< Johani 9 >

1 Wakati achipfuura, akaona munhu bofu kubva pakuberekwa.
tataH paraM yIshurgachChan mArgamadhye janmAndhaM naram apashyat|
2 Vadzidzi vake ndokumubvunza, vachiti: Rabhi, ndiani wakatadza, uyu kana vabereki vake, kuti aberekwe ari bofu?
tataH shiShyAstam apR^ichChan he guro naroyaM svapApena vA svapitrAH pApenAndho. ajAyata?
3 Jesu akapindura akati: Uyu haana kutadza, kana vabereki vake; asi kuti mabasa aMwari aoneswe maari.
tataH sa pratyuditavAn etasya vAsya pitroH pApAd etAdR^ishobhUda iti nahi kintvanena yatheshvarasya karmma prakAshyate taddhetoreva|
4 Ndinofanira kushanda mabasa ewakandituma achiri masikati; usiku hunouya, apo pasina munhu angagona kushanda.
dine tiShThati matprerayituH karmma mayA karttavyaM yadA kimapi karmma na kriyate tAdR^ishI nishAgachChati|
5 Kana ndichiri panyika, ndiri chiedza chenyika.
ahaM yAvatkAlaM jagati tiShThAmi tAvatkAlaM jagato jyotiHsvarUposmi|
6 Wakati areva izvi, akapfira pasi, akaita dope nemate, akazodza dope pameso ebofu,
ityukttA bhUmau niShThIvaM nikShipya tena pa NkaM kR^itavAn
7 akati kwaari: Enda unoshamba mudziva reSiroami (zvinoshandurwa kuti: Wakatumwa). Naizvozvo wakaenda akashamba, akadzoka achiona.
pashchAt tatpa Nkena tasyAndhasya netre pralipya tamityAdishat gatvA shilohe. arthAt preritanAmni sarasi snAhi| tatondho gatvA tatrAsnAt tataH prannachakShu rbhUtvA vyAghuTyAgAt|
8 Naizvozvo vavakidzani nevaimuona pakutanga kuti wakange ari bofu, vakati: Haasi iye uyu waigara achipemha here?
apara ncha samIpavAsino lokA ye cha taM pUrvvamandham apashyan te bakttum Arabhanta yondhaloko vartmanyupavishyAbhikShata sa evAyaM janaH kiM na bhavati?
9 Vamwe vakati: Uyu ndiye; asi vamwe vakati: Wakaita saiye. Iye akati: Ndini.
kechidavadan sa eva kechidavochan tAdR^isho bhavati kintu sa svayamabravIt sa evAhaM bhavAmi|
10 Naizvozvo vakati kwaari: Meso ako akazarurwa sei?
ataeva te. apR^ichChan tvaM kathaM dR^iShTiM pAptavAn?
11 Akapindura izvo akati: Munhu anonzi Jesu wakaita dope, akazodza meso angu, akati kwandiri: Enda kudziva reSiroami unoshamba. Zvino ndikaenda ndikashamba, ndikaonazve.
tataH sovadad yIshanAmaka eko jano mama nayane pa Nkena pralipya ityAj nApayat shilohakAsAraM gatvA tatra snAhi| tatastatra gatvA mayi snAte dR^iShTimahaM labdhavAn|
12 Naizvozvo vakati kwaari: Iye aripi? Akati: Handizivi.
tadA te. avadan sa pumAn kutra? tenokttaM nAhaM jAnAmi|
13 Vakamuisa kuVaFarisi, iye waimbova bofu.
aparaM tasmin pUrvvAndhe jane phirUshinAM nikaTam AnIte sati phirUshinopi tamapR^ichChan kathaM dR^iShTiM prAptosi?
