< Johani 8 >
1 Asi Jesu wakaenda kugomo reMiorivhi.
Mais Jésus s'en alla sur la montagne des Oliviers.
2 Zvino mangwanani-ngwanani wakauyazve kutembere, vanhu vese ndokuuya kwaari; iye ndokugara pasi akavadzidzisa.
A la pointe du jour il retourna au temple, et tout le peuple vint à lui; et s'étant assis, il les enseignait.
3 Zvino vanyori neVaFarisi vakauya kwaari nemukadzi wakabatwa mukufeva, vakati vamumisa pakati,
Alors les scribes et les pharisiens lui amenèrent une femme surprise en adultère, et l'ayant mise au milieu,
4 vakati kwaari: Mudzidzisi, mukadzi uyu wabatwa achifeva, pachiitiko chaipo;
Ils lui dirent: Maître, cette femme a été surprise en flagrant délit d'adultère.
5 zvino Mozisi pamurairo wakatiraira kuti vakadaro vatakwe nemabwe; naizvozvo imwi munoti kudini?
Or, Moïse nous a ordonné dans la loi, de lapider de telles personnes; toi donc qu'en dis-tu?
6 Asi izvozvi vakareva vachimuedza, kuti vave nechavangamupomera. Asi Jesu wakakotamira pasi, akanyora pasi nemunwe, seasina kuvanzwa.
Ils disaient cela pour l'éprouver, afin de le pouvoir accuser. Mais Jésus, s'étant baissé, écrivait avec le doigt sur la terre.
7 Zvino vakati vachiramba vachimubvunza, akatasamuka akati kwavari: Asina chivi pakati penyu, ngaatange kukanda ibwe kwaari.
Et comme ils continuaient à l'interroger, il se releva et leur dit: Que celui de vous qui est sans péché, lui jette le premier la pierre.
8 Zvino akakotamirazve pasi, akanyora pasi.
Et s'étant de nouveau baissé, il écrivait sur la terre.
9 Zvino ivo vanzwa, vachipiwa mhosva nehana yavo, vakabuda umwe-umwe, kutanga kuvakuru kusvikira kune vekupedzisira; Jesu akasara ari ega, nemukadzi amire pakati.
Quand ils entendirent cela, se sentant repris par la conscience, ils sortirent l'un après l'autre, commençant depuis les plus âgés jusqu'aux derniers, et Jésus fut laissé seul avec la femme qui était là au milieu.
10 Jesu wakati atasamuka, akasaona munhu asi mukadzi, akati kwaari: Mai, varipi vaya vapomeri vako? Hakuna wakupa mhosva here?
Alors Jésus s'étant relevé, et ne voyant personne que la femme, lui dit: Femme, où sont tes accusateurs? Personne ne t'a-t-il condamnée?
11 Iye ndokuti: Hakuna, Ishe. Jesu ndokuti kwaari: Neni handikupi mhosva. Enda, usachitadzazve.
Elle dit: Personne, Seigneur. Jésus lui dit: Je ne te condamne pas non plus; va et ne pèche plus.
12 Naizvozvo Jesu wakataurazve kwavari, achiti: Ini ndiri chiedza chenyika; anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza cheupenyu.
Jésus parla encore au peuple, et dit: Je suis la lumière du monde; celui qui me suit ne marchera point dans les ténèbres, mais il aura la lumière de la vie.
13 Naizvozvo VaFarisi vakati kwaari: Iwe unopupura nezvako; uchapupu hwako hahuna chokwadi.
Les pharisiens lui dirent: Tu rends témoignage de toi-même; ton témoignage n'est pas véritable.
14 Jesu akapindura akati kwavari: Kunyange ndichipupura nezvangu ini, uchapupu hwangu ndehwechokwadi; nokuti ndinoziva kwandakabva, uye kwandinoenda; asi imwi hamuzivi kwandakabva, uye kwandinoenda.
Jésus leur répondit: Quoique je rende témoignage de moi-même, mon témoignage est véritable, car je sais d'où je suis venu, et où je vais; mais vous, vous ne savez d'où je viens, ni où je vais.
15 Imwi munotonga maererano nenyama; ini handitongi munhu.
Vous, vous jugez selon la chair; moi, je ne juge personne.
