< Johani 7 >

1 Shure kwezvinhu izvi Jesu wakafamba-famba muGarirea; nokuti wakange asingadi kufamba-famba muJudhiya, nokuti VaJudha vakange vachitsvaka kumuuraya.
Καὶ μετὰ ταῦτα περιεπάτει [ὁ] Ἰησοῦς ἐν τῇ Γαλιλαίᾳ· οὐ γὰρ ἤθελεν ἐν τῇ Ἰουδαίᾳ περιπατεῖν, ὅτι ἐζήτουν αὐτὸν οἱ Ἰουδαῖοι ἀποκτεῖναι.
2 Zvino mutambo weVaJudha, mutambo wematende wakange waswedera.
ἦν δὲ ἐγγὺς ἡ ἑορτὴ τῶν Ἰουδαίων ἡ σκηνοπηγία.
3 Naizvozvo vanin'ina vake vakati kwaari: Ibvai pano muende muJudhiya, kuti vadzidzi venyuwo vaone mabasa enyu amunoita.
εἶπον οὖν πρὸς αὐτὸν οἱ ἀδελφοὶ αὐτοῦ, Μετάβηθι ἐντεῦθεν, καὶ ὕπαγε εἰς τὴν Ἰουδαίαν, ἵνα καὶ οἱ μαθηταί σου θεωρήσουσιν σοῦ τὰ ἔργα ἃ ποιεῖς·
4 Nokuti hakuna umwe anoita chinhu muchivande iye amene achitsvakawo kuva pachena. Kana uchiita zvinhu izvi, zviratidze kunyika.
οὐδεὶς γάρ τι ἐν κρυπτῷ ποιεῖ, καὶ ζητεῖ αὐτὸς ἐν παῤῥησίᾳ εἶναι· εἰ ταῦτα ποιεῖς, φανέρωσον σεαυτὸν τῷ κόσμῳ.
5 Nokuti kunyange vanin'ina vake vaiva vasingatendi kwaari.
οὐδὲ γὰρ οἱ ἀδελφοὶ αὐτοῦ ἐπίστευον εἰς αὐτόν.
6 Naizvozvo Jesu akati kwavari: Nguva yangu haisati yasvika, asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa.
λέγει οὖν αὐτοῖς ὁ Ἰησοῦς, Ὁ καιρὸς ὁ ἐμὸς οὔπω πάρεστιν· ὁ δὲ καιρὸς ὁ ὑμέτερος πάντοτέ ἐστιν ἕτοιμος.
7 Nyika haigoni kukuvengai; asi ini inondivenga, nokuti ini ndinopupura nezvayo, kuti mabasa ayo akaipa.
οὐ δύναται ὁ κόσμος μισεῖν ὑμᾶς, ἐμὲ δὲ μισεῖ, ὅτι ἐγὼ μαρτυρῶ περὶ αὐτοῦ ὅτι τὰ ἔργα αὐτοῦ πονηρά ἐστιν.
8 Kwirai imwi kumutambo uyu; ini handisati ndokwira kumutambo uyu, nokuti nguva yangu haisati yazadzisika.
ὑμεῖς ἀνάβητε εἰς τὴν ἑορτήν· ἐγὼ οὐκ ἀναβαίνω εἰς τὴν ἑορτὴν ταύτην, ὅτι ὁ ἐμὸς καιρὸς οὔπω πεπλήρωται.
9 Wakati areva zvinhu izvi kwavari, akagara muGarirea.
ταῦτα εἰπὼν αὐτὸς ἔμεινεν ἐν τῇ Γαλιλαίᾳ.
10 Asi vanin'ina vake vakati vakwira, naiye akabva okwira kumutambo, kwete pachena, asi panenge sepachivande.
Ὡς δὲ ἀνέβησαν οἱ ἀδελφοὶ αὐτοῦ εἰς τὴν ἑορτήν, τότε καὶ αὐτὸς ἀνέβη, οὐ φανερῶς ἀλλὰ ὡς ἐν κρυπτῷ.