14 Zvino raiva sabata apo Jesu akaita dope, akasvinudza meso ake.
tataH sa kathitavAn sa pa Nkena mama netre. alimpat pashchAd snAtvA dR^iShTimalabhe|
15 Naizvozvo zvekare VaFarisi vakamubvunzawo, kuti wakaonazve sei. Akati kwavari: Waisa dope pameso angu ndikashamba, ndava kuona.
kintu yIshu rvishrAmavAre karddamaM kR^itvA tasya nayane prasanne. akarod itikAraNAt katipayaphirUshino. avadan
16 Naizvozvo vamwe veVaFarisi vakati: Munhu uyu haabvi kuna Mwari, nokuti haachengeti sabata. Vamwe vakati: Munhu ari mutadzi angaita sei zviratidzo zvakadai? Kukava nekupesana pakati pavo.
sa pumAn IshvarAnna yataH sa vishrAmavAraM na manyate| tatonye kechit pratyavadan pApI pumAn kim etAdR^isham AshcharyyaM karmma karttuM shaknoti?
17 Vakatizve kubofu: Iwe unoti kudini pamusoro pake, sezvo asvinudza meso ako? Akati: Muporofita.
itthaM teShAM parasparaM bhinnavAkyatvam abhavat| pashchAt te punarapi taM pUrvvAndhaM mAnuSham aprAkShuH yo janastava chakShuShI prasanne kR^itavAn tasmin tvaM kiM vadasi? sa ukttavAn sa bhavishadvAdI|
18 Zvino VaJudha havana kutenda pamusoro pake, kuti wakange ari bofu, akaonazve, kusvikira vadana vabereki vewakaonazve,
sa dR^iShTim AptavAn iti yihUdIyAstasya dR^iShTiM prAptasya janasya pitro rmukhAd ashrutvA na pratyayan|
19 zvino vakavabvunza, vachiti: Uyu mwanakomana wenyu imwi wamunoti wakaberekwa ari bofu here? Naizvozvo ikozvino woona sei?
ataeva te tAvapR^ichChan yuvayo ryaM putraM janmAndhaM vadathaH sa kimayaM? tarhIdAnIM kathaM draShTuM shaknoti?
20 Vabereki vake vakavapindura vakati: Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, uye kuti wakaberekwa ari bofu;
tatastasya pitarau pratyavochatAm ayam AvayoH putra A janerandhashcha tadapyAvAM jAnIvaH
21 asi kuti ikozvino woona sei, hatizivi; kana ndiani wasvinudza meso ake, isu hatizivi; iye wayaruka, mubvunzei, iye pachake achazvitaurira.
kintvadhunA kathaM dR^iShTiM prAptavAn tadAvAM n jAnIvaH kosya chakShuShI prasanne kR^itavAn tadapi na jAnIva eSha vayaHprApta enaM pR^ichChata svakathAM svayaM vakShyati|
22 Vabereki vake vakareva izvi, nokuti vaitya VaJudha; nokuti VaJudha vakange vatotenderana kuti kana ani nani anobvuma kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge.
yihUdIyAnAM bhayAt tasya pitarau vAkyamidam avadatAM yataH kopi manuShyo yadi yIshum abhiShiktaM vadati tarhi sa bhajanagR^ihAd dUrIkAriShyate yihUdIyA iti mantraNAm akurvvan
23 Naizvozvo vabereki vake vakati: Wayaruka, mubvunzei.
atastasya pitarau vyAharatAm eSha vayaHprApta enaM pR^ichChata|
24 Naizvozvo vakadana rwechipiri uyo munhu wakange ari bofu, vakati kwaari: Ipa Mwari rumbidzo; isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.
tadA te punashcha taM pUrvvAndham AhUya vyAharan Ishvarasya guNAn vada eSha manuShyaH pApIti vayaM jAnImaH|
25 Naizvozvo iye akapindura achiti: Kana ari mutadzi handizivi; chinhu chimwe chandinoziva, kuti ndaiva bofu, ikozvino ndoona.
tadA sa ukttavAn sa pApI na veti nAhaM jAne pUrvAmandha Asamaham adhunA pashyAmIti mAtraM jAnAmi|
26 Zvino vakati kwaarizve: Wakaitei kwauri? Wakasvinudza meso ako sei?
te punarapR^ichChan sa tvAM prati kimakarot? kathaM netre prasanne. akarot?
27 Akavapindura, akati: Ndadokuudzai, asi hamuna kunzwa, munodirei kunzwa zvekare? Nemwi munoda kuva vadzidzi vake kanhi?
tataH sovAdId ekakR^itvokathayaM yUyaM na shR^iNutha tarhi kutaH punaH shrotum ichChatha? yUyamapi kiM tasya shiShyA bhavitum ichChatha?