16 Asi kunyange ini ndichitonga, kutonga kwangu ndekwechokwadi; nokuti handisi ndega, asi ini naBaba vakandituma.
Et si je juge, mon jugement est digne de foi; car je ne suis pas seul, mais avec moi est le Père qui m'a envoyé.
17 Uye mumurairo wenyu makanyorwa kuti uchapupu hwevanhu vaviri ndehwechokwadi.
Il est écrit dans votre loi que le témoignage de deux hommes est digne de foi.
18 Ndini ndinopupura nezvangu, naBaba vakandituma vanopupura nezvangu.
C'est moi qui rends témoignage de moi-même; le Père qui m'a envoyé, rend aussi témoignage de moi.
19 Naizvozvo vakati kwaari: Baba vako varipi? Jesu akapindura akati: Hamuzivi ini, kana Baba vangu. Dai maindiziva ini, mungadai maiziva Baba vanguwo.
Ils lui disaient donc: Où est ton Père? Jésus répondit: Vous ne connaissez ni moi, ni mon Père. Si vous me connaissiez, vous connaîtriez aussi mon Père.
20 Jesu wakataura mashoko awa muchivigiro chezvipo, achidzidzisa mutembere; asi hakuna munhu wakamubata, nokuti awa rake rakange risati rasvika.
Jésus dit ces paroles dans le lieu où était le trésor, enseignant dans le temple; et personne ne se saisit de lui, parce que son heure n'était pas encore venue.
21 Naizvozvo Jesu wakatizve kwavari: Ini ndinoenda, uye muchanditsvaka, mukafira muzvivi zvenyu; ini pandinoenda, imwi hamugoni kuuyapo.
Jésus leur dit encore: Je m'en vais, et vous me chercherez, et vous mourrez dans votre péché; vous ne pouvez venir où je vais.
22 Naizvozvo VaJudha vakati: Achazviuraya kanhi? Nokuti anoti: Pandinoenda ini, imwi hamugoni kuuyapo?
Les Juifs disaient donc: Se tuera-t-il lui-même, puisqu'il dit: Vous ne pouvez venir où je vais?
23 Zvino akati kwavari: Imwi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro; imwi munobva panyika ino, ini handibvi panyika ino.
Et il leur dit: Vous êtes d'en bas; moi, je suis d'en haut. Vous êtes de ce monde; moi, je ne suis pas de ce monde.
24 Naizvozvo ndareva kwamuri kuti muchafira muzvivi zvenyu; nokuti kana musinganditendi kuti ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu.
C'est pourquoi je vous ai dit, que vous mourrez dans vos péchés; car si vous ne croyez pas ce que je suis, vous mourrez dans vos péchés.
25 Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Jesu ndokuti kwavari: Ndizvo zvandakuudzaiwo kubva pakutanga.
Ils lui disaient donc: Toi, qui es-tu? Et Jésus leur dit: Ce que je vous dis, dès le commencement.
26 Ndine zvinhu zvizhinji zvekutaura nekutonga pamusoro penyu; asi wakandituma ndewechokwadi, uye izvo zvandakanzwa ini kwaari ndizvo zvandinotaura kunyika.
J'ai beaucoup de choses à dire de vous et à condamner en vous; mais celui qui m'a envoyé est véritable, et les choses que j'ai entendues de lui, je les dis dans le monde.
27 Havana kunzwisisa kuti anotaura kwavari zvaBaba.
Ils ne comprirent point qu'il leur parlait du Père.
28 Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Kana masimudza Mwanakomana wemunhu, ipapo muchaziva kuti ndini iye, uye handiiti chinhu pachangu, asi Baba vangu sezvavakandidzidzisa, ndinotaura zvinhu izvi.
Et Jésus leur dit: Lorsque vous aurez élevé le Fils de l'homme, alors vous connaîtrez qui je suis, et que je ne fais rien de moi-même, mais que je dis les choses comme mon Père me les a enseignées.
29 Zvino iye wakandituma aneni; Baba havana kundisiya ndega, nokuti ini ndinoita nguva dzese zvinovafadza.
Celui qui m'a envoyé est avec moi. Et le Père ne m'a point laissé seul, parce que je fais toujours ce qui lui est agréable.
