< Johani 6 >

1 Shure kwezvinhu izvi Jesu wakabva akaenda mhiri kwegungwa reGarirea, rinova reTibheriasi.
כעבור זמן מה חצה ישוע את ים הכינרת (הנקרא גם ימת טבריה).
2 Zvino chaunga chikuru chikamutevera, nokuti vakaona zviratidzo zvake zvaaiita kune avo vairwara.
אנשים רבים הלכו אחריו, כי ראו כיצד ריפא את החולים.
3 Jesu ndokukwira mugomo, akagarapo nevadzidzi vake.
ישוע ותלמידיו עלו על אחד ההרים והתיישבו על הארץ.
4 Zvino pasika, mutambo weVaJudha, wakange waswedera.
היה זה זמן קצר לפני חג הפסח.
5 Zvino Jesu paakasimudza meso, ndokuona kuti chaunga chikuru chinouya kwaari, akati kuna Firipi: Tichatengepi zvingwa, kuti ava vadye?
ישוע הביט סביבו וראה את ההמונים הבאים לקראתו.”מאין נשיג להם לחם לאכול?“ניסה ישוע את פיליפוס, כי למעשה ידע מה עמד לעשות.
6 Wakareva izvozvo achimuedza, nokuti iye waiziva zvaaizoita.
7 Firipi akamupindura achiti: Zvingwa zvemadhenario mazana maviri hazvivakwani, kuti umwe neumwe wavo atore chidiki.
”גם אם נקנה לחם באלפיים שקלים, לא יספיק לכולם!“השיב פיליפוס.
8 Umwe wevadzidzi vake, Andiriya munin'ina waSimoni Petro, akati kwaari:
‎אַנְדְּרֵי, אחיו של שמעון פטרוס, התערב ואמר:
9 Pane kamukomana pano kane zvingwa zvishanu zvebhari nehove diki mbiri; asi zvii kuvazhinji vakadai?
”יש כאן ילד שבידו חמש ככרות לחם ושני דגים, אבל מה יועיל הדבר לכל האלפים האלה?“
10 Asi Jesu wakati: Garisai vanhu pasi. Zvino kwakange kune uswa uzhinji panzvimbo iyo. Naizvozvo varume vakagara pasi, muuwandu vachinge zvuru zvishanu.
”אמרו לכולם לשבת על האדמה“, ביקש ישוע מהסובבים אותו. כחמשת־אלפים גברים (לא כולל נשים וילדים) היו שם, וכולם התיישבו על המדשאה.
11 Zvino Jesu wakatora zvingwa, avonga akagovera kuvadzidzi, vadzidzi vakagovera avo vakange vagere pasi; saizvozvowo zvehove diki zvakawanda sezvavaida.
ישוע לקח את ככרות הלחם, הודה לאלוהים, הגיש אותן לתלמידיו, והתלמידים הגישו לכל האנשים. ישוע עשה את אותו הדבר עם הדגים, וכולם אכלו לשובע.
12 Zvino vakati vaguta, akati kuvadzidzi vake: Unganidzai zvimedu zvasara, kuti kurege kurasika chinhu.
”אספו בבקשה את הפירורים שנשארו, “ביקש ישוע,”כדי שדבר לא ייזרק.“
13 Naizvozvo vakaunganidza, vakazadza matengu gumi nemaviri nezvimedu zvezvingwa zvishanu zvebhari, zvakasara kune avo vakadya.
התלמידים אספו את הפירורים מחמש ככרות הלחם ומילאו בהם שנים־עשר סלים.
14 Kuzoti vanhu avo vaona chiratidzo Jesu chaakaita, vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye muporofita achauya panyika.
כשראה ההמון את הנס הזה, קרא:”זהו באמת הנביא שציפינו לו!“
15 Naizvozvo Jesu aziva kuti voda kuuya nekumubata nesimba, kumuita mambo, akasuduruka akaendazve mugomo ari ega.
ישוע ידע שהם היו מוכנים לאחוז בו בכוח ולהכתירו למלך, ומשום כך שוב נמלט לבדו אל אחד ההרים.
16 Zvino ava madekwani, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa,
בערב ירדו התלמידים לים
17 zvino vapinda muchikepe, vakayambuka gungwa kuuya kuKapenaume. Zvino kwakange kwatosviba, asi Jesu wakange asati asvika kwavari.
ונכנסו לסירה, כשפניהם מועדות לכפר־נחום. הלילה ירד, וישוע עדיין לא שב אליהם.
18 Gungwa ndokumuka nokuti mhepo huru yaivhuvhuta.
בינתיים פרצה סערה בים, כי נשבה רוח חזקה.
