< Johani 1 >
1 Pakutanga wakange aripo Shoko, uye Shoko wakange ana Mwari, uye Shoko wakange ari Mwari.
In the beginning was the Word, and the Word was with God, and the Word was God.
2 Iye uyu wakange ana Mwari pakutanga.
He was in the beginning with God.
3 Zvinhu zvese zvakaitwa naye, uye kunze kwake hakuna kuitwa chinhu chimwe chakaitwa.
All things were made through him, and apart from him nothing was made that has been made.
4 Maari maiva neupenyu, uye upenyu hwaiva chiedza chevanhu,
In him was life, and the life was the light of humanity.
5 uye chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchigamuchira.
And the light shines in the darkness, and the darkness hasn't overcome it.
6 Kwakauya munhu wakatumwa kubva kuna Mwari, zita rake riri Johwani.
There came a man, sent from God, whose name was John.
7 Iye wakauyira uchapupu, kuti apupure zvechiedza, kuti vese vatende naye.
He came as a witness to testify about the light, that all might believe through him.
8 Iye wakange asiri icho chiedza, asi wakatumwa kuti apupure pamusoro pechiedza.
He was not the light, but was sent that he might testify about the light.
9 Chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu umwe neumwe anouya panyika.
The true light that enlightens everyone was coming into the world.
10 Wakange ari munyika, nenyika yakaitwa naye, asi nyika haina kumuziva.
He was in the world, and the world was made through him, but the world did not recognize him.
11 Wakauya kune zvake, asi vake havana kumugamuchira.
He came to his own, and those who were his own did not receive him.
12 Asi vese vakamugamuchira, wakavapa kodzero kuti vave vana vaMwari, ivo vanotenda kuzita rake;
But as many as received him, to them he gave the right to become God's children, to those who believe in his name,
13 vakaberekwa kwete neropa, kana nechido chenyama, kana nechido chemurume, asi naMwari.
who were born not of blood, nor of the will of the flesh, nor of the will of man, but of God.
14 Shoko ndokuzova nyama, akagara pakati pedu, uye takaona kubwinya kwake, kubwinya sekwewakaberekwa umwe ega waBaba, azere nenyasha nechokwadi.
And the Word became flesh and lived among us, and we saw his glory, such glory as of the one and only of the Father, full of grace and truth.
15 Johwani wakapupura pamusoro pake, akadanidzira achiti: Uyu ndiye wandaireva ndichiti: Uyu anouya shure kwangu wakanditangira; nokuti wakange aripo mberi kwangu.
John testified about him and shouted out, saying, "This was the one of whom I said, 'He who comes after me has surpassed me, for he was before me.'"
16 Nepakuzara kwake isu tese takagamuchira, uye nyasha nenyasha.
For of his fullness we all received, and grace upon grace.
17 Nokuti murairo wakapiwa naMozisi, nyasha nechokwadi zvakauya naJesu Kristu.
For the Law was given through Moses, grace and truth came through Jesus Christ.
18 Hakuna wakatongoona Mwari; Mwanakomana wakaberekwa umwe ega, ari pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa.
No one has seen God at any time. The only Son, who is at the Father's side, has made him known.
19 Uye uhu ndihwo uchapupu hwaJohwani, apo VaJudha vakatuma vapristi neVaRevhi kubva kuJerusarema kuti vanomubvunza kuti: Iwe ndiwe ani?
And this is John's testimony, when the Jewish leaders sent priests and Levites from Jerusalem to ask him, "Who are you?"
20 Akabvuma, uye haana kuramba; ndokubvuma achiti: Ini handisi Kristu.
And he confessed, and did not deny, but he confessed, "I am not the Christ."
21 Zvino vakamubvunza vachiti: Saka kudini? Iwe uri Erija here? Akati: Handisi. Iwe uri uya muporofita here? Akapindura akati: Kwete.
And they asked him, "What then? Are you Elijah?" And he said, "I am not." "Are you the Prophet?" And he answered, "No."
22 Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Kuti tipe mhinduro vatituma; unoti kudini pamusoro pako?
They said therefore to him, "Who are you? Give us an answer to take back to those who sent us. What do you say about yourself?"
23 Akati: Ini ndini inzwi reanodanidzira murenje: Ruramisai nzira yaIshe; sezvakareva Isaya muporofita.
He said, "I am the voice of one crying in the wilderness, 'Make straight the way of the Lord,' as Isaiah the prophet said."
24 Ava vakange vatumwa vaibva kuVaFarisi.
(Now they had been sent from the Pharisees.)
25 Zvino vakamubvunza, vakati kwaari: Unogobhabhatidzirei, kana iwe usiri Kristu, kana Eria, kana muporofita uya?
And they asked him, "Why then do you baptize, if you are not the Christ, nor Elijah, nor the Prophet?"
26 Johwani akavapindura, achiti: Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire wamusingazivi imwi;
John answered them, saying, "I baptize in water, but among you stands one whom you do not know.
27 ndiye anouya shure kwangu, ari mberi kwangu, wandisina kufanira ini kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.
He is the one who comes after me, whose sandal strap I'm not worthy to loosen."
28 Izvozvi zvakaitika paBhetabhara, mhiri kwaJoridhani, kwaibhabhatidza Johwani.
These things were done in Bethany across the Jordan, where John was baptizing.
29 Ava mangwana Johwani wakaona Jesu achiuya kwaari, akati: Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa rotakura chivi chenyika.
