< Ruka 1 >
1 Sezvo vazhinji vakabata kuronga nhoroondo yezvinhu zvakavimbika zvizere pakati pedu,
Many have undertaken to compose an account of the things that have been fulfilled among us,
2 sezvavakapa kwatiri ivo kubva pakutanga vakazvionera, uye vari varanda veshoko,
just as they were handed down to us by the initial eyewitnesses and servants of the word.
3 zvakaonekwa zvakanaka kwandiriwo, ndanyatsoongorora zvinhu zvese kubva pakutanga, kuti ndikunyorerei nekutevedzanisa, imwi Teofiro changamire,
Therefore, having carefully investigated everything from the beginning, it seemed good also to me to write an orderly account for you, most excellent Theophilus,
4 kuti muzive chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa.
so that you may know the certainty of the things you have been taught.
5 Kwaivapo nemazuva aHerodhe mambo weJudhiya umwe mupristi wainzi Zakaria, weboka raAbhiya; nemukadzi wake waibva kuvanasikana vaAroni, nezita rake riri Erizabheti.
In the time of Herod king of Judea there was a priest named Zechariah, who belonged to the priestly division of Abijah, and whose wife Elizabeth was a daughter of Aaron.
6 Uye vari vaviri vakange vakarurama pamberi paMwari, vachifamba nemirairo yese nezviga zvaIshe, vasina chavangapomerwa.
Both of them were righteous in the sight of God, walking blamelessly in all the commandments and decrees of the Lord.
7 Uye vakange vasina mwana, nokuti Erizabheti wakange ari mhanje, uye vakange vaenda pamakore vari vaviri.
But they had no children, because Elizabeth was barren, and they were both well along in years.
8 Zvino zvakaitika kuti wakati achiita ushumiri hweupristi pamberi paMwari, pachidanho cheboka rake,
One day while Zechariah’s division was on duty and he was serving as priest before God,
9 maererano netsika yeushumiri hweupristi, wakabatwa nemujenya kuti apise zvipfungaidzo zvinonhuhwira apinda mutembere yaIshe.
he was chosen by lot, according to the custom of the priesthood, to enter the temple of the Lord and burn incense.
10 Zvino chaunga chese chevanhu chakange chichinyengetera kunze nenguva yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.
And at the hour of the incense offering, the whole congregation was praying outside.
11 Zvino kwakaonekwa kwaari mutumwa waIshe, amire kurutivi rwerudyi rwearitari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.
Just then an angel of the Lord appeared to Zechariah, standing at the right side of the altar of incense.
12 Zvino Zakaria wakati achimuona akanetseka, kutya kukamuwira.
When Zechariah saw him, he was startled and gripped with fear.
13 Asi mutumwa wakati kwaari: Usatya Zakaria; nokuti munyengetero wako wanzwikwa, nemukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, ugotumidza zita rake Johwani.
But the angel said to him, “Do not be afraid, Zechariah, because your prayer has been heard. Your wife Elizabeth will bear you a son, and you are to give him the name John.
14 Uye uchava nemufaro nekupembera, nevazhinji vachafarira kuberekwa kwake.
He will be a joy and delight to you, and many will rejoice at his birth,
15 Nokuti achava mukuru pamberi paIshe, haangatongonwi waini kana zvinodhaka; uye achazadzwa neMweya Mutsvene kunyange kubva padumbu ramai vake.
for he will be great in the sight of the Lord. He shall never take wine or strong drink, and he will be filled with the Holy Spirit even from his mother’s womb.
16 Nevazhinji vevana vaIsraeri achatendeusira kuna Ishe Mwari wavo;
Many of the sons of Israel he will turn back to the Lord their God.
17 uye iye achafamba pamberi pake mumweya nesimba raEria, kutendeusira moyo yemadzibaba kuvana, nevasingateereri kuuchenjeri hwevakarurama, kugadzirira Ishe vanhu vakagadzirwa.
And he will go on before the Lord in the spirit and power of Elijah, to turn the hearts of the fathers to their children and the disobedient to the wisdom of the righteous—to make ready a people prepared for the Lord.”