19 Zvino vakati vakwasva masitadhiya anenge makumi maviri nemashanu kana makumi matatu, vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa, achiswedera pachikepe; zvino vakatya.
התלמידים חתרו במשוטיהם כחמישה קילומטרים, ולפתע ראו את ישוע פוסע לקראתם על־פני המים. פחד אחז אותם,
20 Asi wakati kwavari: Ndini, musatya.
אולם ישוע הרגיעם:”זה אני, ישוע, אל תפחדו.“
21 Zvino vakada kumugamuchira muchikepe; pakarepo chikepe chikasvika kunyika kwavakange vachienda.
הם אספו אותו אל הסירה ומיד הגיעו אל יעדם.
22 Chifume chaunga chakange chimire kune rumwe rutivi rwegungwa, chichiona kuti pakange pasina rimwe igwa ipapo kunze kweriri rimwe makange mapinda vadzidzi vake mariri, uye kuti Jesu haana kupinda nevadzidzi vake mugwa, asi vadzidzi vake vakange vaenda vega,
למחרת התקהלו אנשים רבים במקום שישוע חולל את נס הלחם. הם המתינו לישוע, כי לא ראו אותו עוזב את המקום עם תלמידיו בסירה.
23 (asi kwakasvika mamwe magwa aibva Tibheriyasi pedo nenzvimbo pavakadya chingwa, Ishe avonga);
בינתיים הגיעו אל המקום גם סירות אחרות מטבריה.
24 naizvozvo chaunga chakati chaona kuti Jesu wakange asipo kana vadzidzi vake, ivo vakapindawo mumagwa, vakasvika kuKapenaume, vachitsvaka Jesu.
כשנוכחו האנשים כי ישוע איננו שם, הם עלו לסירות והפליגו לכפר־נחום כדי לחפש אותו.
25 Zvino vamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari: Rabhi, masvika pano rinhi?
הם מצאו אותו בכפר־נחום ושאלו בתמיהה:”רבי, כיצד הגעת הנה?“
26 Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Munonditsvaka, kwete nokuti makaona zviratidzo, asi nokuti makadya zvezvingwa mukaguta.
”האמת היא שאתם רוצים להיות בחברתי מפני שאכלתם לשובע, ולא מפני שאתם מאמינים בי ובאותותיי!“השיב להם ישוע.
27 Musashandira kudya kunoparara, asi kudya kunogara kusvika kuupenyu husingaperi, Mwanakomana wemunhu kwaachakupai; nokuti Mwari Baba vakaisa pane uyu mucherechedzo. (aiōnios g166)
”אל תעמלו בעד המזון אשר כלה ונגמר, כי אם הקדישו את זמנכם למזון החיים שאותו תקבלו מבן־האדם, כי לשם כך שלח אותי האלוהים אבי.“ (aiōnios g166)
28 Naizvozvo vakati kwaari: Tichaitei, kuti tishande mabasa aMwari?
”מה עלינו לעשות כדי למצוא־חן בעיני אלוהים?“שאלו.
29 Jesu akapindura akati kwavari: Iri ndiro basa raMwari, kuti mutende kune waakatuma iye.
”אלוהים רוצה שתאמינו במי שהוא שלח אליכם“, השיב ישוע.
30 Naizvozvo vakati kwaari: Ko imwi munoita chiratidzo chipi kuti tione tikutendei? Munoshandei?
”אם ברצונך שנאמין כי אתה המשיח, עליך להראות לנו עוד נסים ונפלאות.
31 Madzibaba edu akadya mana murenje, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.
אבותינו אכלו יום יום את המן במדבר כמו שכתוב:’ודגן־שמים נתן להם‘.“
32 Naizvozvo Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mozisi haana kukupai chingwa chakabva kudenga; asi Baba vangu vanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga.
אולם ישוע הסביר:”אני אומר לכם שלא משה נתן לכם את הלחם מהשמים, אלא אבי הוא שנותן לכם את הלחם האמתי מהשמים.
33 Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga achipa upenyu kunyika.
הלחם האמתי הוא זה שנשלח מהשמים על־ידי אלוהים, והוא מעניק חיים לעולם.“
34 Zvino vakati kwaari: Ishe, tipei chingwa ichi nguva dzese.
”אדון, “קראו,”תן לנו תמיד את הלחם הזה!“
35 Jesu ndokuti kwavari: Ndini chingwa cheupenyu; uyo anouya kwandiri, haangatongovi nenzara; neanotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
”אני הוא לחם החיים“, אמר ישוע.”כל הבא אלי לא ירעב לעולם. כל המאמין בי לא יצמא לעולם.