28 Naizvozvo vakamutuka, vakati: Ndiwe mudzidzi wake; asi isu tiri vadzidzi vaMozisi.
tadA te taM tiraskR^itya vyAharan tvaM tasya shiShyo vayaM mUsAH shiShyAH|
29 Isu tinoziva kuti Mwari wakataura kuna Mozisi; asi uyu hatizivi kwaanobva.
mUsAvaktreNeshvaro jagAda tajjAnImaH kintveSha kutratyaloka iti na jAnImaH|
30 Munhu akapindura akati kwavari: Nokuti pachinhu ichi pane chinoshamisa, kuti imwi hamuzivi kwaanobva, asi wasvinudza meso angu.
sovadad eSha mama lochane prasanne. akarot tathApi kutratyaloka iti yUyaM na jAnItha etad AshcharyyaM bhavati|
31 Zvino tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu ari mushumiri waMwari, achiita chido chake, uyu anomunzwa.
IshvaraH pApinAM kathAM na shR^iNoti kintu yo janastasmin bhaktiM kR^itvA tadiShTakriyAM karoti tasyaiva kathAM shR^iNoti etad vayaM jAnImaH|
32 Kubvira rinhi hakuna kumbonzwika kuti umwe wakasvinudza meso ewakaberekwa ari bofu. (aiōn g165)
kopi manuShyo janmAndhAya chakShuShI adadAt jagadArambhAd etAdR^ishIM kathAM kopi kadApi nAshR^iNot| (aiōn g165)
33 Dai uyu anga asingabvi kuna Mwari, haasaigona kuita chinhu.
asmAd eSha manuShyo yadIshvarAnnAjAyata tarhi ki nchidapIdR^ishaM karmma karttuM nAshaknot|
34 Vakapindura vakati kwaari: Iwe zvachese wakaberekerwa muzvivi, zvino iwe wotidzidzisa here? Vakamudzingira kunze.
te vyAharan tvaM pApAd ajAyathAH kimasmAn tvaM shikShayasi? pashchAtte taM bahirakurvvan|
35 Jesu akanzwa kuti vamudzingira kunze; akati amuwana, akati kwaari: Iwe unotenda kuMwanakomana waMwari here?
tadanantaraM yihUdIyaiH sa bahirakriyata yIshuriti vArttAM shrutvA taM sAkShAt prApya pR^iShTavAn Ishvarasya putre tvaM vishvasiShi?
36 Iye akapindura akati: Ndiani, Ishe, kuti nditende kwaari?
tadA sa pratyavochat he prabho sa ko yat tasminnahaM vishvasimi?
37 Jesu ndokuti kwaari: Newe wamuona, uye anotaura newe, ndiye.
tato yIshuH kathitavAn tvaM taM dR^iShTavAn tvayA sAkaM yaH kathaM kathayati saeva saH|
38 Zvino akati: Ishe ndinotenda; akamunamata.
tadA he prabho vishvasimItyuktvA sa taM praNAmat|
39 Jesu ndokuti: Kutonga ndiko ini kwandakauira panyika ino, kuti vasingaoni vaone; nevanoona vave mapofu.
pashchAd yIshuH kathitavAn nayanahInA nayanAni prApnuvanti nayanavantashchAndhA bhavantItyabhiprAyeNa jagadAham AgachCham|
40 Uye avo veVaFarisi vaiva naye vakanzwa zvinhu izvi, vakati kwaari: Nesu tiri mapofu here?
etat shrutvA nikaTasthAH katipayAH phirUshino vyAharan vayamapi kimandhAH?
41 Jesu akati kwavari: Dai maiva mapofu, mungadai musina chivi. Asi ikozvino munoti: Tinoona; naizvozvo chivi chenyu chinogara.
tadA yIshuravAdId yadyandhA abhavata tarhi pApAni nAtiShThan kintu pashyAmIti vAkyavadanAd yuShmAkaM pApAni tiShThanti|

< Johani 9 >