18 Zakaria akati kumutumwa: Izvozvi ndichazviziva nei? Nokuti ini ndava mukweguru, nemukadzi wangu waenda pamazuva ake.
“How can I be sure of this?” Zechariah asked the angel. “I am an old man, and my wife is well along in years.”
19 Mutumwa achipindura akati kwaari: Ini ndini Gabhirieri, anomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure kwauri, ndikuparidzire mashoko awa akanaka.
“I am Gabriel,” replied the angel. “I stand in the presence of God, and I have been sent to speak to you and to bring you this good news.
20 Zvino tarira, uchava chimumumu, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitika zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achazadziswa nenguva yawo.
And now you will be silent and unable to speak until the day this comes to pass, because you did not believe my words, which will be fulfilled at their proper time.”
21 Vanhu vakange vakamirira Zakaria, vakashamisika nekunonoka kwake mutembere.
Meanwhile, the people were waiting for Zechariah and wondering why he took so long in the temple.
22 Zvino wakati abuda, akakonewa kutaura kwavari; vakaziva kuti akange aona chiratidzo mutembere; iye akavaninira nemaoko, akaramba ari chimumumu.
When he came out and was unable to speak to them, they realized he had seen a vision in the temple. He kept making signs to them but remained speechless.
23 Zvino zvakaitika kuti mazuva okushumira kwake akati achangopera, akaenda kumba kwake.
And when the days of his service were complete, he returned home.
24 Zvino shure kwemazuva iwayo, mukadzi wake Erizabheti akatora mimba, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti:
After these days, his wife Elizabeth became pregnant and for five months remained in seclusion. She declared,
25 Ishe wandiitira saizvozvi nemazuva aakanditarira, kuti abvise ruzvidzo rwangu pakati pevanhu.
“The Lord has done this for me. In these days He has shown me favor and taken away my disgrace among the people.”
26 Zvino nemwedzi wechitanhatu mutumwa Gabhirieri wakatumwa naMwari kuguta reGarirea rinonzi Nazareta,
In the sixth month, God sent the angel Gabriel to a town in Galilee called Nazareth,
27 kumhandara, yakange yatsidza kuwanikwa nemurume zita rake raiva Josefa, weimba yaDhavhidhi; uye zita remhandara riri Maria.
to a virgin pledged in marriage to a man named Joseph, who was of the house of David. And the virgin’s name was Mary.
28 Mutumwa akapinda kwaari akati: Hekanhi, iwe une nyasha! Ishe anewe, wakaropafadzwa iwe pakati pevakadzi.
The angel appeared to her and said, “Greetings, you who are highly favored! The Lord is with you.”
29 Iye wakati achimuona akanetseka neshoko rake, akafunganya kuti uku kukwazisa rudzii kwakadai.
Mary was greatly troubled at his words and wondered what kind of greeting this might be.
30 Zvino mutumwa akati kwaari: Usatya Maria; nokuti wawana nyasha kuna Mwari.
So the angel told her, “Do not be afraid, Mary, for you have found favor with God.
31 Zvino tarira, uchava nemimba, ugozvara mwanakomana, uchatumidza zita rake kuti Jesu.
Behold, you will conceive and give birth to a son, and you are to give Him the name Jesus.
32 Iye achava mukuru, achanzi Mwanakomana weWekumusoro-soro; Ishe Mwari achapa kwaari chigaro cheushe chababa vake Dhavhidhi.
He will be great and will be called the Son of the Most High. The Lord God will give Him the throne of His father David,
33 Achatonga pamusoro peimba yaJakobho kusvikira narinhi, neushe hwake hahungavi nemugumo. (aiōn )
and He will reign over the house of Jacob forever. His kingdom will never end!” (aiōn )
34 Maria ndokuti kumutumwa: Izvi zvingava sei, nokuti handizivi murume?
“How can this be,” Mary asked the angel, “since I am a virgin?”
35 Mutumwa akapindura akati kwaari: Mweya Mutsvene uchauya pamusoro pako, nesimba reWekumusoro-soro richakudzikatira; naizvozvo icho chitsvene chichaberekwa newe chichanzi Mwanakomana waMwari.
The angel replied, “The Holy Spirit will come upon you, and the power of the Most High will overshadow you. So the Holy One to be born will be called the Son of God.