11 Zvino VaJudha vakamutsvaka pamutambo, vakati: Aripi uya?
οἱ οὖν Ἰουδαῖοι ἐζήτουν αὐτὸν ἐν τῇ ἑορτῇ καὶ ἔλεγον, Ποῦ ἐστιν ἐκεῖνος;
12 Kwakavapo kun'un'una kwakawanda pakati pezvaunga pamusoro pake; vamwe vachiti: Wakanaka. Asi vamwe vachiti: Kwete, asi anotsausa chaunga.
καὶ γογγυσμὸς περὶ αὐτοῦ ἦν πολὺς ἐν τοῖς ὄχλοις. οἱ μὲν ἔλεγον ὅτι Ἀγαθός ἐστιν· ἄλλοι δὲ ἔλεγον, Οὔ, ἀλλὰ πλανᾷ τὸν ὄχλον.
13 Kunyange zvakadaro kwakange kusina munhu wakataura pachena pamusoro pake nekutya VaJudha.
οὐδεὶς μέντοι παῤῥησίᾳ ἐλάλει περὶ αὐτοῦ διὰ τὸν φόβον τῶν Ἰουδαίων.
14 Zvino pava pakati pemutambo, Jesu akakwira kutembere, akadzidzisa.
Ἤδη δὲ τῆς ἑορτῆς μεσούσης ἀνέβη Ἰησοῦς εἰς τὸ ἱερόν, καὶ ἐδίδασκεν.
15 Zvino VaJudha vakashamisika vachiti: Uyu anoziva sei magwaro asina kudzidza?
ἐθαύμαζον οὖν οἱ Ἰουδαῖοι λέγοντες, Πῶς οὗτος γράμματα οἶδεν μὴ μεμαθηκώς;
16 Jesu akavapindura akati: Dzidziso yangu haisi yangu, asi yake wakandituma.
ἀπεκρίθη οὖν αὐτοῖς Ἰησοῦς καὶ εἶπεν, Ἡ ἐμὴ διδαχὴ οὐκ ἔστιν ἐμή, ἀλλὰ τοῦ πέμψαντός με·
17 Kana munhu achida kuita chido chake, achaziva zvedzidziso kana ichibva kuna Mwari, kana kuti ini ndinotaura zvangu.
ἐάν τις θέλῃ τὸ θέλημα αὐτοῦ ποιεῖν, γνώσεται περὶ τῆς διδαχῆς, πότερον ἐκ τοῦ θεοῦ ἐστιν, ἢ ἐγὼ ἀπ᾽ ἐμαυτοῦ λαλῶ.
18 Anozvitaurira zvake, anotsvaka rumbidzo yake pachake; asi anotsvaka rumbidzo yewakamutuma, ndiye wechokwadi, uye hapana kusarurama maari.
ὁ ἀφ᾽ ἑαυτοῦ λαλῶν τὴν δόξαν τὴν ἰδίαν ζητεῖ· ὁ δὲ ζητῶν τὴν δόξαν τοῦ πέμψαντος αὐτόν, οὗτος ἀληθής ἐστιν, καὶ ἀδικία ἐν αὐτῷ οὐκ ἔστιν.
19 Mozisi haana kukupai murairo here? Asi hakuna wenyu anoita murairo. Munotsvakirei kundiuraya?
οὐ Μωυσῆς ἔδωκεν ὑμῖν τὸν νόμον; καὶ οὐδεὶς ἐξ ὑμῶν ποιεῖ τὸν νόμον· τί με ζητεῖτε ἀποκτεῖναι;
20 Chaunga chikapindura chikati: Une dhimoni; ndiani anotsvaka kukuuraya?
ἀπεκρίθη ὁ ὄχλος, Δαιμόνιον ἔχεις· τίς σε ζητεῖ ἀποκτεῖναι;
21 Jesu akapindura akati kwavari: Ndakaita basa rimwe, uye munoshamisika mese.
ἀπεκρίθη Ἰησοῦς καὶ εἶπεν αὐτοῖς, Ἓν ἔργον ἐποίησα, καὶ πάντες θαυμάζετε
22 Naizvozvo Mozisi wakakupai dzingiso (kusiri kuti yakabva kuna Mozisi, asi kumadzibaba), zvino nesabata munodzingisa munhu.