36 Asi ndakati kwamuri: Nemwi makandiona, asi hamuna kutenda.
אבל הבעיה היא שאינכם מאמינים גם לאחר שראיתם אותי.
37 Wese Baba wavanondipa achauya kwandiri; neanouya kwandiri, handingatongomurasiri kunze.
אולם אחדים יבואו אלי ויאמינו בי – אלה שאבי נתן לי – ואני מבטיח שלא אדחה איש,
38 Nokuti ndakaburuka kudenga, kwete kuti ndiite chido changu, asi chido chaiye wakandituma.
כי באתי לכאן מהשמים לעשות את רצונו של האלוהים אשר שלחני, ולא את רצוני.
39 Zvino ichi ndicho chido chaBaba vakandituma, kuti chese chavakandipa, ndisarasikirwa nechinhu pachiri, asi ndichimutse nezuva rekupedzisira.
”האב אשר שלח אותי רוצה שלא אאבד איש מאלה שנתן לי, אלא שאקים את כולם לתחייה ביום האחרון.
40 Uye ichi ndicho chido chewakandituma, kuti wese anoona Mwanakomana uye achitenda kwaari, ave neupenyu husingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira. (aiōnios g166)
זהו רצונו: שכל הרואה אותי ומאמין בי יחיה חיי נצח, ואני אקימו לתחייה ביום האחרון.“ (aiōnios g166)
41 Zvino VaJudha vakagunun'una pamusoro pake, nokuti wakati: Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga.
היהודים רגזו עליו משום שטען כי הוא הלחם היורד מן השמים.
42 Ndokuti: Uyu haasi Jesu Mwanakomana waJosefa, baba namai vake vatinoziva isu here? Zvino iye anogoti sei: Ndakaburuka kubva kudenga?
”אילו שטויות הוא מדבר?“שאלו.”הלא הוא ישוע בן־יוסף; אנחנו מכירים היטב את כל משפחתו! איך הוא מעז לטעון שהוא בא מהשמים?“
43 Naizvozvo Jesu akapindura akati kwavari: Musagunun'una pakati penyu.
”אל תתרגזו על דברי אלה“, ביקש ישוע.
44 Hakuna munhu anogona kuuya kwandiri, kunze kwekuti Baba vakandituma vamukweva, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira.
”רק מי שאלוהים שולח יוכל לבוא אלי, ואני אקימו לתחייה ביום האחרון.
45 Zvakanyorwa muvaporofita zvichinzi: Uye vachadzidziswa vese naMwari. Wese naizvozvo wakanzwa naBaba akadzidza, anouya kwandiri.
הלא כתוב בספרי הנביאים:’וכל בניך למודי ה׳‘. ואמנם, כל השומע לקול אלוהים ולומד את האמת על אודותיו, יבוא אלי.
46 Kwete kuti kune wakaona Baba, kunze kweuyu anobva kuna Mwari, uyu wakaona Baba.
לא שמישהו ראה את האלוהים; אני לבדי ראיתי אותו, שהרי הוא שלח אותי.
47 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anotenda kwandiri, ane upenyu husingaperi. (aiōnios g166)
”אני אומר לכם באמת, כל המאמין בי יחיה חיי נצח. (aiōnios g166)
48 Ini ndiri chingwa cheupenyu.
אני הוא לחם החיים.
49 Madzibaba enyu akadya mana murenje, asi akafa.
אבותיכם אכלו את המן במדבר ומתו.
50 Ichi chingwa chinoburuka kubva kudenga, kuti munhu adye pachiri agorega kufa.
אולם מי שאוכל מלחם החיים, היורד מהשמים, יחיה חיי נצח ולא ימות.
51 Ini ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kubva kudenga; kana munhu achidya zvechingwa ichi, achararama nekusingaperi. Uye chingwa ini chandichapa, inyama yangu, ini yandichapira upenyu hwenyika. (aiōn g165)
אנוכי לחם החיים היורד מהשמים; כל האוכל מהלחם הזה יחיה לנצח. אני נותן את בשרי כלחם כדי שהעולם יחיה.“ (aiōn g165)
52 Naizvozvo VaJudha vakakakavadzana vachiti: Uyu anogona kutipa sei nyama yake tidye?
”איך הוא יכול לתת לנו לאכול את בשרו?“החלו היהודים להתווכח ביניהם.
53 Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti mudye nyama yeMwanakomana wemunhu nekunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.
”אני אומר לכם ברצינות, “המשיך ישוע,”אם לא תאכלו את בשר המשיח ולא תשתו את דמו, אין לכם חיים בקרבכם!
