါ် ဇနော် စ တြယာဏာံ ဇနာနာံ ပြတိကူလော် ဘဝိၐျန္တိ၊
53 vachapesana, baba vachipikisana nemwanakomana, nemwanakomana achipikisana nababa; mai vachipikisana nemukunda, nemukunda achipikisana namai; vamwene vachipikisana nemuroora wavo, nemuroora achipikisana navamwene vake.
ပိတာ ပုတြသျ ဝိပက္ၐး ပုတြၑ္စ ပိတု ရွိပက္ၐော ဘဝိၐျတိ မာတာ ကနျာယာ ဝိပက္ၐာ ကနျာ စ မာတု ရွိပက္ၐာ ဘဝိၐျတိ, တထာ ၑွၑြူရ္ဗဓွာ ဝိပက္ၐာ ဗဓူၑ္စ ၑွၑြွာ ဝိပက္ၐာ ဘဝိၐျတိ၊
54 Akatiwo kuzvaunga: Kana muchiona gore richisimuka kubva kumavirira, pakarepo munoti: Mvura inouya; zvodaro.
သ လောကေဘျောပရမပိ ကထယာမာသ, ပၑ္စိမဒိၑိ မေဃောဒ္ဂမံ ဒၖၐ္ဋွာ ယူယံ ဟဌာဒ် ဝဒထ ဝၖၐ္ဋိ ရ္ဘဝိၐျတိ တတသ္တထဲဝ ဇာယတေ၊
55 Uye kana muchiona mhepo yechamhembe ichivhuvhuta munoti: Kuchapisa; zvoitika.
အပရံ ဒက္ၐိဏတော ဝါယော် ဝါတိ သတိ ဝဒထ နိဒါဃော ဘဝိၐျတိ တတး သောပိ ဇာယတေ၊
56 Vanyepedzeri! Munoziva kuongorora zvimiro zvekudenga nezvenyika, asi hamuongorori sei nguva ino?
ရေ ရေ ကပဋိန အာကာၑသျ ဘူမျာၑ္စ လက္ၐဏံ ဗောဒ္ဓုံ ၑက္နုထ,
57 Ko asi munoregerei nemwi kuzvitongera momene zvakarurama?
ကိန္တု ကာလသျာသျ လက္ၐဏံ ကုတော ဗောဒ္ဓုံ န ၑက္နုထ? ယူယဉ္စ သွယံ ကုတော န နျာၐျံ ဝိစာရယထ?
58 Nokuti kana uchienda kumutungamiriri nemudzivisi wako, ita zvakanaka kuti usunungurwe kubva kwaari muri munzira; kuti arege kukukwevera kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa, mupurisa akukande mutirongo.
အပရဉ္စ ဝိဝါဒိနာ သာရ္ဒ္ဓံ ဝိစာရယိတုး သမီပံ ဂစ္ဆန် ပထိ တသ္မာဒုဒ္ဓါရံ ပြာပ္တုံ ယတသွ နောစေတ် သ တွာံ ဓၖတွာ ဝိစာရယိတုး သမီပံ နယတိ၊ ဝိစာရယိတာ ယဒိ တွာံ ပြဟရ္တ္တုး သမီပံ သမရ္ပယတိ ပြဟရ္တ္တာ တွာံ ကာရာယာံ ဗဓ္နာတိ
59 Ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, kusvikira waripa kunyange kamari kekupedzisira.
တရှိ တွာမဟံ ဝဒါမိ တွယာ နိးၑေၐံ ကပရ္ဒကေၐု န ပရိၑောဓိတေၐု တွံ တတော မုက္တိံ ပြာပ္တုံ န ၑက္ၐျသိ၊

< Ruka 12 >