36 Uye tarira, Erizabheti hama yako, iyewo wava nemimba yemwanakomana pakuchembera kwake; nemwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye wainzi mhanje.
Look, even Elizabeth your relative has conceived a son in her old age, and she who was called barren is in her sixth month.
37 Nokuti naMwari hakuna chinhu chisingazogoneki.
For no word from God will ever fail.”
38 Maria ndokuti: Tarirai, murandakadzi waIshe; ngazvive kwandiri seshoko renyu. Mutumwa ndokubva kwaari.
“I am the Lord’s servant,” Mary answered. “May it happen to me according to your word.” Then the angel left her.
39 Zvino Maria akasimuka nemazuva iwayo akaenda kunyika yezvikomo nekukurumidza, kuguta raJudha;
In those days Mary got ready and hurried to a town in the hill country of Judah,
40 akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erizabheti.
where she entered the home of Zechariah and greeted Elizabeth.
41 Zvino zvakaitika kuti Erizabheti wakati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akatamba mudumbu rake; naErizabheti akazadzwa neMweya Mutsvene,
When Elizabeth heard Mary’s greeting, the baby leaped in her womb, and Elizabeth was filled with the Holy Spirit.
42 akadanidzira nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pevakadzi, uye chakaropafadzwa chibereko chedumbu rako!
In a loud voice she exclaimed, “Blessed are you among women, and blessed is the fruit of your womb!
43 Ko zvandibvira nepi, kuti mai vaIshe wangu vauye kwandiri?
And why am I so honored, that the mother of my Lord should come to me?
44 Nokuti tarira, inzwi rekukwazisa kwako rangoti richisvika munzeve dzangu, mwana watamba mudumbu rangu nemufaro.
For as soon as the sound of your greeting reached my ears, the baby in my womb leaped for joy.
45 Uye wakaropafadzwa anotenda, nokuti zvakataurwa naIshe kwaari zvichazadziswa.
Blessed is she who has believed that the Lord’s word to her will be fulfilled.”
46 Maria akati: Moyo wangu unokudza Ishe,
Then Mary said: “My soul magnifies the Lord,
47 nemweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu;
and my spirit rejoices in God my Savior!
48 nokuti wakatarira kuninipiswa kwemurandakadzi wake; nokuti tarira, kubva zvino mazera ese achati ndakaropafadzwa.
For He has looked with favor on the humble state of His servant. From now on all generations will call me blessed.
49 Nokuti ane masimba wakandiitira zvinhu zvikuru; nezita rake idzvene.
For the Mighty One has done great things for me. Holy is His name.
50 Netsitsi dzake dziri kuna avo vanomutya kubva kumazera kusvika kumazera.
His mercy extends to those who fear Him, from generation to generation.
51 Wakaita zvine simba neruoko rwake; wakaparadzira vanozvikudza mundangariro dzemoyo yavo.
He has performed mighty deeds with His arm; He has scattered those who are proud in the thoughts of their hearts.
52 Wakaburusa vane masimba pazvigaro zvoushe, akasimudza vakaderera.
He has brought down rulers from their thrones, but has exalted the humble.
53 Vane nzara wakavagutsa nezvinhu zvakanaka, asi vafumi wakavaendesa vasina chinhu.
He has filled the hungry with good things, but has sent the rich away empty.
54 Wakabatsira Israeri muranda wake kuti arangarire tsitsi,
He has helped His servant Israel, remembering to be merciful,
55 sezvaakataura kumadzibaba edu, kuna Abhurahama nekumbeu yake kusvikira rinhi narinhi. (aiōn )
as He promised to our fathers, to Abraham and his descendants forever.” (aiōn )
56 Maria akagara naye mwedzi inenge mitatu, akadzokera kumba kwake.
Mary stayed with Elizabeth for about three months and then returned home.
57 Zvino nguva yaErizabheti yekusununguka kwake yakazara; akabereka mwanakomana.
When the time came for Elizabeth to have her child, she gave birth to a son.
58 Zvino vavakidzani nehama dzake vakati vanzwa kuti Ishe wakange amuitira tsitsi dzake huru, vakafara naye.
Her neighbors and relatives heard that the Lord had shown her great mercy, and they rejoiced with her.