54 Anodya nyama yangu nekunwa ropa rangu, ane upenyu husingaperi, uye ini ndichamumutsa nezuva rekupedzisira. (aiōnios g166)
אולם כל האוכל את בשרי ושותה את דמי חי חיי נצח, ואני אקימו לתחייה ביום האחרון. (aiōnios g166)
55 Nokuti nyama yangu kudya zvirokwazvo, neropa rangu chinwiwa zvirokwazvo.
כי בשרי הוא מזון אמתי, ודמי הוא משקה אמתי.
56 Anodya nyama yangu nekunwa ropa rangu, anogara mandiri, neni maari.
כל האוכל את בשרי ושותה את דמי חי בי, ואני חי בו.
57 Baba vapenyu sezvavakandituma, neni ndinorarama naBaba; naizvozvo anondidya, naiye achararama neni.
כל הניזון ממני חי בזכותי, כשם שאבי החי שלח אותי ואני חי בזכותו.
58 Ichi chingwa chakaburuka kubva kudenga; hazvina kuita semadzibaba enyu akadya mana akafa; anodya chingwa ichi, achararama nekusingaperi. (aiōn g165)
אני הלחם האמתי היורד מהשמים – לא כמו המן שאכלו אבותינו במדבר ומתו. כל האוכל את הלחם הזה יחיה לנצח.“ (aiōn g165)
59 Zvinhu izvi wakazvireva musinagoge achidzidzisa paKapenaume.
ישוע לימד אותם דברים אלה בבית־הכנסת בכפר־נחום.
60 Naizvozvo vazhinji vevadzidzi vake vakati vachinzwa, vakati: Iri shoko igukutu; ndiani anogona kurinzwa?
אפילו תלמידיו אמרו:”קשה לקבל את מה שהוא אומר. איך אפשר להאמין בזה?“
61 Asi Jesu aziva mukati make kuti vadzidzi vake vanogunun'una neizvi, wakati kwavari: Izvi zvinokugumbusai kanhi?
ישוע חש בלבו שתלמידיו התלוננו על דבריו.”מה מטריד אתכם?“שאל אותם.
62 Ko muchagodini kana muchiona Mwanakomana wemunhu achikwira kwaaiva pakutanga?
”מה תגידו אם תראו את בן־האדם עולה חזרה לשמים?
63 Mweya ndiye anoraramisa, nyama haibatsiri chinhu; mashoko ini andinotaura kwamuri, mweya uye upenyu.
רק רוח אלוהים מעניק חיים; בכוחו של האדם אין כל תועלת. הדברים שאמרתי לכם הם דברי רוח וחיים.
64 Asi variko vamwe venyu vasingatendi. Nokuti Jesu wakange achiziva kubva pakutanga, kuti ndivana ani vaisatenda, uye kuti ndiani waizomutengesa.
אך בכל זאת יש ביניכם כאלה שאינם מאמינים.“ישוע אמר זאת מפני שידע מראש מי לא יאמין בו ומי יסגיר אותו.
65 Akati: Nekuda kwaizvozvi ndati kwamuri: Hakuna munhu anogona kuuya kwandiri, kunze kwekuti azvipiwa naBaba vangu.
”משום כך אמרתי לכם שאיש אינו יכול לבוא אלי אלא אם זה מעשה מידי אלוהים“, הסביר ישוע.
66 Kubva ipapo vazhinji vevadzidzi vake vakadzokera shure, vakasazofambazve naye.
באותו יום עזבו אותו תלמידים רבים.
67 Naizvozvo Jesu wakati kune vanegumi nevaviri: Imwiwo hamudi kuenda here?
”האם גם אתם רוצים לעזוב אותי?“שאל ישוע את שנים־עשר תלמידיו.
68 Zvino Simoni Petro akamupindura, akati: Ishe, tichaenda kuna ani? Imwi mune mashoko eupenyu husingaperi, (aiōnios g166)
”אדוני, לאן נלך ולמי?“קרא שמעון פטרוס.”רק לך יש דברים של חיי נצח, (aiōnios g166)
69 uye isu tinotenda, uye tinoziva kuti ndimwi Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.
ואנחנו יודעים ומאמינים שאתה קדוש האלוהים!“
70 Jesu akavapindura akati: Ini handina kukusanangurai imwi vanegumi nevaviri here, asi umwe wenyu ndidhiabhorosi?
השיב להם ישוע:”אני בחרתי בכם בעצמי – שנים־עשר במספר – ובכל זאת, אחד מכם הוא שטן.“
71 Waireva Judhasi Isikariyoti waSimoni; nokuti ndiye waizomutengesa, ari umwe wevanegumi nevaviri.
הוא התכוון ליהודה בן־שמעון איש־קריות, אחד משנים־עשר התלמידים, שעמד להסגירו.

< Johani 6 >