διὰ τοῦτο. Μωυσῆς δέδωκεν ὑμῖν τὴν περιτομήν, (οὐχ ὅτι ἐκ τοῦ Μωυσέως ἐστίν, ἀλλ᾽ ἐκ τῶν πατέρων), καὶ ἐν σαββάτῳ περιτέμνετε ἄνθρωπον.
23 Kana munhu nesabata achigamuchira dzingiso, kuti murairo waMozisi urege kutyorwa, munonditsamwira nokuti ndaporesa munhu zvakaperera nesabata here?
εἰ περιτομὴν λαμβάνει ἄνθρωπος ἐν σαββάτῳ, ἵνα μὴ λυθῇ ὁ νόμος Μωυσέως, ἐμοὶ χολᾶτε ὅτι ὅλον ἄνθρωπον ὑγιῆ ἐποίησα ἐν σαββάτῳ;
24 Musatonga nezvinoonekwa, asi tongai kutonga kwakarurama.
μὴ κρίνετε κατ᾽ ὄψιν, ἀλλὰ τὴν δικαίαν κρίσιν κρίνετε.
25 Vamwe veveJerusarema ndokuti: Uyu haasiye wavanotsvaka kuuraya here?
Ἔλεγον οὖν τινες ἐκ τῶν Ἱεροσολυμιτῶν, Οὐχ οὗτός ἐστιν ὃν ζητοῦσιν ἀποκτεῖναι;
26 Asi tarira, anotaura pachena, asi havarevi chinhu kwaari. Kuti vatungamiriri vanoziva zvechokwadi here kuti ndiye Kristu chaiye?
καὶ ἴδε παῤῥησίᾳ λαλεῖ, καὶ οὐδὲν αὐτῷ λέγουσιν. μή ποτε ἀληθῶς ἔγνωσαν οἱ ἄρχοντες ὅτι οὗτός ἐστιν ὁ χριστός;
27 Asi uyu tinoziva kwaanobva; asi Kristu kana achisvika, hakuna angaziva kwaanobva.
ἀλλὰ τοῦτον οἴδαμεν πόθεν ἐστίν· ὁ δὲ χριστὸς ὅταν ἔρχηται, οὐδεὶς γινώσκει πόθεν ἐστίν.
28 Naizvozvo Jesu wakadanidzira mutembere achidzidzisa achiti: Nemwi munoziva ini, uye munoziva kwandakabva; uye handina kuzviuira, asi wakandituma ndewechokwadi, wamusingazivi imwi.
ἔκραξεν οὖν ἐν τῷ ἱερῷ διδάσκων ὁ Ἰησοῦς καὶ λέγων, Κἀμὲ οἴδατε, καὶ οἴδατε πόθεν εἰμί· καὶ ἀπ᾽ ἐμαυτοῦ οὐκ ἐλήλυθα, ἀλλ᾽ ἔστιν ἀληθινὸς ὁ πέμψας με, ὃν ὑμεῖς οὐκ οἴδατε·
29 Asi ini ndinomuziva, nokuti ndinobva kwaari, uye iye wakandituma.
ἐγὼ οἶδα αὐτόν, ὅτι παρ᾽ αὐτοῦ εἰμι, κἀκεῖνός με ἀπέστειλεν.
30 Naizvozvo vakatsvaka kumubata, asi hakuna wakaisa ruoko paari, nokuti awa rake rakange risati rasvika.
ἐζήτουν οὖν αὐτὸν πιάσαι, καὶ οὐδεὶς ἐπέβαλεν ἐπ᾽ αὐτὸν τὴν χεῖρα, ὅτι οὔπω ἐληλύθει ἡ ὥρα αὐτοῦ.
31 Asi vazhinji vechaunga vakatenda kwaari, vakati: Kana Kristu achisvika, achaita zviratidzo zvizhinji kune izvi uyu zvaaita here?
Ἐκ τοῦ ὄχλου δὲ πολλοὶ ἐπίστευσαν εἰς αὐτὸν καὶ ἔλεγον, Ὁ χριστὸς ὅταν ἔλθῃ, μὴ πλείονα σημεῖα ποιήσει ὧν οὗτος ἐποίησεν;
32 VaFarisi vakanzwa chaunga chichin'un'una zvinhu izvi pamusoro pake; VaFarisi nevapristi vakuru ndokutuma vabatsiri kuti vamubate.