59 Zvino zvakaitika kuti nezuva rerusere vakauya kuzodzingisa mucheche, vakamutumidza maererano nezita rababa vake Zakaria.
On the eighth day, when they came to circumcise the child, they were going to name him after his father Zechariah.
60 Asi mai vake vakapindura vakati: Kwete, asi achanzi Johwani.
But his mother replied, “No! He shall be called John.”
61 Vakati kwaari: Hakuna munhu kuhama dzako anodaidzwa nezita iri.
They said to her, “There is no one among your relatives who bears this name.”
62 Vakataura nemaoko kuna baba vake, kuti vanoda kuti anzi ani.
So they made signs to his father to find out what he wanted to name the child.
63 Vakakumbira chinyorero, vakanyora vachiti: NdiJohwani zita rake; vakashamisika vese.
Zechariah asked for a tablet and wrote, “His name is John.” And they were all amazed.
64 Muromo wake ukazarurwa pakarepo, nerurimi rwake rukasununguka, akataura, achirumbidza Mwari.
Immediately Zechariah’s mouth was opened and his tongue was released, and he began to speak, praising God.
65 Kutya kukawira vese vaigara vakavakomba; nemashoko awa ese akataurwa kunyika yese yezvikomo yeJudhiya.
All their neighbors were filled with awe, and people throughout the hill country of Judea were talking about these events.
66 Zvino vese vakanzwa, vakazviisa mumoyo mavo, vachiti: Mucheche uyu achazova ani? Uye ruoko rwaIshe rwakava naye.
And all who heard this wondered in their hearts and asked, “What then will this child become?” For the Lord’s hand was with him.
67 Zvino Zakaria baba vake vakazadzwa neMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti:
Then his father Zechariah was filled with the Holy Spirit and prophesied:
68 Ngaarumbidzwe Ishe Mwari waIsraeri, nokuti wakashanyira nekuita rudzikunuro kuvanhu vake;
“Blessed be the Lord, the God of Israel, because He has visited and redeemed His people.
69 akatisimudzira runyanga rweruponeso mumba maDhavhidhi muranda wake;
He has raised up a horn of salvation for us in the house of His servant David,
70 sezvaakataura nemuromo wevaporofita vake vatsvene, vakange varipo kubva pasichigare; (aiōn )
as He spoke through His holy prophets, those of ages past, (aiōn )
71 ruponeso pamhandu dzedu, neparuoko rwavese vanotivenga;
salvation from our enemies and from the hand of all who hate us,
72 kuitira madzibaba edu tsitsi, nekurangarira sungano yake tsvene,
to show mercy to our fathers and to remember His holy covenant,
73 mhiko yaakapika kuna Abhurahama baba vedu;
the oath He swore to our father Abraham, to grant us
74 kutipa, kuti tasunungurwa muruoko rwevavengi vedu, timushumire tisingatyi;
deliverance from hostile hands, that we may serve Him without fear,
75 muutsvene nekururama pamberi pake mazuva ese eupenyu hwedu.
in holiness and righteousness before Him all the days of our lives.
76 Newe mucheche, uchanzi muporofita weWekumusoro-soro, nokuti uchatungamira pamberi pechiso chaIshe, kugadzirira nzira dzake;
And you, child, will be called a prophet of the Most High; for you will go on before the Lord to prepare the way for Him,
77 kupa ruzivo rweruponeso kuvanhu vake mukanganwiro yezvivi zvavo;
to give to His people the knowledge of salvation through the forgiveness of their sins,
78 netsitsi dzemoyo dzaMwari wedu, mauri mambakwedza anobva kumusoro anotishanyira;
because of the tender mercy of our God, by which the Dawn will visit us from on high,
79 kuvhenekera vagere murima nemumvuri worufu, nekururamisa tsoka dzedu munzira yerugare.
to shine on those who live in darkness and in the shadow of death, to guide our feet into the path of peace.”
80 Mucheche akakura, akasimba mumweya, akava mumarenje, kusvikira zuva rekuratidzwa kwake kuna Israeri.
And the child grew and became strong in spirit; and he lived in the wilderness until the time of his public appearance to Israel.