The next day, he saw Jesus coming to him, and said, "Look, the Lamb of God, who takes away the sin of the world.
30 Uyu ndiye ini wandaitaura nezvake ndichiti: Shure kwangu kunouya murume, wakanditangira, nokuti wakange ariko mberi kwangu.
This is he of whom I said, 'After me comes a man who ranks ahead of me, because he existed before me.'
31 Neni ndakange ndisingamuzivi; asi kuti aziviswe kuna Israeri, nekuda kweizvozvo ini ndakauya ndichibhabhatidza nemvura.
I did not know him, but for this reason I came baptizing in water: that he would be revealed to Israel."
32 Johwani ndokupupura, achiti: Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamusoro pake.
And John testified, saying, "I saw the Spirit descending like a dove out of heaven, and it remained on him.
33 Neni ndakange ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoona Mweya achiburukira pamusoro pake nekugara pamusoro pake, ndiye anobhabhatidza neMweya Mutsvene.
And I did not recognize him, but he who sent me to baptize in water, he said to me, 'On whomever you will see the Spirit descending, and remaining on him, this is he who baptizes in the Holy Spirit.'
34 Zvino ini ndakaona ndikapupura kuti uyu Mwanakomana waMwari.
And I have seen and have testified that this is the Chosen One of God."
35 Ava mangwanazve Johwani wakange amire, nevaviri vevadzidzi vake;
Again, the next day, John was standing with two of his disciples,
36 zvino wakatarisa Jesu achifamba-famba, akati: Tarirai Gwayana raMwari.
and he looked at Jesus as he walked, and said, "Look, the Lamb of God."
37 Vadzidzi vaviri ndokumunzwa achitaura, ndokutevera Jesu.
And the two disciples heard him say this, and they followed Jesus.
38 Zvino Jesu atendeuka wakavaona vachitevera, akati kwavari: Munotsvakei? Vakati kwaari: Rabhi (ndokuti kana zvichishandurwa, Mudzidzisi) munogarepi?
And Jesus turned and saw them following, and said to them, "What are you looking for?" They said to him, "Rabbi" (which translated means Teacher), "where are you staying?"
39 Akati kwavari: Uyai muone. Vakauya vakaona paaigara; ndokugara naye zuva iroro; rakange riri awa rinenge regumi.
He said to them, "Come, and you will see." They came and saw where he was staying, and they stayed with him that day. It was about four in the afternoon.
40 Andiriya munin'ina waSimoni Petro waiva umwe wevaviri vakange vazvinzwa naJohwani vakamutevera.
One of the two who heard John, and followed him, was Andrew, Simon Peter's brother.
41 Iye wakatanga kuwana mukoma wake chaiye Simoni, akati kwaari: Tamuwana Mesiasi; ndiko kuti kana zvichishandurwa, Kristu.
He first found his own brother, Simon, and said to him, "We have found the Messiah." (which is translated, Christ).
42 Zvino akamuisa kuna Jesu. Jesu ndokuti amutarira akati: Iwe uri Simoni mwanakomana waJona; iwe uchanzi Kefasi (zvinoshandurwa kunzi Petro).
He brought him to Jesus. Jesus looked at him, and said, "You are Simon the son of John. You shall be called Cephas" (which is translated, Peter).
43 Ava mangwana Jesu akada kubudira kuGarirea, ndokuwana Firipi, ndokuti kwaari: Nditevere.
On the next day, he was determined to go out into Galilee, and he found Philip. And Jesus said to him, "Follow me."
44 Zvino Firipi wakange ari weBhetisaidha, muguta raAndiriya naPetro.
Now Philip was from Bethsaida, of the city of Andrew and Peter.
45 Firipi akawana Nataniyeri, ndokuti kwaari: Tamuwana Mozisi waakanyora nezvake pamurairo nevaporofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.
Philip found Nathanael, and said to him, "We have found him of whom Moses in the Law and the Prophets wrote: Jesus of Nazareth, the son of Joseph."
46 Nataniyeri ndokuti kwaari: Chinhu chakanaka chinogona kubva muNazareta here? Firipi akati kwaari: Uya uone.
And Nathanael said to him, "Can any good thing come out of Nazareth?" Philip said to him, "Come and see."
47 Jesu wakaona Nataniyeri achiuya kwaari, ndokuti pamusoro pake: Tarira muIsraeri wechokwadi, musina kunyengera maari.
Jesus saw Nathanael coming to him, and said about him, "Look, a true Israelite in whom there is no deceit."
48 Nataniyeri akati kwaari: Mandizivirepi? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipi asati akudana, pawanga uri munyasi memuonde, ndakuona.
Nathanael said to him, "How do you know me?" Jesus answered him, "Before Philip called you, when you were under the fig tree, I saw you."
49 Nataniyeri akapindura ndokuti kwaari: Rabhi, imwi muri Mwanakomana waMwari, imwi muri Mambo waIsraeri.
Nathanael answered him, "Rabbi, you are the Son of God. You are King of Israel."
50 Jesu akapindura ndokuti kwaari: Unotenda nokuti ndati kwauri: Ndakuona munyasi memuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kune izvi.
Jesus answered him, "Because I told you, 'I saw you underneath the fig tree,' do you believe? You will see greater things than these."
51 Zvino akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kubva ikozvino muchaona denga razaruka, nevatumwa vaMwari vachikwira nekuburukira pamusoro peMwanakomana wemunhu.
And he said to him, "Truly, truly, I tell you, you will see heaven opened, and the angels of God ascending and descending on the Son of Man."