ἤκουσαν οἱ Φαρισαῖοι τοῦ ὄχλου γογγύζοντος περὶ αὐτοῦ ταῦτα, καὶ ἀπέστειλαν οἱ ἀρχιερεῖς καὶ οἱ Φαρισαῖοι ὑπηρέτας, ἵνα πιάσωσιν αὐτόν.
33 Naizvozvo Jesu akati kwavari: Ndichinemwi chinguvana, ndoenda kune wakandituma.
εἶπεν οὖν ὁ Ἰησοῦς, Ἔτι χρόνον μικρὸν μεθ᾽ ὑμῶν εἰμί, καὶ ὑπάγω πρὸς τὸν πέμψαντά με.
34 Muchanditsvaka mukasandiwana; uye apo pandiri ini, imwi hamugoni kuuya.
ζητήσετέ με καὶ οὐχ εὑρήσετε, καὶ ὅπου εἰμὶ ἐγὼ ὑμεῖς οὐ δύνασθε ἐλθεῖν.
35 Naizvozvo VaJudha vakataurirana vachiti: Uyu oda kuendepi kuti isu tisamuwana? Achaenda kune vakapararira veVaGiriki, adzidzise VaGiriki here?
εἶπον οὖν οἱ Ἰουδαῖοι πρὸς ἑαυτούς, Ποῦ οὗτος μέλλει πορεύεσθαι, ὅτι ἡμεῖς οὐχ εὑρήσομεν αὐτόν; μὴ εἰς τὴν διασπορὰν τῶν Ἑλλήνων μέλλει πορεύεσθαι καὶ διδάσκειν τοὺς Ἕλληνας;
36 Ishokoi iri raanoti: Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; nerekuti: Pandiri ini, imwi hamugoni kuuya?
τίς ἐστιν ὁ λόγος οὗτος ὃν εἶπεν, Ζητήσετέ με καὶ οὐχ εὑρήσετε· καὶ Ὅπου εἰμὶ ἐγὼ ὑμεῖς οὐ δύνασθε ἐλθεῖν;
37 Zvino nezuva rekupedzisira, iro guru remutambo Jesu wakasimuka akadanidzira achiti: Kana ani nani ane nyota, ngaauye kwandiri anwe.
Ἐν δὲ τῇ ἐσχάτῃ ἡμέρᾳ τῇ μεγάλῃ τῆς ἑορτῆς εἱστήκει ὁ Ἰησοῦς, καὶ ἔκραξεν λέγων, Ἐάν τις διψᾷ, ἐρχέσθω πρός με καὶ πινέτω·
38 Anotenda kwandiri, rugwaro sezvarwakareva, nzizi dzemvura mhenyu dzichaerera kubva mudumbu rake.
ὁ πιστεύων εἰς ἐμέ, καθὼς εἶπεν ἡ γραφή, ποταμοὶ ἐκ τῆς κοιλίας αὐτοῦ ῥεύσουσιν ὕδατος ζῶντος.
39 Asi izvi wakareva zveMweya wavaizogamuchira vanotenda kwaari; nokuti Mweya Mutsvene wakange asati avapo, nokuti Jesu wakange asati akudzwa.
Τοῦτο δὲ εἶπεν περὶ τοῦ πνεύματος οὗ ἔμελλον λαμβάνειν οἱ πιστεύσαντες εἰς αὐτόν· οὔπω γὰρ ἦν πνεῦμα [ἅγιον], ὅτι Ἰησοῦς οὔπω ἐδοξάσθη·
40 Naizvozvo vazhinji vechaunga vakati vachinzwa shoko iri vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita.
ἐκ τοῦ ὄχλου οὖν ἀκούσαντες τῶν λόγων τούτων ἔλεγον, Οὗτός ἐστιν ἀληθῶς ὁ προφήτης.