30 Achiri kutaura izvi vazhinji vakatenda kwaari.
Comme Jésus disait ces choses, plusieurs crurent en lui.
31 Naizvozvo Jesu wakati kuVaJudha vakatenda kwaari: Kana imwi muchirambira mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo;
Jésus dit donc aux Juifs qui avaient cru en lui: Si vous demeurez dans ma parole, vous êtes véritablement mes disciples.
32 uye muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.
Et vous connaîtrez la vérité, et la vérité vous affranchira.
33 Vakamupindura vakati: Tiri mbeu yaAbhurahama, uye hatina kutongova varanda vemunhu; iwe unoreva sei kuti: Muchava vakasunungurwa?
Ils lui répondirent: Nous sommes la postérité d'Abraham, et nous n'avons jamais été esclaves de personne; comment donc dis-tu: Vous serez affranchis?
34 Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ani nani anoita chivi muranda wechivi.
Jésus leur répondit: En vérité, en vérité je vous dis, que quiconque s'adonne au péché, est esclave du péché.
35 Uye muranda haagari mumba nekusingaperi; mwanakomana anogara nekusingaperi. (aiōn )
Or, l'esclave ne demeure pas toujours dans la maison; mais le fils y demeure toujours. (aiōn )
36 Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka zvirokwazvo.
Si donc le Fils vous affranchit, vous serez véritablement libres.
37 Ndinoziva kuti muri mbeu yaAbhurahama; asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri.
Je sais que vous êtes la postérité d'Abraham, mais vous cherchez à me faire mourir, parce que ma parole ne trouve point d'accès en vous.
38 Ini ndinotaura izvo zvandakaona kuna Baba vangu; naizvozvo nemwi munoita izvo zvamakaona kuna baba venyu.
Je dis ce que j'ai vu chez mon Père; et vous aussi, vous faites ce que vous avez vu chez votre père.
39 Vakapindura vakati kwaari: Baba vedu ndiAbhurahama. Jesu akati kwavari: Dai maiva vana vaAbhurahama, maiita mabasa aAbhurahama.
Ils lui répondirent: Notre père est Abraham. Jésus leur dit: Si vous étiez enfants d'Abraham, vous feriez les ouvres d'Abraham.
40 Asi ikozvino munotsvaka kundiuraya, munhu wakakuudzai chokwadi, chandakanzwa kuna Mwari; izvo Abhurahama haana kuzviita.
Mais maintenant vous cherchez à me faire mourir, moi, un homme qui vous ai dit la vérité que j'ai apprise de Dieu; Abraham n'a point fait cela.
41 Imwi munoita mabasa ababa venyu. Naizvozvo vakati kwaari: Hatina kuberekwa neupombwe isu; tina Baba vamwe, Mwari.
Vous faites les ouvres de votre père. Ils lui dirent donc: Nous ne sommes point issus de la fornication; nous avons un seul Père, c'est Dieu.
42 Jesu akati kwavari: Dai Mwari aiva Baba venyu, maindida; nokuti ini ndakabuda ndichibva kuna Mwari; nokuti handina kuzviuyira, asi iye wakandituma.
Jésus leur dit: Si Dieu était votre Père, vous m'aimeriez, parce que c'est de Dieu que je suis issu, et que je viens; car je ne suis pas venu de moi-même, mais c'est lui qui m'a envoyé.
43 Sei musinganzwisisi nhaurwa yangu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko rangu.
Pourquoi ne comprenez-vous point mon langage? C'est parce que vous ne pouvez écouter ma parole.
44 Imwi muri vababa venyu dhiabhorosi, munoda kuita zvishuvo zvababa venyu. Iye wakange ari mhondi kubva pakutanga, asingagari muchokwadi, nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achitaura nhema, anotaura pachake; nokuti mutauri wenhema uye baba vadzo.
Le père dont vous êtes issus, c'est le diable, et vous voulez accomplir les désirs de votre père. Il a été meurtrier dès le commencement, et il n'a point persisté dans la vérité, parce qu'il n'y a pas de vérité en lui. Lorsqu'il dit le mensonge, il parle de son propre fonds; car il est menteur, et le père du mensonge.