41 Vamwe vakati: Uyu ndiye Kristu. Asi vamwe vakati: Ko Kristu angabva Garirea here?
ἄλλοι ἔλεγον, Οὗτός ἐστιν ὁ χριστός· οἱ δὲ ἔλεγον, Μὴ γὰρ ἐκ τῆς Γαλιλαίας ὁ χριστὸς ἔρχεται;
42 Rugwaro haruna kureva here kuti Kristu achabva kumbeu yaDhavhidhi, nepamusha weBhetirehemu paiva naDhavhidhi?
οὐχ ἡ γραφὴ εἶπεν ὅτι ἐκ τοῦ σπέρματος Δαυεὶδ καὶ ἀπὸ Βηθλεὲμ τῆς κώμης ὅπου ἦν Δαυείδ, ἔρχεται ὁ χριστός;
43 Naizvozvo pakava nekupesana pakati pechaunga pamusoro pake.
σχίσμα οὖν ἐγένετο ἐν τῷ ὄχλῳ δι᾽ αὐτόν.
44 Zvino vamwe vavo vakada kumubata, asi hakuna wakaisa maoko kwaari.
τινὲς δὲ ἤθελον ἐξ αὐτῶν πιάσαι αὐτόν, ἀλλ᾽ οὐδεὶς ἔβαλεν ἐπ᾽ αὐτὸν τὰς χεῖρας.
45 Zvino vabatsiri vakaenda kuvapristi vakuru neVaFarisi; ivo vakati kwavari: Nemhaka yei musina kumuuisa?
Ἦλθον οὖν οἱ ὑπηρέται πρὸς τοὺς ἀρχιερεῖς καὶ Φαρισαίους· καὶ εἶπον αὐτοῖς ἐκεῖνοι, Διὰ τί οὐκ ἠγάγετε αὐτόν;
46 Vabatsiri vakapindura vakati: Hakuna kumbotaura munhu seizvi, semunhu uyu.
ἀπεκρίθησαν οἱ ὑπηρέται, Οὐδέποτε ἐλάλησεν οὕτως ἄνθρωπος, [ὡς οὗτος ὁ ἄνθρωπος.]
47 Zvino VaFarisi vakavapindura vakati: Nemwi matsauswa kanhi?
ἀπεκρίθησαν οὖν [αὐτοῖς] οἱ Φαρισαῖοι, Μὴ καὶ ὑμεῖς πεπλάνησθε;
48 Aripo here wakatenda kwaari kuvatungamiriri kana kuVaFarisi?
μή τις ἐκ τῶν ἀρχόντων ἐπίστευσεν εἰς αὐτὸν ἢ ἐκ τῶν Φαρισαίων;
49 Asi chaunga ichi chisingazivi murairo chakatukwa.
ἀλλὰ ὁ ὄχλος οὗτος ὁ μὴ γινώσκων τὸν νόμον ἐπάρατοί εἰσιν.
50 Nikodhimo, uya akauya kwaari usiku, ari umwe wavo, akati kwavari:
λέγει Νικόδημος πρὸς αὐτούς, ὁ ἐλθὼν πρὸς αὐτὸν πρότερον, εἷς ὢν ἐξ αὐτῶν,
51 Murairo wedu unotonga munhu here, kunze kwekuti wambomunzwa nekuziva chaanoita?
Μὴ ὁ νόμος ἡμῶν κρίνει τὸν ἄνθρωπον, ἐὰν μὴ ἀκούσῃ πρῶτον παρ᾽ αὐτοῦ, καὶ γνῷ τί ποιεῖ;
52 Vakapindura vakati kwaari: Ko iwewo uri weGarirea here? Nzvera uone kuti hakuna kumuka muporofita kuGarirea.
ἀπεκρίθησαν καὶ εἶπαν αὐτῷ, Μὴ καὶ σὺ ἐκ τῆς Γαλιλαίας εἶ; ἐραύνησον καὶ ἴδε ὅτι ἐκ τῆς Γαλιλαίας προφήτης οὐκ ἐγείρεται.
53 Umwe neumwe ndokuenda kumba kwake.
[D και επορευθησαν ἑκαστος εις τον οικον αυτου.] [Steph καὶ ἐπορεύθησαν ἕκαστος εἰς τὸν οἶκον αὐτοῦ.]

< Johani 7 >