45 Asi nokuti ini ndinoreva chokwadi, hamunditendi.
Mais parce que je dis la vérité, vous ne me croyez point.
46 Ndiani kwamuri angandipomera pamusoro pechivi? Uye kana ndichireva chokwadi, imwi munoregerei kunditenda?
Qui de vous me convaincra de péché? Et si je dis la vérité, pourquoi ne me croyez-vous pas?
47 Uyo anobva kuna Mwari anonzwa mashoko aMwari; naizvozvo imwi hamunzwi, nokuti hamubvi kuna Mwari.
Celui qui est de Dieu, écoute les paroles de Dieu; c'est pourquoi vous ne les écoutez pas, parce que vous n'êtes point de Dieu.
48 Naizvozvo VaJudha vakapindura vakati kwaari: Isu hatina kureva kwazvo here kuti iwe uri muSamaria, uye une dhimoni?
Les Juifs lui répondirent: N'avons-nous pas raison de dire que tu es un Samaritain, et que tu as un démon?
49 Jesu akapindura, akati: Ini handina dhimoni, asi ndinokudza Baba vangu; asi imwi munondizvidza.
Jésus répondit: Je n'ai point de démon, mais j'honore mon Père, et vous me déshonorez.
50 Asi ini handitsvaki rumbidzo yangu; ariko anotsvaka nekutonga.
Je ne cherche point ma gloire, il y en a un qui la cherche, et qui juge.
51 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu nekusingaperi. (aiōn )
En vérité, en vérité je vous dis, que si quelqu'un garde ma parole, il ne verra jamais la mort. (aiōn )
52 Naizvozvo VaJudha vakati kwaari: Ikozvino toziva kuti une dhimoni; Abhurahama wakafa, nevaporofita, asi iwe unoti: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongoraviri rufu nekusingaperi. (aiōn )
Les Juifs lui dirent: Nous connaissons maintenant que tu as un démon; Abraham est mort et les prophètes aussi, et tu dis: Si quelqu'un garde ma parole, il ne verra jamais la mort. (aiōn )
53 Iwe uri mukuru kuna baba vedu Abhurahama, vakafa? Nevaporofita vakafa; iwe unozviita ani?
Es-tu plus grand que notre père Abraham, qui est mort? Les prophètes aussi sont morts; qui prétends-tu être?
54 Jesu akapindura akati: Kana ini ndichizvikudza, rukudzo rwangu harwusi chinhu; ndiBaba vangu vanondikudza, avo imwi vamunoti ndiMwari wenyu.
Jésus répondit: Si je me glorifie moi-même, ma gloire n'est rien; c'est mon Père qui me glorifie, lui, dont vous dites qu'il est votre Dieu.
55 Uye hamuna kuvaziva; asi ini ndinovaziva, uye kana ndikati handivazivi, ndichava murevi wenhema semwi; asi ndinovaziva, ndinochengeta shoko ravo.
Cependant, vous ne l'avez point connu; mais moi, je le connais; et si je disais que je ne le connais pas, je serais un menteur comme vous; mais je le connais et je garde sa parole.
56 Baba venyu Abhurahama vakafara kuona zuva rangu, uye vakariona vakapembera.
Abraham votre père a tressailli de joie de ce qu'il verrait mon jour; et il l'a vu, et il s'est réjoui.
57 Naizvozvo VaJudha vakati kwaari: Hausati wava nemakore makumi mashanu, zvino wakaona Abhurahama here?
Les Juifs lui dirent: Tu n'as pas encore cinquante ans, et tu as vu Abraham!
58 Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Abhurahama asati avapo, ini ndiripo.
Jésus leur dit: En vérité, en vérité je vous le dis: Avant qu'Abraham fût, je suis.
59 Ipapo vakanonga mabwe kuti vaposhere kwaari; asi Jesu wakazvivanza, akabuda mutembere, achigura nepakati pavo; akapfuura saizvozvo.
Alors ils prirent des pierres pour les jeter contre lui; mais Jésus se cacha et sortit du temple, passant au milieu d'eux, et ainsi il s'en alla.